Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Haufaniri Kukanganwa Jehovha

Haufaniri Kukanganwa Jehovha

Haufaniri Kukanganwa Jehovha

VAMWE vacho vakanga vamboita zvakada kudaro. Asi kuruzhinji rwacho kakanga kari kokutanga kufamba vachiyambuka rwizi vasinganyorovi, uye ndipo chete pavakazviita. Jehovha akanga achangobva kuita kuti mvura yoRwizi rwaJodhani iganhurwe. Vakaita mudungwe murefu wakafara, mamiriyoni evaIsraeri akapinda nomurwizi rwusina mvura akapinda Munyika Yakapikirwa. Sezvakanga zvamboitwa nemadzitateguru avo makore 40 akanga apfuura paGungwa Dzvuku, vakawanda vaiyambuka Jodhani vanofanira kunge vakafunga kuti, ‘Handizombofi ndakakanganwa zvandaitirwa naJehovha pano.’—Josh. 3:13-17.

Zvisinei, Jehovha aiziva kuti vamwe vaIsraeri ‘vaizokurumidza kukanganwa mabasa ake.’ (Pis. 106:13) Saka akaudza Joshua, aiva mutungamiriri wevaIsraeri, kuti atore matombo 12 murwizi rwacho oaisa pavaizonotanga kudzika musasa. Joshua akatsanangura kuti: “Matombo aya achava sechiyeuchidzo kuvanakomana vaIsraeri.” (Josh. 4:1-8) Murwi iwoyo wematombo waizoyeuchidza rudzi rwacho nezvemabasa anoratidza simba raJehovha, woita kuti varambe vachifunga kuti nei vaifanira kugara vachimushumira vakavimbika.

Nhoroondo iyoyo ine zvainobatsira vanhu vaMwari here mazuva ano? Hungu. Isuwo hatifaniri kumbofa takakanganwa Jehovha; tinofanira kuramba tichimushumira takavimbika. Zvimwe zvakanyeverwa rudzi rwaIsraeri zvinoshandawo kuvashumiri vaJehovha nhasi. Chimbofunga mashoko aMosesi okuti: “Chenjerera kuti usakanganwa Jehovha Mwari wako kuti urege kuchengeta mirayiro yake nezvaakatonga nemirau yake.” (Dheut. 8:11) Mashoko aya anoratidza kuti kukanganwa Jehovha kungaita kuti munhu amutadzire achitoziva zvake. Ngozi iyoyo iripo chaizvo mazuva ano. Muapostora Pauro paainyorera vaKristu tsamba, akavanyevera kuti vasava no“muitiro wokusateerera wakafanana” nowakaratidzwa nevaIsraeri murenje.—VaH. 4:8-11.

Ngatimbokurukurai zvimwe zvakaitika munhoroondo yevaIsraeri zvichasimbisa kuti hatifaniri kukanganwa Mwari. Uyewo, zvidzidzo zvatinowana paupenyu hwevarume vaviri vaive vakavimbika vechiIsraeri zvichatibatsira kuti tishumire Jehovha tichitsungirira uye tichimuonga.

Zvikonzero Zvokusakanganwa Jehovha

Makore ose vaIsraeri pavaiva muIjipiti, Jehovha haana kumbovakanganwa. “Akayeuka sungano yake naAbrahamu, Isaka naJakobho.” (Eks. 2:23, 24) Zvaakazoita kuti avanunure muuranda zvinhu zvavaisambofanira kukanganwa.

Jehovha akaita kuti Ijipiti iwirwe nematambudziko mapfumbamwe. Vapristi vaFarao vaiita zvemashiripiti hapana zvavakagona kuita kuti vaamise. Kunyange zvakadaro, Farao haana kuteerera Jehovha, asi akarambidza vaIsraeri kuti vaende. (Eks. 7:14–10:29) Zvisinei, dambudziko rechigumi rakazomanikidza mutongi iyeye aidada kuti aite zvaidiwa naMwari. (Eks. 11:1-10; 12:12) Rudzi rwaIsraeri pamwe chete neboka revamwe vanhu vakanga vakavhengana, vangadaro vaisvika 3 000 000 pamwe chete, vakabuda muIjipiti, vachitungamirirwa naMosesi. (Eks. 12:37, 38) Farao akachinja mafungiro vasina kure kwavakanga vambosvika. Akaita kuti ngoro dzake dzehondo nemabhiza ake, uto raiva nesimba kupfuura mauto ose aiva panyika panguva iyoyo, ritevere vaimbova varanda vake uye rivadzose. Pavaironga izvozvo, Jehovha akaudza Mosesi kuti aendese vaIsraeri nenzira yaiva pakati peGungwa Dzvuku nemakomo akatevedzana, nzvimbo yaizoita sokuti vaiswa parumananzombe yainzi Pihahiroti.—Eks. 14:1-9.

Farao akafunga kuti vaIsraeri vakanga vasisina kwokutizira saka uto rake rakanga rava kuda kuvarwisa. Asi Jehovha akaramba achivharidzira vaIjipiti neshongwe yegore uye yomoto kuti vasaona vaIsraeri. Zvadaro Mwari akakamura Gungwa Dzvuku, akaita kuti pave nenzira uye madziro emvura angadaro aive akareba mamita 15 kumativi ose. VaIsraeri vakatanga kuyambuka gungwa nepanyika yakaoma. Pasina nguva ngani vaIjipiti vakanga vasvikawo pamhenderekedzo, vakaona vaIsraeri vachiyambuka.—Eks. 13:21; 14:10-22.

Kudai Faro aiva mambo akachenjera, angadai akabva arega kuvatevera, asi haana kudaro. Nokuti aizvivimba zvakanyanya, akaudza vatasvi vengoro dzake nevemabhiza ake kuti vatevere vachipinda mugungwa. Havo vaIjipiti vaya ndokuramba vachitevera. Asi vasati vakwanisa kubata vaIsraeri vaiva kwokupedzisira, zvinhu zvakatanga kuita manyama amire nerongo. Ngoro dzevaIjipiti dzakatadza kufamba! Jehovha akanga abvisa mavhiri adzo.—Eks. 14:23-25; 15:9.

VaIjipiti pavaikakaritsana nengoro dzavo dzakanga dzava migweje, vaIsraeri vose vakasvika kumhenderekedzo yokumabvazuva. Zvino Mosesi akatambanudza ruoko rwake paGungwa Dzvuku. Jehovha akabva aita kuti madziro aya emvura aondomoke. Mamiriyoni ematani emvura akakukura Farao nevarwi vake, vachibva vanyura. Ndipo pakabva paperera sarungano. VaIsraeri vakanga vasunungurwa!—Eks. 14:26-28; Pis. 136:13-15.

Kwenguva yakareba, marudzi aiva akavapoteredza aitya chaizvo chiitiko ichi. (Eks. 15:14-16) Kwapera makore 40, Rakabhi wokuJeriko akaudza vaIsraeri vaviri kuti: “Tiri kukutyai, . . . nokuti takanzwa kuomesa kwakaita Jehovha mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu pamakabuda muIjipiti.” (Josh. 2:9, 10) Kunyange marudzi iwayo echihedheni akanga asati akanganwa nzira iyo Jehovha akanunura nayo vanhu vake. Zviri pachena kuti vaIsraeri vaitova nezvikonzero zvakawanda zvokumuyeuka.

‘Kuvachengetedza Semboni Yeziso Rake’

VaIsraeri vayambuka Gungwa Dzvuku, vakapinda muRenje reSinai, “renje guru uye rinotyisa.” Pavaifamba vachiyambuka ‘ivhu rakaoma risina mvura,’ uye vasina zvokudya zvevanhu vakawanda kudaro, Jehovha akavatarisira. Mosesi anoyeuka kuti: “[Jehovha] akamuwana [Israeri] munyika yakaita renje, mugwenga risina chinhu, mune kuungudza. Akatanga kumukomberedza, kumutarisira, kumuchengetedza semboni yeziso rake.” (Dheut. 8:15; 32:10) Mwari akavatarisira sei?

Jehovha akavapa ‘chingwa chaibva kumatenga,’ chainzi mana, chaingoerekana chava kuoneka “pasi murenje.” (Eks. 16:4, 14, 15, 35) Jehovha akaitawo kuti mvura ibude “mudombo rakaoma kwazvo.” Jehovha akavakomborera zvokuti majasi avo haana kusakara, uyewo tsoka dzavo hadzina kuzvimba kwemakore 40 avakapedza vari murenje. (Dheut. 8:4) Pane zvose izvi, zvakanga zvakakodzera kuti Jehovha atarisire chii kwavari? Mosesi akaudza vaIsraeri kuti: “Zvichenjerere, utarisire mweya wako zvakanaka, kuti urege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nemaziso ako uye kuti zvirege kubva mumwoyo mako mazuva ose oupenyu hwako.” (Dheut. 4:9) Kudai vaIsraeri vaizoramba vachiyeuka mabasa aJehovha okuponesa kuratidza kuti vaimuonga, vaizoramba vachimushumira vachiedza kuteerera mitemo yake. VaIsraeri vakazoitei?

Kukanganwa Kunoita Kuti Vasaonga

Mosesi akazivisa kuti: “Iwe wakakanganwa Dombo rakakubereka, uye wakakanganwa Mwari.” (Dheut. 32:18) Pasina nguva ngani vakakanganwa zvakanga zvaitwa naJehovha paGungwa Dzvuku, zvaakavapa murenje kuti varambe vari vapenyu, nezvimwewo zvinhu zvakanaka zvaakavaitira. VaIsraeri vakapanduka.

Pane imwe nguva vaIsraeri vakatozvidza Mosesi nokuti vaifunga kuti havachawani mvura. (Num. 20:2-5) Vakanyunyuta nezvemana yaivararamisa vachiti: “Mweya yedu yava kusema chingwa ichi chinosembura.” (Num. 21:5) Vakanga vasisina chokwadi nezvakanga zvatongwa naMwari uye vakaramba kutungamirirwa naMosesi, vachiti: “Dai takanga tafira hedu munyika yeIjipiti, kana kuti dai takanga tafira hedu murenje rino! . . . Ngatigadze mutungamiriri, uye ngatidzokerei kuIjipiti!”—Num. 14:2-4.

Kusateerera kwevaIsraeri kwakaita kuti Jehovha anzwe sei? Achifunga nezvezviitiko izvozvo, mumwe munyori wepisarema akazonyora kuti: “Vaimupandukira kazhinji sei murenje, vaimurwadzisa sei mugwenga! Asi vaiedza Mwari vamuedzazve, uye vakarwadzisa Mutsvene waIsraeri. Havana kuyeuka ruoko rwake, zuva raakavadzikinura pamhandu, maitiro aakaita zviratidzo zvake muIjipiti.” (Pis. 78:40-43) Chokwadi, kukanganwa kwevaIsraeri kwakarwadzisa Jehovha zvikuru.

Vaviri Vasina Kukanganwa

Zvisinei, pane vamwe vaIsraeri vasina kukanganwa Jehovha. Joshua naKarebhi ndivo vamwe vacho. Vaiva vamwe vevasori 12 vakanga vatumwa kubva kuKadheshi-bhaneya kuti vanoongorora Nyika Yakapikirwa. Gumi vacho vakataura zvisina kunaka, asi Joshua naKarebhi vakaudza vanhu kuti: “Nyika yatakapfuura nomairi kuti tiisore inyika yakanaka kwazvo. Kana Jehovha achitifarira, achabva atiendesa kunyika iyi otipa, nyika inoyerera mukaka nouchi. Musangopandukira Jehovha.” (Num. 14:6-10) Vanhu pavakanzwa mashoko iwayo, vakati vaida kutema Joshua naKarebhi nematombo. Asi vaviri ava vakamira vakasimba vachivimba naJehovha.—Num. 14:6-10.

Kwapera makore, Karebhi akaudza Joshua kuti: “Pandakatumwa naMosesi mushumiri waJehovha ndichibva kuKadheshi-bhaneya kuti ndinosora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvarakanga rakaita mumwoyo mangu. Hama dzangu dzakauya neni dzakaita kuti mwoyo yevanhu itye; asi ini, ndakatevera Jehovha Mwari wangu zvizere.” (Josh. 14:6-8) Karebhi naJoshua vakakwanisa kutsungirira matambudziko akasiyana-siyana nokuti vaivimba naMwari. Vakatsunga kuti vaizoyeuka Jehovha chero zvodini mazuva ose oupenyu hwavo.

Karebhi naJoshua vakaratidzawo kuti vaionga, vachiziva kuti Jehovha akanga azadzikisa zvaakanga apikira zvokupa vanhu vake nyika yakaorera. Chokwadi, upenyu hwevaIsraeri hwaiva mumaoko aJehovha. Joshua akanyora kuti: “Jehovha akapa vaIsraeri nyika yose yaakanga apikira kupa madzitateguru avo . . . Hapana kana chipikirwa chimwe chete chakakundikana pazvipikirwa zvose zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuimba yaIsraeri; zvose zvakaitika.” (Josh. 21:43, 45) Mazuva ano isuwo tingaratidza sei kuti tinoonga sezvaiita Karebhi naJoshua?

Ongai

Mumwe murume aitya Mwari akambobvunza kuti: “Ndicharipa Jehovha nechii nokuda kwezvose zvaakandibatsira nazvo?” (Pis. 116:12) Mungava wedu kuna Mwari wakakura kwazvo nokuti anotikomborera pane zvatinoda, anotitungamirira pane zvokunamata, uye akaronga kuti tizoponeswa, zvokuti kunyange tikararama nokusingaperi hatingambopedzi kuuripa. Kutaura chokwadi, hatingambofi takakwanisa kuripa Jehovha. Asi tose tinokwanisa kumuonga.

Zano raJehovha rakakubatsira kuti unzvenge matambudziko here? Kukanganwira kwake kwakakubatsira kuti uve nehana yakachena here? Tinobatsirwa nezvatinoitirwa naMwari izvi nokusingaperi, saka tinofanirawo kumuonga nokusingaperi. Mumwe musikana ane makore 14 anonzi Sandra akawirwa nematambudziko asingaiti asi akaakurira achibatsirwa naJehovha. Anoti: “Ndakanyengetera ndichikumbira kuti Jehovha andibatsire, uye akandibatsira zvakandibaya mwoyo. Ndava kuziva kuti nei baba vangu vaigara vachitaura neni mashoko aZvirevo 3:5, 6, anoti: ‘Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.’ Ndine chokwadi chokuti Jehovha zvaanga achindibatsira kusvika iye zvino, achagara achindibasira.”

Ratidza Kuti Unoyeuka Jehovha Nokutsungirira

Bhaibheri rinosimbisa zvimwe zvatingaita kuratidza kuti tiri kuyeuka Jehovha, richiti: “Kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka muzvinhu zvose, pasina chamunoshayiwa.” (Jak. 1:4) Kuva “vakakwana uye vakanaka muzvinhu zvose” kunosanganisirei? Kunosanganisira kuva nounhu huchatibatsira kutarisana nemiedzo yedu tichivimba naJehovha uye tichitsungirira, tisingambokandi mapfumo pasi. Kutsungirira kwakadaro kunogutsa zvikuru panopera miedzo yokutenda. Uye inotopera chete.—1 VaK. 10:13.

Mumwe ava nemakore achishumira Jehovha uyo akatarisana nematambudziko akawanda ourwere anotsanangura chakamubatsira kuti atsungirire, achiti: “Ndinoedza kufunga nezvezviri kuitwa naJehovha, kwete zvandinoda kuita. Kuva munhu akaperera kunoreva kuramba ndakatarira zvinangwa zvaMwari, kwete zvandinoda ini. Patinotarisana nematambudziko, handifungi kuti, ‘Jehovha ndini ndakaita sei?’ Ndinongoramba ndichimushumira ndiri pedyo naye kunyange matambudziko andisingatarisiri akamuka.”

Mazuva ano, ungano yechiKristu inonamata Jehovha “nomudzimu nechokwadi.” (Joh. 4:23, 24) Seboka, vaKristu vechokwadi havambofi vakakanganwa Mwari sezvakaitwa nevaIsraeri. Asi kungova muungano hakusiko kuchaita kuti tirambe takaperera. Sezvakaitwa naKarebhi naJoshua, mumwe nomumwe wedu anofanira kuratidza kuonga uye kutsungirira mubasa raJehovha. Tine chikonzero chakanaka chokuita izvozvo, nokuti Jehovha anoramba achitungamirira uye achitarisira mumwe nomumwe wedu munguva ino yakaoma yomugumo.

Kufanana nemurwi wematombo wakaunganidzwa naJoshua, mabasa aMwari okuponesa aakaita anotivimbisa kuti haazosiyi vanhu vake. Saka dai ukava nemanzwiro omunyori wepisarema, uyo akati: “Ndichayeuka mabasa aJah; nokuti ndichayeuka zvinoshamisa zvamakaita kare kare. Ndichafungisisa nezvebasa renyu rose, ndichava nehanya nezvamakaita.”—Pis. 77:11, 12.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Rudzi rwose rwaifanira kufamba nepa“ivhu rakaoma”

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Mufananidzo uri papeji 8]

VaIsraeri pavaiva vakadzika misasa paKadheshi-bhaneya, vasori vakatumwa muNyika Yakapikirwa

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Pashure pemakore akawanda vari murenje, vaIsraeri vangadai vakaonga kuti vakazopinzwa muNyika Yakapikirwa yakaorera

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kufunga nezvezvinangwa zvaJehovha kunoita kuti tikwanise kutsungirira chero matambudziko api zvawo atinotarisana nawo