Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ngirozi yaJehovha Inodzika Musasa Ichitikomba’

‘Ngirozi yaJehovha Inodzika Musasa Ichitikomba’

‘Ngirozi yaJehovha Inodzika Musasa Ichitikomba’

YAKATAURWA NACHRISTABEL CONNELL

Takanga tichinakidzwa nokupindura mibvunzo yeBhaibheri yaChristopher zvokuti tose hapana akaona kuti nguva dzakanga dzatoenda; uyewo hatina kumboona kuti Christopher akanga ari kungoramba achitarira panze nepahwindo. Akazopedzisira atiti: “Iye zvino kwanaka munogona kuenda.” Akabva atiperekedza kumabhasikoro edu ndokubva taonekana. Chii chaakanga aona chaaitityira?

ZITA rangu rokuzvarwa naro ndiChristabel Earl uye ndakazvarirwa kuSheffield, kuEngland, muna 1927. Musha wedu wakabhombwa panguva yeHondo Yenyika Yechipiri, saka ndakanzi ndinogara naambuya vangu ndichipedzisa chikoro. Pane chimwe chikoro chechechi chandaidzidza, ndaigara ndichibvunza manani kuti nemhaka yei vakawanda vachiita zvakaipa uye vachirwisana. Manani aya nevemamwe machechi hapana akandipindura zvakandigutsa.

Hondo yeNyika Yechipiri yapera, ndakadzidzira kuva mukoti. Ndakatamira kuLondon kuti ndinoshandira kuPaddington General Hospital, asi muguta iroro vanhu vaitorwisana zvakanyanya. Hanzvadzi yangu ichangoenda kuKorea kuhondo, ndakaona vamwe vanhu vachirwa zvokuda kuurayana panze pechipatara chaipo. Hapana akada kubatsirawo akanga arohwa wacho, zvokuti akasara ava bofu pamusana pekurohwa kwaakaitwa. Mazuva iwayo, amai vangu vaienda neni kumisangano yevaiita zvokuedza kutaura nevanhu vakafa vachishandisa masvikiro, asi hazvina kumbondibatsira kunzwisisa kuti nei vakawanda vaiita zvakaipa kudaro.

Kukurudzirwa Kudzidza Bhaibheri

Rimwe zuva hanzvadzi yangu John, uyo akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha, akatishanyira. Akandibvunza kuti: “Unoziva kuti nemhaka yei zvinhu zvose izvi zvakaipa zvichiitika here?” Ndakamupindura kuti: “Aiwa.” Akavhura Bhaibheri rake ndokuverenga pana Zvakazarurwa 12:7-12. Ndakabva ndaona kuti Satani nemadhimoni ake ndivo vanokonzera uipi munyika. Saka ndakateerera zano raJohn, ndikabva ndabvuma kuitiswa chidzidzo cheBhaibheri. Zvisinei, handina kubhabhatidzwa panguva iyoyo nokuti ndaitya vanhu.—Zvir. 29:25.

Mukoma wangu Dorothy akanga atovawo Chapupu. Paakadzoka kugungano remarudzi akawanda rakaitirwa kuNew York muna 1953 nomukomana wake Bill Roberts, ndakavaudza kuti ndakanga ndadzidza Bhaibheri. Bill akandibvunza kuti: “Wakaverenga Magwaro ose ari mubhuku racho here? Waitara mhinduro dzacho here?” Pandakati aiwa, akabva ati: “Saka hapana chawakadzidza! Enda unoona hanzvadzi yacho mutange patsva!” Panguva iyoyo madhimoni akatanga kundinetsa. Ndichiri kuyeuka ndichikumbira Jehovha kuti andidzivirire uye andisunungure pamadhimoni.

Kupayona kuScotland Uye kuIreland

Ndakabhabhatidzwa musi waJanuary 16, 1954, uye ndakapedza kushanda pachipatara somukoti muna May sokunyorerana kwataiva taita, ndokutanga kupayona muna June. Papera mwedzi misere, ndakatumirwa kuGrangemouth, Scotland sapiyona chaiye. Ndiri ikoko ndakaona kuti ngirozi dzaJehovha dzakanga ‘dzichidzika musasa dzichindikomba’ pandaishanda ndiri kunzvimbo iyi yokumaruwa—Pis. 34:7.

Muna 1956 ndakanzi ndinoshumira kuIreland. Ndakaendeswa kuguta riri kuGalway ndiine vamwe vaviri. Pazuva rokutanga chairo ndakaparidzira mumwe fata. Pasina nguva ngani mupurisa akabva asvika ndokunditora newandaiva naye tikaenda kukamba yemapurisa. Paakangotora mazita edu nenhamba dzepataigara akabva aenda kufoni. Takamunzwa achiti, “Eee Fata, ndinoziva chaipo pavanogara.” Akanga atumwa nafata! Muridzi wepamba pataigara akamanikidzwa kuti atidzinge, saka hofisi yebazi yakatiti tibve munzvimbo iyoyo. Takanonoka kusvika kuchiteshi chechitima nemaminitsi gumi. Asi chitima chakanga chichiripo, uye paiva nemurume akanga akamirira kuti aone kuti takwira. Takanga tangova nemavhiki matatu chete muGalway!

Takanzi tiende kuLimerick, rimwe guta rainyanya kuitwa zvido zvechechi yeRoma. Mapoka evanhu aigara achitisveeredza. Vanhu vakawanda vaitya kuti titaure navo padzimba dzavo. Gore rakapera racho imwe hama yakanga yarohwa mukaguta kaiva pedyo keCloonlara. Saka, takafara kusangana naChristopher, ambotaurwa nezvake patangira nyaya ino, uyo akakumbira kuti tidzoke kuzopindura mibvunzo yake panyaya dzeBhaibheri. Patakadzokera, fata akapinda mumba ndokuudza Christopher kuti atidzinge. Achiramba zvaidiwa nafata, akati: “Vakadzi ava vagogodza pamusuo vasati vapinda uye ndavati vapinde. Imi ndimi musina kana kugogodza, uye hapana akutii pindai.” Avira nehasha, fata akabva aenda.

Hatina kuziva kuti fata akanga aunganidza varume vakawanda vakanga vakatimirira panze pemba yaChristopher. Christopher akaita zvataurwa patangira nyaya ino nokuti aiona kuti vaitoda zvokutirwisa. Akaita kuti tigare kusvikira vaenda. Takazoziva pava paya kuti iye nemhuri yake vakazodzingwa munzvimbo iyoyo vakatamira kuEngland.

Kukokwa kuGiriyedhi

Muna 1958 pandakakokwa kuzopinda kirasi yechi33 yeGiriyedhi ndakanga ndava kutoronga kuenda kuNew York kunopinda Gungano reMarudzi Akawanda raiva nomusoro unoti Kuda kwaMwari. Pane kuti ndidzokere kumba gungano rapera, ndakashumira ndiri kuCollingwood, Ontario, Canada kusvikira chikoro cheGiriyedhi chatanga muna 1959. Asi pagungano ipapo, ndakasangana naEric Connell. Akanga adzidza chokwadi muna 1957 uye akatanga kupayona muna 1958. Gungano rapera, pandaiva ndiri kuCanada uye ndazoenda kuchikoro cheGiriyedhi aindinyorera tsamba zuva nezuva. Ndainetseka kuti taizoita sei pandaizopedza chikoro.

Kupinda kwandakaita chikoro cheGiriyedhi ndicho chinhu chandisingafi ndakakanganwa muupenyu hwangu. Ndakapinda kirasi imwe chete naDorothy nemurume wake. Vakatumirwa kuPortugal kunoshanda semamishinari. Ndisingafungiri ndakanzi ndiende kuIreland. Zvakandibata-bata chaizvo kuti nei ndisina kuendeswa kwaienda mukoma wangu! Ndakabvunza mumwe wevadzidzisi kana pane chandaiva ndakanganisa. “Hapana,” akapindura kudaro. “Iwe newauchashanda naye Eileen Mahoney makabvuma kuti muchaenda chero nyika yamunenge maendeswa,” uye zvechokwadiwo Ireland yaive imwe yacho.

Kudzokera kuIreland

Ndakadzokera kuIreland muna August 1959 uye ndakanzi ndipinde neungano yeDun Laoghaire. Panguva ino Eric, akanga adzokera kuEngland uye akafara kuti ndakanga ndava pedyo. Naiyewo aida kuva mumishinari. Akati sezvo kuIreland kwakanga kuchiri kutumirwa mamishinari, iye aizopayona ikoko. Akatamira kuDun Laoghaire, uye takazoroorana muna 1961.

Papera mwedzi mitanhatu, Eric akaita tsaona yakaipisisa nechimudhudhudhu. Akatsemuka musoro, uye vanachiremba vakanga vasina chokwadi kuti aizorarama. Apedza mavhiki matatu ari muchipatara, ndakamupepa tiri kumba kwemwedzi mishanu kusvikira apora. Ndakaramba ndichiita basa rokuparidza nepose pandaigona.

Muna 1965 takatumirwa kuungano yaiva nevaparidzi vasere kuSligo, chiteshi chengarava chaiva kuchamhembe kwakadziva kumadokero kwemahombekombe egungwa. Papera makore matatu, takaenda kune imwe ungano duku yaiva kuchamhembe kuLondonderry. Rimwe zuva tichibva kuushumiri takawana nzira yepataigara yasoserwa nefenzi ine minzwa. Kurwisana kwokuchamhembe kweIreland kwakanga kwatanga. Zvikwata zvevechiduku zvaipisa mota. Guta rakanga rava nemapoka maviri, vechechi yeRoma nevemachechi akabuda mairi. Zvaiva nengozi kubva mune imwe nzvimbo yeguta racho uchienda kune imwe.

Kugara Uye Kuparidza Munyika Maiva Nemhirizhonga

Taienda kwose kwose tichiparidza. Apazve takaona sokuti ngirozi dzaiva dzakadzika misasa dzichitikomba. Pataiona kuti mhirizhonga yatanga, taibva tangokurumidza kubva tozodzoka kana zvadzikama. Mumwe musi kurwisana uku kwakamboitika pedyo neimba yedu, chitoro chaitengesa pendi chakatsva uye zvinhu zvaiputika zvichidonhera pahwindo redu. Takarara takasvinura tichityira kuti zvimwe imba yedu ingangobatirawo moto. Pashure pokutamira kuBelfast muna 1970, takazonzwa kuti chitoro chacho chependi chakazokandwa bhomba repeturo chikatsva uye kuti imba yataimbogara yakabva yaparadzwawo nemoto iwoyo.

Imwe nguva zvekare, ini neimwe hanzvadzi pataiva tichiparidza, takaona chimwe chipombi chakanga chisinganzwisisiki chiri pahwindo. Takapfuura. Pachangopera maminitsi mashomanana, chakabva chadhuuka. Vanhu vakanga vabuda panze vakafunga kuti ndisu taive tateya bhomba racho! Imwe hanzvadzi inogara munzvimbo iyoyo yakabva yati tipinde mumba mayo. Kutipinza kwaakaita mumba make kwakaita kuti vaone kuti hatingamboiti zvinhu zvakadaro.

Muna 1971 takadzokera kuLondonderry tichishanyira imwe hanzvadzi. Patakarondedzera nzira yatakauya nayo inopfuura nepakavharwa mugwagwa, akatibvunza kuti, “Panga pasina vanhu here pamapfuura pakavharwa mugwagwa?” Patakati, “Vanga varipo, asi vangotisiya tichipfuura,” akashamisika. Nei? Nemhaka yokuti mazuva akanga apfuura mumwe chiremba nomupurisa vakanga vabvutirwa mota dzavo dzikapiswa.

Muna 1972 takatamira kuCork. Pava paya takazoshumira kuNaas, ndokuzoenda kuArklow. Pakupedzisira muna 1987 takazoendeswa kuCastlebar, kwatichiri nanhasi. Kuno takawana mukana wakanaka wokubatsira kuvaka Imba yoUmambo. Muna 1999 Eric akarwara zvokuda kufa. Kunyange zvakadaro, ndakabatsirwa naJehovha kuti zvisandikunda uye ndakatsigirwa neungano, ndikamupepa kusvikira apora.

Ini naEric takapinda Chikoro Chebasa Roupiyona kaviri. Achiri mukuru muungano. Ndinonetseka chaizvo nechirwere chemapfupa chearthritis uye ndakavhiyiwa muhudyu dzangu nemumabvi angu. Kunyange zvazvo ndakashorwa zvakanyanya pamusana pekunamata uye ndakararama panguva yaitsviriridza zvematongerwo enyika uye yemhirizhonga, chakanyanya kundiomera kwaiva kurambidzwa kutyaira mota. Izvi zvaiva zvakandiomera nokuti ndakanga ndisingachakwanisi kuenda kwandaida ndiri ndoga. Vanhu vari muungano vakandibatsira chaizvo, uye vainditsigira. Iye zvino ndava kushandisa mudonzvo pandinenge ndava kuda kufamba, uye kana ndichida kuenda kure ndinoshandisa bhasikoro rine mavhiri matatu rinoshanda nebhatiri.

Ini naEric makore atashanda semapiyona chaiwo akasanganiswa anopfuura 100, uye muIreland ndimo matashandira 98 acho. Hatina pfungwa yokurega basa iri nokuti tachembera. Hakusi kuti tiri kutarisira kuti Jehovha atiitire zvishamiso asi tine chokwadi chokuti ngirozi dzake dzine simba dziri ‘kudzika musasa dzichikomba vose’ vanomunamata uye vanomutya.