Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Magwaro anotaura nezve“bhuku raJashari” uye “bhuku reHondo dzaJehovha.” (Josh. 10:13; Num. 21:14) Mabhuku aya maviri haamo muBhaibheri. Aya aiva mabhuku akafuridzirwa akarasika here?

Hapana hapo chingaita kuti tigumise kuti mabhuku maviri aya akanga anyorwa achiita zvokufuridzirwa asi akazorasika. Vanyori veBhaibheri vakafuridzirwa vakataura nezvemamwe mabhuku akawanda. Mamwe acho chokwadi angadaro ari mabhuku ari muBhaibheri airondedzerwa nemashoko asina kujairika kuvaverengi vemazuva ano. Somuenzaniso, 1 Makoronike 29:29 inotaura nezve“mashoko omuoni Samueri,” “mashoko omuprofita Natani,” uye “mashoko omuoni Gadhi.” Mashoko aya angadaro achireva mabhuku atinoziva sa1 na2 Samueri, kana kuti zvichida bhuku raVatongi.

Asiwo pane mamwe mashoko anotaurwa achireva mabhuku ane mazita akafanana nemabhuku ari muBhaibheri asi iwo asiri hawo mabhuku omuBhaibheri. Izvi tingazvienzanisira nemabhuku mana ekare, anoti: “bhuku remabasa enguva yemadzimambo aJudha,” “Bhuku reMadzimambo aJudha neaIsraeri,” “Bhuku reMadzimambo aIsraeri,” uye “Bhuku reMadzimambo aIsraeri neaJudha.” Kunyange zvazvo mazita iwayo anganzwika seakafanana nemazita emabhuku eBhaibheri atinoziva sa1 na2 Madzimambo, aya mabhuku mana haana kufuridzirwa, uyewo haamo muBhaibheri. (1 Madz. 14:29; 2 Mak. 16:11; 20:34; 27:7) Angangodaro aiva mabhuku enhoroondo akanyorwa kare panguva iyo muprofita Jeremiya naEzra vakanyora nhoroondo dzatinadzo muBhaibheri.

Ichokwadi kuti vamwe vanyori veBhaibheri vakaverenga kana kuti vakatotaura nezvemabhuku enhoroondo kana kuti magwaro aivapo asi asina kufuridzirwa. Esteri 10:2 inotaura nezve“Bhuku rezvakaitika panguva dzemadzimambo eMedhiya nePezhiya.” Saizvozvowo, Ruka paaigadzirira kunyora Evhangeri yake, “akatsvaka zvinhu zvose nenzira yakarurama kubvira pakutanga.” Angadaro aireva kuti paainyora nhoroondo yedzinza raJesu yatinoverenga muEvhangeri yake, akaongorora mabhuku aaikwanisa kuwana. (Ruka 1:3; 3:23-38) Kunyange zvazvo mabhuku akaongororwa naRuka akanga asina kufuridzirwa, Evhangeri yaakazoguma anyora yaiva yakafuridzirwa. Uye Evhangeri iyoyo tichiri kuikoshesa.

Kana ari mabhuku maviri ataurwa pamubvunzo, “bhuku raJashari” uye “bhuku reHondo dzaJehovha,” zvinoita sokuti aiva magwaro akanga asina kufuridzirwa. Izvozvo zvakaita kuti Jehovha asaachengetedza. Nemhaka yepaanotaurwa muBhaibheri, dzimwe nyanzvi dzakagumisa kuti mabhuku maviri aya waiva muunganidzwa wenhetembo nenziyo dzaiva nechokuita nehondo dzakarwiwa nevaIsraeri nevavengi vavo. (2 Sam. 1:17-27) Imwe enisaikoropidhiya yeBhaibheri inoti zviri mumabhuku aya zvingadaro zvaiva “nhetembo nenziyo dzakachengetedzwa nevaimbi vomuIsraeri.” Kunyange vamwe varume vaimboshandiswa naMwari sevaprofita kana kuti vaoni vakanyora mabhuku asina kufuridzirwa naJehovha uye aasina kusarudza kuti ave mamwe eMagwaro a“nobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu” mazuva ano.—2 Tim. 3:16; 2 Mak. 9:29; 12:15; 13:22.

Kutaurwa kwemamwe mabhuku muBhaibheri uye kushandiswa kwaakaitwa hakufaniri kuita kuti tibve tati akafuridzirwa. Zvisinei, Jehovha Mwari akachengetedza mabhuku ose ane “shoko raMwari wedu,” uye aya a“chagara nokusingagumi.” (Isa. 40:8) Chokwadi, mabhuku eBhaibheri 66 akasarudzwa naJehovha kuti tive nawo ndiwo chete atinoda kuti ‘tikwanise zvizere, takashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.’—2 Tim. 3:16, 17.