Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mariro evaKristu Ane Mutsigo, Haasi Okushamisira, Uye Anofadza Mwari

Mariro evaKristu Ane Mutsigo, Haasi Okushamisira, Uye Anofadza Mwari

Mariro evaKristu Ane Mutsigo, Haasi Okushamisira, Uye Anofadza Mwari

ZVIRI kungoti ari pano imhere, ari pano imhere. Varipo vakapfeka hembe nhema dzesori, vachizvirovera pasi nokuchema. Vamwe vari kutamba uku ngoma ichidandaura. Ukuwo vamwe vari kudya vachipemberera vachifa zvavo nokuseka. Vamwewo ndivo vachiti rabada nokudhakwa nemachururuchumbwi ehwahwa newaini zvavashapira. Pari kumboitwei? Mune dzimwe nyika, izvi ndizvo zvinowanzoitika pamariro panenge pakaungana mazana evanhu vauya kuzoonekana nomufi.

Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinogara munzvimbo mune hama, shamwari nevavakidzani vanotenda mashura uye vanotya vakafa zvokuti. Mamiriyoni evanhu anoti kana munhu afa, anova mudzimu unogona kuvabatsira kana kuti kuvakuvadza. Pfungwa iyoyo yakabatana chaizvo nedzimwe tsika dzinoitwa pamariro. Hapana hapo chakaipa pakuchema munhu anenge afa. Jesu nevadzidzi vake vane pamwe pavakambochemawo vafirwa nevanhu vavaida. (Joh. 11:33-35, 38; Mab. 8:2; 9:39) Asi hapana pavakambotevedzera tsika dzemariro dzokunyanyisa dzaiitwa mazuva iwayo. (Ruka 23:27, 28; 1 VaT. 4:13) Nei? Chimwe chikonzero chacho ndechokuti vaiziva chokwadi nezverufu.

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva . . . Rudo rwavo nokuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara . . . MuSheori [muguva], iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.” (Mup. 9:5, 6, 10) Ndima dzeBhaibheri idzi dzakafuridzirwa dzinojekesa kuti kana munhu afa, haana chaanenge achaziva. Haafungi, haanzwi, haatauri kana kunzwisisa chimwe chinhu. Kunzwisisa chokwadi ichocho chinokosha cheBhaibheri kunofanira kutungamirira sei vaKristu panzira yavanoita nayo mariro?

“Musabata Chinhu Chisina Kuchena”

Pasinei nedzinza ravo kana kuti tsika dzavakakurira madziri, Zvapupu zvaJehovha hazvitomboiti tsika chero dzipi zvadzo dzine chokuita nokutenda kuti vakafa vane chavanoziva uye vane zvavanogona kuita kuvapenyu. Tsika dzakadai sokurara vanhu vakasvinura, kupemberera pamariro, kurova makuva, kupira midzimu yevakafa, uye tsika dzinoitirwa mudzimai anenge afirwa dzose hadzina kuchena uye hadzifadzi Mwari nokuti dzakabatana nepfungwa isingabvi muMagwaro, yechidhimoni yokuti mweya kana kuti mudzimu haufi. (Ezek. 18:4) VaKristu vechokwadi “ha[va]goni kudyira pa‘tafura yaJehovha’ uye patafura yemadhimoni,” saka havaiti tsika idzi. (1 VaK. 10:21) Vanoteerera murayiro wokuti: “Muzviparadzanise . . . musabata chinhu chisina kuchena.” (2 VaK. 6:17) Asi pane dzimwe nguva izvi zvakaoma.

MuAfrica uye dzimwe nyika, vanhu vakawanda vanotenda kuti kana pakasaitwa zvimwe zvirango, midzimu inotsamwa. Kurega kuita izvi kunonzi kutadza kukuru kungaita kuti mumusha mupinde mhepo kana kuti muve nomunyama. Vanhu vaJehovha vakawanda vakashorwa, vakatukwa, uye vakabva varamwiwa nevanhu vomuraini uye nehama dzepedyo nokuti vakanga varamba kuita zvirango zvepamariro zvisingabvi muMagwaro. Vamwe vakanzi havagoni kugarisana nevamwe uye havaremekedzi vakafa. Dzimwe nguva vamwe vasingatendi vakabvuta chitunha pamariro evaKristu kuti vaite zvavanoda pamariro acho. Saka tingaita sei kuti tirege kunetsana nevanhu vanenge vachiomerera pakuti pamariro paitwe tsika dzisingafadzi Mwari? Uye mubvunzo unonyanya kukosha ndewokuti tingaita sei kuti tirambe takaparadzana nezvirango uye tsika dzinogona kukanganisa ukama hwedu naJehovha?

Vaudze Paumire

Mune dzimwe nyika vane tsika yokuti masabhuku uye hama dzisiri dzepedyo vanofanirwawo kutaura zvichaitwa pamariro. Saka muKristu akatendeka anofanira kubva angojekesa kuti mariro acho acharongwa uye achaitwa neZvapupu zvaJehovha maererano nemitemo yeBhaibheri. (2 VaK. 6:14-16) Zvinoitwa pamariro evaKristu hazvifaniri kuvhiringidza hana dzevanhu vavanonamata navo kana kuti kugumbura vamwewo vanhu vanoziva zvatinotenda uye zvatinodzidzisa panyaya yevanhu vakafa.

Kana anomiririra ungano yechiKristu akakumbirwa kuti atungamirire mariro, vakuru vakagadzwa vanogona kubatsira vanenge vafirwa kuti vashandise mazano emuMagwaro kuitira kuti zvinhu zvose zviitwe nemazvo. Kana vamwe vanhu vasiri Zvapupu vakada kutanga dzimwe tsika dzisina kuchena, zvinokosha kuti mutsike madziro movatsanangurira noushingi zvatinoita sevaKristu muchiremekedza uye nomutsa. (1 Pet. 3:15) Ko kana hama dzisingatendi dzikaramba dzichisimbirira kuti tsika dzisina kuchena dziitwe? Kana zvadaro mhuri yeZvapupu ingasarudza kuvasiyira mariro acho yobvapo. (1 VaK. 10:20) Kana izvozvo zvikaitika, hurukuro yemariro ingapiwa kuImba yoUmambo kana kuti pane imwe nzvimbo yakakodzera kuitira kuti vaya vanenge vafirwa vawane “kunyaradza kunobva muMagwaro.” (VaR. 15:4) Kunyange zvazvo chitunha chacho chisipo, izvozvo zvine mutsigo uye hapana chakaipa pazviri. (Dheut. 34:5, 6, 8) Vanhu vasingatendi pavanopindira panyaya dzemariro vanotowedzera kushungurudza vanenge vafirwa, asi isu tinonyaradzwa nokuziva kuti kutsunga kwedu kuita zvakarurama kunenge kuchicherechedzwa naMwari, uyo anogona kutipa “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaK. 4:7.

Gara Wakanyora Zvaunoda Kuti Zvizoitwa

Kana munhu akagara akanyora zvaanoda kuti zvizoitwa pamariro ake, zvinova nyore kukurukura nevemumhuri vasiri Zvapupu, sezvo kazhinji kacho vachiremekedza zvakataurwa nomufi. Zvinofanira kugara zvakanyorwa zvinosanganisira mashoko anokosha akadai sokuti mariro acho anofanira kuitwa sei, rini, uye kupi uye kuti ndiani anofanira kutungamirira zvinhu zvose zvichaitwa ipapo. (Gen. 50:5) Kazhinji vanhu vanoteerera kana gwaro racho rakasayinwa uye rakapupurirwa. Vaya vanoronga remangwana noungwaru uye uchenjeri hunobva mumitemo yeBhaibheri vanoziva kuti havafaniri kumirira kuti vatange varwara zvokufa kana kuti vachembera kuti vazonyora zvavanoda kuti zviitwe pamariro avo.—Zvir. 22:3; Mup. 9:12.

Vamwe vanonzwa zvichivaomera kunyora zvinhu zvakadaro. Zvisinei, kuita izvozvo kunoratidza kuti uri muKristu anonyatsoziva zvaari kuita uye ane hanya nevamwe. (VaF. 2:4) Zviri nani kugara wagadzirisa zvinhu zvako pane kusiyira kuti zvizorongwa nemhuri inenge ichitochema, iyo ingazomanikidzwa kuita zvinhu zvisina kuchena zvawakanga usingatendi uye zvawaisazobvumira.

Mariro Ngaasava Okushamisira

Munyika dzakawanda dzomuAfrica, vanhu vanofunga kuti mariro anofanira kuwanda vanhu uye kushamisira kuitira kuti vadzimu vasatsamwa. Vamwe vanoshandisa mariro semukana ‘wokushamisira’ kuti vaonekwe zvavari uye mari yavainayo. (1 Joh. 2:16) Vanopedza nguva yakawanda nepfuma kuti vavige mufi zvinonzi nevanhu vari munyika “zvakanaka.” Kuti vanhu vauye vakawanda, vamwe vanonamira mapepa ane mifananidzo yomufi munzvimbo dzakasiyana-siyana, kuitira kuti vashambadzire mariro acho. MaT-shirt ane mufananidzo wemufi anoparadzirwa achipiwa vanhu kuitira kuti vaapfeke pavanenge vachichema. Mabhokisi anoshamisira, anodhura anotengwa kuti vanenge varipo vapedzwe mate mukanwa. Mune imwe nyika muAfrica, vamwe vakatosvika pakugadzira mabhokisi akafanana nemota, ndege, zvikepe, nezvimwewo zvinhu zvokuratidza hushoroma. Chitunha chacho chinogona kumbobudiswa choradzikwa pamubhedha unenge wakawaridzwa zvemaoresa. Kana ari mukadzi anogona kupfekedzwa rokwe romuchato nezvishongo zvakawanda, nezvuma, obva apodwa-podwa. Zvakakodzera here kuti munhu waMwari aite zvakadaro?

VaKristu vakasimba pakunamata vanoziva kuti uchenjeri kusiyana netsika dzokunyanyisa dzinoitwa nevanhu vasingambozivi kana kuti vasina hanya nemitemo yaMwari. Tinoziva kuti tsika dzokushamisira uye dzisiri dzomuMagwaro ‘hadzibvi kuna Mwari, asi dzinobva munyika iri kupfuura.’ (1 Joh. 2:15-17) Zvinoda kuti tinyatsongwarira kuti tisava nepfungwa isiri yechiKristu yemakwikwi, yokuti tinzi ndisu chaivo. (VaG. 5:26) Zvinowanzoitika zvinoratidza kuti kana vanhu vomunharaunda vachitya vakafa, mariro anowanzowandisa vanhu uye anonetsa kutarisira achizopedzisira asisadzoreki. Zviri nyore kuti kutya vakafa kuite kuti vanhu vasingatendi vaite zvinhu zvisina kuchena. Pamariro akadaro, panogona kuchemwa zvimwe zvokuzhambatata, vanhu vachimbundira chitunha, vachitaura nacho sokunge kuti chiri kuvanzwa, uye vachikanda mari nezvimwe zvinhu pachiri. Kana izvozvo zvikaitika pamariro omuKristu, zvingashoresa zita raJehovha nevanhu vake zvisingaiti.—1 Pet. 1:14-16.

Kuziva chokwadi nezvevakafa kunofanira kutishingisa chaizvo kuita zvinhu zvisingaratidzi tutsika twenyika pamariro edu. (VaEf. 4:17-19) Kunyange zvazvo Jesu ari iye munhu mukurusa uye anokosha zvikuru pane vose vakamborarama, akavigwa zvakanaka zvisingashamisiri. (Joh. 19:40-42) Vaya vane “pfungwa dzaKristu” havaoni paine chinonyadzisa pakuviga kwakadaro. (1 VaK. 2:16) Zvechokwadi kuita kuti mariro evaKristu asave okushamisira ndiyo nzira yakanakisisa yokuti tisaita zvinhu zvinonzi neMagwaro hazvina kuchena uye yokuita kuti zvinhu zvirambe zviine mutsigo, zvakanaka uye zvichikodzera vaya vanoda Mwari.

Panofanira Kufarwa Here?

Vamwe vane tsika yokuti kana munhu avigwa, voukama, vavakidzani nevamwewo voungana vakawanda voita mabiko vachitamba mimhanzi ichidandaurwa. Pakadaro panowanzodutirwa doro uku vanhu vachiita zvounzenza. Vamwe vanoti izvi zvinoitirwa kuti vanhu vakasuwa nokufirwa vanyevenutswe. Vamwewo vanongoti itsika dzavo. Zvisinei, vakawanda vanoti mabiko akadaro zvirango zvinofanira kuitwa kukudza uye kurumbidza nyakufa uye kuita kuti mweya wake ubatane nemadzitateguru mumhepo.

VaKristu vechokwadi vanoziva uchenjeri huri muMagwaro hwokuti: “Kunetseka kuri nani pane kuseka, nokuti mwoyo unova nani nokusuruvara kwechiso.” (Mup. 7:3) Uyezve vanoziva kuti kufungisisa chinyararire nezvokuti upenyu hupfupi sei uye tariro yorumuko kunobatsira. Zvechokwadi vaya vane ukama hwakasimba naJehovha vanoona “zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa.” (Mup. 7:1) Saka, kuziva kuti kupemberera pamariro kune chokuita nechidhimoni uye unzenza kunoita kuti vaKristu vasaronga mhemberero dzakadaro, kunyange kuvapo. Kuva pamwe chete nevanhu vari kupemberera pamariro kungaratidza kusaremekedza Mwari uye hana dzevamwe vatinonamata navo Jehovha.

Itai Kuti Vanhu Vaone Musiyano

Tinotenda zvikuru kuti takasunungurwa pakutya vakafa kunoitwa nevakawanda vari murima rokusaziva Mwari! (Joh. 8:32) “Sevana vechiedza,” tinoratidza kusuwa kwedu uye kurwadziwa nenzira inoratidza kuti tine chiedza chinobva kuna Mwari, nzira yokuremekedza, isiri yokushamisira uye inoratidza kuti tine tariro yorumuko. (VaEf. 5:8; Joh. 5:28, 29) Tariro yakadaro ichaita kuti tisabva tanyanyisa pakuratidza kurwadziwa kwedu sezvinoita vaya “vasina tariro.” (1 VaT. 4:13) Ichaita kuti tive noushingi pakutsigira kunamata kwakachena, tisingatyi munhu.—1 Pet. 3:13, 14.

Kutevedzera zviri muMagwaro nokutendeka kuchaita kuti vanhu vave nomukana ‘wokuona kusiyana kwouya anoshumira Mwari nouya asiri kumushumira.’ (Mar. 3:18) Pachasvika zuva rokuti kuchange kusisina rufu. (Zvak. 21:4) Tichimirira kuzadziswa kwechipikirwa ichocho chinoshamisa, dai Jehovha akatiwana tisina kana ruvara, tisina gwapa uye takaparadzana nenyika ino yakaipa netsika dzayo dzinoshora Mwari.—2 Pet. 3:14.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Kuita zvokunyora pasi zvatinoda kuti zvizoitwa pamariro edu kunoratidza kuchenjera

[Mufananidzo uri papeji 31]

Mariro evaKristu haafaniri kuva okushamisira asi anofanira kuva nomutsigo