Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Nei zvichikosha chaizvo kuti isu vaKristu tirambe takaperera kuna Mwari?

Kuramba takaperera kuna Mwari kunoita kuti titsigire uchangamire hwaJehovha norudo toratidza kuti Satani anoreva nhema. Mwari achatitongawo maererano nokuperera kwedu kwaari, kureva kuti tariro yedu yeramangwana inobva pakuperera kwedu kwaari.—12/15, mapeji 4-6.

Ndeapi mamwe mazita anoratidza basa raJesu muchinangwa chaMwari?

Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga. Shoko. Ameni. Murevereri wesungano itsva. Mupristi Mukuru. Mbeu yakapikirwa.—12/15, peji 15.

Eriya paakati mushumiri wake atarise kugungwa iye paainyengeterera kuti mvura inaye, zvinoratidzei? (1 Madz. 18:43-45)

Eriya akaratidza kuti aiziva kuti mvura inozonaya inenge yabva nokupi. Makore aizoungana pamusoro pegungwa ozoendeswa nemhepo pamusoro penyika, paaizonaya semvura.—1/1, mapeji 15-16.

Tingawedzera sei mufaro watinowana muushumiri?

Tinogona kugadzirira mwoyo yedu, tichiisa pfungwa dzedu pakuti tingabatsira vamwe zvakadini. Tinogona kuparidza nechinangwa chokutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Kana tikasangana nevanhu vasina basa nezvatinotaura, tinogona kuchinja matauriro atinoita navo kuti aenderane nezvavanofarira.—1/15, mapeji 8-10.

Maperembudzi anotaurwa muBhaibheri ndiwo ariko mazuva ano here?

Utachiona hunonzi maperembudzi hwaivako panguva inotaurwa muBhaibheri. (Revh. 13:4, 5) Bhaibheri rinotaurawo nezvemaperembudzi aienda panguo, kana kuti padzimba. “Maperembudzi” iwayo angave aireva rumwe rudzi rwechakuvhuvhu. (Revh. 13:47-52)—2/1, peji 19.

Zvinodzidziswa neBhaibheri zvinofanira kuita kuti muKristu aone sei uye aite sei pamariro?

Kunyange zvazvo muKristu achichema kana afirwa nevaanoda, anoziva kuti vakafa havana chavanoziva. Kunyange kana vasingatendi vakamutsoropodza, haaiti tsika dzinoratidza kuti anotenda kuti vakafa vane zvavanogona kuita kuvapenyu. Kuti pasava nezvinetso, vamwe vaKristu vanogara vanyora zvavanoda kuti zvizoitwa pamariro avo.—2/15, mapeji 29-31.

Maererano nePisarema 1:1, zvinhu zvipi zvitatu zvatisingafaniri kuita kuti tifare?

Ndima yacho inotaura nezve“zano revakaipa,” “nzira yevatadzi,” uye “chigaro chevaseki.” Saka kuti tifare tinofanira kusiyana nevanhu vanoseka kana kuti vasingateereri mitemo yaMwari. Panzvimbo paizvozvo tinofanira kufarira mutemo waJehovha.—3/1, peji 17.

“Bhuku raJashari” uye “bhuku reHondo dzaJehovha” mabhuku eBhaibheri akarasika here? (Josh. 10:13; Num. 21:14)

Kwete. Kunenge kuti aive mabhuku asina kufuridzirwa aiveko panguva inotaurwa muBhaibheri, uye akataurwa nezvawo nevanyori veBhaibheri.—3/15, peji 32.

Chii chakanyanya kuchinja pakushandurwa kwakaitwa imwe shanduro yemazuva ano yeBhaibheri rechiLatin?

Muna 1979, Pope John Paul II akapa mvumo yokuti shanduro itsva yechiLatin yeNova Vulgata ishandiswe. Yokutanga yacho yaiva nezita raMwari rokuti Iahveh, mune dzimwe ndima. (Eks. 3:15; 6:3) Zvisinei, mushanduro yechipiri yepamutemo yakabudiswa muna 1986, zita rokuti Dominus [Ishe] rakaiswa richitsiva Iahveh.—4/1, peji 22.