Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jobho Akarumbidza Zita raJehovha

Jobho Akarumbidza Zita raJehovha

Jobho Akarumbidza Zita raJehovha

“Zita raJehovha ngarirambe richirumbidzwa.”—JOB. 1:21.

1. Ndiani angave akanyora bhuku raJobho, uye akarinyora riini?

MOSESI aiva nemakore anoda kusvika 40 paakatiza muIjipiti achitya Farao ndokunogara kuMidhiyani. (Mab. 7:23) Paaigara munyika iyoyo, angave akanzwa nezvemiedzo yakawira Jobho, uyo aigara kuUzi yaive pedyo. Makore akazotevera, Mosesi nerudzi rwevaIsraeri pavakanga vava pedyo neUzi vava kunopedza rwendo rwavo rwomurenje, Mosesi angave akazonzwa kuti zvii zvakaitika kuna Jobho mumakore ake okupedzisira. Maererano nezvinotaurwa nevaJudha, Mosesi akanyora bhuku raJobho pashure porufu rwaJobho.

2. Bhuku raJobho rinokurudzira sei vashumiri vaJehovha nhasi uno?

2 Bhuku raJobho rinosimbisa kutenda kwevashumiri vaMwari nhasi uno. Sei? Nhoroondo yacho inotiudza zvimwe zvinhu zvinokosha zvikuru zvakaitika kudenga uye inosimbisa nyaya inokosha yokuti Mwari ndiye changamire wezvinhu zvose. Nhoroondo yaJobho inotibatsirawo kunzwisisa kuti kuperera kuna Mwari kunosanganisirei uye chinoita kuti dzimwe nguva Jehovha abvumire kuti vashumiri vake vatambure. Uyezve, bhuku raJobho rinoratidza kuti Satani Dhiyabhorosi ndiye Muvengi mukuru waMwari newevanhu vose zvavo. Bhuku racho rinoratidzawo kuti vanhu vasina kukwana vakaita saJobho vanogona kuramba vakavimbika kuna Jehovha pasinei nemiedzo yakakura. Ngatimboongororai zvimwe zviitiko zvinorondedzerwa mubhuku raJobho.

Jobho Anoedzwa naSatani

3. Tinozivei nezvaJobho, uye chii chakaita kuti atambudzwe naSatani?

3 Jobho aiva akapfuma uye aiva nomukurumbira, ari musoro wemhuri une tsika dzinonwisa mvura. Zviri pachena kuti aiva chipangamazano airemekedzwa zvikuru aishamwaridzana nevarombo. Chinonyanya kukosha ndechokuti Jobho aitya Mwari. Jobho anorondedzerwa somurume “akanga asina chaaipomerwa, akarurama, achitya Mwari uye achinzvenga zvakaipa.” Pfuma yaJobho nomukurumbira wake handizvo zvakaita kuti atambudzwe naSatani Dhiyabhorosi, asi kuzvipira kwake kuna Mwari.—Job. 1:1; 29:7-16; 31:1.

4. Chii chinonzi kuperera?

4 Nhanganyaya yebhuku raJobho inorondedzera musangano wakaitwa kudenga ngirozi dzakaungana pamberi paJehovha. Satani akanga aripowo, akatanga kupomera Jobho. (Verenga Jobho 1:6-11.) Kunyange zvazvo Satani akataura nezvepfuma yaJobho, chaakanyanya kupokana nacho kwaiva kuperera kwaJobho kuna Mwari. Shoko rokuti “kuperera” rine pfungwa yokuramba munhu akarurama uye asina chaanopomerwa. Maererano neBhaibheri, kana munhu achinzi akaperera zvinoreva kuti akazvipira nemwoyo wose kuna Jehovha.

5. Satani akati chii nezvaJobho?

5 Satani akati Jobho ainamata Mwari nemhaka yezvaaiwana, kwete nokuti akanga akaperera kwaari. Akati Jobho aizoramba akavimbika kuna Jehovha kana bedzi Mwari akaramba achimupa mubayiro uye achimudzivirira. Kuti awane nzira yokupindura nayo zvaipomerwa naSatani, Jehovha akabvumira Satani kurwadzisa murume iyeye akanga akatendeka. Izvi zvakaita kuti muzuva rimwe chete, Jobho anzwe nezvokubiwa kana kuti kuparara kwezvipfuwo zvake, kuurayiwa kwevashandi vake, uye kufa kwevana vake gumi. (Job. 1:13-19) Jobho akasiya kuperera kwake kuna Mwari nemhaka yezvaakaitwa naSatani here? Mashoko akafuridzirwa anorondedzera zvakataurwa naJobho paakawirwa nedambudziko: “Jehovha akapa, uye Jehovha atora. Zita raJehovha ngarirambe richirumbidzwa.”—Job. 1:21.

6. (a) Chii chakaitika pamumwezve musangano wakaitwa kudenga? (b) Satani ainyanya kufunga nezvaani paakaratidza kusava nechokwadi nokuperera kwaJobho kuna Jehovha?

6 Pave paya pakazovazve nomumwe musangano kudenga. Satani akapomerazve Jobho achiti: “Ganda rinotsiviwa neganda, uye munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake. Ndapota, chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, mugunzve kusvikira papfupa rake nenyama yake, muone kana asingazokutukii pamberi penyu chaipo.” Cherechedza kuti Satani haana kugumira pakupomera Jobho chete. Paakati “Munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake,” Dhiyabhorosi akaratidza kusava nechokwadi nokuperera ‘kwomunhu’ wose anonamata Jehovha, kwete kwaJobho chete. Mwari akabvumirazve Satani kuyaurisa Jobho nechirwere. (Job. 2:1-8) Asi hapasiripo pakagumira miedzo yaJobho.

Zvatinodzidza Pamaonero Aiita Jobho

7. Mudzimai waJobho pamwe nevanhu vakanga vashanya vakawedzera sei dambudziko raJobho?

7 Pakutanga mudzimai waJobho akatambudzikawo sezvakaita murume wake. Kufirwa nevana vake uye kurasikirwa nepfuma yemhuri zvinofanira kunge zvakamugura kunorira. Zvinofanira kunge zvakamurwadza kuona murume wake achiyaura nokurwara. Akati kuna Jobho: “Uchakabata zvakasimba kuvimbika kwako here? Tuka Mwari, ufe!” Pakazosvika varume vatatu vanoti Erifazi, Bhiridhadhi, naZofari, vachiti vakanga vauya kuzonyaradza Jobho. Pane kunyaradza, vaitotaura mashoko anonyengera uye vakava “vanyaradzi vanotambudza.” Somuenzaniso, Bhiridhadhi akati vana vaJobho vane zvavakange vaita, saka ndivo vakazvipinza muna taisireva. Erifazi aipa pfungwa yokuti Jobho airangirwa zvivi zvaakanga aita. Akatosvika pakuti Mwari haana basa nevanhu vanoramba vakaperera kwaari! (Job. 2:9, 11; 4:8; 8:4; 16:2; 22:2, 3) Jobho akaramba akaperera kuna Mwari pasinei nezvose izvozvo. Ichokwadi kuti akakanganisa paakati “mweya wake wakarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.” (Job. 32:2) Asi akaramba akatendeka kusvikira zvapera.

8. Vanopa mazano nhasi uno vangatevedzera sei Erihu?

8 Tinozoverenga nezvaErihu, uyo akanga ashanyirawo Jobho. Erihu akatanga ateerera zvaitaurwa naJobho nevamwe vake vatatu. Kunyange zvazvo aiva muduku kune vamwe vose vari vana, Erihu akaratidza uchenjeri hwakadzama. Akataura naJobho achimuremekedza. Erihu akarumbidza Jobho achiti akanga akarurama. Asi akatiwo Jobho akanga azonyanya kuzviita mutsvene. Erihu akazoudza Jobho kuti kushumira Mwari wakatendeka nguva dzose kushandira zviripo. (Verenga Jobho 36:1, 11.) Uyu ndiwo muenzaniso wakanaka kune vaya vanofanira kupa vamwe mazano nhasi uno! Erihu akaratidza mwoyo murefu, achinyatsoteerera, achirumbidzawo zvinenge zvakanaka, uye achipa mazano anovaka.—Job. 32:6; 33:32.

9. Jehovha akabatsira sei Jobho?

9 Pakupedzisira Jobho akazoshanyirwa nomunhu anoshamisa zvechokwadi! Nhoroondo yacho inoti: “Jehovha akapindura Jobho ari mudutu.” Achishandisa mibvunzo yakatevedzana, Jehovha akabatsira Jobho zvakanakanaka asi zvakasimba kuti agadzirise mafungiro ake. Jobho akabvuma kutsiurwa akati: “Ndava asingakoshi . . . Ndapfidza ndiri muguruva nemadota.” Jehovha ataura naJobho, akaratidza kuti akanga atsamwira shamwari dzake nhatu, nokuti dzakanga dzisina kutaura “chokwadi.” Jobho aifanira kudzinyengeterera. Zvadaro, “Jehovha akachinja kutapwa kwaJobho paakanyengeterera shamwari dzake, Jehovha akapawo Jobho zvinhu zvaaimbova nazvo zvose, zvapetwa nekaviri.”—Job. 38:1; 40:4; 42:6-10.

Tinonyatsoda Jehovha Zvakadini?

10. Nei Jehovha asina kungoita seasiri kunzwa zvaipomerwa naSatani kana kuti kumuuraya?

10 Jehovha ndiye Musiki uye Changamire wezvinhu zvose. Nei asina kungoita seasiri kunzwa zvaipomerwa naDhiyabhorosi? Mwari aiziva kuti kuita seasiri kunzwa zvaipomerwa naSatani kana kuti kumuuraya kwaisazogadzirisa nyaya yakanga yamutswa. Dhiyabhorosi aive ati Jobho mushumiri waJehovha akatendeka, kana akarasikirwa nepfuma yake, aisazoramba akavimbika. Jobho akaramba akavimbika pasinei nezvose izvozvo. Satani ndokubva azoti chero munhu upi zvake anogona kusiya Mwari kana akangorwadziwa panyama. Jobho akarwadziwa asi akaramba akaperera kuna Mwari. Saka Satani akaratidzwa kuti anonyepa nomurume iyeye akanga akatendeka kunyange zvake akanga asina kukwana. Zvakadini nevamwe vanamati vaMwari?

11. Jesu akapa sei mhinduro yakakwana kune zvaipomerwa naSatani?

11 Chokwadi ndechokuti mushumiri waMwari mumwe nomumwe anoramba akaperera kwaari pasinei nematambudziko api zvawo anounzwa naSatani anoratidza kuti mupomeri uyu asina nyadzi anonyepa. Jesu akauya pasi pano akapa mhinduro yakakwana pane zvaipomerwa naSatani. Jesu aiva munhu akakwana, sezvakanga zvakaita baba vedu vokutanga, Adhamu. Kutendeka kwaJesu kusvika parufu kwakaratidza zvisingasiyi mubvunzo kuti Satani anonyepa uye anopomera zvenhema.—Zvak. 12:10.

12. Zvii zvinofanira kuitwa nomushumiri waJehovha mumwe nomumwe, uye ane mukana wei?

12 Kunyange zvakadaro Satani anongoramba achiedza vanamati vaJehovha. Mumwe nomumwe wedu ane mukana uye anotofanira kuratidza nokuperera kwake kuti ari kushumira Jehovha nokuti anomuda kwete nokuti ane zvaanowana. Tinoona sei izvi zvatinofanira kuita? Kuva vakavimbika kuna Jehovha chikomborero chaicho. Zvinotinyaradzawo kuziva kuti Jehovha anotipa simba rokutsungirira uye anoita kuti miedzo yedu ive nepainogumira sezvaakaita panyaya yaJobho.—1 VaK. 10:13.

Satani—Muvengi Akaoma Musoro Uye Mhandu

13. Bhuku raJobho rine mashoko api pamusoro paSatani?

13 Magwaro echiHebheru anonyatsotsanangura kupandukira Jehovha kunonyadzisa kwakaitwa naSatani uye kutsausa kwaakaita vanhu. MuMagwaro echiKristu echiGiriki, tinowana mamwe mashoko nezvokupikisa Jehovha kwaSatani, uye mubhuku raZvakazarurwa, tinodzidza nezvokurevererwa kwouchangamire hwaJehovha uye kuparadzwa zvachose kwaSatani. Bhuku raJobho rinowedzera zvatinoziva nezvokupanduka kwaSatani. Pakapinda Satani musangano wokudenga, chinangwa chake chakanga chisiri chokurumbidza Jehovha. Chinangwa chake chaive chokuchera uye chakanga chakaipa. Paakapomera Jobho uye paakawana mvumo yokumuedza, “Satani akabva pamberi paJehovha.”—Job. 1:12; 2:7.

14. Satani akabata sei Jobho?

14 Saka bhuku raJobho rinoti Satani muvengi wevanhu asina tsitsi. Panguva yatisingazivi kuti yakareba zvakadini, kubvira pamusangano unotaurwa pana Jobho 1:6 neuri pana Jobho 2:1, Jobho akaedzwa zvoutsinye chaizvo. Kutendeka kwaJobho kwakaita kuti Jehovha akwanise kuti kuna Satani: “Nazvino [Jobho] achakabata zvakasimba kuvimbika kwake, kunyange zvazvo iwe uchindikurudzira kuti ndimuparadze pasina chikonzero.” (Job. 2:3) Asi Satani haana kubvuma kuti zvaakange achipomera zvaiva zvaratidzwa kuti ndezvenhema. Panzvimbo paizvozvo akatoti Jobho aedzwe zvakatonyanya kuomarara. Saka Jobho akaedzwa naDhiyabhorosi paakanga achakapfuma uye asisina chaainacho. Zviri pachena kuti Satani haana kana tsiye nyoro kune vanoshayiwa kana kuti vanenge vari mumatambudziko. Anovenga vanhu vanenge vakaperera kuna Mwari. (Job. 2:3-5)Kunyange zvakadaro kutendeka kwaJobho kwakaratidza kuti Satani anoreva nhema.

15. Ko vakapandukira sangano raMwari nhasi vakafanana sei naSatani?

15 Satani ndiye chisikwa chakatanga kupandukira Mwari. Nhasi vanhu vakapandukira sangano raMwari vane unhu hwakafanana nehwaDhiyabhorosi. Pfungwa dzavo dzingava dzakakanganiswa nokugara vachishora vamwe vanhu vari muungano, vakuru vechiKristu, kana kuti Dare Rinodzora. Vamwe vakapandukira sangano vanoshora kushandiswa kwezita raMwari rokuti Jehovha. Havafariri kudzidza nezvaJehovha kana kumushumira. Kufanana nababa wavo Satani, vakapandukira sangano vanoti nangananga nevanhu vakaperera kuna Mwari. (Joh. 8:44) Ndosaka vashumiri vaJehovha vasingatombodyidzani navo zvachose.—2 Joh. 10, 11.

Jobho Akarumbidza Zita raJehovha

16. Jobho aiona sei Jehovha?

16 Jobho akashandisa uye akarumbidza zita raJehovha. Kunyange paakanga arwadziwa nerufu rwevana vake, Jobho haana kutaura chinhu chisina kukodzera nezvaMwari. Kunyange zvazvo Jobho aiti Mwari ndiye aita kuti arasikirwe, akarumbidza zita raJehovha. Mune imwe yenhetembo dzaakazotaura, Jobho akati: “Tarira! Kutya Jehovha—ndihwo uchenjeri, uye kubva pane zvakaipa ndiko kunzwisisa.”—Job. 28:28.

17. Chii chakabatsira Jobho kuti arambe akaperera kuna Mwari?

17 Chii chakabatsira Jobho kuti arambe akaperera kuna Mwari? Zviri pachena kuti akagara aine ukama hwepedyo naJehovha matambudziko aya asati amuwira. Kunyange zvazvo tisina uchapupu hwokuti aiziva kuti Satani akanga adenha Jehovha, Jobho akanga akatsunga kuramba akavimbika. Akati: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!” (Job. 27:5) Jobho akava sei noukama hwepedyo ihwohwo? Hapana mubvunzo kuti aikoshesa zvaakanga anzwa nezvezvakaitwa naMwari kuhama dzake dzakadai saAbrahamu, Isaka, naJakobho. Uye paaicherechedza zvinhu zvakasikwa, Jobho aigona kudzidza zvakawanda nezvaJehovha.—Verenga Jobho 12:7-9, 13, 16.

18. (a) Jobho akaratidza sei kuzvipira kwake kuna Jehovha? (b) Isu tingatevedzera sei muenzaniso wakanaka waJobho?

18 Zvakadzidzwa naJobho zvakaita kuti ave nechido chokufadza Jehovha. Aigara achipa zvibayiro, achityira kuti vana vake vangadaro vakaita chimwe chinhu chisingafadzi Mwari kana kuti “vakatuka Mwari mumwoyo mavo.” (Job. 1:5) Kunyange paaiedzwa zvakaomarara, Jobho akaramba achitaura zvakanaka nezvaJehovha. (Job. 10:12) Uyu ndiwo unonzi muenzaniso wakanaka! Isuwo tinofanira kugara tichiwana zivo yakarurama yaJehovha nezvinangwa zvake. Tinofanira kugara tiine purogiramu yakanaka yezvinhu zvakadai sokudzidza, kupinda misangano, kunyengetera uye kuparidza mashoko akanaka. Uyezve tinoedza zvose zvatinogona kuita kuti zita raJehovha rizivikanwe. Uye sokungofadzwa kwakaitwa Jehovha nokuperera kwaJobho kwaari, kuperera kwevashumiri vaMwari nhasi kunoita kuti mwoyo waJehovha ufare. Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

• Chii chakaita kuti Jobho atambudzwe naSatani Dhiyabhorosi?

• Jobho akatsungirira miedzo ipi, uye akaita sei paaiedzwa?

• Chii chichatibatsira kuramba takaperera kuna Mwari sezvakaita Jobho?

• Tinodzidzei nezvaSatani mubhuku raJobho?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 4]

Nhoroondo yaJobho inoita kuti tifunge nezvenyaya inokosha yokuti Mwari ndiye changamire wezvose

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kuperera kwako kuna Mwari kungaedzwa mumamiriro api ezvinhu?