Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kungoti Zvaunoda Iwe Chete Zviitwe Here?

Unofanira Kungoti Zvaunoda Iwe Chete Zviitwe Here?

Unofanira Kungoti Zvaunoda Iwe Chete Zviitwe Here?

VANA vaviri vari kutamba zvavo. Mumwe wacho anobvutira mumwe wake chavari kutambisa achizhambatata achiti, “Ndechangu!” Vanhu vanotanga vari vaduku zvikuru kuda zvakangonakira ivo chete. (Gen. 8:21; VaR. 3:23) Uyewo nyika inowanzokurudzira pfungwa yokutanga kuzvifunga. Kuti izvi zvisaitika kwatiri, tinofanira kutorwisa pfungwa dzakarerekera kufunga nezvedu chete. Tikasadaro, zviri nyore kuti tigumbure vamwe uye tikanganise ukama hwedu naJehovha.—VaR. 7:21-23.

Achitikurudzira kufunga kuti zvatinoita zvinogona sei kukanganisa vamwe, muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinovaka.” Pauro akatiwo: “Musava zvinhu zvinogumbura.” (1 VaK. 10:23, 32) Saka kana pari panyaya dziya dzokuti munhu unozvionerawo woga zvokuita, zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoda here kurega dzimwe kodzero dzangu kana dzichikanganisa rugare rweungano? Ndakagadzirira here kuita zvinotaurwa neBhaibheri, kunyange kana zvakandiomera?’

Pakutsvaka Basa

Vanhu vakawanda vanofunga kuti zvokuti vanoshanda basa rei hazvinei nevamwe vanhu. Asi funga zvakaitika kune mumwe muzvinabhizimisi wokukamwe kataundi kari kuSouth America. Aizivikanwa nenyaya dzokubheja nokudhakwa. Zvisinei kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kwakaita kuti atange kunamata uye achinje mararamiro ake. (2 VaK. 7:1) Paakati aidawo kuparidza sezvinoita vamwe vose muungano, mumwe mukuru akamuudza nokungwarira kuti ambofunga nezvebasa raaiita. Murume wacho ndiye oga muguta iroro aitengesa imwe mvura inodhaka yaigadzirwa nenzimbe, iyo yaishandiswa mabasa akasiyana-siyana asi munzvimbo imomo vanhu vaiwanzoivhenganisa nezvinwiwa zvisingadhaki vachiitira kuti vainwe vadhakwe.

Murume wacho akaona kuti kana akatanga kuparidzira iye achitengesa zvinhu zvakadaro, zvaizoshoresa ungano zvokanganisa ukama hwake naMwari. Kunyange zvazvo aiva nemhuri yakakura yaida kuriritirwa, akarega kutengesa mvura iyi yaidhaka. Iye zvino ava kutengesa zvimwewo zvinhu kuti ariritire mhuri yake. Murume uyu, mudzimai wake, uye vana vavo vaviri pavashanu vavainavo vakabhabhatidzwa. Vari kushingaira kuparidza mashoko akanaka norusununguko rwokutaura.

Pakusarudza Shamwari

Kutamba nevanhu vatisinganamati navo inyaya yokungoti munhu anoita zvaada here, kana kuti pane zvinotaurwa neBhaibheri zvatinofanira kufunga nezvazvo? Imwe hanzvadzi yaida kuenda kupati nemukomana asiri Chapupu. Kunyange zvazvo akayambirwa nezvezvazvakaipira, akaona sokuti yaiva kodzero yake kuita izvozvo, saka akaenda. Angoti gare garei, akabva apiwa chinwiwa chaiva nomushonga wokukotsirisa. Akazopepuka pava paya wanei abatwa chibharo newaaiti shamwari yake.—Enzanisa naGenesisi 34:2.

Kunyange zvazvo zvisingarevi kuti pose patashamwaridzana nevanhu vasingatendi panobva paitika zvinhu zvakadaro, Bhaibheri rinotiyambira kuti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvir. 13:20) Apa hapana mubvunzo, kutamba nevanhu vakaipa kunotipinza muna taisireva! “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda,” inodaro Zvirevo 22:3, “asi vasina zivo vanongopfuura havo vorangwa.” Vanhu vatinotamba navo vanogona kutikanganisa isu noukama hwedu naMwari.—1 VaK. 15:33; Jak. 4:4.

Pakupfeka Nokuzvishongedza

Mafashoni nezvitayera zvinochinja zvachinjazve. Asi, zvinotaurwa neBhaibheri nezvokupfeka nokuzvishongedza hazvichinji. Pauro akakurudzira vakadzi vechiKristu kuti “vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vaine mwero nepfungwa dzakanaka,” uye izvi zvinoshandawo kuvarume. (1 Tim. 2:9) Pauro akanga asiri kukurudzira kuti vanhu vapfeke zvenhamonhamo, uye akanga asiri kureva kuti vaKristu vose vanofanira kupfeka zvakafanana. Asi zvakadini nokuva nomwero? Rimwe duramashoko rinotsanangura mwero richiti “kana munhu achiita zvinhu zvine mwero anenge achiita nemaitiro anotarisirwa, ane unhu.”

Tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Chokwadi ndingazviti ndine mwero here kana ndichiomerera pamapfekero andinoda ini asi achiita kuti vanhu vose vapedzisire vangonditarira? Mapfekero angu anoita kuti vanhu vafunge kuti ndiri munhu ane tsika dzakaipa here?’ Tinogona kusapa “chero chikonzero chipi zvacho chokugumbuka” panyaya iyi kana ‘tisingarambi tichiva nehanya nezvinhu zvatinoda isu pachedu, asi tichiva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.’—2 VaK. 6:3; VaF. 2:4.

Panyaya Dzemabhizimisi

Pakamuka nyaya dzine chokuita nekubiridzirana muungano yeKorinde, Pauro akanyora kuti: “Nei musingasvi henyu mabvuma kuitirwa zvakaipa? Nei musingasvi henyu mabvuma kubiridzirwa?” Pauro akakurudzira vaKristu kuti vasve zvavo varasikirwa pane kuendesa hama kumatare edzimhosva. (1 VaK. 6:1-7) Imwe hama iri kuUnited States yakashandisa mashoko aya. Yakatadza kuwirirana nemumwe muKristu wayaishandira pamusoro pemubhadharo wayo wayaive isina kupiwa. Dzichishandisa zvinotaurwa neMagwaro, hama idzi mbiri dzakagara pasi kakawanda kuti dzikurukure asi hapana chadzakabura. Vakazopedzisira vasvitsa nyaya yacho ‘kuungano,’ inomiririrwa nevakuru vechiKristu.—Mat. 18:15-17.

Zvinosuwisa kuti kunyange ipapo hapana chakabuda. Pashure pokunyengetera zvakasimba, mushandi uyu akazongosiyana nazvo ndokubvuma hake kupiwa mari shoma pane yaaifunga kuti aifanira kupiwa. Akadarirei? Akazoti, “Nyaya iyi yanga ichindishayisa mufaro uye ichindidyira nguva inokosha yokuita zvinhu zvokunamata.” Payakanga yaita izvi, hama yacho yakatanga kufarazve, uye yakatanga kuona Jehovha achiikomborera pabasa rayo.

Kunyange Pazvinhu Zviduku

Kusasimbirira pakuti zvedu isu chete zviitwe kunounzawo zvikomborero panyaya duku. Pazuva rokutanga rerimwe gungano redunhu, mumwe murume nomudzimai mapiyona vakakurumidza kusvika ndokuwana zvigaro zvavainyatsoda chaizvo. Pakatanga purogiramu, imwe mhuri yakakura yakapinda ichimhanya-mhanya munhandare yakanga yazara. Mapiyona aya paakaona kuti mhuri iyi iri kutsvaka pokugara paiikwanira, akabva pazvigaro zvawo. Izvi zvakaita kuti mhuri iya ikwane kugara yose. Gungano rava nezvimazuva rapera, mapiyona aya akagamuchira tsamba yokutendwa nemhuri iya. Tsamba yacho yaitsanangura kuti kunonoka kwavakanga vaita kugungano kwakaita kuti vashaye pokupinda nokunyara. Asi mutsa wavakaitirwa nemapiyona iwayo wakaita kuti vapedzisire vava kufara nokuonga.

Patinowana mukana, ngativei vakagadzirira kuti tisaite zvakanakira isu asi titsvake zvakanakira vamwe. Kana tichiratidza rudo ‘rusingazvitsvakiri zvarwo,’ tinobatsira kuti muungano muve norugare uye tinogarisana zvakanaka nevavakidzani vedu. (1 VaK. 13:5) Asi chinokosha kupfuura zvose ndechokuti tinochengetedza ushamwari hwedu naJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Wakagadzirira here kusiya zvakakunakira paunosarudza fashoni?

[Mufananidzo uri papeji 20 ne21]

Wakagadzirira kusiya chigaro chako kuti hama dzako dzigare here?