Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunzwisisa Jesu—Dhavhidhi Mukuru Uye Soromoni Mukuru

Kunzwisisa Jesu—Dhavhidhi Mukuru Uye Soromoni Mukuru

Kunzwisisa Jesu—Dhavhidhi Mukuru Uye Soromoni Mukuru

“Tarirai! mumwe munhu anopfuura Soromoni ari pano.”—MAT. 12:42.

1, 2. Nei zvakashamisa vanhu kuti Samueri akanzi azodze Dhavhidhi samambo?

AKANGA asingamboiti samambo. Muprofita Samueri aitomuona semufudzi muduku. Uyezve guta reBhetrehema raaigara rakanga risina kukurumbira. Rairondedzerwa ‘seduku kwazvo zvokusagona kuva pakati pezviuru zvaJudha.’ (Mika 5:2) Kunyange zvakadaro jaya iri rakanga risingashamisiri raigara muguta duku iri rakanga rava kuda kuzodzwa nomuprofita Samueri kuti rizova mambo wavaIsraeri.

2 Dhavhidhi aiva muduku haasiye akaunzwa pakutanga nababa vake Jese kuti azozodzwa naSamueri; uyewo haasiye akaunzwa pechipiri kana pechitatu. Samueri paakaenda kumba kwomurume aiva akatendeka Jese kunozodza mumwe wevanakomana vake kuti ave mambo, Dhavhidhi, uyo aiva gotwe pavanakomana vasere, akanga asipo. Asi chinokosha ndechokuti Dhavhidhi ndiye aiva asarudzwa naJehovha.—1 Sam. 16:1-10

3. (a) Jehovha paanoongorora munhu, chii chaanonyanya kukoshesa? (b) Dhavhidhi paaizodzwa, chii chakatanga kushanda paari?

3 Jehovha akaona zvakanga zvisiri kuonekwa naSamueri. Mwari aiona zvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi, uye ndizvo zvakamufadza. Kuna Mwari, chimiro chomunhu hachisi icho chinokosha; asi zvaari nechomukati. (Verenga 1 Samueri 16:7.) Saka Samueri paakaona kuti Jehovha hapana waasarudza pavanakomana vanomwe vaJese, akati gotwe raiva kumafuro riunzwe. Nhoroondo yacho inoti: “Naizvozvo [Jese] akatumira shoko akaita kuti [Dhavhidhi] auye. Zvino akanga ari mutsvuku, jaya rine maziso akanaka nechitarisiko chakanaka. Jehovha akabva ati: ‘Simuka umuzodze, nokuti uyu ndiye!’ Naizvozvo Samueri akatora nyanga yemafuta, akamuzodza ari pakati pevakoma vake. Mudzimu waJehovha wakatanga kushanda pana Dhavhidhi kubvira pazuva iroro zvichienda mberi.”—1 Sam. 16:12, 13.

Dhavhidhi Aifananidzira Kristu

4, 5. (a) Rondedzera zvimwe zvakafanana pakati paDhavhidhi naJesu. (b) Nei Jesu anganzi ndiDhavhidhi Mukuru?

4 Kufanana naDhavhidhi, Jesu akaberekerwa kuBhetrehema, patova nemakore anenge 1 100 Dhavhidhi aberekwa. Vanhu vakawanda vaiona sokuti hazviiti kuti Jesu ave mambo. Kureva kuti akanga asiri iye mambo aitarisirwa nevaIsraeri vakawanda. Asi ndiye akasarudzwa naJehovha, sezvakaitwa Dhavhidhi. Kufanana naDhavhidhi, aidiwa chaizvo naJehovha. * (Ruka 3:22) ‘Mudzimu waJehovha wakatangawo kushanda pana Jesu.’

5 Pachine zvimwe zvakafanana pakati pevaviri ava. Somuenzaniso, Dhavhidhi akatengeswa nachipangamazano wake Ahitoferi, uye Jesu akatengeswa nomuapostora wake Judhasi Iskariyoti. (Pis. 41:9; Joh. 13:18) Dhavhidhi naJesu vaishingairira chaizvo nzvimbo yainamatirwa Jehovha. (Pis. 27:4; 69:9; Joh. 2:17) Jesu akanga ariwo mugari wenhaka yaDhavhidhi. Jesu asati aberekwa, ngirozi yakaudza amai vake kuti: “Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi.” (Ruka 1:32; Mat. 1:1) Zvisinei, Jesu mukuru zvikuru kupfuura Dhavhidhi nokuti achazadzisa zvipikirwa zvose zvine chokuita naMesiya. Ndiye Dhavhidhi Mukuru, Mambo Mesiya akanga ave nenguva achitarisirwa kuuya.—Joh. 7:42.

Tevera Mufudzi Uye Mambo

6. Zvii zvinoratidza kuti Dhavhidhi akanga ari mufudzi akanaka?

6 Jesu mufudziwo. Zvii zvinoitwa nemufudzi akanaka? Anofudza, odyisa uye orinda makwai ake neushingi uye akatendeka. (Pis. 23:2-4) Paaiva kakomana Dhavhidhi aiva mufudzi, uye ainyatsotarisira makwai ababa vake. Dhavhidhi akaratidza ushingi uye akaisa upenyu hwake pamutanhiko kuti adzivirire makwai aaiva nawo paakada kudyiwa neshumba uye nebheya.—1 Sam. 17:34, 35.

7. (a) Chii chakabatsira Dhavhidhi kuti azoita mabasa ake samambo? (b) Jesu anoratidza sei kuti Mufudzi Akanakisisa?

7 Makore akapedzwa naDhavhidhi ari musango nomumakomo achifudza makwai akamuita kuti agadzirire mabasa airema uye mutoro wokufudza rudzi rwevaIsraeri. * (Pis. 78:70, 71) Jesuwo akaratidza kuti mufudzi akanaka. Anotungamirirwa uye anopiwa simba naJehovha sezvaanofudza “boka duku” rake uye “mamwe makwai.” (Ruka 12:32; Joh. 10:16) Saka Jesu Mufudzi Akanakisisa. Anonyatsoziva boka rake zvokuti anodana gwai rimwe nerimwe nezita raro. Anoda makwai ake zvikuru zvokuti paaiva pasi pano akapa upenyu hwake achizvidira kuti aanunure. (Joh. 10:3, 11, 14, 15) SoMufudzi Akanaka, Jesu akaita zvimwe zvaisambokwaniswa naDhavhidhi. Chibayiro chake chorudzikunuro chakaita kuti vanhu vasungunurwe parufu. Hapana chichamumisa kufudza “boka duku” rake richienda kuupenyu husingafi kudenga uye kutungamirira “mamwe makwai” kuupenyu husingaperi munyika itsva yakarurama isina vaparadzi vakaita semapere.—Verenga Johani 10:27-29.

Tevera Mambo Anokunda

8. Dhavhidhi akaratidza sei kuti aive mambo anokunda?

8 Samambo, Dhavhidhi akanga ari murwi akatsunga aidzivirira nyika yevanhu vaMwari, uye “Jehovha akaramba achiponesa Dhavhidhi kwose kwose kwaaienda.” Paitonga Dhavhidhi, miganhu yenyika yerudzi rwaIsraeri yaibva kurwizi rwuri kuIjipiti kusvika kurwizi rwaYufratesi. (2 Sam. 8:1-14) Achitsigirwa naJehovha, akava mutongi ane simba zvikuru. Bhaibheri rinoti: “Mukurumbira waDhavhidhi wakatanga kuenda kunyika dzose, Jehovha akaita kuti marudzi ose amutye.”—1 Mak. 14:17.

9. Tsanangura kuti Jesu saMambo Akasarudzwa akakunda sei?

9 Jesu aiva akashinga sezvaiva zvakaita mambo Dhavhidhi. SaMambo Akasarudzwa, akaratidza kuti akanga ane simba rokukurira madhimoni, paaisunungura vanhu vaitambudzwa nawo. (Mako 5:2, 6-13; Ruka 4:36) Kunyange muvengi mukuru, Satani Dhiyabhorosi, haana zvaanokwanisa kumuita. Achitsigirwa naJehovha, Jesu akakunda nyika iri musimba raSatani.—Joh. 14:30; 16:33; 1 Joh. 5:19.

10, 11. Kudenga Jesu ane basa ripi saMambo Anorwa?

10 Papera makore anenge 60 Jesu afa uye amutsirwa kudenga, muapostora Johani akaona chiratidzo chouprofita chaJesu ari kudenga, achiita basa rake saMambo Anokunda. Johani anonyora kuti: “Tarira! bhiza jena; uye akanga akaritasva akanga aine uta; akapiwa korona, uye akabuda achikunda kuti apedzise kukunda kwake.” (Zvak. 6:2.) Mutasvi webhiza jena ndiJesu. “Akapiwa korona” paakagadzwa saMambo kudenga muUmambo hwokudenga muna 1914. Zvadaro, “akabuda achikunda.” Kufanana naDhavhidhi, Jesu ndimambo anokunda. Achangogadzwa saMambo woUmambo hwaMwari, akarwisana naSatani nemadhimoni ake ndokuvakurira akavakandira pasi pano. (Zvak. 12:7-9) Kutasva kwake achikunda kuchapfuurira kusvikira ‘apedzisa kukunda kwake,’ achinyatsotsakatisa nyika yakaipa yaSatani.—Verenga Zvakazarurwa 19:11, 19-21.

11 Kufanana naDhavhidhi, Jesu ndimambo ane hanya, uye achachengetedza “boka guru” paAmagedhoni. (Zvak. 7:9, 14) Uyezve, pachatonga Jesu aine vane 144 000 vachagara nhaka pamwe chete naye vanenge vamutswa, pachave no“kumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15) Vanhu vachamutswa pasi pano vachange vachizotarisira kurarama nokusingaperi. Vanotarisira ramangwana rakazonaka! Dai tose tikatsunga kuramba ‘tichiita zvakanaka’ kuitira kuti tinge tiri vapenyu nyika paichazara nevanhu vakarurama, vanofara vanotongwa naDhavhidhi Mukuru.—Pis. 37:27-29.

Munyengetero waSoromoni Wokukumbira Uchenjeri Unopindurwa

12. Soromoni akanyengeterera chii?

12 Mwanakomana waDhavhidhi, Soromoni aifananidzirawo Jesu. * Soromoni paakava mambo, Jehovha akazviratidza kwaari paairota ndokumuudza kuti aizomupa chero chaaizokumbira. Soromoni angadai akakumbira upfumi hwakawanda, simba kana kuti upenyu hurefu. Pane kudaro akatokumbira zvake Jehovha kuti: “Ndipei uchenjeri nezivo kuti ndibude uye ndipinde ndiri pamberi pevanhu ava, nokuti ndiani angatonga vanhu venyu vazhinji ava?” (2 Mak. 1:7-10) Jehovha akapindura munyengetero waSoromoni.—Verenga 2 Makoronike 1:11, 12.

13. Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga husina hunoenzana nahwo sei, uye hwaibva kupi?

13 Chero bedzi Soromoni aingoramba akatendeka kuna Jehovha, pane vakararama panguva yake hapana aienzana naye pamashoko ouchenjeri. Soromoni akataura “zvirevo zviuru zvitatu.” (1 Madz. 4:30, 32, 34) Zvizhinji zvacho zvakanyorwa uye zvinokosheswa nevaya vanotsvaka uchenjeri. Mambokadzi wekuSheba akafamba makiromita 2 400 kuti azoedza uchenjeri hwaSoromoni “nemibvunzo yakaoma.” Akashamiswa nezvakataurwa naSoromoni uye kubudirira kwakanga kwakaita umambo hwake. (1 Madz. 10:1-9) Bhaibheri rinotaura kwaibva uchenjeri hwaSoromoni richiti: “Vanhu vose vepanyika vakanga vachitsvaka kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwake, hwakanga hwaiswa mumwoyo make naMwari.”—1 Madz. 10:24

Tevera Mambo Akangwara

14. Jesu akanga ari “munhu anopfuura Soromoni” pakudii?

14 Pane munhu mumwe chete bedzi aipfuura Soromoni pakuchenjera. Aiva Jesu Kristu, uyo akazvirondedzera ‘semunhu anopfuura Soromoni.’ (Mat. 12:42) Jesu akataura “mashoko oupenyu husingaperi.” (Joh. 6:68) Semuenzaniso Mharidzo yepaGomo inowedzera uye kutsanangura zvimwe zvezvirevo zvaSoromoni. Soromoni akarondedzera zvimwe zvinhu zvinoita kuti munamati waJehovha afare. (Zvir. 3:13; 8:32, 33; 14:21; 16:20) Jesu akasimbisa kuti mufaro wechokwadi unobva pazvinhu zvine chokuita nokunamata Jehovha uye kuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari. Akati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” (Mat. 5:3) Vaya vanoita zvaidzidziswa naJesu vanoswedera pedyo naJehovha, “tsime roupenyu.” (Pis. 36:9; Zvir. 22:11; Mat. 5:8) Kristu anonyatsoratidza “uchenjeri hwaMwari.” (1 VaK. 1:24, 30) SaMambo Mesiya, Jesu Kristu ane “mudzimu wouchenjeri.”—Isa. 11:2.

15. Kuti tibatsirwe nouchenjeri hwaMwari tinofanira kuita sei?

15 Isu sevateveri vaSoromoni Mukuru, tingabatsirwa sei nouchenjeri hwaMwari? Sezvo Shoko Jehovha richiratidza uchenjeri hwake, tinofanira kushanda nesimba kuti tihuwane nokunyatsodzidza Bhaibheri, zvikurukuru mashoko aJesu ari mariri, uye nokufungisisa zvatinenge taverenga. (Zvir. 2:1-5) Uyezve, tinofanira kuramba tichikumbira Mwari uchenjeri. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti minyengetero yedu yemwoyo wose yokukumbira kubatsirwa ichapindurwa. (Jak. 1:5) Tichibatsirwa nemudzimu mutsvene, tichawana uchenjeri hunokosha muShoko raMwari uhwo huchatibatsira kana tikasangana nezvinetso uye huchatibatsira kuita zvisarudzo nokuchenjera. (Ruka 11:13) Soromoni akanzi “muunganidzi akaramba achidzidzisawo vanhu zivo.” (Mup. 12:9, 10) Jesu, soMusoro weungano yechiKristu, muunganidziwo wevanhu vake. (Joh. 10:16; VaK. 1:18) Saka tinofanira kupinda misangano yeungano, ‘kwatinoramba tichidzidziswa.’

16. Zvii zvakafanana pakati paJesu naSoromoni?

16 Soromoni aiva mambo ane zvakawanda zvaakakwanisa kuita. Akaita kuti pave nechirongwa chokuvaka munyika yose, chaisanganisira kuvakwa kwedzimba dzamambo, migwagwa, migero yemvura, maguta aichengeterwa zvinhu, maguta engoro dzehondo, uye maguta evatasvi vemabhiza. (1 Madz. 9:17-19) Nyika yacho yose yakabatsirwa chaizvo nekuvaka kwaakaita. Jesuwo muvaki. Akavaka ungano yake “padombo guru.” (Mat. 16:18) Achatarisirawo basa rokuvaka richaitwa munyika itsva.—Isa. 65:21, 22.

Tevera Mambo Worugare

17. (a) Chii chaishamisa pakutonga kwaSoromoni? (b) Chii chaisakwanisa kuitwa naSoromoni?

17 Zita rokuti Soromoni rinobva pashoko rinoreva kuti “rugare.” Mambo Soromoni akatonga ari muJerusarema, zita rinoreva kuti “Kuva Nerugare Rwakapetwa Kaviri.” Paakatonga rudzi rwaIsraeri kwemakore 40 kwakanga kune rugare. Richitaura nezvemakore iwayo Bhaibheri rinoti: “VaJudha nevaIsraeri vakaramba vachigara vakachengeteka, mumwe nomumwe ari pasi pomuzambiringa wake nepasi pomuonde wake, kubvira kuDhani kusvikira kuBheeri-shebha, mazuva ose aSoromoni.” (1 Madz. 4:25) Kunyange zvazvo Soromoni akanga akachenjera zvikuru, aisakwanisa kununura vanhu vaaitonga kubva pakurwara, chivi, uye rufu. Zvisinei Soromoni Mukuru achanunura vanhu vaanotonga pazvose izvi.—Verenga VaRoma 8:19-21.

18. Muungano yechiKristu, zvikomborero zvipi zvatinazvo?

18 Kunyange iye zvino muungano yechiKristu tine rugare. Zvechokwadi tiri kunakidzwa neparadhiso yezvokunamata. Tine rugare naMwari uye nevavakidzani vedu. Cherechedza zvakaprofitwa naIsaya pamusoro pemamiriro ezvinhu atiri kurarama maari: “Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.” (Isa. 2:3, 4) Patinoita zvinoenderana nemudzimu waMwari, tinenge tichiwedzera kunaka kwakaita paradhiso yezvokunamata.

19, 20. Zvii zvinoita kuti tifare?

19 Asi ramangwana richange rakatonaka. Vanhu vanoteerera zvavachange vachifara vakabatana panenge pachitonga Jesu, zvishoma nezvishoma ‘vachasunungurwawo muuranda hwokuora’ kusvikira vanyatsova vanhu vakakwana. (VaR. 8:21) Pavanenge vakunda muedzo wokupedzisira panoperera Kutonga Kwemakore Ane Chiuru, “vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.” (Pis. 37:11; Zvak. 20:7-10) Zvechokwadi, kutonga kwaKristu Jesu kuchapfuura nokure kwaSoromoni zvatisingagoni kufungidzira.

20 VaIsraeri zvavaifara pavaitungamirirwa naMosesi, Dhavhidhi uye Soromoni, isu tichafara zvokufara zviya patinenge tichitongwa naKristu. (1 Madz. 8:66) Tinotenda Jehovha nokutitumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe woga—Mosesi Mukuru, Dhavhidhi Mukuru uye Soromoni Mukuru!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Zita rokuti Dhavhidhi ringangodaro richireva kuti “Anodiwa.” Jesu paakabhabhatidzwa uye paakachinja chitarisiko, ari kudenga Jehovha akamuti “Mwanakomana wangu, anodiwa.”—Mat. 3:17; 17:5.

^ ndima 7 Dhavhidhi akanga akafanana negwai rinovimba nomufudzi waro. Aitarisira kuti Mufudzi Mukuru Jehovha amuchengetedze uye amutungamirire. Nechivimbo chakazara akati: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.” (Pis. 23:1) Johani Mubhabhatidzi akati Jesu ndiye “Gwayana raMwari.”—Joh. 1:29.

^ ndima 12 Chimwe chinofadza ndechokuti zita raSoromoni rechipiri ndiJedhidhiya, zvinoreva kuti “Anodiwa waJehovha.”—2 Sam. 12:24, 25.

Ungatsanangura Here?

• Jesu ndiDhavhidhi Mukuru pakudii?

• Jesu ndiSoromoni mukuru pakudii?

• Chii chaunoyemura pana Dhavhidhi Mukuru, ari zvekare Soromoni Mukuru?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 31]

Uchenjeri hwaSoromoni hwaakapiwa naMwari hwaifanofananidzira uchenjeri hwaSoromoni Mukuru

[Mufananidzo uri papeji 32]

Kutonga kwaJesu kuchapfuura kwaSoromoni uye kwaDhavhidhi zvatisingambogoni kufungidzira!