Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri ‘Mutariri Womutsa Usina Kukodzera Kuwanwa Wamwari’ Here?

Uri ‘Mutariri Womutsa Usina Kukodzera Kuwanwa Wamwari’ Here?

Uri ‘Mutariri Womutsa Usina Kukodzera Kuwanwa Wamwari’ Here?

“Pakudanana sehama, dananai kwazvo. Pakukudzana, tungamiriranai.”—VAR. 12:10.

1. Shoko raMwari rinotivimbisei?

SHOKO raMwari rinotivimbisa rativimbisazve kuti patinoodzwa mwoyo, Jehovha achatiyamura. Somuenzaniso, funga nezvemashoko aya anonyaradza, okuti: “Jehovha anotsigira vose vaya vanowa, uye anomutsa vose vakakotamiswa.” “Anoporesa vakaora mwoyo, uye anosunga panovarwadza.” (Pis. 145:14; 147:3) Uyezve, Baba vedu vokudenga pachavo vanoti: “Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’”—Isa. 41:13.

2. Jehovha anotsigira sei vashumiri vake?

2 Ko Jehovha ‘anobata sei ruoko rwedu,’ iye achigara kumatenga asingaoneki? ‘Anotisimudza sei patinenge takakotamiswa’ nezvinotirwadza? Jehovha Mwari anotitsigira nenzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, anopa vanhu vake “simba rinopfuura renguva dzose” achishandisa mudzimu wake mutsvene. (2 VaK. 4:7; Joh. 14:16, 17) Vashumiri vaMwari vanopiwawo simba rinobva muShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri. (VaH. 4:12) Pane here imwe nzira iyo Jehovha anotisimbisa nayo? Mhinduro yacho tinoiwana mubhuku raPetro Wokutanga.

“Mutsa Usina Kukodzera Kuwanwa waMwari Unoratidzwa Nenzira Dzakasiyana-siyana”

3. (a) Muapostora Petro akatii nezvemiedzo? (b) Tsamba yaPetro yokutanga painenge yava kunopera inokurukura nezvei?

3 Muapostora Petro paakanyorera vaKristu vakazodzwa nomudzimu, akati vaifanira kufara nokuti vaizowana mubayiro wakakura. Akazowedzera kuti: “Kunyange kwenguva duku panguva ino, kana zvichifanira kudaro, mave muchishungurudzwa nemiedzo yakasiyana-siyana.” (1 Pet. 1:1-6) Funga nezveshoko rokuti “yakasiyana-siyana.” Rinoratidza kuti miedzo yacho yaisazova yorudzi rumwe chete. Zvisinei, Petro haagumiri ipapo, izvo zvingaita kuti hama dzake dzisare dzichinetseka kuti zvino dzichakwanisa kukunda miedzo iyoyo yakasiyana-siyana here. Asi anoratidza kuti vaKristu vanogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achavabatsira kukunda muedzo mumwe nomumwe wavanosangana nawo, pasinei nokuti ndeworudzii. Zvaanovimbisa izvi zviri kwokupedzisira kwetsamba yake, kwaanozotaura nezvezvimwe zvine chokuita ne“kuguma kwezvinhu zvose.”—1 Pet. 4:7.

4. Nei mashoko ari pana 1 Petro 4:10 achitinyaradza?

4 Petro anoti: “Maererano nokugamuchira chipo kwakaita mumwe nomumwe, chishandisei pakushumirana sevatariri vakanaka kwazvo vomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana.” (1 Pet. 4:10) Pano Petro anoshandisazve shoko rokuti “dzakasiyana-siyana.” Zvaari kutaura ndezvokuti, ‘Miedzo inouya nenzira dzakasiyana-siyana, asi mutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa unoratidzwawo nenzira dzakasiyana-siyana.’ Nei mashoko aya achinyaradza? Anoreva kuti pasinei nokuti miedzo yedu ingave yakaita sei, Mwari achangogara achitiratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa uchaita kuti tiitsungirire. Asi pane zvakataurwa naPetro wacherechedza here kuti Jehovha anotiratidza sei mutsa usina kukodzera kuwanwa? Anoshandisa vaKristu vatinonamata navo.

“Kushumirana”

5. (a) MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuitei? (b) Mibvunzo ipi yatinova nayo?

5 Achitaura nevose vomuungano yechiKristu, Petro anoti: “Kupfuura zvinhu zvose, dananai kwazvo.” Anozoti: “Maererano nokugamuchira chipo kwakaita mumwe nomumwe, chishandisei pakushumirana.” (1 Pet. 4:8, 10) Saka mumwe nomumwe ari muungano anofanira kuvakawo vamwe vaKristu vaanonamata navo. Takapiwa chimwe chinhu chinokosha naJehovha kuti tichishandise, uye tinofanira kuchipfuudzawo kuti chibatsire vamwe. Saka chii chatakapiwa? Petro anoti “chipo.” Chipo chacho chii? ‘Tinochishandisa pakushumirana’ sei?

6. Ndezvipi zvimwe zvipo zvakapiwa vaKristu?

6 Shoko raMwari rinoti: “Zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro.” (Jak. 1:17) Zvechokwadi, zvipo zvose zvakapiwa vanhu naJehovha zvinoratidza mutsa wake usina kukodzera kuwanwa. Chimwe chipo chinoshamisa chatakapiwa naJehovha mudzimu mutsvene. Chipo ichocho chinotibatsira kuva nounhu hwaMwari hwakaita sorudo, kunaka, uye unyoro. Unhu ihwohwo hunoitawo kuti tide vatinonamata navo nomwoyo wose uye tivatsigire nechido. Uchenjeri hwechokwadi nezivo ndezvimwewo zvipo zvatinopiwa tichibatsirwa nomudzimu mutsvene. (1 VaK. 2:10-16; VaG. 5:22, 23) Kutaura zvazviri, simba redu rose, mano edu uye zvatinokwanisa kuita tingazviona sezvipo zvatinofanira kushandisa kurumbidza nokukudza Baba vedu vokudenga. Tine basa ratakapiwa naMwari rokushandisa mano edu uye unhu hwedu kuti tiratidze vatinonamata navo mutsa wake usina kukodzera kuwanwa.

“Chishandisei Pakushumirana”—Sei?

7. (a) Shoko rokuti “maererano” rinoratidzei? (b) Tinofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi, uye nei?

7 Petro achitaura nezvezvipo zvatakapiwa, anotizve: “Maererano nokugamuchira chipo kwakaita mumwe nomumwe, chishandisei.” Shoko rokuti “maererano” rinoratidza kuti unhu nemano zvatakapiwa zvingasiyana uye tinozviratidza pamwero wakasiyana-siyana. Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe anokurudzirwa kuti “chishandisei [kureva chipo chero chipi zvacho chaakapiwa] pakushumirana.” Uyezve, mashoko okuti “chishandisei . . . sevatariri vakanaka” akataurwa uri murayiro. Saka tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyatsoshandisa zvipo zvandakapiwa kuti ndisimbise vandinonamata navo here?’ (Enzanisa na1 Timoti 5:9, 10.) ‘Kana kuti ndinoshandisa mano andakapiwa naJehovha kuti zvindinakire ini, zvichida kuti ndiwane pfuma nechinzvimbo here?’ (1 VaK. 4:7) Kana tikashandisa zvipo zvedu “pakushumirana,” tichafadza Jehovha.—Zvir. 19:17, verenga VaHebheru 13:16.

8, 9. (a) Ndedzipi dzimwe nzira idzo vaKristu munyika yose vanoshumira nadzo vavanonamata navo? (b) Muungano yenyu hama nehanzvadzi dzinobatsirana sei?

8 Shoko raMwari rinotaura nzira dzakasiyana-siyana idzo vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaishumirana. (Verenga VaRoma 15:25, 26; 2 Timoti 1:16-18.) Mazuva anowo, vaKristu vechokwadi vanoteerera murayiro wokushandisa zvipo zvavo vachibatsira vavanonamata navo nomwoyo wose. Ngatikurukurei dzimwe nzira dzazviri kuitwa nadzo.

9 Mwedzi nomwedzi hama zhinji dzinopedza maawa akawanda dzichigadzirira hurukuro dzepamisangano. Pavanenge vari pamisangano, vanotaura mashoko anokosha avanenge vawana pakudzidza kwavo Bhaibheri, uye mashoko avo anoratidza nzwisiso, anokurudzira vose vari muungano kuti vatsungirire. (1 Tim. 5:17) Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinozivikanwa nokuva noushamwari uye tsitsi kune vavanonamata navo. (VaR. 12:15) Vamwe vanogara vachishanyira vaya vakaora mwoyo uye vachinyengetera navo. (1 VaT. 5:14) Vamwe vanowana nguva yokunyorera mashoko anokurudzira vaKristu vavanonamata navo vanenge vari kuedzwa. Vamwewo vanobatsira vaya vanorwara kuti vapinde misangano yeungano. Zvapupu zvakawanda zvinoitawo basa rokuyamura vanenge vawirwa nenjodzi, zvichibatsira vazvinonamata navo kuvaka misha inenge yaparadzwa. Rudo rwakadaro uye rubatsiro zvinopiwa nehama nehanzvadzi idzodzo dzine tsiye nyoro kuratidzwa kwe“mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana.”—Verenga 1 Petro 4:11.

Ndezvipi Zvinonyanya Kukosha?

10. (a) Pauro ainyanya kungwarira zvinhu zvipi zviviri pakushumira kwake Mwari? (b) Tinotevedzera Pauro sei mazuva ano?

10 Vashumiri vaMwari havana kungopiwa chipo chokubatsira vavanonamata navo chete asiwo vane shoko ravanofanira kusvitsa kune vamwewo vanhu. Muapostora Pauro akazivawo kuti aifanira kuita zvinhu zviviri izvi pakushumira kwake Jehovha. Akanyorera ungano yeEfeso “nezvoutariri hwomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari” hwaakapiwa kuti avabatsire. (VaEf. 3:2) Zvisinei, akatiwo: “Takanzi naMwari takakodzera kuronzeswa mashoko akanaka.” (1 VaT. 2:4) SaPauro, isuwo tinoziva kuti takapiwa basa rokushumira sevaparidzi voUmambo hwaMwari. Patinoshingaira mubasa iri rokuparidzira, tinoedza kutevedzera muenzaniso waPauro wokuva muparidzi wemashoko akanaka asinganeti. (Mab. 20:20, 21; 1 VaK. 11:1) Tinoziva kuti kuparidza shoko roUmambo kungaita kuti vanhu vaponeswe. Zvisinei, tinoedzawo kutevedzera Pauro nokutsvaka mikana yokupa “chipo chomudzimu” kune vatinonamata navo.—Verenga VaRoma 1:11, 12; 10:13-15.

11. Tinofanira kuona sei basa redu rokuparidza nerokuvaka hama dzedu?

11 Pazvinhu izvi zviviri zvinoitwa nevaKristu, ndechipi chinokosha kupfuura chimwe? Kubvunza mubvunzo wakadaro kwakafanana nokubvunza kuti: Pashiri, ibapiro ripi rinokosha kupfuura rimwe? Mhinduro yacho iri pachena. Shiri inofanira kushandisa mapapiro ayo ose kuti ibhururuke zvakanaka. Saizvozvowo tinofanira kuita zvose zviri zviviri pakushumira kwedu Mwari kuti tive vaKristu vakakwana. Saka panzvimbo pokuona basa redu rokuparidza serisina chokuita nerokuvaka vamwe vaKristu, tinofanira kuona mabasa aya semaonerwo aaiitwa naPetro naPauro, semabasa anotsigirana. Sei?

12. Tinoshanda sei semudziyo uri muruoko rwaJehovha?

12 Sevaevhangeri, tinoshandisa chero unyanzvi hupi hwatingava nahwo kuti tinyatsosvika pamwoyo yevanhu neshoko roUmambo hwaMwari rinokurudzira. Kana tichidaro tinovimba kuti tichavabatsira kuva vadzidzi vaKristu. Zvisinei, tinoshandisawo zvose zvatinokwanisa nezvimwe zvipo zvedu zvatingava nazvo kuti tikurudzire hama dzedu nemashoko anovaka uye zviito zvinobatsira, tichiratidza mutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa. (Zvir. 3:27; 12:25) Kana tichidaro tinovimba kuti tichavabatsira kuramba vari vadzidzi vaKristu. Mumabasa acho ose ari maviri, kuparidzira kuruzhinji uye “kushumirana,” tine ropafadzo yakazonaka yokushanda semudziyo uri muruoko rwaJehovha.—VaG. 6:10.

“Dananai Kwazvo”

13. Kana tikarega “kushumirana” chii chingaitika?

13 Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti: “Pakudanana sehama, dananai kwazvo. Pakukudzana, tungamiriranai.” (VaR. 12:10) Zvechokwadi, kuda hama dzedu kunoita kuti tishumire nomwoyo wose sevatariri vomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa. Tinoziva kuti kana Satani akabudirira kutidzosera mumashure pa“kushumirana,” achaita kuti tisabatana. (VaK. 3:14) Pakupedzisira, kusabatana ikoko kuchaita kuti kushingaira kwedu pakuparidza kudzikire. Satani anonyatsoziva kuti akangotyora bapiro redu rimwe chete rokufananidzira anenge atigarisa pasi.

14. Ndiani anobatsirwa “nokushumirana” kwatinoita? Ipa muenzaniso.

14 “Kushumirana” hakungobatsiri vaya vanogamuchira mutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa asiwo vaya vanouratidza. (Zvir. 11:25) Somuenzaniso, funga nezvaRyan nomudzimai wake Roni vanogara kuIllinois, U.S.A. Pavakanzwa kuti dutu remhepo inonzi Katrina rakanga raparadza mazana edzimba dzezvimwe Zvapupu, kuda kwavanoita hama dzavo kwakaita kuti vasiye mabasa avo nemba yavo ndokubva vatenga karavhani yakamboshandiswa ndokuigadzira, vakaita rwendo rwemakiromita 1 400 kuenda kuLouisiana. Vakagara ikoko kwerinopfuura gore vachipa nguva yavo, simba ravo uye pfuma yavo kubatsira hama dzavo. “Basa rokuyamura rakandiswededza pedyo naMwari,” akadaro Ryan, ane makore 29. “Ndakaona kuti Jehovha anotarisira vanhu vake sei.” Ryan anowedzera kuti: “Kushanda nehama dzakura kwakandibatsira zvikuru kutarisira dzimwe hama. Ndakadzidzawo kuti isu vechiduku tinogona kuita zvakawanda musangano raJehovha.” Roni, ane makore 25, anoti: “Ndinotenda chaizvo kuti ndakaitawo pangu pandaigona kubatsira vamwe. Ndiri kufara zvandisati ndamboita muupenyu hwangu. Ndinoziva kuti zvandakaita zvichaita kuti ndirambe ndichiwana zvikomborero kwemakore nemakore.”

15. Zvikonzero zvipi zvakanaka zvatiinazvo zvinoita kuti tirambe tichishumira sevatariri vomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari?

15 Zvechokwadi, kuteerera mirayiro yaMwari yokuparidza mashoko akanaka uye kuvaka vatinonamata navo kunoita kuti tose tikomborerwe. Vaya vatinobatsira vanosimbiswa pakunamata, isuwo towana mufaro unowanikwa nevaya vanopa chete. (Mab 20:35) Ungano yose zvayo inokurudzirwa kana mumwe nomumwe arimo achiratidza kuti ane hanya nevamwe. Uyezve, kudanana kwatinoita kunonyatsoratidza kuti tiri vaKristu vechokwadi. Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh 13:35) Chinotokosha ndechokuti Jehovha, Baba vedu vokudenga vane hanya, vachakudzwa sezvo chido chavo chokusimbisa vaya vanenge vari mumatambudziko chichiratidzwa nevashumiri vavo pasi pano. Saka tine zvikonzero zvakanaka zvokuti tishandise zvipo zvatiinazvo “pakushumirana sevatariri vakanaka kwazvo vomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari”! Ucharamba uchidaro here?—Verenga VaHebheru 6:10.

Unoyeuka Here?

• Jehovha anosimbisa sei vashumiri vake?

• Chii chatakapiwa kuti tichishandise?

• Tingashumira vatinonamata navo sei?

• Zvii zvichaita kuti tirambe tichishandisa chipo chedu “pakushumirana”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Unoshandisa “chipo” chako kushumira vamwe here kana kuti kuzvifadza?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Tinoparidzira mashoko akanaka kune vamwe uye tinotsigira vaKristu vatinonamata vavo

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vanoita mabasa okuyamura vakakodzera kurumbidzwa nemhaka yokuzvipira kwavanoita