Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”

Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”

Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”

“Dzose hadzisi midzimu yebasa rinoitirwa vanhu vose, yakatumwa kuzoshumira vaya vachagara nhaka yoruponeso here?”—VAH. 1:14.

1. Tinganyaradzwa sei naMateu 18:10 uye VaHebheru 1:14?

JESU KRISTU akanyevera chero munhu upi zvake angagumbura vateveri vake kuti: “Chenjerai kuti hamuzvidzi mumwe wevaduku ava; nokuti ndinokuudzai kuti ngirozi dzavo dziri kudenga dzinogara dzichiona chiso chaBaba vangu vari kudenga.” (Mat. 18:10) Muapostora Pauro akanyora nezvengirozi dzakarurama achiti: “Dzose hadzisi midzimu yebasa rinoitirwa vanhu vose, yakatumwa kuzoshumira vaya vachagara nhaka yoruponeso here?” (VaH. 1:14) Mashoko aya ivimbiso inonyaradza yokuti Mwari anoshandisa zvisikwa zvokudenga izvi kuti zvibatsire vanhu. Bhaibheri rinotiudzei nezvengirozi? Dzinotibatsira sei? Tingadzidzei pane zvadzinoita?

2, 3. Ndeapi mamwe mabasa ezvisikwa zvomudzimu zvokudenga?

2 Kudenga kune mamiriyoni engirozi dzakatendeka. Dzose zvadzo “dzine simba guru, dzinoita zvaanotaura.” (Pisarema 103:20; verenga Zvakazarurwa 5:11.) Ava vanakomana vaMwari vomudzimu vane maonero akasiyana, vane unhu hwakafanana nohwaMwari, uye vane rusununguko rwokuzvisarudzira. Vakarongwa zvakanaka uye vane zvinzvimbo zvakakwirira muurongwa hwaMwari, uye Mikaeri, (zita raJesu rokudenga) ndiyo ngirozi huru. (Dhan. 10:13; Jud. 9) Iri “dangwe rezvisikwa zvose” ‘iShoko’ kana kuti Mutauriri waMwari uye rakashandiswa naJehovha kusika zvimwe zvinhu zvose.—VaK. 1:15-17; Joh. 1:1-3.

3 Pasi pengirozi iyi huru panozotevera maserafi, anozivisa utsvene hwaJehovha uye anobatsira kuti vanhu vake varambe vakachena pane zvokunamata. Kunewo makerubhi, anoshumira achitsigira ukuru hwake. (Gen. 3:24; Isa. 6:1-3, 6, 7) Dzimwewo ngirozi, kana kuti vatumwa, dzinoita mabasa akasiyana-siyana kuti kuda kwaMwari kuitwe.—VaH. 12:22, 23.

4. Pakasikwa nyika ngirozi dzakaita sei, uye dai vanhu vakashandisa zvakanaka rusununguko rwokusarudza, zvingadai zvakavafambira sei?

4 Ngirozi dzose dzakafara ‘pakavakwa nheyo yenyika’ uye dzakaita basa radzakapiwa dzichifara pakachinjwa hurungudo iyi yakaisvonaka isina payakagara kuti ive musha wevanhu. (Job. 38:4, 7) Jehovha akasika munhu “akaderera zvishoma pane ngirozi,” asi akamuita “nomufananidzo” wake, zvichiita kuti vanhu varatidze unhu hwakanaka hwoMusiki. (VaH. 2:7; Gen. 1:26) Dai Adhamu naEvha vakashandisa zvakanaka chipo chorusununguko rwokusarudza, ivo nevana vavo vangadai vakanakidzwa noupenyu vari mumusha weparadhiso semhuri yaJehovha.

5, 6. Chii chakaitika kudenga, uye Mwari akaita sei nazvo?

5 Zvechokwadi ngirozi dzakavimbika dzinofanira kunge dzakarwadziwa chaizvo padzakaona vamwe vemumhuri yaMwari vachimupandukira. Mumwe wadzo akanga asisiri kugutsikana nokurumbidza Jehovha asi akachiva kunamatwa. Akazviita Satani (kureva kuti “Mudzivisi”) paakapikisa kodzero yaJehovha yokutonga zvakarurama uye paakaedza kuti avewo changamire. Satani paakareva nhema dzake dzokutanga, akanyengera vaviri vokutanga kuti vabatane naye pakupandukira Musiki wavo ane rudo.—Gen. 3:4, 5; Joh. 8:44.

6 Jehovha akakurumidza kupa Satani mutongo achitaura uprofita hwokutanga huri muBhaibheri, hwokuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi nepakati pevana vako nomwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.” (Gen. 3:15) Ruvengo rwaizoramba rwuripo pakati paSatani ‘nomukadzi’ waMwari. Chokwadi Jehovha aiona sangano rokudenga rezvisikwa zvemudzimu zvakavimbika semudzimai wake waanoda waakaita sungano naye kuti ave Murume wake. Uprofita uhu hwakapa tariro yechokwadi kunyange zvazvo mashoko acho akaramba ari “chakavanzika chitsvene” chaizojeka zvishoma nezvishoma. Mwari akaita chinangwa chokuti mumwe pane vaiva musangano rake rokudenga aizofanira kupwanya vapanduki vose uye “zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika” zvaizounzwa pamwe chete pachishandiswa iye.—VaEf. 1:8-10.

7. Munguva yaNoa dzimwe ngirozi dzakaitei, uye chii chakazoitika kwadziri?

7 Munguva yaNoa, dzimwe ngirozi dzakasiya “nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera” uye dzakachinja miviri yadzo ikava yenyama dzichida kungozvifadza pasi pano. (Jud. 6; Gen. 6:1-4) Jehovha akakandira vapanduki ivavo murima gobvu, vachibva vabatana naSatani kuva “masimba emidzimu yakaipa” uye kuva vavengi vakaipa zvikuru vevashumiri vaMwari.—VaEf. 6:11-13; 2 Pet. 2:4.

Ngirozi Dzinotibatsira Sei?

8, 9. Jehovha akashandisa sei ngirozi kuti dzibatsire vanhu?

8 Abrahamu, Jakobho, Mosesi, Joshua, Isaya, Dhanieri, Jesu, Petro, Johani, naPauro ndevamwe vakashumirwa nengirozi. Ngirozi dzakarurama dzakashandiswa naMwari kuparadza vanhu vakaipa, kutaura uprofita uye kupa vanhu mirayiro, kusanganisira Mutemo waMosesi. (2 Madz. 19:35; Dhan. 10:5, 11, 14; Mab. 7:53; Zvak. 1:1) Iye zvino zvatava neShoko raMwari rakazara, ngirozi hadzichafaniri hadzo kutiudza mashoko aMwari. (2 Tim. 3:16, 17) Zvisinei, ngirozi dziri kubatikana chaizvo kuita kuda kwaMwari uye kutsigira vashumiri vake kunyange ivo vasingadzioni.

9 Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomba vose vanomutya, uye inovanunura.” (Pis. 34:7; 91:11) Jehovha anobvumira Satani kuunza miedzo yakasiyana-siyana patiri, nokuti Satani akaratidza kusava nechokwadi nokuperera kwevanhu kuna Mwari. (Ruka 21:16-19) Zvisinei, Mwari anoziva kana taedzwa zvakakwana zvokuti ticharamba takatendeka kwaari. (Verenga 1 VaKorinde 10:13.) Ngirozi dzinogara dzakagadzirira kupindira dzichiita zvinoenderana nokuda kwaMwari. Dzakanunura Shadreki, Misheki, Abhedhinego, Dhanieri naPetro asi hadzina kurambidza vavengi kuti vauraye Stefani naJakobho. (Dhan. 3:17, 18, 28; 6:22; Mab. 7:59, 60; 12:1-3, 7, 11) Mamiriro acho ezvinhu nenyaya dzacho zvainge zvakasiyana. Saizvozvowo, dzimwe hama dzedu dzakaurayiwa mumisasa yevasungwa yeNazi, asi Jehovha akaita kuti vakawanda vavo vapukunyuke.

10. Kunze kwokubatsirwa nengirozi, tingabatsirwa nedzimwe nzira dzipi?

10 Magwaro haadzidzisi kuti munhu mumwe nomumwe pasi pano ane ngirozi inomuchengetedza. Tinonyengetera tiine chivimbo chokuti “zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, [Mwari] anotinzwa.” (1 Joh. 5:14) Kana achida hake, Jehovha anogona kutuma ngirozi kuti itibatsire, asi anogonawo kutibatsira nedzimwe nzira. Angaita kuti vaKristu vatinonamata navo vanzwe vachida kutibatsira uye kutinyaradza. Mwari angatipa uchenjeri uye simba rinodiwa kuti titsungirire “munzwa munyama” ungatitambudza sezvinonzi tiri kurohwa ne“ngirozi yaSatani.”—2 VaK. 12:7-10; 1 VaT. 5:14.

Tevedzera Jesu

11. Ngirozi dzakashandiswa sei kubatsira Jesu, uye iye akaratidzei paakaramba akatendeka kuna Mwari?

11 Chimbofunga kuti Jehovha akashandisa sei ngirozi pana Jesu. Ndidzo dzakazivisa nezvokuberekwa uye kumuka kwake uye dzakamushumira paaiva pasi pano. Ngirozi dzingadai dzakaita kuti asasungwa uye asaurayiwa zvinorwadza. Pane kudaro, imwe ngirozi yakatotumwa kuti imusimbise. (Mat. 28:5, 6; Ruka 2:8-11; 22:43) Maererano nechinangwa chaJehovha, Jesu akafa rufu rwokuzvibayira uye akapa uchapupu hwokuti munhu akakwana anogona kuramba akaperera kuna Mwari pasinei nokuedzwa kusvikira pokupedzisira. Naizvozvo Jehovha akamutsa Jesu akamupa upenyu hwokudenga husingafi, akamupawo “simba rose,” achiita kuti ngirozi dzizviise pasi pake. (Mat. 28:18; Mab. 2:32; 1 Pet. 3:22) Saka Jesu akaratidza kuti ndiye wokutanga pane vanoumba “mbeu” ‘yomukadzi’ waMwari.—Gen. 3:15; VaG. 3:16; mashoko omuzasi.

12. Tingatevedzera sei muenzaniso waJesu wokuva “nepfungwa dzakanaka”?

12 Jesu aiziva kuti zvakanga zvakaipa kuti aedze Jehovha nokuzviisa pangozi achitarisira kuti ngirozi dzimununure. (Verenga Mateu 4:5-7.) Saka ngatitevedzerei muenzaniso waJesu nokurarama “nepfungwa dzakanaka,” tisingaisi upenyu hwedu pangozi nemaune, asi tonangana nemiedzo yokutambudzwa tiine chivimbo.—Tito 2:12.

Zvatingadzidza Pane Zvakaitwa Nengirozi Dzakatendeka

13. Tingadzidzei pamuenzaniso wengirozi dzakarurama dzinotaurwa pana 2 Petro 2:9-11?

13 Muapostora Petro anotaura nezvomuenzaniso wakanaka wengirozi dzakarurama achitsiura vaya ‘vanotuka’ vashumiri vaJehovha vakazodzwa. Kunyange zvazvo ngirozi dziine simba rakakura, dzinoratidza kuzvininipisa nokurega kutsvakira mhosva vanotungamirira “nokuti dzinoremekedza Jehovha.” (Verenga 2 Petro 2:9-11.) Nesuwo ngatiremekedzei vaya vakanzi vatarisire ungano, torega kuvafungira zvisina kunaka, uye tosiyira zvinhu mumaoko aJehovha, Mutongi Mukuru.—VaR. 12:18, 19; VaH. 13:17.

14. Tingadzidzei kungirozi nezvokuzvininipisa?

14 Ngirozi dzaJehovha mienzaniso yakanaka chaizvo panyaya yokushumira dzichizvininipisa. Pane dzimwe ngirozi dzakaramba kuudza vanhu mazita adzo. (Gen. 32:29; Vat. 13:17, 18) Kunyange zvazvo kudenga kuine mamiriyoni ezvisikwa zvomudzimu, Bhaibheri rinongotaura mazita aMikaeri naGabrieri chete. Izvi zvinobatsira kuti tisaremekedza ngirozi zvakapfurikidza. (Ruka 1:26; Zvak. 12:7) Muapostora Johani paakawira pasi kuti anamate imwe ngirozi, akatsiurwa achinzi: “Chenjerera! Usadaro! Ndinongovawo muranda pamwe chete newe nowehama dzako.” (Zvak. 22:8, 9) Tinongofanira kunamata Mwari chete, uye ndiye chete watinofanira kunyengetera kwaari.—Verenga Mateu 4:8-10.

15. Ngirozi dzinotiratidza sei kuti dzine mwoyo murefu?

15 Ngirozi dzakaratidzawo muenzaniso wakanaka wokuva nomwoyo murefu. Kunyange zvazvo dzichinyatsoda kuziva zvakavanzika zvitsvene zvaMwari, hadzizivi zvose. “Ngirozi dzinoda kunyatsotarira muzvinhu izvozvi,” rinodaro Bhaibheri. (1 Pet. 1:12) Saka dzinoita sei? Dzinomirira nomwoyo murefu kusvikira nguva yaMwari yakakodzera yasvika yokuti ‘uchenjeri hwake huratidzwe nenzira zhinji’ “pachishandiswa ungano.”—VaEf. 3:10, 11.

16. Zvatinoita zvingaita kuti ngirozi dziitewo sei?

16 VaKristu vanenge vachiedzwa ‘chinhu chinoshamisa chepanzvimbo yemitambo kungirozi.’ (1 VaK. 4:9) Ngirozi dzinogutsikana padzinoona zvatinoita kuratidza kuti takatendeka uye dzinotofara panopfidza mutadzi. (Ruka 15:10) Ngirozi dzinocherechedzawo mufambiro wakanaka wevakadzi vechiKristu. Bhaibheri rinoratidza kuti ‘mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba mumusoro make nokuda kwengirozi.’ (1 VaK. 11:3, 10) Ngirozi dzinofara padzinoona vakadzi nevamwe vashumiri vaMwari vari pasi pano vachiita zvinoenderana nezvinotaurwa nesangano uye vachizviisa pasi pevanenge vari pamusoro pavo muurongwa hwaMwari. Kuteerera kwakadaro chiyeuchidzo chakakodzera chokuti vanakomana vaMwari ava vanofanirawo kuteerera.

Ngirozi Dzinoshingaira Kutsigira Basa Rokuparidza

17, 18. Nei tingati ngirozi dziri kutsigira kuparidza kwedu?

17 Ngirozi dzine zvadzinoitawo pane zvimwe zvinoshamisa zviri kuitika “muzuva raShe.” Izvi zvinosanganisira kuberekwa kwoUmambo muna 1914 uye kukandirwa pasi pano kwakaitwa Satani nemadhimoni ake vakurirwa na“Mikaeri nengirozi dzake.” (Zvak. 1:10; 11:15; 12:5-9) Muapostora Johani akaona “ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga, uye yakanga iine mashoko akanaka asingaperi okuti izivise semashoko anofadza kune vaya vanogara panyika.” Ngirozi yacho yakazivisa kuti: “Ityai Mwari mumukudze, nokuti awa yokutonga kwake yasvika, naizvozvo namatai Iye akasika denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.” (Zvak. 14:6, 7) Saka vashumiri vaJehovha vanovimbiswa kuti vachatsigirwa nengirozi pavanenge vachiparidza mashoko akanaka oUmambo hwakagadzwa pasinei nokupikiswa zvakasimba naDhiyabhorosi.—Zvak. 12:13, 17.

18 Mazuva ano, ngirozi hadzititungamiriri kune vane mwoyo yakatendeseka dzichiita zvokutaura nesu sezvakaita ngirozi yakataura naFiripi ikamutuma kumukuru mukuru wokuItiopiya. (Mab. 8:26-29) Zvisinei, zvakawanda zviri kuitika mazuva ano zvinopa uchapupu hwokuti kunyange zvazvo ngirozi dzisingaoneki, ndidzo dzinotsigira basa redu rokuparidza Umambo uye ndidzo dzinotitungamirira kune vaya vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi.” * (Mab. 13:48) Zvinokosha zvikuru kuti tigare tichiita ushumiri kuitira kuti tibatsirewo pakutsvaka vaya vanoda ku“namata Baba nomudzimu nechokwadi.”—Joh. 4:23, 24.

19, 20. Zvii zviri kuitwa nengirozi pazviitiko zvinoratidza “kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino?

19 Jesu akataura nezvenguva yedu achiti, “Pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino ngirozi dzaizobuda “dzoparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama.” (Mat. 13:37-43, 49) Ngirozi dzine basa radzinoita pakuunganidzwa kwokupedzisira uye kuiswa chisimbiso kwevakazodzwa. (Verenga Mateu 24:31; Zvak. 7:1-3) Uyezve, Jesu achabatsirwa nengirozi ‘paachaparadzanisa makwai nembudzi.”—Mat. 25:31-33, 46.

20 “Pacharatidzwa Ishe Jesu achibva kudenga aine ngirozi dzake dzine simba,” vose “vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu” vachaparadzwa. (2 VaT. 1:6-10) Johani paakaratidzwa chiitiko ichocho zvekare, akarondedzera Jesu nemauto engirozi dzokudenga achiti vakatasva mabhiza machena kuti varwe zvakarurama.—Zvak. 19:11-14.

21. Ngirozi ine “kiyi yegomba rakadzikadzika uye cheni huru iri muruoko rwayo” ichaitei kuna Satani nemadhimoni ake?

21 Johani akaonawo “ngirozi ichiburuka kudenga iine kiyi yegomba rakadzikadzika uye cheni huru iri muruoko rwayo.” Ari kutaurwa pano ndiMikaeri, ngirozi huru, uyo achasunga Dhiyabhorosi omukandira mugomba rakadzikadzika pamwe nemadhimoni. Vachasunungurwa kwenguva pfupi pachapera Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru pachaedzwa vanhu vanenge vakwana kokupedzisira. Zvadaro, Satani nevamwe vapanduki vose vachaparadzwa. (Zvak. 20:1-3, 7-10; 1 Joh. 3:8) Hapana anenge achazopandukirazve Mwari.

22. Ngirozi dzichaitei pane zvichaitika munguva pfupi iri kuuya, uye tinofanira kunzwa sei nezvebasa radzo?

22 Kununurwa panyika yakaipa yaSatani kwava pedyo. Ngirozi dzichava nebasa rinokosha muzviitiko izvi zvicharatidza kuti Jehovha ndichangamire uye zvichazadzikisa chinangwa chake chine chokuita nepasi rino uye vanhu. Ngirozi dzakarurama zvechokwadi “midzimu yebasa rinoitirwa vanhu vose, yakatumwa kuzoshumira vaya vachagara nhaka yoruponeso.” Saka ngationgei Jehovha Mwari nokushandisa kwaanoita ngirozi kuti dzitibatsire kuita kuda kwake uye kuwana upenyu husingaperi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Ona Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, mapeji 549-551.

Ungapindura Sei?

• Zvisikwa zvomudzimu zviri kudenga zvakarongwa sei?

• Dzimwe ngirozi dzemunguva yaNoa dzakaitei?

• Mwari anoshandisa sei ngirozi kutibatsira?

• Iye zvino ngirozi dzakarurama dzinoita basa rei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Ngirozi dzinofara kuita kuda kwaMwari

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ngirozi dzinogara dzakagadzirira kupindira dzichiita zvinoenderana nokuda kwaMwari, sezvadzakaita kuna Dhanieri

[Mufananidzo uri papeji 24]

Iva noushingi, nokuti ngirozi dziri kutsigira basa rokuparidzira Umambo!

[Kwazvakatorwa]

Globe: NASA photo