Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kunge Uri Kupi Pachasvika Mugumo?

Unofanira Kunge Uri Kupi Pachasvika Mugumo?

Unofanira Kunge Uri Kupi Pachasvika Mugumo?

JEHOVHA paachagumisa nyika ino yakaipa paAmagedhoni, chii chichaitika kune vanhu vakarurama? Zvirevo 2:21, 22 inopindura kuti: “Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.”

Asi zvichafamba sei kuti vanhu vakarurama vasare panyika? Pachava nenzvimbo yokuti vavande here? Vakarurama vanofanira kunge vari kupi pachasvika mugumo? Zviitiko zvina zviri muMagwaro zvokupukunyuka kwakaitika zvinopindura mibvunzo iyi.

Pazvaikosha Kuva Pane Imwe Nzvimbo

Panyaya yokununurwa kwevanhu vakararama kare Noa naRoti, pana 2 Petro 2:5-7 panoti: “[Mwari] haanawo kurega kuranga nyika yekare, asi akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akachengeteka nevamwe vanomwe paakaunza mafashamo panyika yevanhu vakanga vasingadi Mwari. Akaroromesawo maguta eSodhoma neGomora akaapa mhosva, achiisira vanhu vasingadi Mwari muenzaniso wezvinhu zvichauya. Asi akanunura Roti akarurama, uyo akanga achitambudzika kwazvo nokusazvibata kwakanyanyisa kwevanhu vaizvidza mutemo.”

Noa akapunyuka sei pakaitika Mafashamo? Mwari akaudza Noa kuti: “Kuguma kwevanhu vose kwasvika pamberi pangu, nokuti vazadza nyika nechisimba; uye tarira ndiri kuvaparadza pamwe chete nenyika. Gadzira areka nomuti unobudisa zvinonama.” (Gen. 6:13, 14) Noa akavaka areka sekuudzwa kwaakanga aitwa naJehovha. Mazuva manomwe mafashamo asati auya, Jehovha akamurayira kuti aunganidze mhuka muareka uye kuti iye nemhuri yake yose vapindemo. Pazuva rechinomwe suo reareka rakavharwa, uye “mvura zhinji yakaramba ichinaya panyika kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana.” (Gen. 7:1-4, 11, 12, 16) Noa nemhuri yake ‘vakatakurwa vakachengeteka nomumvura.’ (1 Pet. 3:20) Vaifanira kuva muareka kuti vapukunyuke. Hapana imwe nzvimbo yaiva pasi pano yavaizokwanisa kuvanda.—Gen. 7:19, 20.

Asi Roti akaudzwa zvakanga zvakati siyanei nezvakanga zvaudzwa Noa. Ngirozi mbiri dzakamuudza kwaakanga asingafaniri kuva. Ngirozi dzacho dzakaudza Roti kuti: “Vose vari vako vari muguta [reSodhoma], vabudise munzvimbo ino! Nokuti tiri kuparadza nzvimbo ino.” Vaifanira ‘kutizira kunzvimbo ine makomo.’—Gen. 19:12, 13, 17.

Zvakaitika kuna Noa naRoti zvinoratidza kuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari, uye kuchengetera vanhu vasina kururama zuva rokutongwa.” (2 Pet. 2:9) Pazviitiko zviviri izvi, kununurwa kwaibva pakuti vaiva kupi. Noa aifanira kupinda muareka; Roti aifanira kubuda muSodhoma. Asi pose panopukunyuka vanhu, zvinobva pakuti vari panzvimbo ipi here? Jehovha anogona kuponesa vakarurama vari chero kwavanenge vari here, zvokuti havafaniri kubva panzvimbo yavanenge vari? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo ngationgororei dzimwe nhoroondo mbiri dzevamwe vakanunurwa.

Nzvimbo Inokosha Nguva Dzose Here?

Munguva yaMosesi, Jehovha asati aunza dambudziko rechigumi paIjipiti, akarayira vaIsraeri kuti vasase ropa remhuka yePaseka nechepamusoro uye pamagwatidziro emasuo avo. Kuitirei? Kuitira kuti ‘Jehovha paaizopfuura kuti atambudze vaIjipiti, oona ropa parutivi rwokumusoro rwesuo nepamagwatidziro maviri, aizodarika suo racho, uye aisazobvumira kuparadza kwacho kuti kupinde mudzimba dzavo kuti avatambudze.’ Usiku ihwohwo chaihwo, “Jehovha akarova matangwe ose aiva munyika yeIjipiti, kubvira kudangwe raFarao akanga agere pachigaro choumambo kusvikira kudangwe renhapwa yaiva mugomba rejeri, nematangwe ose emhuka.” Matangwe evaIsraeri akaponeswa pasina kubva panzvimbo yaaiva.—Eks. 12:22, 23, 29.

Fungawo zvakaitika kuna Rakabhi, pfambi yaigara muguta reJeriko. VaIsraeri vakanga vava kuda kutanga kurwisa vavengi vavo kuti vapinde Munyika Yakapikirwa. Rakabhi paakaona kuti Jeriko rakanga riri kuzoparadzwa, akaudza vasori vaviri vechiIsraeri kuti guta rose raiva razara nokutya vaIsraeri vakanga vachiuya kuzorwisa. Akavanza vasori ndokuvakumbira kuti vamupikire kuti iye nemhuri yake yose vaizoponeswa kana Jeriko rava kuparadzwa. Vasori vakarayira Rakabhi kuti aunganidze mhuri yake muimba yake yakanga iri parusvingo rweguta. Kubuda mumba macho kwaizoreva kuparadzwa pamwe chete neguta racho rose. (Josh. 2:8-13, 15, 18, 19) Zvisinei, Jehovha akazoudza Joshua kuti “rusvingo rweguta racho ruchakoromoka rwose.” (Josh. 6:5) Zvaiita sokuti nzvimbo yakanga yambonzi nevasori ichange iri yokuvanda yakanga yava kuzoparadzwa. Rakabhi nemhuri yake vaizonunurwa sei?

Pakasvika nguva yokuti Jeriko riparadzwe, vaIsraeri vakatanga kuridza hwamanda uye vakashevedzera. Joshua 6:20 inoti “Vanhu [vechiIsraeri] pavakangonzwa kurira kwehwamanda vakatanga kushevedzera kwazvo nokuda kwehondo, masvingo akabva atanga kukoromoka kusvika pasi.” Masvingo akanga ava kukoromoka zvokuti hapana aigona kuamisa. Zvisinei pakaitika chishamiso chokuti rusvingo rweguta rwaiva paimba yaRakabhi haruna kukoromoka. Joshua akarayira vasori vaya vaviri kuti: “Pindai muimba yomukadzi, pfambi iya, mubudise imomo mukadzi wacho nevanhu vose vaainavo, sezvamakamupikira.” (Josh. 6:22) Vose vaiva mumba maRakabhi vakaponeswa.

Chii Chainyanya Kukosha?

Chii chatingadzidza kubva pakununurwa kwaNoa, Roti, vaIsraeri vomuzuva raMosesi naRakabhi? Nhoroondo idzi dzinotibatsira sei kuziva kwatinofanira kunge tiri nyika ino yakaipa paichaguma?

Ichokwadi kuti Noa akaponeswa ari muareka. Asi nei aivamo? Hakusi kuti here akanga ane kutenda uye kuti aiteerera? “Noa akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naMwari,” rinodaro Bhaibheri. “Akaita izvozvo chaizvo.” (Gen. 6:22; VaH. 11:7) Zvakadini nesu? Tiri kuita zvose zvatinorayirwa naMwari here? Noa akanga ariwo “muparidzi wokururama.” (2 Pet. 2:5) Saiye tinoshingairira basa rokuparidza, kunyange kana vanhu vari mundima yedu vasingadi kuteerera here?

Chakaita kuti Roti asaparadzwa ndechokuti akabuda muSodhoma. Akaponeswa nokuti akanga akarurama pamberi paMwari uye aishushikana zvikuru nekusazvibata kwaiita vanhu vaisateerera mutemo muSodhoma neGomora. Kusazvibata kwakazara munyika nhasi kunonyatsotishungurudza here? Kana kuti tazvijaira zvedu zvokuti hazvichatombotinetsi? Tiri kuita zvose zvatinogona kuti tiwanikwe ‘tisina ruvara uye tisina gwapa, tiine rugare here’?—2 Pet. 3:14.

Kuti vaIsraeri vaiva muIjipiti naRakabhi aiva muJeriko vanunurwe, vaifanira kuramba vari mudzimba dzavo. Izvi zvaida kuti vave nokutenda uye vateerere. (VaH. 11:28, 30, 31) Imbofungidzira mhuri imwe neimwe yechiIsraeri ichiramba yakatarira dangwe rayo ‘kuchema kukuru pakwakatanga kuvapo’ mumhuri dzose dzevaIjipiti. (Eks. 12:30) Fungidzira Rakabhi akagumbatirana nevemhuri yake pavainzwa ruzha rwokuputsika kwemasvingo eJeriko rwairamba ruchiswedera. Zvaida kuti ave nokutenda kwakasimba kuti arambe achiteerera uye kuti agare muimba iyoyo.

Nyika yakaipa yaSatani ichakurumidza kuguma. Hatisati tava kuziva kuti Jehovha achadzivirira sei vanhu vake “pazuva rokutsamwa” kwake rinotyisa. (Zef. 2:3) Zvisinei, pasinei nokwatingava tiri panguva iyoyo uye kuti zvinhu zvinenge zvakatimirira sei, tine chokwadi chokuti kana tiine kutenda muna Jehovha uye tichimuteerera, tichapukunyuka. Iye zvino ngativei nemaonero akanaka edzinonzi nouprofita hwaIsaya ‘dzimba dzedu dzomukati.’

Pindai “Mudzimba Dzenyu Dzomukati”

Isaya 26:20 inoti: “Vanhu vangu endai mupinde mudzimba dzenyu dzomukati, muvhare masuo. Vandai kwenguva duku kusvikira kutsamwa kwapfuura.” Uprofita uhwu hungadaro hwakatanga kuzadzika muna 539 B.C.E. vaMedhiya nevaPezhiya pavakakunda Bhabhironi. Paakapinda muBhabhironi, zviri pachena kuti Koreshi wokuPezhiya akaudza munhu wose kuti asabuda panze nokuti masoja ake akanga anzi auraye chero munhu wavaiwana ari panze.

Mazuva ano, ‘dzimba dzomukati’ dzaitaurwa nouprofita uhwu dzinogona kufananidzira ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinopfuura 100 000 pasi rose. Ungano dzakadaro dzinotibatsira chaizvo muupenyu. Dzicharamba dzichitibatsira kusvikira “kutambudzika kukuru” kwapera. (Zvak. 7:14) Vanhu vaMwari vanorayirwa kuti vapinde ‘mudzimba dzavo dzomukati’ uye vavande “kusvikira kutsamwa kwapfuura.” Zvinokosha kuti tirambe tiine maonero akanaka nezveungano totsunga kuramba tiri pedyo nayo. Tinofanira kunyatsoteerera kurudziro yaPauro yokuti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.”—VaH. 10:24, 25.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Tingadzidzei kubva pakununura kwaiita Mwari munguva dzekare?

[Mufananidzo uri papeji 8]

Mazuva ano ‘dzimba dzomukati’ dzingarevei?