Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tarirai! Mushumiri WaJehovha Waanofarira

Tarirai! Mushumiri WaJehovha Waanofarira

Tarirai! Mushumiri WaJehovha Waanofarira

“Tarirai! Mushumiri wangu, . . . anofarirwa nomweya wangu!”—ISA. 42:1.

1. Chirangaridzo zvachinoswedera vanhu vaJehovha vanokurudzirwa kuitei, uye nemhaka yei?

NGUVA yokurangarira kufa kwaJesu zvainoswedera, vanhu vaMwari tinokurudzirwa kutevera zano romuapostora Pauro rokuramba “takatarira Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu, iye Jesu.” Pauro akawedzera kuti: “Chokwadi, nyatsofungai iye akatsungirira kutaura kwokukakavara kwakadaro kwevatadzi avo vairwisa zvinhu zvinovabatsira, kuti murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.” (VaH. 12:2, 3) Kunyatsotarisisa kutendeka kwaJesu, kwakaita kuti agume azvibayira, kuchabatsira vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo vemamwe makwai kuramba vachishumira Jehovha vakatendeka ‘vasinganeti.’—Enzanisa naVaGaratiya 6:9.

2. Tingadzidzei kubva muuprofita hwaIsaya hunotaura nezvoMwanakomana waMwari?

2 Jehovha akafuridzira muprofita Isaya kunyora uprofita hunotevedzana hunonyatsotaura nezveMwanakomana wake. Uprofita uhwu huchatibatsira kuramba “takatarira Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu,” Jesu Kristu. * Hunotibatsira kunzwisisa unhu hwake, kutambura kwaakaita, uye kukwidziridzwa kwaakaitwa saMambo wedu uye Mununuri. Huchawedzera kunzwisisa kwatinoita Chirangaridzo, chatichachengeta gore rino musi weChina April 9, zuva ranyura.

Mushumiri Anoziviswa

3, 4. (a) Mubhuku raIsaya, shoko rokuti “mushumiri” rinoreva vanaani? (b) Bhaibheri pacharo rinotaura kuti ndiani ari kunzi Mushumiri muzvitsauko 42, 49, 50, 52, uye 53 zvaIsaya?

3 Mubhuku raIsaya shoko rokuti “mushumiri” rinowanikwa kakawanda. Pamwe pacho rinenge richitaura nezvomuprofita wacho pachake. (Isa. 20:3; 44:26) Pane dzimwe nguva rinenge richireva rudzi rwose rwaIsraeri, kana kuti Jakobho. (Isa. 41:8, 9; 44:1, 2, 21) Asi zvakadini nouprofita hunonyanya kutaura nezveMushumiri hwakanyorwa muzvitsauko 42, 49, 50, 52, uye 53 zvaIsaya? Magwaro echiKristu echiGiriki anotaura zvakajeka kuti ari kunzi Mushumiri waJehovha muzvitsauko izvozvo ndiani. Sezvineiwo mumwe mukuru mukuru wokuItiopia, anotaurwa nezvake mubhuku raMabasa, aiverenga humwe uprofita uhwu pakatumwa muEvhangeri Firipi nemudzimu kuti aende kwaari. Mukuru mukuru wacho, averenga ndima yomuBhaibheri yatinowana iye zvino pana Isaya 53:7, 8, akabvunza Firipi kuti: “Ndinokukumbira, Muprofita ari kutaura izvi pamusoro paani? Pamusoro pake here kana kuti pamusoro pomumwe munhu?” Firipi haana kumbononoka kumutsanangurira kuti Isaya aitaura nezvaMesiya, Jesu.—Mab. 8:26-35.

4 Jesu achiri karusvava, mumwe murume akarurama ainzi Simiyoni akazivisa achifuridzirwa nomudzimu mutsvene kuti “mwana muduku Jesu” aizova “chiedza chokubvisa nacho chifukidziro pamarudzi” sezvakanga zvagara zvataurwa pana Isaya 42:6 neIsa 49:6. (Ruka 2:25-32) Uyezve, kubatwa zvinonyadzisa kwakaitwa Jesu usiku hwaakatongwa kwakagara kwataurwa muuprofita hwaIsaya 50:6-9. (Mat. 26:67; Ruka 22:63) Pashure pePendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akanyatsozivisa zvakajeka kuti Jesu ndiye “Mushumiri” waJehovha. (Isa. 52:13; 53:11; verenga Mabasa 3:13, 26.) Tingadzidzei pauprofita uhwu hunotaura nezvaMesiya?

Jehovha Anodzidzisa Mushumiri Wake

5. Mushumiri akadzidziswa zvakadini?

5 Humwe uprofita hwaIsaya hunotaura nezvoMushumiri waMwari hunoratidza ukama hwepedyo hwaiva pakati paJehovha neMwanakomana wake wedangwe asati auya pasi pano. (Verenga Isaya 50:4-9.) Mushumiri wacho pachake akataura kuti Jehovha aigara achimudzidzisa, paakati: “Anomutsa nzeve yangu kuti inzwe sezvinoita vakadzidziswa.” (Isa. 50:4) Panguva yose iyoyo, Mushumiri waJehovha aiteerera Baba vake achidzidza kwavari, achiratidza kuti mudzidzi anozviisa pasi. Ichi ndicho chinonzi chikomborero chaicho, kudzidziswa noMusiki wezvinhu zvose!

6. Mushumiri akaratidza sei kuti ainyatsozviisa pasi paBaba vake?

6 Muuprofita uhwu, Mushumiri anotaura nezvaBaba vake achiti “Changamire Ishe Jehovha.” Izvi zvinoratidza kuti Mushumiri akanga akadzidza nezvechokwadi chinokosha chokuti Jehovha ndiye changamire wezvose. Achiratidza kuti ainyatsozviisa pasi paBaba vake, akati: “Changamire Ishe Jehovha akavhura nzeve yangu, uye ini ndakanga ndisingapandukiri. Handina kufuratira.” (Isa. 50:5) Aiva “padivi [paJehovha ari] mhizha” paisikwa zvinhu zvose zvatinoona uye vanhu. “Mhizha” iyi ‘yaifara pamberi paJehovha nguva dzose, ichifarira nyika yake inobereka zvibereko, uye Mwanakomana waMwari aifarira kwazvo zvinhu zvaiva nechokuita nevanakomana vevanhu.’—Zvir. 8:22-31.

7. Chii chinoratidza kuti Mushumiri aiva nechivimbo chokuti Baba vake vaizomutsigira mumiedzo yake?

7 Kudzidziswa uku kwakaitwa Mushumiri uye kufarira kwaaiita vanhu ndizvo zvakaita kuti agadzirire kuuya pasi pano uye atarisane nevaimupikisa zvakasimba. Akaramba achifarira kuita kuda kwaBaba vake, kunyange paakatambudzwa zvinorwadza. (Pis. 40:8; Mat. 26:42; Joh. 6:38) Pose paaiedzwa, Jesu aiva nechivimbo chokuti Baba vake vaimufarira uye vaizomutsigira. Sezvakanga zvagara zvataurwa nouprofita hwaIsaya, Jesu akakwanisa kuti: “Iye ari kunditi ndakarurama ari pedyo. Ndiani angakakavadzana neni? . . . Tarirai! Changamire Ishe Jehovha achandibatsira.” (Isa. 50:8, 9) Zvechokwadiwo Jehovha akabatsira Mushumiri wake akatendeka muushumiri hwake hwose pasi pano, sezvinoratidzwa nohumwe uprofita hwaIsaya.

Ushumiri Hwake Pasi Pano

8. Chii chinoratidza kuti Jesu ndiye ‘akasarudzwa’ waJehovha sezvakagara zvataurwa pana Isaya 42:1?

8 Bhaibheri rinotaura zvakaitika pakabhabhatidzwa Jesu muna 29 C.E. richiti: “Mudzimu mutsvene . . . wakaburukira paari, uye inzwi rakabva kudenga richiti: ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.’” (Ruka 3:21, 22) Saka Jehovha akazivisa zvakajeka ‘waakasarudza,’ anotaurwa muuprofita hwaIsaya. (Verenga Isaya 42:1-7.) Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu akazadzisa uprofita uhwu zvinoshamisa. MuEvhangeri yake, Mateu akadzokorora mashoko ari pana Isaya 42:1-4 uye akati mashoko aya aireva Jesu.—Mat. 12:15-21.

9, 10. (a) Jesu akazadzisa sei Isaya 42:3 paaiita ushumiri hwake? (b) Kristu ‘akaunza kururamisira’ sei paaiva pasi pano, uye ‘achaisa kururamisira munyika’ rini?

9 Vatungamiriri vechitendero vechiJudha vaizvidza vanhuwo zvavo. (Joh. 7:47-49) Vanhu vaibatwa neseri kweruoko uye vaigona kufananidzwa ‘netsanga dzakakuzvuka’ kana kuti ‘tambo dzomufurakisi’ dzava kuda kudzima. Zvisinei, Jesu akaratidza varombo nevaitambura tsiye nyoro. (Mat. 9:35, 36) Nemutsa akavakumbira, achiti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai.” (Mat. 11:28) Uyezve Jesu ‘akaunza kururamisira’ paakadzidzisa mitemo yaJehovha yokuti zvakanaka nezvakaipa ndezvipi. (Isa. 42:3) Akaratidza zvekare kuti Mitemo yaMwari inofanira kushandiswa nekunzwisisa uye nengoni. (Mat. 23:23) Jesu akaratidzawo kururamisira nokuparidzira vapfumi nevarombo asingasaruri.—Mat. 11:5; Ruka 18:18-23.

10 Uprofita hwaIsaya hunofanotaura kuti ‘akasarudzwa’ naJehovha ‘aizoisa kururamisira munyika.’ (Isa. 42:4) Munguva pfupi iri kuuya, Mambo woUmambo hwaMesiya, achaparadza umambo hwose hwezvematongerwo enyika ohutsiva nokutonga kwake kwakarurama. Achaunza nyika itsva, ‘ichagara kururama.’—2 Pet. 3:13; Dhan. 2:44.

“Chiedza” Uye “Sungano”

11. Jesu aiva “chiedza chemarudzi” pakudii muzana remakore rokutanga, uye chii chinoratidza kuti ndizvo zvaari nanhasi?

11 Achizadzisa Isaya 42:6, Jesu akaratidza zvechokwadi kuti aiva “chiedza chemarudzi.” Paaiita ushumiri hwake pasi pano, akaunza chiedza chokunamata zvikurukuru kuvaJudha. (Mat. 15:24; Mab. 3:26) Jesu akatiwo: “Ndini chiedza chenyika.” (Joh. 8:12) Akava chiedza kuvaJudha nemamwe marudzi pakuti akavhenekera vanhu pane zvokunamata uyewo akapa upenyu hwake hwakakwana kuti vanhu vose vadzikinurwe. (Mat. 20:28) Amutswa, akapa vadzidzi vake basa rokuva zvapupu zvake “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Pavaiita ushumiri hwavo, Pauro naBhanabhasi vakadzokorora mashoko okuti “chiedza chemarudzi” vakaashandisa kureva basa rokuparidzira vanhu vasiri vaJudha. (Mab. 13:46-48; enzanisa naIsaya 49:6.) Basa iroro richiri kuitwa nehama dzaJesu dzakazodzwa pasi pano uye vemamwe makwai vari kuparadzira chiedza chokunamata vachibatsira vanhu kuti vatende muna Jesu, “chiedza chemarudzi.”

12. Jehovha akapa sei Mushumiri wake kuti ave “sungano kuvanhu”?

12 Muuprofita ihwohwo, Jehovha akaudza Mushumiri wake waakasarudza kuti: “Ndichakuchengetedza ndoita kuti uve sungano yevanhu.” (Isa. 42:6) Satani akaedza aedzazve kuparadza Jesu kuti amutadzise kupedza ushumiri hwake pasi pano, asi Jehovha akamuchengetedza kusvikira nguva yokuti afe yakwana. (Mat. 2:13; Joh. 7:30) Jehovha akabva azomutsa Jesu ndokumupa se“sungano” kana kuti chitsidzo, kuvanhu pasi pano. Vimbiso iyoyo inokosha yakasimbisa kuti Mushumiri waMwari akatendeka aizoramba ari “chiedza chemarudzi,” achisunungura vaya vari murima rokusaziva Mwari.—Verenga Isaya 49:8, 9. *

13. Jesu akanunura sei “vaya vagere murima” paaiita ushumiri hwake pasi pano, uye achiri kuzviita sei?

13 Maererano nezvaakatsidza, Mushumiri waJehovha waakasarudza ‘aizosvinudza maziso akapofumara,’ ‘nokubudisa musungwa mujeri repasi,’ uye kununura “vaya vagere murima.” (Isa. 42:7) Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu akaita izvi nokufumura manamatiro enhema uye kuparidza mashoko akanaka oUmambo. (Mat. 15:3; Ruka 8:1) Saka akasunungura vaJudha vaive murima rokusaziva Mwari, vakazova vadzidzi vake. (Joh. 8:31, 32) Ndizvo zvaari kuitazve kumamiriyoni evanhu vasiri vaJudha. Akapa vateveri vake basa achiti “endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi,” akavimbisa kuti aizova nevateveri vake “kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:19, 20) Jesu ari kutungamirira basa rokuparidza riri kuitwa pasi pose ari kudenga.

Jehovha Akakwidziridza “Mushumiri”

14, 15. Nei Jehovha akakwidziridza Mushumiri wake uye akazviita sei ?

14 Mune humwezve uprofita pamusoro paMesiya Mushumiri, Jehovha anoti: “Tarirai! Mushumiri wangu achaita nenjere. Achava munzvimbo yepamusoro uye achava pamusorosoro okwidziridzwa kwazvo.” (Isa. 52:13) Jehovha akakwidziridza Mwanakomana wake nokuti aizviisa pasi pouchangamire hwake zvakakwana uye akatendeka paaisangana nemiedzo yakaoma.

15 Muapostora Petro akanyora nezvaJesu kuti: “Iye akaenda kudenga uye iye zvino ari kuruoko rworudyi rwaMwari; uye ngirozi nevane chiremera nevane masimba zvakaiswa pasi pake.” (1 Pet. 3:22) Muapostora Pauro akanyorawo kuti: “Akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, chokwadi, rufu padanda rokutambudzikira. Nokuda kwechikonzero ichochiwo Mwari akamukwidziridza kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyika nevaya vari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwose rubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiIshe kuti Mwari Baba vakudzwe.”—VaF. 2:8-11.

16. Jesu ‘akakwidziridzwa kwazvo’ sei muna 1914, uye anga achiitei kubvira ipapo?

16 Muna 1914, Jehovha akatowedzera kukwidziridza Jesu. ‘Akakwidziridzwa kwazvo’ paakagadzwa pachigaro chaMambo Mesiya. (Pis. 2:6; Dhan. 7:13, 14) Kubvira ipapo, Kristu akapinda ‘achikunda pakati pevavengi vake.’ (Pis. 110:2) Akatanga kukunda Satani nemadhimoni ake, akavakanda pasi pano. (Zvak. 12:7-12) Ava kushanda saKoreshi mukuru, Kristu akazosunungura hama dzake dzakazodzwa pasi pano muusungwa ‘hweBhabhironi Guru.’ (Zvak. 18:2; Isa. 44:28) Ari kutungamirira basa rokuparidza riri kuitwa munyika yose iro raita kuti paunganidzwe “vakanga vasara” vehama dzake uye mamiriyoni ‘emamwe makwai,’ shamwari dzakavimbika ‘dzeboka duku.’—Zvak. 12:17; Joh. 10:16; Ruka 12:32.

17. Kusvika parizvino tadzidzei muuprofita hwaIsaya ‘nezvomushumiri’?

17 Kudzidza kwataita uprofita uhwu hunoshamisa huri mubhuku raIsaya zvechokwadi kwawedzera kukoshesa kwatinoita Mambo wedu uye Mununuri, Jesu Kristu. Kuzviisa kwake pasi somwanakomana paaiita ushumiri hwake pasi pano kwakaratidza kudzidziswa kwaakaitwa naBaba vake asati auya pasi pano. Akaratidza kuti iye “chiedza chemarudzi” noushumiri hwake pachake uye nebasa rokuparidza raari kutungamirira nanhasi. Sezvatichaona munyaya inotevera, humwe uprofita pamusoro paMesiya Mushumiri hunoratidza kuti aizotambura uye kuti aizodurura upenyu hwake kuti isu tibatsirwe, dzinova nyaya dzatinofanira ‘kunyatsofunga’ sezvo Chirangaridzo chorufu rwake chinosvika.—VaH. 12:2, 3.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Unogona kuwana uprofita uhu pana Isaya 42: 1-7; 49:1-12; 50: 4-9; uye Isa 52:13–53:12.

^ ndima 12 Ona mapeji 136-145 aUprofita hwaIsaya—Chiedza Chevanhu Vose II, panotsanangurwa uprofita huri pana Isaya 49:1-12.

Kudzokorora

• Ndiani anonzi “mushumiri” muuprofita hwaIsaya, uye tinoziva sei izvozvo?

• Mushumiri akadzidziswa zvakadini naJehovha?

• Sei zvichinzi Jesu “chiedza chemarudzi”?

• Mushumiri akakwidziridzwa sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Firipi akazivisa zvakajeka kuti “mushumiri” aitaurwa naIsaya ndiJesu, Mesiya

[Mufananidzo uri papeji 23]

SoMushumiri waJehovha akasarudzwa, Jesu akava netsiye nyoro kuvarombo nevaitambura

[Mufananidzo uri papeji 24]

Jesu akakwidziridzwa naBaba vake paakagadzwa pachigaro chaMambo Mesiya