Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Kuvimbika kwaItai

Tevedzera Kuvimbika kwaItai

Tevedzera Kuvimbika kwaItai

“JEHOVHA Mwari, Wemasimbaose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo asingagumi. Chokwadi ndiani asingazokutyii, Jehovha, nokukudza zita renyu, nokuti imi moga makavimbika?” Rwiyo urwu, rwakaimbwa kudenga ‘nevaya vanokunda chikara nomufananidzo wacho’ rwunotiyeuchidza nezvokuvimbika kwaMwari. (Zvak. 15:2-4) Jehovha anoda kuti vanomunamata vavewo vakavimbika saiye.—VaEf. 4:24.

Ukuwo Satani Dhiyabhorosi anoita zvose zvaanogona kuti aparadzanise vashumiri vaMwari vari pasi pano norudo rwaMwari wavanonamata. Asi vakawanda vakaramba vakavimbika kuna Mwari kunyange pazvakanga zvakaoma chaizvo. Tinofara kuti Jehovha anokoshesa chaizvo kuzvipira kwakadaro. Zvechokwadi, tinovimbiswa kuti: “Jehovha anoda kururamisira, haazosiyi vakavimbika vake.” (Pis. 37:28) Kuti atibatsire kuramba takavimbika, akaita kuti zvakaitwa nevakawanda vakavimbika zvinyorwe muShoko rake. Imwe nhoroondo yakadaro ndeyaItai muGati.

‘Wokune Imwe Nyika Akadzingwa Kunzvimbo Yake’

Itai anofungidzirwa kuti aibva kuguta reGati raiva rakakurumbira munyika yevaFiristiya, kwaigara hofori yainzi Goriyati nevamwe vavengi vevaIsraeri vaityisa. Tinotanga kunzwa nezvemhare iyi inonzi Itai panguva yakapandukirwa Mambo Dhavhidhi naAbsaromu. Panguva iyoyo Itai nevarume vechiFiristiya 600 vakanga vamutevera vakanga vadzingwa munyika yavo vachigara pedyo neJerusarema.

Mamiriro akanga akaita zvinhu kuna Itai nevateveri vake angadaro akayeuchidza Dhavhidhi mazuva aaitizawo kunyika yake aine varwi vechiIsraeri 600 vakanogara kunyika yevaFiristiya ndokunopinda muguta raAkishi mambo weGati. (1 Sam. 27:2, 3) Itai nevarume vaaiva navo vaizoita sei sezvo Dhavhidhi akanga apandukirwa nemwanakomana wake Absaromu? Vaizotsigira Absaromu, vaizoramba vasina wavanotsigira, kana kuti vaizotsigira Dhavhidhi nevarume vake here?

Chimboita souri kuona Dhavhidhi achitiza kubva kuJerusarema, achibva asvikomira panzvimbo inonzi Bheti-mehaki, zvinoreva kuti “Imba Iri Kure.” Zvichida ndiyo yaiva imba yokupedzisira muJerusarema uchienda kuGomo reMiorivhi usati wayambuka Bani reKidroni. (2 Sam. 15:17) Dhavhidhi akaongororazve mauto ake paakanga achipfuura panzvimbo iyi. Chinoshamisa ndechokuti mauto ake haasi evaIsraeri vakavimbika chete asiwo pane vaKereti vose nevaPereti vose. Uyezve, pane vaGati vose, kureva Itai nevarwi vake 600.—2 Sam. 15:18.

Achimunzwira tsitsi, Dhavhidhi akati kuna Itai: “Iwe uri kuendereiwo nesu? Dzokera unogara namambo [kureva Absaromu]; nokuti uri wokune imwe nyika uyewo wakadzingwa kunzvimbo yako. Nezuro ndipo pawakauya uye nhasi ndokudzungairisa pamwe chete nesu, kuti uende neni kwose kwose kwandinoenda here? Dzokera hako, udzokere nehama dzako, Jehovha ngaakuitire mutsa worudo nokuvimbika!”—2 Sam. 15:19, 20.

Itai anotaura kuti anoda kuramba akavimbika kuna Dhavhidhi nyangwe zvotsvuka sei. Anopindura kuti: “NaJehovha mupenyu uye nashe wangu mambo mupenyu, mushandi wenyu achava munzvimbo iyo ishe wangu mambo angava, kunyange zvikareva rufu kana kuti zvikareva upenyu!” (2 Sam. 15:21) Izvi zvinogona kunge zvakayeuchidza Dhavhidhi mashoko akambotaurwa nambuya vake Rute. (Rute 1:16, 17) Abayiwa mwoyo nezvataurwa naItai, Dhavhidhi anomuudza kuti: “Enda uyambuke” Bani reKidroni. Naizvozvo “Itai muGati akayambuka pamwe chete nevarume vake vose nevana vose vaaiva navo.”—2 Sam. 15:22.

“Kuti Tirayiridzwe”

“Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe,” inodaro VaRoma 15:4. Saka zvakanaka kuti tizvibvunze kuti, Tinodzidzei kuna Itai? Chimbofunga zvingave zvakaita kuti ade kuvimbika kuna Dhavhidhi. Kunyange zvake aiva wokune imwe nyika uye akanga adzingwa kuFiristiya, Itai aiziva kuti Jehovha ndiMwari mupenyu uye kuti Dhavhidhi muzodziwa waJehovha. Itai akanga asingambotarisi kuti vaIsraeri nevaFiristiya vaivengana. Zvokuti Dhavhidhi ndiye akanga auraya hofori yechiFiristiya yainzi Goriyati nevamwe vakawanda verudzi rwake zvakanga zvisina basa kuna Itai. (1 Sam. 18:6, 7) Itai aiona Dhavhidhi somurume aida Jehovha uye hapana mubvunzo kuti akacherechedza unhu hwakanaka hwaiva naDhavhidhi. Izvi zvakaitawo kuti Dhavhidhi azoremekedza Itai zvikuru. Dhavhidhi akatoita kuti chikamu chimwe pazvitatu zvevarwi vake ‘chitarisirwe naItai’ paairwisana nemauto akakura aAbsaromu.—2 Sam. 18:2.

Isuwo hatifaniri kurega kusiyana kwetsika, kwerudzi kana kuti kwemadzinza kuchiita kuti tifungire vamwe zvisizvo kana kuti tivavenge, asi tinofanira kutarisa unhu hwakanaka hwavanahwo. Ushamwari hwakava naDhavhidhi naItai hunoratidza kuti kana tikaziva Jehovha uye tikamuda, zvinogona kuita kuti tikunde zvipingamupinyi zvakadai.

Patinenge tichifunga muenzaniso waItai, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ini ndinoratidza kuvimbika kwakadaro here kuna Dhavhidhi mukuru, Kristu Jesu? Ndinoratidza kuvimbika nokushingaira mubasa rokuparidzira Umambo uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi here?’ (Mat. 24:14; 28:19, 20) ‘Ndakagadzirira kusvika papi kuti ndiratidze kuti ndakavimbika?’

Misoro yemhuri inobatsirwawo nokufungisisa muenzaniso wokuvimbika waItai. Kuvimbika kwaItai kuna Dhavhidhi uye chisarudzo chake chokuenda namambo akazodzwa naMwari zvakaita kuti varume vaaiva navo vaendewo. Saizvozvowo, zvisarudzo zvinoitwa nemisoro yemhuri kutsigira kunamata kwechokwadi zvichatevedzerwawo nemhuri dzavo uye zvinogona kumbodziomera kwekanguva. Asi tinovimbiswa kuti ‘Jehovha achava akavimbika kune akavimbika.’—Pis. 18:25.

Pashure pokurwisana kwaDhavhidhi naAbsaromu, Magwaro hapana chaanozotaurazve nezvaItai. Zvishoma izvozvo zviri muShoko raMwari pamusoro paItai zvinotibatsira kunzwisisa kuti aiva munhu akaita sei mumakore iwayo akaoma muupenyu hwaDhavhidhi. Kutaurwa kunoitwa Itai mushoko rakafuridzirwa kunoratidza kuti Jehovha anoona uye anokomborera kuvimbika kwakadaro.—VaH. 6:10.