Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Minyengetero Yako Inoratidza Kuti Unonzwisisa Mashoko aJesu Here?

Minyengetero Yako Inoratidza Kuti Unonzwisisa Mashoko aJesu Here?

Minyengetero Yako Inoratidza Kuti Unonzwisisa Mashoko aJesu Here?

“Jesu paakapedza mashoko aya, boka revanhu rakashamiswa nemadzidzisiro ake.”—MAT. 7:28.

1, 2. Nei mapoka evanhu akashamiswa nemadzidzisiro aJesu?

TINOFANIRA kubvuma zvakataurwa noMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu, tozviita muupenyu hwedu. Chokwadi hapana mumwe munhu akambotaura sezvaaiita. Vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro aakaita paMharidzo yepaGomo!—Verenga Mateu 7:28, 29.

2 Mwanakomana waJehovha haana kudzidzisa sezvaiita vanyori, vaingoropota vachidzidzisa dzidziso dzevanhu vasina kukwana. Kristu akadzidzisa “somunhu ane chiremera” nokuti zvaaitaura zvaibva kuna Mwari. (Joh. 12:50) Naizvozvo ngationei kuti zvimwe zvakazotaurwa naJesu paMharidzo yepaGomo zvingatibatsira sei uye tinofanira kuzvishandisa sei patinonyengetera.

Musambonyengetera Sezvinoita Vanyengeri

3. Rondedzera muchidimbu mashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 6:5.

3 Munyengetero unokosha pakunamata kwedu, uye tinofanira kugara tichinyengetera kuna Jehovha. Asi minyengetero yedu inofanira kuratidza kuti tinonzwisisa zvakataurwa naJesu paMharidzo yepaGomo. Akati: “Pamunonyengetera, musava sevanyengeri; nokuti ivo vanoda kunyengetera vakamira mumasinagogi nepamharadzano dzenzira dzakafara kuti vaonekwe nevanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, Ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana.”Mat. 6:5.

4-6. (a) Nei vaFarisi vaifarira kunyengetera “vakamira mumasinagogi nepamharadzano dzenzira dzakafara”? (b) Vanyengeri vakadaro vainzi “vari kuwana mubayiro wavo wakakwana” pakudini?

4 Pavainyengetera, vadzidzi vaJesu vakanga vasingafaniri kutevedzera “vanyengeri” vakaita sevaFarisi vaizviti vakarurama, vaida kunyepera kuzvipira kuna Mwari. (Mat. 23:13-32) Vanyengeri ivavo vaifarira kunyengetera “vakamira mumasinagogi nepamharadzano dzenzira dzakafara.” Vaizviitirei? Vaiitira kuti “vaonekwe nevanhu.” VaJudha vomuzana remakore rokutanga vaiwanzonyengetera seungano panguva yaipiswa zvinopiwa patemberi (panenge panguva dza9:00 mangwanani uye 3:00 masikati). Vakawanda vaigara muJerusarema vainyengetera pamwe neboka revanhu vainamata vari muchivanze chetemberi. Kunze kweguta iroro, vaJudha vaida zvokunamata vaiwanzonyengetera kaviri pazuva “vakamira mumasinagogi.”—Enzanisa naRuka 18:11, 13.

5 Sezvo vanhu vakawanda vakanga vasingagari pedyo netemberi kana kuti nesinagogi zvokukwanisa kuuya kuminyengetero yabva kutaurwa, vaigona kunyengetera vari chero kwavaiva panguva idzodzo. Vamwe vaironga kuti nguva yokunyengetera ivasvikire vari “pamharadzano dzenzira dzakafara.” Vaida kuti “vaonekwe nevanhu” vaipfuura nepamharadzano idzodzo. Vanyengeri ava vaizviita kunge vanoda kunamata vaiita “minyengetero mirefu yokubata kumeso” kuitira kuti vayemurwe nevaivaona. (Ruka 20:47) Iwayo haasiwo maonero atinofanira kuva nawo.

6 Jesu akazivisa kuti vanyengeri vakadaro vakanga “vari kuwana mubayiro wavo wakakwana.” Vaida chaizvo kuonekwa uye kurumbidzwa nevanhu, uye ndizvo chete zvavaiwana. Ndiwo waizova mubayiro wavo wakakwana, nokuti Jehovha aisazopindura minyengetero yavo younyengeri. Asiwo Mwari aizopindura minyengetero yevateveri vaKristu vechokwadi, sezvakazotaurwa naJesu panyaya iyi.

7. Zano rokuti tinyengetere tiri ‘muimba yedu’ rinorevei?

7 “Zvisinei, iwe paunonyengetera, pinda muimba yako uye, kana wavhara suo rako, nyengetera kuna Baba vako vari pakavanda; ipapo Baba vako vanoona vari pakavanda vachakuripa.” (Mat. 6:6) Zano raJesu rokuti unyengetere uri mumba wakavhara musuo harirevi kuti munhu haagoni kunyengetera achimiririra ungano. Zano iri raiitirwa kuti vasanyengetera pane vanhu vachiitira kuti ari kunyengetera wacho aonererwe uye arumbidzwe nevamwe. Tinofanira kuyeuka izvi kana tikapiwa ropafadzo yokunyengetera tichimiririra vanhu vaMwari. Ngatitevereiwo rimwe zano rakazotaurwa naJesu rine chokuita nomunyengetero.

8. Maererano naMateu 6:7, zvii zvatisingafaniri kuita patinenge tichinyengetera?

8 “Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana, sezvinoita vanhu vemamwe marudzi, nokuti vanofunga kuti vachanzwiwa nokuda kwokushandisa kwavo mashoko mazhinji.” (Mat. 6:7) Pano Jesu akataura nezveimwe nzira isina kukodzera yokunyengetera, yokudzokorora-dzokorora. Akanga asingarevi kuti hatimbofaniri kudzokorora mikumbiro yedu yomwoyo wose uye kuonga kwedu patinenge tichinyengetera. Mumunda weGetsemane usiku hwokupedzisira asati afa, Jesu akadzokorora “shoko rakafanana” pakunyengetera.—Mako 14:32-39.

9, 10. Chii chiri kurehwa kana zvichinzi tisadzokorora-dzokorora minyengetero?

9 Zvinenge zvisina kunaka kuti titevedzere minyengetero ye“vanhu vemamwe marudzi” yavanodzokorora. ‘Vanodzokorora-dzokorora’ mashoko avanenge vaita zvokudzidzira nomusoro, mazhinji acho asina basa. Vanamati vaBhaari pavakadana zita ramwari wenhema “kubvira mangwanani kusvikira masikati, vachiti: ‘Haiwa Bhaari, tipindurei!’” hazvina zvazvakavabatsira. (1 Madz. 18:26) Mazuva ano vakawanda vanopa minyengetero ine mashoko akawandisa, vachidzokorora, vachifunga kuti izvozvo zvichaita kuti ‘vanzwiwe.’ Asi Jesu anotibatsira kuziva kuti “kushandisa . . . mashoko mazhinji” tichinyengetera minyengetero mirefu yokudzokorora-dzokorora hakukoshi kuna Jehovha. Jesu akatizve:

10 “Naizvozvo, musazvifananidza navo, nokuti Mwari Baba venyu vanoziva kuti zvinhu zvipi zvamunoda musati mambovakumbira.” (Mat. 6:8) Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakawanda vaizviita sevanhu Vemamwe Marudzi nokutaura mashoko akawandisa pakunyengetera. Kunamata kwechokwadi kunosanganisira kunyengetera nomwoyo wose tichirumbidza, tichionga uye tichiteterera. (VaF. 4:6) Asi hazvingavi zvakanaka kuti tidzokorore tadzokororazve tiine pfungwa yokuti Mwari anotofanira kuyeuchidzwa nezvezvinhu zvatinoda. Patinonyengetera, tinofanira kuyeuka kuti tiri kutaura nomunhu ‘anoziva zvatinoda tisati tatombomukumbira.’

11. Zvii zvatinofanira kuyeuka kana tikapiwa ropafadzo yokunyengeterera ruzhinji?

11 Zvakataurwa naJesu nezveminyengetero isingagamuchirwi zvinofanira kutiyeuchidza kuti Mwari haafariri minyengetero ine mashoko akawandisa uye okushamisira. Tinofanirawo kuziva kuti kunyengeterera ruzhinji hausi mukana wokushamisira kana kuti wokuita kuti vateereri vazvibvunze kuti uchapera rini kuti vazoti “Ameni.” Kupa chiziviso kana kuti kutsiura vateereri mumunyengetero hakuenderaniwo nezvairehwa naJesu muMharidzo yepaGomo.

Jesu Anotidzidzisa Nzira Yokunyengetera Nayo

12. Ungatsanangura sei zvinorehwa nechikumbiro chokuti “zita renyu ngaritsveneswe”?

12 Kunyange zvazvo Jesu akanyevera kuti tisashandisa zvisina kunaka ropafadzo yokunyengetera, akadzidzisa vadzidzi vake nzira yokunyengetera nayo. (Verenga Mateu 6:9-13.) Munyengetero womuenzaniso haufaniri kudzidzirwa nomusoro kuti urambe uchingodzokororwa. Asi unongotiratidza nzira yokunyengetera nayo. Somuenzaniso, Jesu akatanga kutaura pamusoro paMwari achiti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mat. 6:9) Zvakakodzera kuti tidane Jehovha kuti “Baba vedu” nokuti ndiye Musiki wedu, anogara “kumatenga,” kure nenyika. (Dheut. 32:6; 2 Mak. 6:21; Mab. 17:24, 28) Kushandiswa kweshoko rokuti “vedu” kunofanira kutiyeuchidza kuti vatinonamata navo vanewo ukama hwakanaka naMwari. Mashoko okuti “zita renyu ngaritsveneswe” chikumbiro chokuti Jehovha azvitsvenese nokuita kuti zita rake rirege kuzvidzwa kwaranga richiitwa kubvira pakatanga kupandukira muEdheni. Kuti apindure munyengetero iwoyo, Jehovha achabvisa uipi panyika, ozvitsvenesa.—Ezek. 36:23.

13. (a) Chikumbiro chokuti “umambo hwenyu ngahuuye” chichazadziswa sei? (b) Kuitwa kwokuda kwaMwari pasi pano kuchasanganisirei?

13 “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mat. 6:10) Maererano nechikumbiro ichi chomunyengetero womuenzaniso, tinofanira kuyeuka kuti “umambo” ihurumende yokudenga yaMesiya ichatungamirirwa naKristu aine “vatsvene” vanenge vamutswa. (Dhan. 7:13, 14, 18; Isa. 9:6, 7) Kuhunyengeterera kuti huuye chikumbiro chokuti Umambo hwaMwari huuye kuzorwisa vose vari pasi pano vanoshora kutonga kwaMwari. Izvi zvava pedyo kuitika, zvichigadzirira kuuya kweparadhiso yomunyika yose inenge iine kururama, rugare, nebudiriro. (Pis. 72:1-15; Dhan. 2:44; 2 Pet. 3:13) Kuda kwaJehovha kuri kuitwa kudenga, uye kana tichikumbira kuti kuitwe panyika tinenge tichiti dai Mwari aita zvinangwa zvake panyika yedu, kusanganisira kubvisa vanomushora sezvaakamboita kare.—Verenga Pisarema 83:1, 2, 13-18.

14. Nei zvakakodzera kuti tikumbire “zvokudya zvedu zvanhasi”?

14 “Tipei nhasi zvokudya zvedu zvanhasi.” (Mat. 6:11; Ruka 11:3) Patinonyengetera tichikumbira izvi, tiri kukumbira Mwari kuti atipe zvokudya zvatiri kuda “nhasi.” Izvi zvinoratidza kuti tinotenda kuti Jehovha anokwanisa kutarisira zvatinoda zuva nezuva. Tinenge tisiri kunyengeterera kuti tipiwe zvakawandisa. Ichi chikumbiro chezvatinoda zuva nezuva chingatiyeuchidza kuti Mwari akarayira vaIsraeri kuti vaunganidze mana “zuva rimwe nerimwe, mumwe nomumwe anhonge chitsama chake chaanokwana.”—Eks. 16:4.

15. Tsanangura zvinorehwa nechikumbiro chokuti ‘tikanganwirei zvivi zvedu, sezvatakakanganwirawo vakatitadzira.’

15 Chikumbiro chinotevera chomumunyengetero womuenzaniso chinoita kuti tifunge nezvezvimwe zvatinofanira kuita. Jesu akati: ‘Tikanganwirei zvivi zvedu, sezvatakakanganwirawo vakatitadzira.’ (Mat. 6:12; Ruka 11:4) Tinotarisira kuti Jehovha atikanganwire kana chete ‘tatokanganwira’ vaya vanenge vatitadzira. (Verenga Mateu 6:14, 15.) Tinofanira kukanganwira vamwe nomwoyo wose.—VaEf. 4:32; VaK. 3:13.

16. Tinofanira kunzwisisa sei chikumbiro chokuti tisapinzwa mumiedzo uye tinunurwe pane akaipa?

16 “Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.” (Mat. 6:13) Tinofanira kunzwisisa sei zvikumbiro zviviri izvi zvakada kufanana zviri mumunyengetero waJesu womuenzaniso? Chokwadi ndeichi: Jehovha haatiedzi kuti titadze. (Verenga Jakobho 1:13.) Satani, “akaipa,” ndiye “Muedzi” chaiye. (Mat. 4:3) Zvisinei, pane zvimwe zvinonzi neBhaibheri Mwari aita asi iye angobvumira kuti zviitike. (Rute 1:20, 21; Mup. 11:5) Saka mashoko okuti “musatipinza mumuedzo” chikumbiro chokuti Jehovha asatirega tichibvuma kuedzwa kuti tisamuteerera. Chikumbiro chokupedzisira chokuti “tinunurei pane akaipa,” kukumbira Jehovha kuti asarega Satani achitikurira. Tinogona kuva nechivimbo chokuti ‘Mwari haazotiregi tichiedzwa kupfuura zvatinogona kutsungirira.’—Verenga 1 VaKorinde 10:13.

‘Rambai Muchikumbira, Muchitsvaka, Muchigogodza’

17, 18. ‘Kuramba tichikumbira, tichitsvaka, uye tichigogodza’ zvinorevei?

17 Muapostora Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti: “Rambai muchinyengetera.” (VaR. 12:12) Jesu akataurawo murayiro wakada kufanana neuyu paakazivisa kuti: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anogamuchira, uye munhu wose anotsvaka anowana, uye munhu wose anogogodza achazarurirwa.” (Mat. 7:7, 8) Zvakakodzera kuti ‘tirambe tichikumbira’ chero chinhu chipi zvacho chinoenderana nezvinodiwa naMwari. Maererano nemashoko aJesu, muapostora Johani akanyora kuti: “Ichi ndicho chivimbo chatiinacho kwaari [Mwari], kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.”—1 Joh. 5:14.

18 Zano raJesu ‘rokuramba tichikumbira uye tichitsvaka’ rinoreva kuti tinofanira kunyengetera nomwoyo wose uye hatifaniri kukanda mapfumo pasi. Tinofanirawo ‘kuramba tichigogodza’ kuti tipinde muUmambo, tiwane zvikomborero zvahwo, uye tibatsirwe. Asi tingava nechivimbo chokuti Mwari achapindura minyengetero yedu here? Hungu, achapindura kana takatendeka kuna Jehovha, nokuti Kristu akati: “Munhu wose anokumbira anogamuchira, uye munhu wose anotsvaka anowana, uye munhu wose anogogodza achazarurirwa.” Zvakaitika kuvashumiri vaJehovha vakawanda zvinoratidza kuti zvechokwadi Mwari “Munzwi womunyengetero.”—Pis. 65:2.

19, 20. Kana tichifunga nezvemashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 7:9-11, Jehovha akafanana nababa vane rudo pakudini?

19 Jesu akati Mwari akafanana nababa vanopa vana vavo zvinhu zvakanaka. Fungidzira uripo paipiwa Mharidzo yepaGomo uchinzwa Jesu achiti: “Ndiani pakati penyu angakumbirwa chingwa nomwanakomana wake—iye omutambidza dombo? Kana kuti, zvichida, angakumbirwa hove—iye omutambidza nyoka? Naizvozvo, kana imi, kunyange makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapa zvikuru sei zvinhu zvakanaka kune vaya vanovakumbira!”Mat. 7:9-11.

20 Kunyange zvazvo vanababa chaivo vanganzi ‘vakaipa’ nokuti vakagara nhaka yechivi, vanoda vana vavo. Havangavanyengeri asi vanoedza kuvapa “zvipo zvakanaka.” Sezvinongoitawo vanababa vedu chaivo, Baba vedu vokudenga vane rudo vanotipa “zvinhu zvakanaka,” zvakadai somudzimu mutsvene. (Ruka 11:13) Zvinogona kutisimbisa kuti tishumire Jehovha, Mupi ‘wezvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.’—Jak. 1:17.

Ramba Uchibatsirwa Nezvakataurwa naJesu

21, 22. Chii chinoshamisa paMharidzo yepaGomo, uye unonzwa sei nezvemashoko aJesu?

21 Chokwadi Mharidzo yepaGomo ndiyo hurukuro yakanaka pane dzose dzati dzambopiwa panyika. Madzidzisiro ainoita zvakajeka nezvaMwari anoshamisa. Sezvinoratidzwa nepfungwa dzakatorwa mairi dziri munyaya dzino dzakatevedzana, tinobatsirwa chaizvo kana tikashandisa zano riri mumharidzo iyi. Mashoko aya aJesu anogona kuvandudza upenyu hwedu iye zvino uye kutipa tariro yeramangwana rinofadza.

22 Munyaya dzino, taongorora pfungwa shomanana dzinokosha dziri muMharidzo yaJesu yepaGomo. Ndokusaka vaya vakanzwa hurukuro iyi va“kashamiswa nemadzidzisiro ake.” (Mat. 7:28) Hapana mubvunzo kuti ndozvatichaitawo patinozadza mwoyo yedu uye pfungwa dzedu nemashoko aya anokosha oMudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu.

Ungapindura Kutii?

• Jesu akatii nezveminyengetero yevanyengeri?

• Nei tisingafaniri kutaura mashoko akawandisa uye kudzokorora patinenge tichinyengetera?

• Munyengetero waJesu womuenzaniso une zvikumbiro zvipi?

• ‘Tingaramba sei tichikumbira, tichitsvaka, uye tichigogodza’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jesu akashora vanyengeri vaingonyengetera zvokuonererwa

[Mufananidzo uri papeji 17]

Unoziva here kuti nei zvakakodzera kuti tikumbire zvokudya zvedu zvezuva nezuva?