Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunzwisisa Mosesi Mukuru

Kunzwisisa Mosesi Mukuru

Kunzwisisa Mosesi Mukuru

“Jehovha Mwari achakumutsirai muprofita akaita seni anobva pakati pehama dzenyu. Munofanira kumuteerera.”—MAB. 3:22.

1. Jesu Kristu akachinja sei zvinhu zvaiitwa nevanhu?

MAKORE anopfuura 2 000 adarika, kuberekwa kwakaitwa mumwe mwanakomana kwakaita kuti ngirozi zhinji dzaiva kudenga dzirumbidze Mwari vamwe vafudzi vachizvinzwa. (Ruka 2:8-14) Kwapera makore makumi matatu, mwana iyeye, uyo akanga ava munhu mukuru, akatanga ushumiri hwakangoita makore matatu nehafu chete asi hwakachinja zvinhu zvose zvaiitwa nevanhu. Philip Schaff, munyori wenhau anozivikanwa chaizvo womuzana remakore rechi19 akanyora nezvemumwe munhu achiti: “Asina kana chaakanyora, zvaakaita zvakaita kuti vakawanda vatange kunyora, akaita kuti pave nemadingindira emharidzo dzakawanda, hurukuro, mavhoriyamu akanyorwa nevakadzidza chaizvo, mabasa ounyanzvi, uye nziyo dzokurumbidza, kupfuura varume vose vakakurumbira vekare nevemazuva ano.” Zviri pachena kuti murume anoshamisa iyeye ndiJesu Kristu.

2. Muapostora Johani akatii nezvaJesu noushumiri hwake?

2 Muapostora Johani akanyora nhoroondo yezvoushumiri hwaJesu uye yava kunopera akati: “Chokwadi, pane zvimwewo zvinhu zvizhinji zvakaitwa naJesu, izvo, kudai zvakanyorwa zvose chimwe nechimwe, ndinofunga kuti, nyika yaisagona kukwana mipumburu yacho.” (Joh. 21:25) Johani aiziva kuti aingogona kunyora zvishomanana chete pane zvose zvakataurwa nokuitwa naJesu mumakore matatu nehafu iwayo. Kunyange zvazvo Johani akanyora zvishomanana chete muEvhangeri yake, zvinokosha chaizvo.

3. Tingadzamisa sei kunzwisisa kwedu basa raJesu muchinangwa chaMwari?

3 Kuwedzera kunhoroondo ina dzinokosha dzeEvhangeri, dzimwe ndima dzeBhaibheri dzine mashoko anosimbisa kutenda ane chokuita noupenyu hwaJesu. Somuenzaniso, dzimwe nhoroondo dzeBhaibheri dzevamwe varume vakatendeka vakararama Jesu asati auya dzine mashoko anotibatsira kunyatsonzwisisa basa raJesu muchinangwa chaMwari. Ngatimbokurukurai dzimwe dzacho.

Vanhu vaMwari Vaifananidzira Kristu

4, 5. Ndivanaani vaifananidzira Jesu, uye nenzira dzipi?

4 Johani nevamwe vanyori veEvhangeri vatatu vanotaura nezvaMosesi, Dhavhidhi, naSoromoni vachivati varume vaifananidzira Jesu soMuzodziwa waMwari uye Mambo akasarudzwa weramangwana. Vashumiri vaMwari ivavo vekare vakafanofananidzira Jesu pakudii, uye tingadzidzei munhoroondo idzi?

5 Muchidimbu, Bhaibheri rinotiudza kuti Mosesi aiva muprofita, murevereri, uye mununuri. Ndozvakaitawo Jesu. Dhavhidhi aiva mufudzi uye mambo akakunda vavengi vaIsraeri. Jesuwo mufudzi uye ndimambo anokunda. (Ezek. 37:24, 25) Paakanga achakatendeka, Soromoni aiva mambo akachenjera, uye panguva yaaitonga, vaIsraeri vaiva norunyararo. (1 Madz. 4:25, 29) Jesuwo akachenjera zvikuru uye anonzi “Muchinda woRugare.” (Isa. 9:6) Zviri pachena kuti basa raKristu Jesu rakafanana nemabasa aiitwa nevarume ava asi nzvimbo yaJesu muchinangwa chaMwari yakatokura zvikuru. Ngatimbotangai taenzanisa Jesu naMosesi toona kuti zvingatibatsira sei kunzwisisa zvakazara basa raJesu muchinangwa chaMwari.

Mosesi—Aifananidzira Kristu

6. Muapostora Petro akatsanangura sei zvinoita kuti titeerere Jesu?

6 Pendekosti ya33 C.E. ichangopera, muapostora Petro akataura uprofita pamusoro paMosesi hwakazozadzika muna Jesu Kristu. Petro akanga akamira pamberi peboka revanamati vaiva mutemberi. Vanhu vacho vaka“shamiswa kwazvo” Petro naJohani pavakaporesa mupemhi aiva aberekwa akaremara, uye boka racho rose rakamhanyira kunoona zvakanga zvaitika. Petro akatsanangura kuti chishamiso ichi chakaitwa nomudzimu mutsvene waishanda muna Jesu Kristu. Zvadaro, achidzokorora mashoko ari muMagwaro echiHebheru, akati: “Chokwadi, Mosesi akati, ‘Jehovha Mwari achakumutsirai muprofita akaita seni anobva pakati pehama dzenyu. Munofanira kumuteerera maererano nezvinhu zvose zvaanotaura kwamuri.’”—Mab. 3:11, 22, 23; verenga Dheuteronomio 18:15, 18, 19.

7. Nei vateereri vaPetro vakanzwisisa zvaakataura nezvomuprofita mukuru kupfuura Mosesi?

7 Mashoko aya akataurwa naMosesi angadaro aiva akajairwa nevateereri vaPetro. Zvavaiva vaJudha, vaikoshesa chaizvo Mosesi. (Dheut. 34:10) Vaitarisira nechido kuuya kwomuprofita mukuru pana Mosesi. Muprofita iyeye aisazongova muzodziwa waMwari saMosesi, asi aizova Mesiya, “iye Kristu waMwari, Akasarudzwa” waJehovha.—Ruka 23:35; VaH. 11:26.

Kufanana Kwakaita Jesu naMosesi

8. Upenyu hwaMosesi nohwaJesu hwakafanana papi?

8 Pane zvimwe zvinhu, upenyu hwaJesu paaiva pasi pano hwakafanana noupenyu hwaMosesi. Somuenzaniso, pavaiva vana, Mosesi naJesu vakapona nepaburi retsono pavaida kuurayiwa nevatongi vaiva noutsinye. (Eks. 1:22–2:10; Mat. 2:7-14) Uyezve, vose vakanzi ‘vabude muIjipiti.’ Muprofita Hosiya akati: “Israeri paaiva mukomana, ndakamuda, uye ndakashevedza mwanakomana wangu kuti abude muIjipiti.” (Hos. 11:1) Mashoko aHosiya anoreva nguva iya rudzi rwaIsraeri parwakatungamirirwa kubuda muIjipiti nomutungamiriri wavo aiva agadzwa naMwari, Mosesi. (Eks. 4:22, 23; 12:29-37) Zvisinei, mashoko aHosiya akanga asingangorevi zvakanga zvaitika asiwo zvaizoitika. Mashoko ake aiva uprofita hwakazadziswa Josefa naMariya pavakadzoka kubva kuIjipiti vaina Jesu, Mambo Herodhi paakanga afa.—Mat. 2:15, 19-23.

9. (a) Mosesi naJesu vakaita zvishamiso zvipi? (b) Taura zvimwe zvakafanana pakati paJesu naMosesi. (Ona bhokisi rinoti  “Zvimwe Zvakafanana Pakati paJesu naMosesi,” riri papeji 26.)

9 Mosesi naJesu vakaita zvishamiso, kuratidza kuti vakanga vachitsigirwa naJehovha. Maererano nezvinotaura Bhaibheri, Mosesi ndiye aiva munhu wokutanga kuita chishamiso. (Eks. 4:1-9) Somuenzaniso, Mosesi akaita zvishamiso zvine chokuita nemvura paakataura kuti mvura yorwizi rwaNire nemadziva arwo ane tsanga ive ropa, pakakamurwa Gungwa Dzvuku, uye mvura payakabuda mudombo raiva murenje. (Eks. 7:19-21; 14:21; 17:5-7) Jesu akaitawo zvishamiso zvine chokuita nemvura. Chishamiso chake chokutanga-tanga chaiva chokuchinja mvura kuti ive waini pamuchato. (Joh. 2:1-11) Pave paya, akanyaradza Gungwa reGarireya rakanga risisina kugadzikana. Uye mumwe musi akatofamba pamusoro pemvura! (Mat. 8:23-27; 14:23-25) Zvimwe zvakafanana pakati paMosesi naJesu, Mosesi Mukuru, zviri  mubhokisi riri papeji 26.

Nzwisisa Kuti Kristu Muprofita

10. Muprofita wechokwadi akaita sei, uye nei Mosesi aiva mumwe wacho?

10 Vanhu vakawanda vanofunga kuti muprofita munhu anotaura nezveramangwana, asi izvozvo hazvisi izvo zvoga zvinoitwa nomuprofita. Muprofita wechokwadi munhu anofuridzirwa otaura achimiririra Jehovha, anozivisa “zvinhu zvikuru zvaMwari.” (Mab. 2:11, 16, 17) Kuprofita kwake kunosanganisira kuzivisa zvichaitika mune ramangwana, zvimwe zvine chokuita nechinangwa chaJehovha, kana kuti zvakatongwa zvaMwari. Mosesi aiva muprofita akadaro. Akafanozivisa rimwe nerimwe reMatambudziko Gumi akawira vaIjipiti. Ndiye akatanga kuvaudza nezvesungano yoMutemo paSinai. Uye akarayiridza rudzi rwacho zvaidiwa naMwari. Asi pakupedzisira muprofita mukuru pana Mosesi aizouya.

11. Jesu akaita sei basa romuprofita mukuru pana Mosesi?

11 Pave paya, muzana remakore rokutanga, Zekariya akaprofita paakazivisa chinangwa chaMwari nezvoMwanakomana wake, Johani. (Ruka 1:76) Mwanakomana iyeye ndiye akazova Johani Mubhabhatidzi, akazivisa kuuya kwomuprofita mukuru pana Mosesi akanga ava nenguva akamirirwa, iye Jesu Kristu. (Joh. 1:23-36) Somuprofita, Jesu akafanozivisa zvinhu zvakawanda. Somuenzaniso, akataura nezvorufu rwake, achifanotaura mafiro aaizoita, kwaaizofira, uye vaizomuuraya. (Mat. 20:17-19) Chakashamisa vateereri vake ndechokuti Jesu akafanotaurawo nezvokuparadzwa kweJerusarema netemberi yaro. (Mako 13:1, 2) Akaprofita kunyange zvepanguva yedu ino.—Mat. 24:3-41.

12. (a) Jesu akaratidza sei maitirwo ebasa rokuparidza rinofanira kuitwa munyika yose? (b) Mazuva ano tingatevedzera sei muenzaniso waJesu?

12 Kunze kwokuva muprofita, Jesu aiva muparidzi nomudzidzisi. Akaparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, uye hapana mumwe akataura noushingi kupfuura zvaaiita. (Ruka 4:16-21, 43) Hapana mudzidzisi aisvika paari. Vamwe vakamunzwa vakati, “Hapana mumwe munhu akambotaura saizvozvi.” (Joh. 7:46) Jesu aishingairira basa rake rokuparadzira mashoko akanaka, uye akakurudzira vateveri vake kuti vashingairirewo Umambo sezvaaiita. Saka akasiya aratidza maitirwe ebasa rokuparidza nokudzidzisa rinofanira kuitwa munyika yose, iro richiri kuitwa. (Mat. 28:18-20; Mab. 5:42) Gore rapera, mamiriyoni manomwe evateveri vaKristu akapedza maawa anenge 1 500 000 000 achiparidza mashoko akanaka oUmambo uye achidzidzisa vanhu vanofarira chokwadi cheBhaibheri. Unoitawo basa iri nepaunogona here?

13. Chii chichatibatsira ‘kuramba takamuka’?

13 Hapana mubvunzo kuti Jehovha akazadzisa uprofita hwokuti paizova nomuprofita akaita saMosesi. Kuziva izvozvo kunokubatsira sei? Kunoita here kuti uve nechivimbo chakatosimba chokuti uprofita hwakafuridzirwa hune chokuita neramangwana redu huchazadziswa? Chokwadi, kufungisisa nezvomuenzaniso waMosesi Mukuru kunotibatsira ‘kuramba takamuka uye takasvinura’ pane zvichaitwa naMwari munguva pfupi iri kuuya.—1 VaT. 5:2, 6.

Koshesa Kristu Murevereri

14. Mosesi aiva murevereri wevaIsraeri naMwari pakudini?

14 Jesu aiva murevereri, sezvakanga zvakaita Mosesi. Murevereri munhu anoita sezvinoitwa nomunyai. Mosesi aiva murevereri wesungano yoMutemo pakati paJehovha nevaIsraeri. Kudai vanakomana vaJakobho vakateerera mitemo yaMwari, vaizoramba vari pfuma yaMwari chaiyo, ungano yake. (Eks. 19:3-8) Sungano iyoyo yakaramba ichishanda kubvira muna 1513 B.C.E. kusvikira muzana remakore rokutanga C.E.

15. Jesu murevereri ari nani pakudini?

15 Muna 33 C.E., Jehovha akatanga imwe sungano iri nani naIsraeri mutsva, “Israeri waMwari,” yakazova ungano yomunyika yose yaiumbwa nevaKristu vakazodzwa. (VaG. 6:16) Kunyange zvazvo sungano yairevererwa naMosesi yaisanganisira mitemo yaive yanyorwa naMwari pamatombo, sungano yakarevererwa naJesu iri nani kuipfuura. Mitemo yayo inonyorwa naMwari pamwoyo yevanhu. (Verenga 1 Timoti 2:5; VaHebheru 8:10.) Saka, iye zvino “Israeri waMwari” ava pfuma yaMwari chaiyo, “rudzi runobereka zvibereko” zvoUmambo hwaMesiya. (Mat. 21:43) Nhengo dzorudzi irworwo rwomudzimu ndidzo dziri musungano itsva iyoyo. Asi handivo voga vanobatsirwa nayo. Vanhu vazhinji-zhinji, vakawanda vacho vakafa pari zvino, vachawana zvikomborero zvisingaperi nemhaka yesungano iyoyo iri nani.

Koshesa Kristu Mununuri

16. (a) Jehovha akashandisa sei Mosesi kuti anunure vaIsraeri? (b) Maererano naEksodho 14:13, ndiani anoponesa?

16 Usiku hwokupedzisira vasati vabuda muIjipiti, vamwe vaIsraeri vaiva mungozi yakakura. Munguva pfupi, ngirozi yaMwari yaizopfuura nomunyika yeIjipiti, ichiuraya matangwe ose. Jehovha akaudza Mosesi kuti matangwe evaIsraeri aizoponeswa kana vaIsraeri vakatora ropa regwayana rePaseka vorisasa kurutivi rwokumusoro rwesuo nepamagwatidziro emasuo avo. (Eks. 12:1-13, 21-23) Ndizvo zvavakaita. Pave paya, rudzi rwose rwakanga rwava mungozi yakaipisisa. Vakanga vava parumanzombe pakati peGungwa Dzvuku nengoro dzehondo dzevaIjipiti dzaivatevera. Jehovha akavanunurazve achishandisa Mosesi, uyo akaita chishamiso chokukamura mvura yegungwa iroro.—Eks. 14:13, 21.

17, 18. Jesu mununuri mukuru kupfuura Mosesi pakudini?

17 Kunyange zvazvo kununurwa uku kwaiva kukuru, kununurwa kwakaitwa naJehovha achishandisa Jesu kwakatokura zvikuru. Jesu ndiye anoita kuti vanhu vanoteerera vanunurwe pauranda hwechivi. (VaR. 5:12, 18) Uye kununurwa ikoko “kununurwa kusingaperi.” (VaH. 9:11, 12) Zita rokuti Jesu rinoreva kuti “Jehovha Muponesi.” Jesu zvaari Mununuri wedu, kana kuti Muponesi, haangotinunuri pazvivi zvatakaita asiwo anotivhurira mukana wokuti tive neramangwana riri nani. Jesu paakanunura vateveri vake pauranda hwechivi, akavaponesa pahasha dzaMwari uye akaita kuti vave noukama hworudo naJehovha.—Mat. 1:21.

18 Panguva yakakodzera kununurwa pachivi kunoitwa naJesu kuchasanganisira kusunungurwa pazvinokonzerwa nechivi, zvakadai sokurwara, kana kufa chaiko. Kuti ufungidzire kuti izvozvo zvicharevei, funga zvakaitika Jesu paakaenda kumusha womumwe murume ainzi Jairosi, akanga afirwa nomwanasikana wake aiva nemakore 12. Jesu akavimbisa Jairosi kuti: “Usatya, ingotenda chete, uye achaponeswa.” (Ruka 8:41, 42, 49, 50) Sezvaakanga ataura, musikana wacho akamutswa kuvakafa! Ungafungidzira kufara kwakaita vabereki vake here? Kana zvakadaro unogona kufungidzira mufaro wakakura watichava nawo apo “vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [Jesu], vobuda” pakumutswa kuchaitwa vanhu. (Joh. 5:28, 29) Zvechokwadi, Jesu Muponesi, Mununuri wedu!—Verenga Mabasa 5:31; Tito 1:4; Zvak. 7:10.

19, 20. (a) Kufungisisa basa raJesu saMosesi Mukuru kunotibatsira sei? (b) Nyaya inotevera ichakurukura nezvei?

19 Kuziva kuti tinogona kushandiswa kubatsira vanhu kuti vayamurwe nemabasa aJesu okuponesa kunotikurudzira kuti tiite basa rokuparidza nerokudzidzisa. (Isa. 61:1-3) Uyezve, kufungisisa nezvebasa raJesu saMosesi Mukuru kunodzamisa chivimbo chedu chokuti achanunura vateveri vake paanouya kuzotonga vakaipa.—Mat. 25:31-34, 41, 46; Zvak. 7:9, 14.

20 Chokwadi, Jesu ndiye Mosesi Mukuru. Akaita zvinhu zvakawanda zvinoshamisa zvaisambokwanisa kuitwa naMosesi. Mashoko aJesu somuprofita uye zvaakaita somurevereri zvinobatsira vanhu vose. SoMununuri, Jesu anounzira vanhu ruponeso rusingaperi, kwete rwenguva pfupi. Asi pachine zvimwe zvatinodzidza nezvaJesu kubva kuvarume vekare vakatendeka. Nyaya inotevera ichakurukura kuti aiva Dhavhidhi Mukuru uye Soromoni Mukuru pakudini.

Ungatsanangura Here?

Jesu mukuru kuna Mosesi pakudini so-

• muprofita?

• murevereri?

• mununuri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]

  Zvimwe Zvakafanana Pakati paJesu naMosesi

□ Vose vakasiya zvinzvimbo zvakakwirira zvavaiva nazvo kuti vashumire Jehovha nevanhu vake.​—2 VaK. 8:9; VaF. 2:5-8; VaH. 11:24-26.

□ Vose vakashumira sevakazodzwa, uye vakasarudzwa naJehovha.​—Mako 14:61, 62; Joh. 4:25, 26; VaH. 11:26.

□ Vose vakauya muzita raJehovha.​—Eks. 3:13-16; Joh. 5:43; 17:4, 6, 26.

□ Vose vakaratidza kuti vanyoro.​—Num. 12:3; Mat. 11:28-30.

□ Vose vakapa vanhu vakawanda zvokudya.​—Eks. 16:12; Joh. 6:48-51.

□ Vose vakashanda sevatongi uye sevapi vomutemo.​—Eks. 18:13; Mar. 4:4; Joh. 5:22, 23; 15:10.

□ Vose vakanzi vatungamirire imba yaMwari.​—Num. 12:7; VaH. 3:2-6.

□ Vose vanorondedzerwa sezvapupu zvaJehovha zvakatendeka.​—VaH. 11:24-29; 12:1; Zvak. 1:5.

□ Pakafa Mosesi uye Jesu, Mwari akatora zvitunha zvavo.​—Dheut. 34:5, 6; Ruka 24:1-3; Mab. 2:31; 1 VaK. 15:50; Jud. 9.