Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ita Kuti Mashoko aJesu Aumbe Unhu Hwako

Ita Kuti Mashoko aJesu Aumbe Unhu Hwako

Ita Kuti Mashoko aJesu Aumbe Unhu Hwako

“Akatumwa naMwari anotaura mashoko aMwari.”—JOH. 3:34.

1, 2. Mashoko aJesu eMharidzo yepaGomo angafananidzwa nechii, uye anganzi “mashoko aMwari” chaiwo sei?

MASHOKO ari muMharidzo yepaGomo yaJesu anokosha kupfuura chero dombo rinokosha ripi zvaro ratingawana. Izvi hazvishamisi, nokuti mashoko aKristu aibva kuna Jehovha! Achizvireva iye, Jesu akati: “Uya akatumwa naMwari anotaura mashoko aMwari.”—Joh. 3:34-36.

2 Kunyange zvazvo Mharidzo yepaGomo ingadaro yakapiwa mumaminitsi asingapfuuri 30, ine mashoko akasiyana-siyana akatorwa mumabhuku masere eMagwaro echiHebheru ka21. Saka mharidzo iyi “mashoko aMwari” chaiwo. Iye zvino ngationei kuti tingashandisa sei mamwe mashoko anokosha ari mumharidzo younyanzvi iyi yoMwanakomana waMwari anodiwa.

“Tanga Waita Kuti Uve Norugare Nehama Yako”

3. Anyevera vadzidzi vake nezvezvingakonzerwa nehasha, Jesu akapa zano rokutii?

3 SevaKristu, tinofara uye tinoita kuti tive norugare nevamwe nokuti tine mudzimu mutsvene waMwari, uye chibereko chawo chinosanganisira mufaro norugare. (VaG. 5:22, 23) Jesu akanga asingadi kuti vadzidzi vake vashaye mufaro uye vatadze kugarisana, saka akavanyevera kuti kana munhu akaramba akatsamwa angaguma afa. (Verenga Mateu 5:21, 22.) Akazoti: “Zvino, kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.”Mat. 5:23, 24.

4, 5. (a) “Chipo” chaitaurwa naJesu mumashoko ari pana Mateu 5:23, 24 chii? (b) Kutanga waita kuti uve norugare nehama yaunenge wagumbura kunokosha zvakadini?

4 “Chipo” chaitaurwa naJesu chaireva chero chinhu chaipiwa patemberi muJerusarema. Somuenzaniso, zvibayiro zvemhuka zvaikosha nokuti panguva iyoyo chaiva chimwe chezvinhu zvaiitwa nevanhu vaJehovha pakunamata. Asi Jesu akasimbisa chinhu chaikosha kuzvipfuura, chokuita kuti uve norugare nehama yaunenge wagumbura usati wapa chipo chako.

5 Mashoko okuti “ita kuti uve norugare” anoreva ‘kuita kuti munzwanane.’ Saka mashoko aJesu aya angatidzidzisei? Kuti mabatiro atinoita vamwe anobatsira kuti tive noukama naJehovha kana kuti anohukanganisa. (1 Joh. 4:20) Zvaipiwa Mwari makarekare zvaiva zvisina zvazvaibatsira kana aizvipa wacho akanga asingabati hama dzake zvakanaka.—Verenga Mika 6:6-8.

Tinofanira Kuzvininipisa

6, 7. Nei tichifanira kuzvininipisa patinenge tichiedza kuita kuti tivezve norugare nehama yatinenge takanganisira?

6 Kuita kuti tive norugare nehama yatinenge tagumbura kunowanzoda kuti tiratidze kana tichizvininipisa. Vanhu vanozvininipisa havaiti nharo nevavanonamata navo kuitira kuti varatidze kuti vane kodzero dzavo. Izvozvo zvingaita kuti zvinhu zvisafamba zvakanaka, sezvakaitika pavaKristu vomuKorinde yekare. Nezvezvaiitika muKorinde, muapostora Pauro akataura mashoko aya anoda kuti tifungisise: “Zvinoreva kuti makundikana zvachose zvamuri kumhan’arirana. Nei musingasvi henyu mabvuma kuitirwa zvakaipa? Nei musingasvi henyu mabvuma kubiridzirwa?”—1 VaK. 6:7.

7 Jesu haana kuti tinofanira kuenda kuhama yedu kungonomuratidza kuti isu takarurama iye ndiye akanganisa. Chinangwa chedu chinofanira kuva chokuita kuti tive norugare. Kuti pave norugare, tinofanira kutaura zviri pamwoyo pedu chaizvo. Tinofanirawo kubvuma kuti munhu wacho akarwadziwa. Uye kana takakanganisa, zvechokwadi tinofanira kukumbira ruregerero tichizvininipisa.

‘Kana Ziso Rako Rokurudyi Richiita Kuti Ugumburwe’

8. Taura zvairehwa naJesu pana Mateu 5:29, 30.

8 Mumharidzo yake yepaGomo, Jesu akapa zano rakanaka nezvetsika. Aiziva kuti nhengo dzisina kukwana dzemiviri yedu dzinogona kutifurira zvine ngozi. Naizvozvo Jesu akati: “Zvino kana ziso rako rokurudyi iroro richiita kuti ugumburwe, ribvise urirasire kure newe. Nokuti zvinokubatsira kwazvo kuti urasikirwe hako neimwe nhengo yako pane kuti muviri wako wose ukandwe muGehena. Uyewo, kana ruoko rwako rworudyi ruchiita kuti ugumburwe, rugure ururasire kure newe. Nokuti zvinokubatsira kwazvo kuti urasikirwe hako neimwe nhengo yako pane kuti muviri wako wose ukandwe muGehena.”Mat. 5:29, 30.

9. “Ziso” redu kana kuti “ruoko” rwedu zvingaita sei kuti ‘tigumburwe’?

9 “Ziso” riri kutaurwa naJesu kukwanisa kwatinoita kuramba takatarisa chimwe chinhu, uye “ruoko” rune chokuita nezvatinoita nemaoko edu. Kana tikasangwarira, nhengo idzi dzemiviri yedu dzingaita kuti ‘tigumburwe’ torega ‘kufamba naMwari.’ (Gen. 5:22; 6:9) Saka patinoedzwa kuti tisateerera Jehovha, pane zvatinotofanira kuita, sezvinonzi tiri kubvisa ziso redu kana kuti kurasa ruoko rwedu.

10, 11. Chii chingatibatsira kuti tisaita unzenza?

10 Tingaita sei kuti maziso edu asaramba akatarira zvinhu zvounzenza? “Ndakaita sungano nemaziso angu,” akadaro murume aitya Mwari Jobho. “Saka ndingaramba sei ndakatarira mhandara?” (Job. 31:1) Jobho aiva akaroora uye akanga akatsunga kusatyora mitemo yaMwari yezvetsika. Tingava takaroora kana kuroorwa kana kuti tisina, ndiwo maonero atinofanira kuzviita. Kuti tisaita unzenza, tinofanira kutungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari, unoita kuti vaya vanoda Mwari vazvidzore.—VaG. 5:22-25.

11 Kuti tisaita unzenza, tingazvibvunza kuti, ‘Ndinorega maziso angu achiita kuti ndide kuverenga zvinhu zvounzenza kana kuzviona paterevhizheni kana paIndaneti here?’ Ngatiyeukei mashoko omudzidzi Jakobho anoti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.” (Jak. 1:14, 15) Chokwadi, kana munhu akazvitsaurira kuna Mwari ‘akaramba akatarira’ mumwe munhu nevavariro dzounzenza, anofanira kunyatsochinja, kuita sezvinonzi abvisa ziso rake akarirasira kure.—Verenga Mateu 5:27, 28.

12. Nderipi zano raPauro ringatibatsira kurwisa unzenza?

12 Sezvo kushandisa maoko edu zvisina kunaka kungaita kuti tigume takanganisa mitemo yaJehovha, tinofanira kutsunga kuramba tiine tsika dzakanaka. Naizvozvo tinofanira kuteerera zano raPauro rokuti: “Urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora uko kunoreva kunamata zvidhori.” (VaK. 3:5) Shoko rokuti “urayai” rinosimbisa matanho akasimba atinofanira kutora kuti tirwise kuda kuita zvounzenza.

13, 14. Nei zvichikosha kuti tirege kufunga uye kuita zvounzenza?

13 Munhu angabvuma kuti adimburwe imwe nhengo yomuviri wake pakurapwa, kuitira kuti achengetedze upenyu hwake. Zvinokosha kuti tiite setiri ‘kurasira kure’ ziso redu uye ruoko kuitira kuti tisafunga kana kuita zvounzenza, zvingaita kuti tigume tarasikirwa noukama hwedu naMwari. Kuramba takachena mupfungwa, tiine tsika dzakanaka, uye takachena pakunamata ndiyo chete nzira ichaita kuti tipukunyuke kuparadzwa kusingaperi kunofananidzwa neGehena.

14 Kuramba tiine tsika dzakanaka ibasa chairo nokuti tinozvarwa tiine chivi uye tisina kukwana. “Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiuita somuranda,” akadaro Pauro, “kuti zvimwe, pashure pokunge ndaparidzira vamwe, ini ndirege kuva asingatenderwi.” (1 VaK. 9:27) Naizvozvo ngatitsungei kuita zvakataurwa naJesu panyaya yetsika, tisambozvibvumira kuita zvinoratidza kuti hatisi kukoshesa chibayiro chake chorudzikinuro.—Mat. 20:28; VaH. 6:4-6.

“Garai Muchipa”

15, 16. (a) Jesu akaratidza muenzaniso wei panyaya yokupa? (b) Mashoko aJesu akanyorwa pana Ruka 6:38 anorevei?

15 Mashoko aJesu nomuenzaniso wake wakanaka zvinotikurudzira kuti tive norupo. Akaratidza rupo chaizvo paakauya pasi pano kuti vanhu vasina kukwana vabatsirwe. (Verenga 2 VaKorinde 8:9.) Jesu akasiya kukudzwa kwake kwokudenga achizvidira akauya kuzova munhu nokupa upenyu hwake kuvanhu vanotadza, vamwe vacho vaizowana pfuma kudenga sevagari venhaka pamwe chete naye muUmambo. (VaR. 8:16, 17) Uye Jesu akakurudzira vanhu kuva norupo paakati:

16 “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo. Vachadurura chiyero chakanaka muhomwe inovapo kana nguo yenyu yapetwa, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinofashukira. Nokuti nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.” (Ruka 6:38) ‘Kudurura muhomwe’ kunoreva tsika yaiitwa nevamwe vaitengesa yokudira zvinhu munguo yokunze yomutengi yaiva yakapetwa, yaisungwa nebhandi yoitwa homwe yokutakurira zvinhu. Kupa kwedu tisina kuita zvokukukumbirwa kungaita kuti tigume tapiwawo chiyero chakanaka, zvichida patinenge tiine zvatinoda.—Mup. 11:2.

17. Jehovha akaratidza sei muenzaniso wakanaka wokupa, uye kupa kwerudzii kungaita kuti tifare?

17 Jehovha anoda vaya vanopa vachifara uye anovakomborera. Iye pachake akaratidza muenzaniso wakanaka, wokupa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga “kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Pauro akanyora kuti: “Anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji. Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.” (2 VaK. 9:6, 7) Kupa nguva yedu, simba, nepfuma yedu kuti titsigire kunamata kwechokwadi kunotoita kuti tifare uye tikomborerwe zvikuru.—Verenga Zvirevo 19:17; Ruka 16:9.

“Usaridza Bhosvo Pamberi Pako”

18. ‘Hatizowani mubayiro’ kuna Baba vedu vokudenga kana tikaita sei?

18 “Chenjerai kuti murege kuita zvakarurama pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana mukadaro hamuzowani mubayiro kuna Baba venyu vari kumatenga.” (Mat. 6:1) Jesu paakati “zvakarurama,” aireva mufambiro unoenderana nezvinodiwa naMwari. Akanga asingarevi kuti zvinhu zvinodiwa naMwari hazvifaniri kuitwa pachena, nokuti akanga audza vadzidzi vake kuti ‘chiedza chavo chivheneke pamberi pevanhu.’ (Mat. 5:14-16) Asi ‘hatizowani mubayiro’ kuna Baba vedu vokudenga kana tikaita zvinhu ‘kuti tionekwe’ uye tiyemurwe nevanhu, sezvinoitwa nevanhu vari mumutambo. Kana tiine vavariro dzakadaro, hatizovi noukama hwakanaka naMwari uye hatizowani zvikomborero zvisingaperi zvichaunzwa noUmambo.

19, 20. (a) Jesu airevei paakataura ‘nezvokusaridza bhosvo’ pakupa ‘zvipo zvengoni’? (b) Tinoita sei kuti ruboshwe rusaziva zviri kuitwa norudyi?

19 Kana tiine maonero akanaka, tichatevera zano raJesu rokuti: “Nokudaro paunopa varombo zvipo uchivanzwira ngoni, usaridza bhosvo pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagogi nomumigwagwa, kuti vakudzwe nevanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana.” (Mat. 6:2) ‘Zvipo zvengoni’ zvinhu zvaibviswa zvichipiwa vaishayiwa. (Verenga Isaya 58:6, 7.) Jesu nevaapostora vake vaiva nehomwe yemari yokubatsira varombo. (Joh. 12:5-8; 13:29) Sezvo vakanga vasingatangi varidza bhosvo kuti vazopa varombo zvipo, zviri pachena kuti Jesu aishandisa gudziramukanwa paakati hatifaniri ‘kuridza bhosvo’ pamberi pedu patinenge tichipa ‘zvipo zvengoni.’ Hatifaniri kushambadza zvipo, sezvaiita vaFarisi vechiJudha. Jesu akavati vanyengeri nokuti vaishambadza zvipo zvavaipa varombo “mumasinagogi nomumigwagwa.” Vanyengeri ivavo vakanga “vari kuwana mubayiro wavo wakakwana.” Kurumbidzwa kwavaiitwa nevanhu uye zvichida kupiwa zvigaro zvepamberi pedyo navanarabhi vakakurumbira musinagogi ndiwo chete mubayiro wavaizowana, nokuti Jehovha hapana chaaizovapa. (Mat. 23:6) Asi vadzidzi vaKristu vaifanira kuita sei? Jesu akavaudza zvavaifanira kuita uye zvatinofanira kuitawo:

20 “Asi iwe, paunopa varombo zvipo uchivanzwira ngoni, usaita kuti ruoko rwako rworuboshwe ruzive zviri kuitwa norudyi rwako, kuti zvipo zvako zvaunopa varombo uchivanzwira ngoni zvive pakavanda; ipapo Baba vako vari kuona vari pakavanda vachakuripa.” (Mat. 6:3, 4) Kazhinji maoko edu anoshanda pamwe chete. Naizvozvo, kuita kuti ruoko rworuboshwe rusaziva zviri kuitwa norudyi zvinoreva kuti hatishambadzi kubatsira kwatinenge taita, kunyange kune vaya vari pedyo nesu sezvakaita ruoko rwedu rworudyi nerworuboshwe.

21. Kuripwa nouya ‘ari pakavanda’ kunosanganisirei?

21 Kana tisingazvirovi dundundu nezvezvatinenge tapa, tichapa ‘zvipo zvedu zvengoni’ tisingaonekwi nevamwe. Tikadaro, Baba vedu “vari kuona vari pakavanda,” vachatiripa. Sezvo vachigara kumatenga uye vasingaonekwi nevanhu, Baba vedu vokudenga vanoramba vari “pakavanda” kuvanhu. (Joh. 1:18) Kuripwa neari ‘kuona ari pakavanda’ kunosanganisira kuva noukama hwepedyo naJehovha, kukanganwirwa zvivi, uye kupiwa upenyu husingaperi. (Zvir. 3:32; Joh. 17:3; VaEf. 1:7) Izvozvo zvinopfuura nokure kurumbidzwa nevanhu!

Mashoko Anofanira Kukosheswa

22, 23. Nei tichifanira kukoshesa zvakataurwa naJesu?

22 Zvechokwadi Mharidzo yepaGomo izere nepfungwa dzine chokuita nokunamata dzakafanana nematombo anokosha. Hapana mubvunzo kuti ine mashoko anokosha angatifadza kunyange munyika ino ine matambudziko. Chokwadi, tichafara kana tikakoshesa zvakataurwa naJesu uye tikaita kuti zvitibatsire maonero edu nemararamiro edu.

23 Munhu wose “anonzwa” ‘oita’ zvakadzidziswa naJesu achakomborerwa. (Verenga Mateu 7:24, 25.) Saka ngatitsungei kutevera zano raJesu. Zvimwe zvaakataura muMharidzo yepaGomo zvichakurukurwa munyaya yokupedzisira yenyaya dzino dzakatevedzana.

Ungapindura Sei?

• Nei zvichikosha kuita kuti uve norugare nehama inenge yagumbuka?

• Tingaita sei kuti “ziso [redu] rokurudyi” risatigumbura?

• Tinofanira kuona sei nyaya yokupa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 11]

Zvakanaka chaizvo kuita “kuti uve norugare nehama yako” yaunenge wagumbura!

[Mifananidzo iri papeji 12 ne13]

Jehovha anokomborera vaya vanopa vachifara