Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvakazarurwa—II

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvakazarurwa—II

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvakazarurwa—II

CHII chiri kumberi kwatiri kuenda kuvaya vanonamata Jehovha Mwari nevaya vasingamunamati? Remangwana raSatani nemadhimoni ake rakamira sei? Vanhu vanoteerera vachawana zvikomborero zvipi muKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru? Mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwe inokosha dzinowanika muna Zvakazarurwa 13:1–22:21. * Zvitsauko izvi zvine zviratidzo 9 pa16 zvakaratidzwa muapostora Johani zana remakore rokutanga C.E. rava kunopera.

“Anofara uyo anoverenga zvinonzwika nevaya vanonzwa mashoko ouprofita uhwu” anonyora kudaro Johani, “nevanochengeta zvinhu zvakanyorwa mahuri.” (Zvak. 1:3; 22:7) Kuverenga uye kushandisa zvatinodzidza mubhuku raZvakazarurwa kunowedzera chido chedu chokushumira Mwari, kunosimbisa kutenda kwedu maari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye kunoita kuti tive netariro yakajeka yeramangwana. *VaH. 4:12.

NDIRO NOMWE DZEHASHA DZAMWARI DZINODURURWA

(Zvak. 13:1–16:21)

“Marudzi akava nehasha,” inodaro Zvakazarurwa 11:18, “hasha [dzaMwari] dzakauya, uye nguva yakatarwa yokuti . . . [a]paradze vaya vanoparadza nyika.” Chichiratidza kuti nei Mwari achizosvika pakudaro, chiratidzo chechisere chinoratidza mabasa ‘echikara chine nyanga gumi nemisoro minomwe.’—Zvak. 13:1.

Muchiratidzo chechipfumbamwe, Johani anoona “Gwayana rimire paGomo reZiyoni,” riine “vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina.” Ivava “vakatengwa pakati pevanhu.” (Zvak. 14:1, 4) Panozotevera zviziviso zvinopiwa nengirozi. Muchiratidzo chinozotevera, Johani anoona “ngirozi nomwe dziine matambudziko manomwe.” Zvinoratidza kuti Jehovha pachake ndiye anoudza ngirozi idzi kuti dzidurure “ndiro nomwe dzokutsamwa kwaMwari” pazvikamu zvakasiyana-siyana zvenyika yaSatani. Ndiro dzacho dzine mitongo uye yambiro dzokutonga kuchaita Mwari. (Zvak. 15:1; 16:1) Zviratidzo zviviri izvi zvinorondedzera zvimwe zvine chokuita nokutonga kwoUmambo kwakabatana nenhamo yechitatu uye kurira kwehwamanda yechinomwe.—Zvak. 11:14, 15.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

13:8—Chii chinonzi “mupumburu woupenyu weGwayana”? Uyu mupumburu wokufananidzira une mazita evaya chete vanotonga naJesu Kristu muUmambo hwake hwokudenga. Unosanganisira mazita evaKristu vakazodzwa vachiri pasi pano, vane tariro yokuzorarama kudenga.

13:11-13—Ko chikara chine nyanga mbiri chinotaura sedhiragoni sei uye chinoita sei kuti moto uburuke kubva kudenga? Kutaura sedhiragoni kunoita chikara chine nyanga mbiri, icho chinoreva mubatanidzwa wenyika dzine simba kupfuura dzimwe, Britain neAmerica, kunoreva kuti dzinoshandisa kutyisidzira, kumanikidza, uye chisimba kuti dzimwe nyika dzibvume utongi hwadzo. Chinoita kuti moto uburuke kubva kudenga pakuti chinozviita somuprofita chichiti chakakunda zvimhingamupinyi zvose nokukunda muhondo dzenyika yose mbiri dzemuzana remakore rechi20 uye kuti chinozviti chakakurira chiKomonisiti.

16:17—Ko “mhepo” iri kunzi yakadururirwa mairi ndiro yechinomwe inorevei? “Mhepo” inofananidzira mafungiro aSatani, “mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.” Iyi mhepo ine muchetura inofemwa nenyika yose yaSatani.—VaEf. 2:2.

Zvatinodzidza:

13:1-4, 18. “Chikara,” chinofananidzira hurumende dzevanhu, chinobuda “mugungwa,” kureva kuti mukati mevanhu vasina kugadzikana. (Isa. 17:12, 13; Dhan. 7:2-8, 17) Ichi chikara chakaitwa kuti chivepo uye chakapiwa simba naSatani, chine nhamba 666 iyo inoratidza kusakwana kwakanyanyisa. Kunzwisisa kuti chikara ichi chii kunotibatsira kuti tisachitevera tichichiyemura kana kuchinamata sezvinoitwa nevanhu vakawanda.—Joh. 12:31; 15:19.

13:16, 17. Pasinei nokuti zvinhu zvingatiomera sei pakuita mabasa edu ezuva nezuva, akadai ‘sokutenga kana kutengesa,’ hatifaniri kurega chikara chichitimanikidza kuti chitonge upenyu hwedu. Kubvuma ‘chiratidzo chechikara muruoko rwedu kana pahuma yedu’ kwakafanana nokubvumira chikara kuti chitiudze zvokuita kana kuti chidzore mafungiro edu.

14:6, 7. Zviri kuziviswa nengirozi zvinotidzidzisa kuti tinofanira kuita chipatapata chokuzivisa mashoko akanaka okugadzwa kwoUmambo hwaMwari. Tinofanira kubatsira vatinodzidzisa Bhaibheri kuti vatye Mwari uye vamukudze.

14:14-20. Kana “zvinokohwewa zvepanyika” zvapedzwa, kureva kuti kana kukohwewa kwevaya vachaponeswa kwapera, ichange yava nguva yokuti ngirozi yacho ikande “muchisviniro chikuru chewaini chokutsamwa kwaMwari” zvinenge zvawanika ‘mumuzambiringa wepanyika.’ Muzambiringa iwoyo, unoreva hurumende dzaSatani dzine uori dzinotonga vanhu ‘namasumbu’ echibereko chouipi, uchaparadzwa zvachose. Tinofanira kuva vakatsunga kusambokanganiswa nomuzambiringa wenyika.

16:13-16. ‘Kutaura kwakafuridzirwa kusina kuchena’ kunofananidzira mashoko anoparadzirwa nemadhimoni anoitirwa kuti madzimambo enyika asavhunduka panodururwa ndiro nomwe dzehasha dzaMwari asi kuti atoda kurwisana naJehovha.—Mat. 24:42, 44.

16:21. Sezvo mugumo wenyika ino unoswedera, kuziviswa kwemutongo waJehovha panyika yaSatani yakaipa kunogona kusanganisira mashoko ane simba ezvichaitwa naMwari, angave achifananidzirwa nechimvuramabwe. Kunyange zvakadaro vanhu vakawanda vacharamba vachimhura Mwari.

MAMBO ANOKUNDA

(Zvak. 17:1–22:21)

“Bhabhironi Guru,” mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose, chimwe chikamu chinosemesa chenyika yaSatani yakaipa. Chiratidzo chechi11 chinorifananidza ‘nehure guru,’ mukadzi nzenza, “agere pachikara chitsvuku.” Anofanira kuparadzwa zvachose “nenyanga gumi” dzechikara chakamutakura. (Zvak. 17:1, 3, 5, 16) Chichifananidza hure racho ‘neguta guru’ chiratidzo chinozotevera chinozivisa nezvokuwa kwaro chichikurudzira vanhu vaMwari kuti “budai mariri.” Kuparara kweguta racho guru kunochemwa nevakawanda. Zvisinei kudenga kunotofarwa nokuti kune “kuroora kweGwayana.” (Zvak. 18:4, 9, 10, 15-19; 19:7) Muchiratidzo chechi13, mutasvi ‘webhiza jena’ anorwisana nemarudzi. Anoparadza nyika yaSatani.—Zvak. 19:11-16.

Ko zvakadini ‘nenyoka yepakutanga, iye Dhiyabhorosi uye Satani’? ‘Achakandwa mugungwa remoto’ rini? Ndiyo imwe nyaya inotaurwa muchiratidzo chechi14. (Zvak. 20:2, 10) Zviratidzo zviviri zvokupedzisira zvinoita kuti tingodongorera tione zvinenge zvakaita paKutonga Kwemakore Ane Chiuru. Panenge pava kupera “zvakazarurwa” Johani anoona ‘rwizi rwemvura youpenyu ruchiyerera ruchidzika nepakati pomugwagwa wakafara,’ uye “munhu wose anonzwa nyota” anodaidzwa.—Zvak. 1:1; 22:1, 2, 17.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

17:16; 18:9, 10—Nei “madzimambo epanyika” achichema sangano raanenge aparadza iwo? Ari kuchema nokuti ava kudemba zvaanga achiwana kwariri. Kana Bhabhironi Guru raparadzwa, zviri pachena kuti madzimambo enyika anozotanga kuona kuti ranga richivabatsira zvakadini. Raiita kuti kutonga kwavo kuonekwe sekunosanganisira kunamata. Bhabhironi Guru raivabatsirawo kuti vatore vechiduku vavaendese kuhondo. Uyezve, raiita basa rinokosha rokuti vanhu vagare vachizviisa pasi.

19:12—Zvinoita sei kuti hakuna mumwe anoziva zita raJesu risina kutaurwa kunze kwake chete? Kunenge kuti zita iri rinoreva chinzvimbo chake nemabasa ake, akadai seakataurwa pana Isaya 9:6, anoitwa naJesu muzuva raShe. Hapana mumwe anoziva zita iri kunze kwake pakuti mabasa ake akasiyana neevamwe vose uye hapana anonzwisisa basa iroro repamusorosoro. Zvisinei, Jesu anopawo nhengo dzemwenga mamwe emabasa aya, obva ‘anyora pavari zita rake riya idzva.’—Zvak. 3:12.

19:14—Ndivanaani vachange vakatasva mabhiza naJesu paAmagedhoni? Pakati ‘pemauto ari kudenga’ achabatana naJesu muhondo yaMwari pachava nengirozi pamwe chete nevakazodzwa vanenge vakunda vakatowana kare mubayiro wavo wokuva kudenga.—Mat. 25:31, 32; Zvak. 2:26, 27.

20:11-15—Mazita avanaani akanyorwa ‘mumupumburu woupenyu [kana kuti “bhuku” roupenyu]’? Uyu ndiwo mupumburu une mazita evaya vachawaniswa upenyu husingaperi, vaKristu vakazodzwa, mamwe makwai, uye vashumiri vaMwari vakatendeka vachamutswa ‘pakumutswa kwevakarurama nevasina kururama.’ (Mab. 24:15; Zvak. 2:10; 7:9) Vaya vachamutswa ‘pakumuka kwevasina kururama’ vanotozonyorwa mazita avo ‘mumupumburu woupenyu’ kana chete vaita zvinoenderana ‘nezvinhu zvakanyorwa mumipumburu’ yemirayiridzo ichavhurwa muKutonga Kwemakore Ane Chiuru. Zvisinei, hazvirevi kuti mazita evanenge vanyorwa haadzimiki. Mazita evakazodzwa anozonzi haadzimiki kana varamba vakatendeka kusvika parufu. (Zvak. 3:5) Mazita evaya vanowana upenyu husingaperi pasi pano anozogaramo zvachose kana vakunda muedzo wokupedzisira panopera makore ane chiuru.—Zvak. 20:7, 8.

Zvatinodzidza:

17:3, 5, 7, 16. “Uchenjeri hunobva kumusoro” hunotibatsira kunzwisisa “chakavanzika chomukadzi wacho nechechikara [chitsvuku] chakamutakura.” (Jak. 3:17) Chikara ichi chokufananidzira chakatanga chiri Mubatanidzwa Wemarudzi ndokuzomutsiridzwa chava Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. Kuziviswa kwezvakavanzika izvi hakufaniri kutiita kuti tishingaire kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye kuzivisa zuva raJehovha rokutonga here?

21:1-6. Tinonyatsova nechokwadi kuti zvikomborero zvakafanotaurwa nezvokutonga kwoUmambo zvichatoti zviitike. Nei? Nokuti zviri kunzi nezvazvo: “Zvaitika!”

22:1, 17. “Rwizi rwemvura youpenyu” rwunomiririra zvichaitirwa vanhu naJehovha kuti vanaye kubva muchivi norufu. Imwe yemvura iyi iri kuwanika iye zvino. Dai tikabvuma kukumbirwa kwatiri kuitwa kuti ‘titore mvura youpenyu tisingatengi’ tokokawo vamwe kuti vauye kuzoitora!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Zvakazarurwa 1:1–12:17, yakatsanangurwa muNharireyomurindi yaJanuary 15, 2009, munyaya yakanzi “Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvakazarurwa—I.”

^ ndima 2 Kuti uwane tsanangudzo yendima nendima yebhuku raZvakazarurwa, ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!

[Mufananidzo uri papeji 5]

Zvikomborero kuvanhu vanoteerera mukutonga kwoUmambo zvichange zvisingazivani!