Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvakazarurwa—I

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvakazarurwa—I

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvakazarurwa—I

ARI MUSUNGWA pachitsuwa chePatimosi, muapostora Johani akwegura anoona zviratidzo 16 zvichitevedzana. Anoona zvinoitwa naJehovha Mwari naJesu Kristu muzuva raShe—nguva inotangira pakugadzwa kwakaitwa Umambo hwaMwari muna 1914 kusvikira pakuguma kwoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. Bhuku raZvakazarurwa, rakanyorwa naJohani munenge muna 96 C.E., rinorondedzera zviratidzo izvi nenzira inonakidza.

Iye zvino ngationgororei Zvakazarurwa 1:1–12:17, inokurukura zviratidzo zvinomwe zvakatanga kuratidzwa Johani. Tinofarira zvakaratidzwa izvi nokuti zvine chokuita nezviri kuitika munyika iye zvino uye zvinoratidza kuti Jehovha achaitei mune ramangwana rava pedyo. Zvechokwadi vaya vanoverenga nhoroondo dzezviratidzo izvi nokutenda vanokurudzirwa uye vanonyaradzwa.—VaH. 4:12.

“GWAYANA” RINOVHURA ZVISIMBISO ZVITANHATU PAZVINOMWE ZVIRIPO

(Zvak. 1:1–7:17)

Kutanga, Johani anoona Jesu Kristu anokudzwa, oudzwa mashoko aanofanira ‘kunyora mumupumburu oatumira kuungano nomwe.’ (Zvak. 1:10, 11) Zvadaro anozoratidzwa chigaro choumambo chiri panzvimbo yacho kudenga. Munhu akagara pachigaro choumambo akabata mupumburu wakasimbiswa nezvisimbiso zvinomwe muruoko rwake rworudyi. Anonzi “akakodzera kuvhura mupumburu” ‘iShumba yokudzinza raJudha,’ kana kuti ‘gwayana rine nyanga nomwe nemaziso manomwe.’—Zvak. 4:2; 5:1, 2, 5, 6.

Kechitatu anoratidzwa zvinoitika panovhura “gwayana” zvisimbiso zvitanhatu zvokutanga, zvakatevedzana. Panovhurwa chechitanhatu, kudengenyeka kwenyika kukuru kunoitika uye zuva guru rehasha rinosvika. (Zvak. 6:1, 12, 17) Anozoratidzwa ‘ngirozi ina dzakabata zvakasimba mhepo ina dzenyika,’ kusvikira vane 144 000 vapedza kuiswa chisimbiso. “Boka guru” revaya vasina kuiswa chisimbiso rinooneka rimire “pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana.”—Zvak. 7:1, 9.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:4; 3:1; 4:5; 5:6—Mashoko okuti “midzimu minomwe” anorevei? Nhamba yokuti nomwe inomiririra kukwana semaonerwo akunoitwa naMwari. Saka, mashoko akanyorerwa “ungano nomwe” anoguma ashanda kuvanhu vaMwari vose vari muungano dzinopfuura 100- 000 dziri munyika yose. (Zvak. 1:11, 20) Sezvo mudzimu mutsvene uchipiwa zvichienderana nezviri kuda kuitwa, mashoko okuti “midzimu minomwe” anoreva kuti unoshanda zvakakwana kuti uite kuti vaya vanoteerera uprofita vanzwisise uye vakomborerwe. Zvinoita sokuti bhuku raZvakazarurwa rinotsanangura zviitiko zvose zviri mumapoka ezvinomwe-zvinomwe. Pano nhamba yokuti nomwe inomiririra kukwana, uye zvechokwadi, bhuku racho rinotaura ‘nezvokupedziswa’ kana kuti kukwaniswa ‘kwechakavanzika chitsvene chaMwari.’—Zvak. 10:7.

1:8, 17—Mazita okuti “Arufa naOmega” uye “Wokutanga noWokupedzisira” anoreva ani? Mazita okuti “Arufa naOmega” anoreva Jehovha, achiratidza kuti hapana Mwari wemasimba ose akamutangira uye kuti hapana achauya. Ndiye “wokutanga nowokupedzisira.” (Zvak. 21:6; 22:13) Kunyange zvazvo Jehovha achinzi “wokutanga nowokupedzisira,” pana Zvakazarurwa 22:13, pakuti hapana akamutangira kana achauya, mashoko ari muchitsauko chokutanga chaZvakazarurwa anoratidza kuti mazita okuti “wokutanga nowokupedzisira” ipapo anoreva Jesu Kristu. Ndiye munhu wokutanga akamutswa akapiwa upenyu hwomudzimu husingafi uye ndiye akapedzisira kumutswa naJehovha pachake.—VaK. 1:18.

2:7—“Paradhiso yaMwari” chii? Sezvo mashoko aya aitaurirwa vaKristu vakazodzwa, pano paradhiso iri kureva nzvimbo yokudenga yakaita separadhiso, zvichireva kuvapo kwaMwari. Vakazodzwa vakatendeka vachapiwa mubayiro wokudya “muti woupenyu.” Vachaitwa kuti vasafa.—1 VaK. 15:53.

3:7—Jesu akapiwa rini “kiyi yaDhavhidhi,” uye ari kuishandisa sei? Paakabhabhatidzwa muna 29 C.E., Jesu akanga atosarudzwa kuti azova Mambo wedzinza raDhavhidhi. Zvisinei, Jesu akazopiwa kiyi iyi yaDhavhidhi muna 33 C.E., paakakwidziridzwa akaiswa kurudyi rwaMwari kudenga. Ari ikoko akagara nhaka kodzero dzose dzoUmambo hwaDhavhidhi. Kubva panguva iyoyo, Jesu ari kushandisa kiyi yacho kuvhura mikana neropafadzo dzine chokuita noUmambo. Muna 1919, Jesu akaisa “kiyi yeimba yaDhavhidhi” papfudzi ‘romuranda akatendeka, akangwara’ paakagadza boka iroro romuranda “pazvinhu zvake zvose.”—Isa. 22:22; Mat. 24:45, 47.

3:12—‘Zita idzva’ raJesu nderokutii? Zita iri rine chokuita nebasa rake idzva uye dzimwe ropafadzo dzaava nadzo. (VaF. 2:9-11) Kunyange zvazvo pasina mumwe anoziva zita iroro semazivirwo arinoitwa naiye pachake, Jesu anorinyora pahama dzake dzakatendeka dziri kudenga, achiita kuti dzive noukama hwepedyo naye. (Zvak. 19:12) Anotovapawo mamwe mabasa ake.

Zvatinodzidza:

1:3. Nemhaka yokuti “nguva yakatarwa [yokuti Mwari atonge nyika yaSatani] yava pedyo,” tinofanira kubva tanzwisisa mashoko ari mubhuku raZvakazarurwa toita zvaanotaura.

3:17, 18. Kuti tipfume kuna Mwari, tinofanira kutenga “ndarama yakanatswa nomoto” kuna Jesu. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuva vakapfuma mumabasa akanaka. (1 Tim. 6:17-19) Tinofanirawo kupfeka “nguo dzokunze chena,” dzinozivisa kuti tiri vateveri vaKristu, toshandisa “chizoro chemaziso,” chakadai sezano rinobudiswa mumagazini yeNharireyomurindi, kuti tinzwisise zvinhu zvokunamata.—Zvak. 19:8.

7:13, 14. Vakuru 24 vanomiririra vane 144- 000 pavanenge vari kudenga, kwavachange vachitonga vari madzimambo uyewo vapristi. Vanofananidzirwa nevapristi vomuIsraeri yekare, vakarongwa naMambo Dhavhidhi kuti vave mapoka 24. Mumwe wevakuru vacho anoudza Johani kuti boka guru ndivanaani. Naizvozvo kumutswa kwevaKristu vakazodzwa kunofanira kunge kwakatanga gore ra1935 risati rasvika. Nei tichidaro? Nokuti mugore iroro vashumiri vaMwari vakazodzwa vari pasi pano vakaziviswa kuti boka guru ndivanaani.—Ruka 22:28-30; Zvak. 4:4; 7:9.

KUVHURWA KWECHISIMBISO CHECHINOMWE KUNOITA KUTI HWAMANDA DZIRIRE KANOMWE

(Zvak. 8:1–12:17)

Gwayana rinovhura chisimbiso chechinomwe. Ngirozi nomwe dzinopiwa hwamanda nomwe. Ngirozi nhanhatu dzacho dzinoridza hwamanda dzadzo, dzichizivisa mashoko omutongo waizopiwa “chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu” zvevanhu, kureva chiKristudhomu. (Zvak. 8:1, 2, 7-12; 9:15, 18) Izvi ndizvo zvinoonekwa naJohani pane zvaanoratidzwa kechishanu. Pane zvimwe zvaanozoratidzwa, Johani anodya mupumburu muduku uye anoyera nzvimbo tsvene yetemberi. Hwamanda yechinomwe yaridzwa, manzwi akakwirira anozivisa kuti: “Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe wedu nohwaKristu wake.”—Zvak. 10:10; 11:1, 15.

Zvaanoratidzwa kechinomwe zvinobatsira kunzwisisa zvinotaurwa pana Zvakazarurwa 11:15, 17. Chiratidzo chikuru chinoonekwa kudenga. Mukadzi wokudenga anobereka mwanakomana, munhurume. Dhiyabhorosi anodzingwa kudenga. Akatsamwira mukadzi wokudenga, anoenda “kunorwa nevana vake vakanga vasara.”—Zvak. 12:1, 5, 9, 17.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

8:1-5Nei runyararo rwakavapo kudenga, uye chii chakaguma chakandirwa panyika? Runyararo rwokufananidzira rwakaitika kudenga kuitira kuti “minyengetero yevatsvene” vari pasi pano inzwiwe. Izvi zvakaitika pakuguma kwehondo yenyika yokutanga. VaKristu vakazodzwa havana kukwira kudenga pakapera Nguva Dzevemamwe Marudzi, sezvaitarisirwa nevakawanda. Vakatsungirira nguva dzakaoma panguva yehondo. Saka vakanga vava kunyengetera nomwoyo wose kuti vatungamirirwe. Ngirozi yakapindura minyengetero yavo nokukanda panyika moto wokufananidzira wakaita kuti vaKristu vakazodzwa vapise pakunamata. Kunyange zvazvo vari vashoma, vakatanga basa rokuparidza munyika yose rakaita kuti Umambo hwaMwari huve nyaya hombe, zvichiita sokuti vabatidza moto muchiKristudhomu. Nyevero dzinovhundutsa dzomuBhaibheri dzakaziviswa, chiedza chechokwadi chomuMagwaro chakaziviswa, uye chitendero chenhema chakazununguswa, sezvinoita zvivako zvinozununguswa nokudengenyeka.

8:6-12; 9:1, 13; 11:15.—Ngirozi nomwe dzakagadzirira kuridza hwamanda dzadzo rini, uye hwamanda dzacho dzakaridzwa rini uye sei? Kugadzirira kuridza hwamanda nomwe kwaisanganisira kutungamirira nhengo dzeboka raJohani dzaiva panyika kubvira muna 1919 kusvikira muna 1922. Panguva iyoyo vakazodzwa ivavo vakanga vachishingaira kurongazve ushumiri hwepachena uye kuvaka zvivako zvokubudisira mabhuku. (Zvak. 12:13, 14) Kurira kwehamanda kunomiririra vanhu vaMwari vanozivisa vasingatyi kutonga kuchaitwa naJehovha vachishanda pamwe chete nengirozi. Izvi zvakatangira pagungano reruwa rokuCedar Point, Ohio romuna 1922 uye zvichapfuurira kusvikira pakutambudzika kukuru.

8:13; 9:12; 11:14.—Kurira kwehwamanda nhatu dzokupedzisira ‘inhamo’ pakudini? Kunyange kurira kwehwamanda ina dzokutanga kuri kufumurwa kwakaitwa chiKristudhomu kuti chakafa panyaya dzokunamata, kurira kwenhatu dzokupedzisira inhamo pakuti kune chokuita nezviitiko chaizvo zvakananga. Kurira kwechishanu kune chokuita nokusunungurwa kwevanhu vaMwari ‘mugomba’ rokusaita basa muna 1919 uye kune chokuita nebasa ravo rokuparidza ravanoita vasinganeti, rinoita senhamo inorwadza kuchiKristudhomu. (Zvak. 9:1) Kwechitanhatu kune chokuita nemauto akawanda zvikuru uye basa rokuparidza munyika yose rakatanga muna 1922. Kurira kweyechinomwe kune chokuita nokuberekwa kwoUmambo hwaMesiya.

Zvatinodzidza:

9:10, 19. Mashoko ane chiremerera omuBhaibheri ari mumabhuku ‘omuranda akatendeka, akangwara’ ane shoko rinoruma. (Mat. 24:45) Mashoko aya anoenderana nemiswe yemhashu ‘inoruma kufanana nezvinyavada’ uye mabhiza emauto, ane “miswe . . . yakafanana nenyoka.” Nei? Nokuti mabhuku aya anonyevera ‘nezvezuva rokutsiva kwaJehovha.” (Isa. 61:2) Ngativei noushingi uye tishingaire pakuaparadzira.

9:20, 21. Vanhu vakawanda vanyoro vanogara munyika dzinonzi dzisiri dzechiKristu vakagamuchira zvakanaka mashoko atinozivisa. Zvisinei, hatitarisiri kutendeutsa vanhu vose vasiri muchiKristudhomu, vari kunzi “vamwe vanhu vose.” Kunyange zvakadaro, tinoramba tichiita ushumiri.

12:15, 16. “Nyika,” kureva vanhu vari munyika yaSatani, kana kuti vatongi vomunyika dzakasiyana-siyana, vakatsigira rusununguko rwokunamata. Kutangira muna 1940, masimba aya ‘akamedza rwizi rwokutambudza urwo dhiragoni yakanga yabudisa mumuromo mayo.’ Chokwadi, kana Jehovha achida hake, anogona kushandisa hurumende kuti dziite zvaanoda. Regai Zvirevo 21:1 izoti: “Mwoyo wamambo wakaita sehova dzemvura dziri muruoko rwaJehovha. Anoutendeudzira kwose kwose kwaanoda.” Izvi zvinofanira kusimbisa kutenda kwatinoita muna Mwari.