Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungaramba Sei Uchitsungirira Muushumiri?

Ungaramba Sei Uchitsungirira Muushumiri?

Ungaramba Sei Uchitsungirira Muushumiri?

WAKAMBONZWA waneta kana kuti waora mwoyo zvokuti wakafunga kuti uchirega kuparidza here? Kushorwa zvakanyanya, kuzvidya mwoyo, kurwara rwara, kuda kutevedzera vamwe, kana kuti kushaya chatinobura muushumiri zvinogona kuita kuti zvitiomere kutsungirira. Asi chimbofunga nezvemuenzaniso waJesu. Akatsungirira kutambudzwa kusingatauriki “nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake.” (VaH. 12:2) Aiziva kuti paaizoratidza kuti zvaipomerwa Mwari ndezvenhema, aizoita kuti mwoyo waJehovha ufare.—Zvir. 27:11.

Kana ukatsungirira mubasa rokuparidza, unogonawo kuita kuti mwoyo waJehovha ufare. Asi zvakadini kana zvimwe zvimhingamupinyi zvichiita sezviri kukupedza simba panyaya yokuparidza? Krystyna, achembera uye ava ndonda, anoti: “Ndatojaira kugara ndakaneta uye ndakaora mwoyo. Zvinetso zvinokonzerwa noukweguru, zvakadai sekungorwara-rwara uye kuzvidya mwoyo pamusana peupenyu hwezuva nezuva zvinomboita kuti kushingaira kwangu kudzikire.” Ungatsungirira sei muushumiri pasinei nezvimhingamupinyi zvakadaro?

Tevedzera Vaprofita

Kuti vatsungirire mubasa rokuparidza, vaparidzi voUmambo vakatendeka vanogona kuedza kuva nemafungiro akaita seaiva nevaprofita vekare. Somuenzaniso, chimbofunga nezvaJeremiya. Paakatanga kunzi ashumire somuprofita, akambozeza. Asi Jeremiya akakwanisa kutsungirira kuita basa rakanga rakaoma kwemakore anopfuura 40 nokuti akadzidza kuvimba naMwari zvakazara.—Jer. 1:6; 20:7-11.

Henryk anokurudzirwa nomuenzaniso waJeremiya. Anoti: “Kwemakore anopfuura 70 andiri kuita ushumiri, ndinomboodzwa mwoyo nezvinoita vanhu vandinoparidzira, vamwe vanoshora chaizvo uye vamwe havamboteereri. Panguva dzakadaro ndinobva ndafunga nezvomuenzaniso waJeremiya. Kuda kwaaiita Jehovha uye kukoshesa kwaaiita ukama hwake naye ndizvo zvakaita kuti arambe achiprofita.” (Jer. 1:17) Rafał ndemumwewo akakurudzirwa nemuenzaniso waJeremiya. Anoti: “Pane kuzvifunga iye pachake kana kuti zvaaida, Jeremiya akavimba naMwari. Kunyange aivengwa, iye akaramba achiita basa rake noushingi. Ndinoedza kuramba ndichiyeuka izvozvo.”

Mumwe muenzaniso ungabatsira vakawanda kutsungirira mubasa rokuparidza ndewomuprofita Isaya. Mwari akamuudza kuti vanhu verudzi rwake vakanga vasingazomuteereri. “Ita kuti mwoyo yevanhu ava ive mikukutu, ita kuti nzeve dzavo dzidzivire,” akadaro Jehovha. Zvinoreva kuti Isaya hapana chaaizobura here? Haasi iwo maonero aiita Mwari! Paakanzi ave muprofita, akati: “Ndiri pano! Nditumei.” (Isa. 6:8-10) Isaya haana kumbosiya basa rake. Ndizvo zvaunoita here panyaya yomurayiro wokuparidza?

Kuti titsungirire mubasa rokuparidza sezvakaita Isaya, pasinei nokuti vanhu havateereri, hatifaniri kunyanya kufunga nezvevaya vanoramba kuteerera. Rafał paanoora mwoyo anoti: “Ndinoedza kusanyanya kufunga nezvezvinotaurwa nevanhu zvisingafadzi. Vanhu vari mundima yangu vane kodzero yokutaura zvavanonzwa mwoyo yavo ichida.” Anna anowedzera pane izvozvo achiti: “Ndinoedza kuti ndisaramba ndichingofunga nezvechinhu chero chipi zvacho chisingafadzi kana kuti chinoodza mwoyo. Munyengetero uye kumboverenga nokufungisisa rugwaro rwezuva ndisati ndaenda kunoparidza ndizvo zvinondibatsira kuti ndidaro. Pfungwa dzisingafadzi dzinobva dzangonyangarika.”

Muprofita Ezekieri akashumira panguva yakadzoka nhapwa dzakaoma musoro dzechiJudha kubva kuBhabhironi. (Ezek. 2:6) Kudai muprofita uyu akanga asina kuudza vanhu mashoko aMwari, mumwe munhu akaipa obva afa asina kunzwa nyevero yacho, Ezekieri angadai akaifira iyoyo. Jehovha akaudza Ezekieri kuti: “Ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.”—Ezek. 3:17, 18.

Henryk anoedza kuva nemaonero seaiva naEzekieri, okuti: “Handidi kuva nemhosva paropa revanhu vose. Upenyu hwevanhu hunokosha huri pangozi.” (Mab. 20:26, 27) Zbigniew anotaurawo zvakafanana achiti: “Ezekieri aifanira kuenderera pasinei nezvaifungwa nevamwe. Izvi zvinondibatsira kuti ndinyatsoona basa rokuparidza semaonerwo arinoitwa noMusiki.

Hausi Woga

Paunenge uchiita basa rokuparidza unenge usiri woga. Sezvakataurwa nemuapostora Pauro, tinogona kuti: “Tiri vashandi pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Krystyna, uyo anobvuma kuti apo neapo anombonzwa sokuti haakoshi, anozoti: “Ndosaka ndichigara ndichikumbira simba kuna Jehovha. Haambondisiyi.” Hungu tinoda kuti mudzimu waMwari utitsigire muushumiri hwedu!—Zek. 4:6.

Patinenge tichiparidza, mudzimu mutsvene unotibatsirawo kuti tiratidze unhu hunoumba “chibereko chomudzimu.” (VaG. 5:22, 23) Izvozvo zvinobva zvatibatsira kuti titsungirire mubasa redu rokuparidza pasinei nezvingaitika. Henryk anoti: “Kuita basa rokuparidza kunondibatsira chaizvo kugadzirisa unhu hwangu. Ndinodzidza kuva munhu asingakurumidzi kugumbuka uye ane mutsa uye kusakurumidza kukanda mapfumo pasi.” Kutsungirira muushumiri pasinei nezvimhingamupinyi zvakasiyana-siyana kunogona kukubatsira kuti utonyanya kuratidza chibereko chomudzimu.

Jehovha anoshandisa ngirozi dzake kutungamirira basa iri rinokosha. (Zvak. 14:6) Bhaibheri rinoratidza kuti kune “makumi ezviuru emakumi ezviuru nezviuru zvezviuru” zvezvisikwa zvomudzimu. (Zvak. 5:11) Ngirozi dzinotungamirirwa naJesu kutsigira vashumiri vaMwari vari pasi pano. Unoramba uchifunga izvozvo here paunenge uri muushumiri?

“Kufungisisa kuti ngirozi dzinenge dzinesu patinenge tiri muushumiri kunondikurudzira chaizvo,” anodaro Anna. “Ndinokoshesa chaizvo kutibatsira kwadzinoita dzichitungamirirwa naJehovha naJesu.” Chokwadi kushanda nengirozi iropafadzo yakakura chaizvo!

Ko zvakadini nehama dzatinonamata nadzo? Takakomborerwa kuti tinozivana neboka guru reZvapupu zvakatendeka. Hazvina mubvunzo kuti iwe wakaona kuti chirevo ichi chiri muBhaibheri ndechechokwadi, chokuti: “Simbi inorodzwa nesimbi. Saizvozvo munhu anorodza chiso chomumwe.”—Zvir. 27:17.

Kushanda nevamwe muushumiri kunoita kuti tione nzira dzinobudirira dzokuparidza nadzo dzatingadaro tisingazivi. Elżbieta anoti: “Kushanda nevaparidzi vakasiyana-siyana kunoita kuti ndiwane mukana wokuratidza rudo kune vandinonamata navo nevandinosangana navo tichiparidza.” Edza kushanda nevanhu vakasiyana-siyana muushumiri. Zvichaita kuti ushumiri hwako hunakidze.

Nyatsozvitarisira

Kuti tirambe tichifara muushumiri, tinofanira kunyatsoronga zvakanaka, kuva netsika yakanaka yokudzidza tiri toga, uye kuwana nguva yakakwana yokuzorora. Kureva kuti, tinofanira kunyatsozvitarisira zvakanaka panyaya dzokunamata uye utano hwedu chaihwo.

Bhaibheri rinoti: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira.” (Zvir. 21:5) Zygmunt ava nemakore 88, anoti: “Kuva munhu akarongeka mubasa rokuparidza kunondibatsira kuti ndibudirire. Ndinonyatsoronga nguva yangu kuti ndiwane nguva yakakwana yokuparidza.”

Kunyatsoziva Magwaro kunotisimbisa uye kunotiita kuti tive vakanyatsogadzirira muushumiri. Sezvo tichifanira kudya kuti tirambe tiri vapenyu, tinofanirawo kugara tichidya zvokudya zvokunamata kuti tirambe tichiita basa rokuparidza. Kudzidza Shoko raMwari zuva nezuva uye kudya ‘zvokudya panguva yakakodzera’ kunogona kutipa simba muushumiri.—Mat. 24:45-47.

Elżbieta akachinja zvinoshamisa mararamiro aaiita kuti avandudze ushumiri hwake. Anoti: “Ndakanyatsoderedza nguva yandaipedza ndichiona terevhizheni kuitira kuti ndive nenguva yakawanda yokugadzirira basa roushumiri. Pandinoverenga Bhaibheri manheru oga oga, ndinofunga nezvevanhu vandakasangana navo mundima. Ndinotsvaka magwaro nenyaya dzingavabatsira.”

Kunyatsozorora kuchakubatsira kuti uve akachangamuka uye kunyatsoita zvakawanda muushumiri. Asiwo, kunyanyotandara zvakapfurikidza kunogona kuderedza maitiro aunoita ushumiri hwako. Andrzej, muparidzi anoshingaira, anoti: “Kusazorora kunoita kuti unzwe wakaneta, uye ndomatangiro anowanzoita kuora mwoyo. Ndinoita zvose zvandinogona kuti izvozvo zvisaitika kwandiri.”—Mup. 4:6.

Pasinei nezvose zvatingaedza kuita, vanhu vashomanana chete ndivo vachagamuchira mashoko akanaka. Zvisinei, Jehovha haazombokanganwi basa redu. (VaH. 6:10) Kunyange kana vanhu vakawanda vasingadi kutaura nesu, vanogona kuzosara votaura nezvekushanya kwatinenge taita tabva pamba pavo. Vangazoita zvakada kufanana nezvatinoverenga pamusoro paEzekieri, kuti: Vanhu “vachazivawo kuti pakati pavo paiva nomuprofita.” (Ezek. 2:5) Ndezvechokwadi kuti ushumiri hwedu hahusi nyore, asi patinohuita tinobatsirwa isu uye vanhu vanotiteerera.

“Kuita ushumiri kunoita kuti tipfeke unhu hutsva uye tiratidze kuda kwatinoita Mwari nevavakidzani vedu,” anodaro Zygmunt. “Kuita basa iri rokuponesa upenyu hwevanhu, iropafadzo chaiyo. Harizombodzokororwi semaitirwo ariri kuitwa mumamiriro ezvinhu akaita seatiri,” anowedzera kudaro Andrzej. Iwewo unogona kuwana zvikomborero zvakawanda zvinobva pakutsungirira muushumiri nhasi.—2 VaK. 4:1, 2.

[Mifananidzo iri papeji 31]

Kuzvitarisira panyaya dzokunamata uye dzoutano kunotibatsira kutsungirira muushumiri