Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Uya Uve Muteveri Wangu’

‘Uya Uve Muteveri Wangu’

‘Uya Uve Muteveri Wangu’

“Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, aritakure zuva nezuva, arambe achinditevera.”—RUKA 9:23.

1, 2. (a) Jesu akaratidza mutsa nokukumbirei? (b) Iwe wakabvuma here pawakakumbirwa naJesu?

JESU ava kuda kunopedza ushumiri hwake, akanga ari kuparidza muPereya, mhiri kwaJodhani, nechokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweJudhiya. Rimwe jaya rakauya kwaari rikamubvunza zvaraifanira kuita kuti rigare nhaka youpenyu husingaperi. Jesu aona kuti jaya racho rakanga riri kunyatsoita zvaitaurwa noMutemo waMosesi, akarikumbira kuti riite zvaraisambofungira. Akati: “Enda, tengesa zvinhu zvauinazvo upe varombo, uye uchava nepfuma kudenga, uuye uve muteveri wangu.” (Mako 10:21) Chimbofunga nezvazvo—kukumbirwa kutevera Jesu, Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga waMwari Wokumusorosoro!

2 Jaya iroro rakaramba chikumbiro chacho, asi vamwe vakachibvuma. Jesu akanga amboti kuna Firipi: “Iva muteveri wangu.” (Joh. 1:43) Firipi akabvuma uye akazova muapostora. Jesu akadzokorora mashoko aya kuna Mateu, iye akabvumawo. (Mat. 9:9; 10:2-4) Chokwadi, Jesu akakumbira vose vanoda kururama kuti vamutevere paakati: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, aritakure zuva nezuva, arambe achinditevera.” (Ruka 9:23) Saka, chero ani zvake anogona kuva muteveri waJesu kana achinyatsoda. Iwe unoda here? Vakawanda vedu takatobvuma chikumbiro chaJesu chomutsa, uye tiri kutokokawo vamwe muushumiri.

3. Zvii zvatingaita kuti tisakukurwa torega kutevera Jesu?

3 Zvisinei, zvinonzwisa tsitsi kuti vamwe vanenge vambofarira chokwadi cheBhaibheri havarambi vachichifarira. Vanoregeredza vopedzisira ‘vakukurwa,’ vorega kutevera Jesu. (VaH. 2:1) Tingaita sei kuti tisapinda mumusungo wakadaro? Zvinobatsira kana tikazvibvunza kuti: ‘Chii chakamboita kuti ndisarudze kutevera Jesu? Kumutevera zvinorevei?’ Kugara tichiyeuka mhinduro dzemibvunzo miviri iyi kuchatibatsira kusimbisa kutsunga kwedu kuti tirambe tiri munzira yakanaka yatakasarudza. Kuchatibatsirawo kukurudzira vamwe kuti vatevere Jesu.

Nei Tichitevera Jesu?

4, 5. Nei Jesu ari iye akakodzera kutitungamirira?

4 Muprofita Jeremiya akati: “Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jer. 10:23) Zvagara zvichiitika zvinoratidza kuti mashoko aJeremiya ndeechokwadi. Zviri kuramba zvichiva pachena kuti vanhu vasina kukwana havagoni kubudirira kuzvitonga. Takabvuma chikumbiro chokutevera Jesu nokuti takaziva kuti ndiye akakodzera kutitungamirira zvisingambofi zvakakwanisa kuitwa nomumwe munhu. Ngatimbokurukurai zvimwe zvinoita kuti Jesu akodzere kutitungamirira.

5 Chokutanga, Jehovha pachake ndiye akasarudza Jesu kuti ave Mesiya Mutungamiriri. Pane angaziva zviri nani munhu wokugadza kuti ave Mutungamiriri wedu kupfuura Musiki wedu here? Chechipiri, Jesu ane unhu hwatinogona kuyemura nokutevedzera. (Verenga Isaya 11:2, 3.) Iye muenzaniso wakakwana. (1 Pet. 2:21) Chechitatu, Jesu ane hanya chaizvo nevaya vanomutevera, sezvaakaratidza paakavapa upenyu hwake. (Verenga Johani 10:14, 15.) Uye anoratidza kuti mufudzi ane hanya paanoita kuti tiwane upenyu hunofadza iye zvino uye tive neramangwana rakanaka risingagumi. (Joh. 10:10, 11; Zvak. 7:16, 17) Zvikonzero izvi nezvimwewo ndizvo zvinoratidza kuti patakasarudza kumutevera, takasarudza nokuchenjera. Zvisinei, kumutevera kunosanganisirei?

6. Kutevera Jesu kunosanganisirei?

6 Kuva vateveri vaKristu hakungorevi kuzviti tiri vaKristu. Mazuva ano vanhu vanenge mabhiriyoni maviri vanozviti vaKristu, asi zvavanoita zvinoratidza kuti vanhu “vasingateereri mutemo.” (Verenga Mateu 7:21-23.) Vanhu pavanoratidza kuti vari kufarira chikumbiro chokutevera Jesu, tinovatsanangurira kuti vaKristu vechokwadi vanoita kuti mararamiro avo aenderane nedzidziso dzake nomuenzaniso wake, uye vanozviita mazuva ose oupenyu hwavo. Kuti tiratidze kuti izvi zvinorevei, ngatimbokurukurai zvimwe zvinhu zvatinoziva nezvaJesu.

Tevedzera Uchenjeri hwaJesu

7, 8. (a) Uchenjeri chii, uye chii chakaita kuti Jesu ave nahwo zvikuru? (b) Jesu akaratidza sei kuti ane uchenjeri, uye tingamutevedzera sei?

7 Jesu ane zvakawanda zvaakaita zvinoratidza unhu hwakanaka, asi tichanyanya kukurukura uchenjeri hwake, kuzvininipisa, kushingaira, uye rudo. Ngatitangei nokukurukura nezvouchenjeri hwake, kureva kuti kukwanisa kushandisa ruzivo nokunzwisisa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pfuma yose youchenjeri neyezivo yakanyatsovanzwa maari [Jesu].” (VaK. 2:3) Jesu akawanepi uchenjeri hwakadaro? Iye pachake akati: “Ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” (Joh. 8:28) Uchenjeri hwake hunobva kuna Jehovha, saka hatishamisiki kuti Jesu anosarudza nouchenjeri.

8 Somuenzaniso, Jesu akaratidza uchenjeri pakusarudza nzira yokurarama nayo. Akasarudza kurarama asina zvakawanda muupenyu, achinyanya kukoshesa kuita kuda kwaMwari. Akaratidza uchenjeri nokupa nguva yake nesimba kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvifambire mberi. Kana tikaedza kuramba tiine ‘ziso rakanaka,’ torega kuzviremedza nezvinhu zvisingakoshi zvinotidyira nguva yedu, tinenge tiri kutevedzera muenzaniso waJesu. (Mat. 6:22) VaKristu vakawanda vakatora matanho okuita kuti vasawanza zvokuita muupenyu kuitira kuti vapedze nguva yakawanda vachiita ushumiri. Vamwe vakakwanisa kutanga basa roupiyona. Kana uri mumwe wavo, uri kuita zvakanaka chaizvo. ‘Kutanga kutsvaka umambo’ kunofadza zvikuru uye kunogutsa.—Mat. 6:33.

Zvininipise Sezvaiita Jesu

9, 10. Jesu akaratidza sei kuti aizvininipisa?

9 Kuzvininipisa ndihwo humwe unhu hwaJesu hwatichakurukura. Vanhu vasina kukwana pavanopiwa chiremerera, vanowanzotanga kuzvitutumadza. Izvi zvakasiyana chaizvo nezvaiitwa naJesu! Pasinei nenzvimbo yake inokosha pakuitwa kwechinangwa chaJehovha, Jesu akanga asingatombozvikudzi. Uye tinokurudzirwa kuti timutevedzere. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ivai nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu, uyo, kunyange zvazvo aivapo saMwari, haana kufunga nezvokubvuta, kureva kuti ave akaenzana naMwari. Aiwa, asi akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu.” (VaF. 2:5-7) Izvozvo zvaisanganisirei?

10 Jesu akava neropafadzo inokosha yokugara naBaba vake kudenga, asi “akazvidurura” asingaiti zvokumanikidzwa. Upenyu hwake hwakatamisirwa mudumbu remhandara yechiJudha, kuti akure ari imomo kwemwedzi mipfumbamwe kusvikira aberekwa ari kachechewo zvako mumhuri yomuvezi aiva akaderera. Ari muimba yaJosefa, Jesu akakura zvishoma nezvishoma akava chindumurwa, kakomana, uye akazova jaya. Akanga asina chivi. Asi paaiva pwere akaramba achizviisa pasi pevabereki vake, vatadzi vasina kukwana. (Ruka 2:51, 52) Chokwadi aizvininipisa zvinoshamisa!

11. Tingatevedzera sei kuzvininipisa kwaJesu?

11 Kuti titevedzere kuzvininipisa kwaJesu, tinofanira kubvuma kuita mabasa angaita seakaderera. Somuenzaniso, funga nezvebasa rokuparidza mashoko akanaka. Ringaita sebasa rakaderera, kunyanya kana vanhu vacho vasingatifariri, vachitsvinya, kana kuti vachitivenga. Zvisinei, kana tikaramba tichiita basa rokuparidza, tinobatsira vamwe kuti vabvumewo chikumbiro chaJesu chokumutevera. Tikadaro tichabatsira vanhu kuti vaponeswe. (Verenga 2 Timoti 4:1-5.) Mumwe muenzaniso ndewokuita kuti Imba yedu yoUmambo irambe yakanaka. Izvozvo zvingasanganisira mabasa anotarisirwa pasi akadai sokurasa mabhini, kukorobha uriri, uye kuchenesa zvimbudzi! Kunyange zvakadaro, tinoziva kuti sezvo Imba yedu yoUmambo yekwatinogara iriyo inomiririra kunamata kwakachena, kuichenesa nderimwe remabasa matsvene. Kana tikaita mabasa anoita seakaderera, tinoratidza kuti tinozvininipisa uye tiri kutevera tsoka dzaKristu.

Shingaira, Sezvaiita Jesu

12, 13. (a) Jesu akaratidza sei kuti aishingaira, uye chii chaiita kuti adaro? (b) Chii chichatikurudzira kuti tishingaire muushumiri?

12 Funga nezvokushingaira kwaiita Jesu muushumiri. Paaiva pasi pano, Jesu akaita zvinhu zvakawanda. Achiri muduku, angadaro aiita basa rokuveza nababa vake vokurera Josefa. Paaiita ushumiri hwake, Jesu akaita zvishamiso zvaisanganisira kurapa vanorwara uye kumutsa vakafa. Asi ainyanya kuita basa rokuparidza mashoko akanaka uye kudzidzisa vaya vaida kuteerera. (Mat. 4:23) Sevateveri vake, tinofanirawo kuita basa iroro. Tingatevedzera sei muenzaniso wake? Chimwe chatinogona kuita kuva nevavariro dzakaita sedzaiva naJesu.

13 Kuda Mwari ndiko kwaiita kuti Jesu aparidze uye adzidzise. Asi Jesu aifarirawo chokwadi chaaidzidzisa. Kwaari, chokwadi ichi chaiva pfuma inokosha, uye aida kuchiudzawo vamwe. Isu sevadzidzisi, kana kuti “varayiridzi vevanhu vose,” tinonzwawo saizvozvo. Chimbofunga nezvechokwadi chinokosha chatakadzidza muShoko raMwari! Tinoziva nezvenyaya youchangamire hwaMwari pane zvose uye kugadziriswa kwaichaitwa. Tinonyatsonzwisisa zvinodzidziswa neMagwaro nezvevakafa uye zvikomborero zvichaunzwa nenyika itsva yaMwari. Chokwadi ichi chinongoramba chichikosha, pasinei nokuti takachidzidza munguva pfupi yakapfuura kana kuti kare. (Verenga Mateu 13:52.) Kuparidza kwatinoita nomwoyo wose nechido kunoita kuti tiudze vamwe kuda kwatinoita zvatakadzidziswa naJehovha.

14. Tingatevedzera sei madzidzisiro aiita Jesu?

14 Cherechedzawo madzidzisiro aiita Jesu. Aigara achitaurira vateereri vake zvaiva muMagwaro. Kakawanda paaitaura pfungwa inokosha, aitanga ati: “Zvakanyorwa kuti.” (Mat. 4:4; 21:13) Mumashoko ake akanyorwa muBhaibheri, akadzokorora kana kuti akatora mashoko mune inopfuura hafu yemabhuku eMagwaro echiHebheru. Sezvaiitwa naJesu, isu tinovimba zvakazara neBhaibheri patinenge tichiita ushumiri hwedu uye tinoedza kuverenga Magwaro pose pazvinenge zvichiita. Patinodaro, tinobatsira vanhu vane mwoyo yakarurama kuti vazvionere kuti hatidzidzisi pfungwa dzedu, asi dzaMwari. Tinofara chaizvo mumwe munhu paanobvuma kuti tiverenge Bhaibheri zvinonzwika uye tikurukure kukosha kweShoko raMwari nezvarinoreva! Uye vanhu vakadaro pavanobvuma chikumbiro chokutevera Jesu, tinoita setichabata denga.

Kutevera Jesu Zvinoreva Kuda Vamwe

15. Ndohupi unhu hwaJesu hwaainyanya kuratidza, uye kufunga nezvahwo kungatibatsira sei?

15 Unhu hwaJesu hwatichapedzisira kukurukura hunofadza chaizvo, kuda kwaanoita vanhu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rudo runa Kristu runotigombedzera.” (2 VaK. 5:14) Patinofunga nezvokuda kunoitwa vanhu vose naJesu uye kuda kwaanoita mumwe nomumwe wedu, tinobayiwa mwoyo uye zvinotiita kuti tide kutevedzera muenzaniso wake.

16, 17. Jesu akaratidza sei kuti aida vamwe?

16 Jesu akaratidza sei kuti aida vamwe? Kubvuma kwaakaita kufira vanhu asingaiti zvokumanikidzwa ndiko kwakanyatsoratidza kuti aivada zvakadini. (Joh. 15:13) Zvisinei, paaiita ushumiri hwake, Jesu ane dzimwe nzira dzaakaratidza nadzo kuti aiva norudo. Somuenzaniso, ainzwira tsitsi vaya vaitambura. Paakaona Mariya nevaya vakanga vachichema pakafa Razaro, akarwadziwa chaizvo nokushungurudzika kwavaiita. Kunyange zvazvo akanga ava kuda kutomutsa Razaro, Jesu akarwadziwa zvokuti “akasvimha misodzi.”—Joh. 11:32-35.

17 Jesu achiri kutanga ushumiri hwake, mumwe murume aiva nemaperembudzi akauya kwaari akati: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” Jesu akaita sei? Nhoroondo yacho inoti: “Akasiririswa.” Akabva aita chinhu chinoshamisa. “Akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari: ‘Ndinoda. Cheneswa.’ Maperembudzi acho akabva angonyangarika paari, akabva achena.” Mutemo waMosesi waiti vane maperembudzi vaiva vasina kuchena, uye dai aida hake, Jesu angadai akarapa murume uyu asina kumbomubata. Asi Jesu paaimuporesa, akaitawo kuti murume uyu anzwe kuti kubatwa nomumwe munhu kunoita sei, sezvo angadaro akanga ava nemakore asina kumbobatwa nomunhu. Chokwadi izvi zvinoratidza kuti akamunzwira tsitsi chaizvo!—Mako 1:40-42.

18. Tingaratidza sei kuti ‘tinonzwira vamwe ngoni?’

18 Sevateveri vaKristu, tinorayirwa kuti tiratidze kuti tine rudo ‘nokunzwirana ngoni.’ (1 Pet. 3:8) Zvingasava nyore kuti tinzwisise manzwiro anoita mumwe watinonamata naye angave aine chirwere chisingarapiki kana kuti akaora mwoyo zvikuru, kunyanya kana isu tisati tamborwara nezvirwere zvakadaro. Asi Jesu akanzwira tsitsi vairwara kunyange iye asina kumbobvira arwara. Tingaita sei kuti tinzwirewo vamwe tsitsi saizvozvo? Kana tikanyatsoteerera vaya vanorwara pavanotaura nesu zviri pamwoyo yavo. Tingazvibvunzawo kuti, ‘Kudai ndanga ndirini ndiri kurwara, ndaizonzwa sei?’ Kana tichinzwira vamwe tsitsi, tichakwanisa kutaura “zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo.” (1 VaT. 5:14) Tikadaro tichange tichitevera Jesu.

19. Muenzaniso waJesu unotibatsira sei?

19 Tadzidza zvakawanda chaizvo pane zvakataurwa nezvakaitwa naJesu Kristu! Kana tikaramba tichidzidza nezvake, ticharamba tichida kufanana naye, uye ticharamba tichida kubatsira vamwe kuti vafananewo naye. Saka ngatiedzei nepatinogona napo kufarira kutevera Mambo Mesiya, iye zvino uye nokusingaperi!

Ungatsanangura Here?

• Tingaratidza sei uchenjeri sezvakaita Jesu?

• Zvii zvatingaita kuti tiratidze kuzvininipisa?

• Tingaita sei kuti tishingaire muushumiri?

• Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza kuda vamwe?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

BHUKU IDZVA RINOTIBATSIRA KUTEVEDZERA KRISTU

Pagungano reruwa ra2007, pakabudiswa bhuku rine mapeji 192 rine musoro unoti “Uya Uve Muteveri Wangu.” Bhuku iri rakagadzirirwa kubetsera vaKristu kunyatsoongorora Jesu, kunyanya unhu hwake nezvaaiita. Pashure pezvitsauko zviviri zvokutanga zvebhuku racho, chikamu chokutanga chinotaura muchidimbu unhu hwaJesu hunoshamisa, hwakadai sokuzvininipisa, ushingi, uchenjeri, kuteerera uye kutsungirira kwaaiita.

Pashure pechikamu ichi pane zvikamu zvinotaura zvaiitwa naJesu somudzidzisi nomuparidzi wemashoko akanaka uye dzimwe nzira dzaakaratidza nadzo rudo rwake rukuru. Mubhuku racho rose, mune mashoko anobatsira muKristu kuti atevedzere Jesu.

Tine chivimbo chokuti bhuku iri richatibatsira tose zvedu kuti tizviongorore tozvibvunza kuti: ‘Ndiri kunyatsotevera Jesu here? Ndingaita sei kuti ndimutevere zvakakwana?’ Richabatsirawo vaya vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi” kuti vave vateveri vaKristu.—Mab. 13:48.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Jesu akabvuma kuuya pasi pano kuzoberekwa sekacheche. Izvozvo zvaida kuti ave nounhu hupi?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Chii chichatikurudzira kuti tishingaire muushumiri?