Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mashoko aJesu—Kubatsira Kwaanoita Kuti Uve Nomufaro

Mashoko aJesu—Kubatsira Kwaanoita Kuti Uve Nomufaro

Mashoko aJesu—Kubatsira Kwaanoita Kuti Uve Nomufaro

“[Jesu] akakwira mugomo; . . . vadzidzi vake vakauya kwaari; . . . akatanga kuvadzidzisa.”—MAT. 5:1, 2.

1, 2. (a) Jesu paakapa Mharidzo yake yepaGomo zvinhu zvaive zvakamira sei? (b) Jesu akatanga hurukuro yake achitii?

IGORE ra31 C.E. Kwekanguva Jesu anombomira basa rake rokuparidza muGarireya kuti achengete Paseka muJerusarema. (Joh. 5:1) Adzoka kuGarireya, anonyengetera usiku hwose kuti Mwari amutungamirire kusarudza vaapostora 12. Mangwana acho, vanhu vanounganira Jesu paanenge achirapa vanorwara. Anogara mujinga megomo otanga kudzidzisa, paine vadzidzi vake nevamwewo vanhu.—Mat. 4:23–5:2; Ruka 6:12-19.

2 Jesu paanotanga hurukuro yake, kureva Mharidzo yepaGomo, anoti kuti munhu afare, anofanira kuva noukama hwakanaka naMwari. (Verenga Mateu 5:1-12.) Mufaro ‘manzwiro anoita munhu kana zvinhu zvichimufambira zvakanaka.’ Zvinhu zvipfumbamwe zvakanzi naJesu zvinopa mufaro zvinoratidza chinoita kuti vaKristu vafare, uye mashoko aya anobatsira chaizvo mazuva ano sezvaaingoita makore anenge 2 000 akapfuura. Iye zvino ngatikurukurei chimwe nechimwe chazvo.

“Vaya Vanoziva Zvinodiwa Zvavo Zvomudzimu”

3. Kuziva zvinodiwa zvedu zvomudzimu kunorevei?

3 “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” (Mat. 5:3) “Vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu” vanoziva kuti havana ukama hwakanaka naMwari uye vanofanira kunzwirwa ngoni naye.

4, 5. (a) Nei vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu vachifara? (b) Tingaita sei kuti tizive zvinodiwa zvedu zvomudzimu?

4 Vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu vanofara, “nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” Kubvuma kuti Jesu ndiye Mesiya kwakaita kuti vaya vakatanga kuva vadzidzi vake vave nomukana wokutonga naye muUmambo hwaMwari hwokudenga. (Ruka 22:28-30) Tinogona kufara kana tichinyatsoziva zvinodiwa zvedu zvomudzimu uye tichinyatsoziva kuti tinofanira kuvimba naMwari zvizere, pasinei nokuti tine tariro yokunotonga pamwe naKristu kudenga kana kuti yokuzorarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano tichitongwa noUmambo hwake.

5 Vamwe havazivi zvinodiwa zvavo zvomudzimu, nokuti vakawanda havana kutenda uye havakoshesi zvinhu zvitsvene. (2 VaT. 3:1, 2; VaH. 12:16) Dzimwe nzira dzatingaziva nadzo zvinodiwa zvedu zvomudzimu dzinosanganisira kushingaira kudzidza Bhaibheri, kushingaira mubasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, uye kugara tichipinda misangano yechiKristu.—Mat. 28:19, 20; VaH. 10:23-25.

“Vanofara” Asi Vachichema

6. “Vaya vanochema” ndivanaani, uye nei ‘vachifara’?

6 “Vanofara vaya vanochema, nokuti vachanyaradzwa.” (Mat. 5:4) “Vaya vanochema” ndivo “vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” Hakusi kuti vanochema vachinyunyuta pamusoro pomugove wavo woupenyu. Vanochema nokuti vakasuruvara kuti vanotadza uye vanochemera mamiriro akaita zvinhu anokonzerwa nokuti vanhu havana kukwana. Nei vanhu ava vanochema ‘vachifara’? Nokuti vanotenda muna Mwari naKristu uye vanonyaradzwa nokuti vane ukama hwakanaka naJehovha.—Joh. 3:36.

7. Tinofanira kunzwa sei nezvenyika yaSatani?

7 Isu tinochema here nemhaka yokusarurama kwakazara munyika yaSatani? Tinonzwa sei nezvezviri kuwanika munyika ino? Muapostora Johani akanyora kuti: “Zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba.” (1 Joh. 2:16) Asi zvakadini kana tikaona sokuti manamatiro edu ava kukanganiswa no“mudzimu wenyika,” kureva maitiro evanhu vasingafarirwi naMwari? Kana zvakadaro ngatinyengeterei nomwoyo wose, todzidza Shoko raMwari, totsvaka rubatsiro rwevakuru. Kana tikaramba tichiswedera pedyo naJehovha, ‘tichanyaradzwa,’ pasinei nokuti chii chiri kutitambudza.—1 VaK. 2:12; Pis. 119:52; Jak. 5:14, 15.

“Vanyoro” Vanofara Chaizvo!

8, 9. Zvinorevei kuva munyoro, uye nei vanyoro vachifara?

8 “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mat. 5:5) ‘Unyoro’ hahurevi kupusa kana kuti kunyepera kupfava. (1 Tim. 6:11) Kana tiri vanyoro, tichazviratidza nokuita zvinodiwa naJehovha uye kubvuma kutungamirirwa naye. Unyoro huchaonekwawo mumabatiro atinoita vatinonamata navo nevamwe. Unyoro hwakadaro hunoenderana nezano romuapostora Pauro.—Verenga VaRoma 12:17-19.

9 Nei vanyoro vachifara? Nokuti “vachagara nhaka yenyika,” akadaro Jesu munhu aiva munyoro. Ndiye Mukuru pane vose vachagara nhaka yenyika. (Pis. 2:8; Mat. 11:29; VaH. 2:8, 9) Zvisinei, vanyoro vanenge vari “vagari venhaka pamwe chete naKristu” vachagarawo nhaka yenyika pamwe chete naye. (VaR. 8:16, 17) Pavanenge vachitongwa noUmambo hwaJesu vari pasi pano, vanyoro vakawanda vachawana upenyu husingaperi.—Pis. 37:10, 11.

10. Kushayiwa unyoro kungatitadzisa sei kuita mamwe mabasa muungano uye kungakanganisa sei ukama hwedu nevamwe?

10 Tinofanira kuva vanyoro saJesu. Asi zvakadini kana tichizivikanwa sevanhu vane hasha? Izvozvo zvingaita kuti vanhu vatambire kure nesu. Kana tiri hama dziri kuda kupiwa mabasa okuita muungano, unhu uhwu hunoita kuti tisakodzera kuapiwa. (1 Tim. 3:1, 3) Pauro akaudza Tito kuti arambe achiyeuchidza vaKristu vokuKrete “kuti varege kurwa, kuti vave vanonzwisisa, vachiratidza unyoro kuvanhu vose zvizere.” (Tito 3:1, 2) Chokwadi kuva munhu munyoro chikomborero kune vamwe!

Vane Nzara “Yokururama”

11-13. (a) Kuva nenzara nenyota yokururama zvinorevei? (b) Vaya vane nzara nenyota yokururama “vachagutiswa” sei?

11 “Vanofara vaya vane nzara nenyota yokururama, nokuti vachagutiswa.” (Mat. 5:6) “Kururama” kwaitaurwa naJesu kuita zvakanaka maererano nezvinodiwa naMwari nemirayiro yake. Munyori wepisarema akati akanga “apera simba nokusuwa” zvakatongwa naMwari zvakarurama. (Pis. 119:20) Tinokoshesa kururama zvokutosvika pakuva nenzara nenyota yakwo here?

12 Jesu akati vaya vane nzara nenyota yokururama vaizofara nokuti “vachagutiswa.” Izvi zvakaitika pashure pePendekosti ya33 C.E., nokuti ipapo mudzimu mutsvene waJehovha wakatanga kupa “nyika uchapupu hwechokwadi pamusoro . . . pokururama.” (Joh. 16:8) Mwari akashandisa mudzimu wake mutsvene kufuridzira varume kuti vanyore Magwaro echiKristu echiGiriki, ayo anobatsira chaizvo “pakuranga nokururama.” (2 Tim. 3:16) Mudzimu waMwari unoitawo kuti tikwanise “kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi.” (VaEf. 4:24) Hazvinyaradzi here kuziva kuti vaya vanoda kukanganwirwa zvivi zvavo nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaJesu vanogona kunzi naMwari vakarurama?—Verenga VaRoma 3:23, 24.

13 Kune vakawanda vedu, nzara yedu nenyota yokururama ichapedzwa zvachose patichange tava kurarama nokusingaperi zvinhu zvanaka pasi pano. Iye zvino ngatitsungei kurarama zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha. Jesu akati: “Rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwa[Mwari].” (Mat. 6:33) Izvozvo zvichaita kuti tive nezvakawanda zvokuita mubasa raMwari uye zvichazadza mwoyo yedu nomufaro.—1 VaK. 15:58.

Chinoita Kuti “Vane Ngoni” Vafare

14, 15. Tingaratidza sei ngoni, uye nei “vane ngoni” vachifara?

14 “Vanofara vane ngoni, nokuti vachanzwirwa ngoni.” (Mat. 5:7) “Vane ngoni” vanonzwira vamwe tsitsi uye vanosiririswa navo. Jesu akaita zvishamiso zvaiita kuti vamwe vasatambura nokuti akasiririswa navo. (Mat. 14:14) Ngoni dzinoratidzwa panokanganisirana vanhu vokanganwirana, sezvinoita Jehovha anokanganwira nengoni vaya vanopfidza. (Eks. 34:6, 7; Pis. 103:10) Tinogonawo kuratidza ngoni nokutaura uye kuita zvinoratidza mutsa kune vanenge vachitambudzika. Nzira yakanaka zvikuru yokuratidza nayo ngoni ndeyokuudzawo vamwe chokwadi cheBhaibheri. Asiririswa nerimwe boka, Jesu “akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.”—Mako 6:34.

15 Jesu akareva paakati: “Vanofara vane ngoni, nokuti vachanzwirwa ngoni.” Kana tichiitira vamwe ngoni, kazhinji kacho vanotiitirawo ngoni. Tingatozoona kuti Mwari paachatitonga, angasarudza kusatitonga zvakaipa kana takaitira vamwe ngoni. (Jak. 2:13) Vane ngoni ndivo chete vachakanganwirwa zvivi uye vachawana upenyu husingaperi.—Mat. 6:15.

Chinoita Kuti “Vakachena Mumwoyo” Vafare

16. Zvinorevei kuva “vakachena mumwoyo,” uye vane unhu ihwohwo “vachaona Mwari” sei?

16 “Vanofara vakachena mumwoyo, nokuti vachaona Mwari.” (Mat. 5:8) Kana ‘takachena mumwoyo,’ zvinhu zvatinoda, zvatinoshuva, uye zvatinovavarira kuita zvicharatidza kuti takachena. Ticharatidza “rudo runobva mumwoyo wakachena.” (1 Tim. 1:5) Kana takachena mumwoyo, ‘tichaona Mwari.’ Izvi hazvirevi hazvo kuona Jehovha nemaziso edu aya, nokuti ‘hakuna munhu angaona Mwari akararama.’ (Eks. 33:20) Sezvo Jesu ainyatsoratidza unhu hwaMwari, aigona kuti: “Aona ini aonawo Baba.” (Joh. 14:7-9) Sevanamati vaJehovha vari pasi pano, tinogona ‘kuona Mwari’ nokucherechedza zvaanotiitira. (Job. 42:5) VaKristu vakazodzwa vachazonyatsoona Mwari pavachamutswa vopiwa upenyu hwomudzimu vonyatsoona Baba vavo vokudenga.—1 Joh. 3:2.

17. Ticharatidza sei kuti takachena mumwoyo?

17 Mwoyo wakachena haugari uchifunga nezvezvinhu zvisina kuchena mumaziso aJehovha kana kuita zvisina kuchena. (1 Mak. 28:9; Isa. 52:11) Kana takachena mumwoyo, zvatinotaura nezvatinoita zvicharatidza kuti ndozvatiri, uye hatizoshumiri Jehovha nounyengeri.

“Vanoita Kuti Pave Norugare” Vanova Vanakomana vaMwari

18, 19. Vanhu “vanoita kuti pave norugare” vanozvibata sei?

18 “Vanofara vanoita kuti pave norugare, nokuti vachanzi ‘vanakomana vaMwari.’” (Mat. 5:9) “Vanoita kuti pave norugare” vanozivikanwa nezvavanoita uye zvavasingaiti. Kana tiri vanhu vaitaurwa nezvavo naJesu, tinoita kuti pave norugare uye ‘hatizotsivi zvinokuvadza nezvinokuvadza kune mumwe munhu.’ Asi ‘tichagara tichitevera zvakanaka kune vamwe.’—1 VaT. 5:15.

19 Cherechedza kuti pana Mateu 5:9 panoti “vanoita kuti pave norugare.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kudaro haringorevi kuva norugare kana kuti kuva akanyarara. Kuti tinzi tinoita kuti pave norugare, tine zvatinofanira kuita kuti rugare rwacho ruvepo. Vanhu vanoita kuti pave norugare ‘havaparadzanisi vaya vanoshamwaridzana.’ (Zvir. 16:28) Sevanhu vanoita kuti pave norugare, tinotora matanho ‘okutevera rugare nevanhu vose.’—VaH. 12:14.

20. Iye zvino “vanakomana vaMwari” ndivanaani, uye ndivanaanizve vachazopedzisira vava vana vaMwari?

20 Vanhu vanoita kuti pave norugare vanofara nokuti “vachanzi ‘vanakomana vaMwari.’” VaKristu vakazodzwa vakatendeka vakagamuchirwa naJehovha uye “vanakomana vaMwari.” Vane ukama hwakanaka naJehovha sevana vake nokuti vanotenda muna Kristu uye vanonamata “Mwari worudo neworugare” nomwoyo wose. (2 VaK. 13:11; Joh. 1:12) Zvakadini ne“mamwe makwai” aJesu anoita kuti pave norugare? Jesu achava “Baba [vavo] Vasingagumi” paanenge achitonga Kwemakore Ane Chiuru, asi panopera makore acho achazviisa pasi paJehovha uye ivo vachava vana vaMwari zvakakwana.—Joh. 10:16; Isa. 9:6; VaR. 8:21; 1 VaK. 15:27, 28.

21. Ticharatidza sei kuti tiri ku“rarama maererano nomudzimu”?

21 Kana “tichirarama maererano nomudzimu,” vamwe vachabva vangoona kuti tiri vanhu vanoita kuti pave norugare. ‘Hatizomutsi makwikwi pakati pedu,’ kana kuti ‘kutsamwisana.’ (VaG. 5:22-26; Bhaibheri Dzvene) Asi tichaita zvatinogona kuti tive “norugare nevanhu vose.”—VaR. 12:18.

Vanofara Kunyange Vachitambudzwa!

22-24. (a) Chii chinoita kuti vaya vanotambudzirwa kururama vafare? (b) Munyaya mbiri dzokudzidza dzinotevera, tichakurukurei?

22 “Vanofara vaya vakatambudzwa nokuda kwokururama, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” (Mat. 5:10) Jesu anowedzera kuti: “Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kumatenga; nokuti vakatambudza vaprofita vakakutangirai saizvozvo.”Mat. 5:11, 12.

23 VaKristu vanotarisira kuti vachazvidzwa, vachatambudzwa, uye vachareverwa nhema “nokuda kwokururama,” sezvakaitwa vaprofita vaMwari vekare. Zvisinei, kana tikatsungirira miedzo yakadaro takatendeka, tichagutsikana kuti tiri kufadza Jehovha uye kumukudza. (1 Pet. 2:19-21) Kutambura kwedu hakuiti kuti tiderere pakushumira kwatinoita Jehovha iye zvino uye mune ramangwana. Hakugoniwo kuderedza mufaro wokutonga naKristu muUmambo hwokudenga kana kuti wokupiwa upenyu husingaperi pasi pano tichitungamirirwa nehurumende iyoyo. Zvikomborero zvakadaro zvinoratidza kuti Mwari ane nyasha, ane mutsa uye ane rupo.

24 Mharidzo yepaGomo ine zvimwe zvakawanda zvatinogona kudzidza. Munyaya mbiri dzokudzidza dzinotevera, tichakurukura zvimwe zvidzidzo zvacho. Ngationei kuti tingashandisa sei zvakataurwa naJesu Kristu.

Ungapindura Sei?

• Nei “vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu” vachifara?

• Chii chinoita kuti “vanyoro” vafare?

• Nei vaKristu vachifara kunyange vachitambudzwa?

• Pane zvakataurwa naJesu kuti zvinopa mufaro, ndechipi chinonyanya kukufadza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvinhu zvipfumbamwe zvakanzi naJesu zvinopa mufaro zvichiri kutibatsira sezvazvaingoita panguva yake

[Mufananidzo uri papeji 8]

Kuudzawo vamwe chokwadi chiri muBhaibheri ndeimwe nzira yakanaka kwazvo yokuratidza nayo ngoni