Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku—Kufambira Mberi Kwenyu Ngakuonekwe

Vechiduku—Kufambira Mberi Kwenyu Ngakuonekwe

Vechiduku—Kufambira Mberi Kwenyu Ngakuonekwe

“Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.”—1 TIM. 4:15.

1. Mwari anoda kuti vechiduku vafambirwe sei noupenyu?

“FARIRA ujaya hwako iwe mukomana, mwoyo wako ngaugare norufaro mumazuva oujaya hwako.” (Mup. 11:9, Bhaibheri Rinoera.) Akanyora kudaro Mambo Soromoni weIsraeri yekare. Mashoko aya anobva kuna Jehovha Mwari, uyo anoda chaizvo kuti imi vechiduku mufare. Jehovha anotoda kuti murambe muchifara muupenyu hwenyu hwose. Zvisinei, mazuva iwayo ouduku anowanzozara nezvikanganiso zvingavhiringidza mufaro wamangwana. Kunyange Jobho akanga akatendeka akachema-chema ‘nemigumisiro yokukanganisa kwaakaita achiri muduku.’ (Job. 13:26) Paanenge achiri kuyaruka uye mumakore anozotevera acho, muKristu wechiduku anofanira kuita zvisarudzo zvikuru. Kukanganisa kusarudza kunoitwa kunogona kusiya mavanga akakura uye kunogona kukuparamurira zvinetso zvingaita kuti upenyu hwose hubve hwaenda musango.—Mup. 11:10.

2. Vechiduku vangashandisa zano ripi riri muBhaibheri kuti vasazozvikanda mumatope?

2 Vechiduku vanofanira kuita zvisarudzo zvakanaka. Chimbofunga zano rakapiwa ungano yeKorinde nomuapostora Pauro. Akanyora kuti: “Musava vana vaduku pasimba rokunzwisisa . . Kurai zvakakwana pasimba rokunzwisisa.” (1 VaK. 14:20) Kuteerera zano rokudzidza kufunga somunhu mukuru kuchabatsira vechiduku kuti vasazozvikanda mumatope.

3. Kuti ukwanise kufunga somunhu mukuru unofanira kuita sei?

3 Kana uri wechiduku, ziva kuti kukwanisa kufunga somunhu mukuru hakungouyi wakagara. Pauro akaudza Timoti kuti: “Ngaparege kuva nomunhu anombozvidza uduku hwako. Asi, iva muenzaniso kune vakatendeka, pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda, pakuchena. . . . Ramba uchishingairira kuverengera vanhu vose, kurayira, uye kudzidzisa. . . . Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” (1 Tim. 4:12-15) VaKristu vechiduku vanofanira kufambira mberi zvinoonekwa.

Kufambira Mberi Kuita Sei?

4. Kufambira mberi pakunamata kunosanganisirei?

4 Kufambira mberi “kubudirira, kuchinja uchiita zviri nani.” Pauro akanga achikurudzira Timoti kuti arambe achishanda nesimba kuti afambire mberi pakutaura, pakuzvibata, pakuratidza rudo, pakutenda, pakuchena uye pakuita ushumiri hwake. Aifanira kuedza kuti upenyu hwake huve hunoyemurika. Saka Timoti aifanira kuramba achifambira mberi pakunamata.

5, 6. (a) Kufambira mberi kwaTimoti kwakatanga kuoneka rini? (b) Panyaya yokufambira mberi, nhasi vechiduku vangatevedzera sei Timoti?

5 Pauro paakanyora zano iri pakati pa61 C.E. kana kuti 64 C.E., Timoti akanga atova nenguva ari mukuru. Akanga asiri kungotanga kufambira mberi pane zvokunamata. Muna 49 C.E. kana kuti 50 C.E., Timoti paangadaro akanga ava nemakore angasvika 20, “aipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama dzomuRistra neIkoniyumu,” dzakanga dzaona kufambira mberi mune zvokunamata kwaaiita. (Mab. 16:1-5) Panguva iyoyo Pauro akaenda naTimoti parwendo rwavo rwoumishinari. Aona kufambira mberi kwaiita Timoti kwemwedzi yakati, Pauro akamutumira kuTesaronika kuti anonyaradza uye anosimbisa vaKristu vaiva muguta iroro. (Verenga 1 VaTesaronika 3:1-3, 6.) Zviri pachena kuti Timoti akatanga kufambira mberi zvaionekwa nevamwe achiri muduku.

6 Imi vechiduku vari muungano, iye zvino shandai kuti muve neunhu hwakanaka pakunamata, kuitira kuti kufambira mberi kwenyu pakurarama kwechiKristu uye kukwanisa kudzidzisa chokwadi chomuBhaibheri kunyatsoonekwa. Kubvira pamakore 12, Jesu “akaramba achifambira mberi pakuchenjera.” (Ruka 2:52) Saka ngationgororei kuti mungaita sei kuti kufambira mberi kwenyu kuonekwe muzvinhu zvitatu zvamunoita muupenyu hwenyu: (1) pamunosangana nezvinetso, (2) pamunenge muchigadzirira kuroora kana kuroorwa, uye (3) pamunenge muchigadzirira kuva ‘mushumiri akanaka.’—1 Tim. 4:6.

Iva “Nepfungwa Dzakanaka” Paunosangana Nezvinetso

7. Matambudziko angaita kuti vechiduku vanzwe sei?

7 Mumwe muKristu ane makore 17 anonzi Carol akati, “Dzimwe nguva ndainzwa muviri wangu nepfungwa zvaneta zvokuti ndainzwa ndisingadi kumuka mangwanani.” * Chii chaiita kuti anzwe saizvozvo? Carol paakanga ava nemakore gumi, vabereki vake vakarambana mhuri yacho ichibva yaparara, akazopedzisira ava kugara naamai vake, avo vakasiya mararamiro echiKristu. Kufanana naCarol iwe ungadaro uri kutarisana nezvimwe zvinhu zvakaoma muupenyu uchiona sokuti hazvisi kuzochinja.

8. Timoti akasangana nematambudziko api?

8 Timoti paaifambira mberi pakunamata, akatarisanawo nematambudziko akaoma. Somuenzaniso, ‘airwara-rwara’ nomudumbu. (1 Tim. 5:23) Paakatuma Timoti kuKorinde kunogadzirisa zvinetso zvakanga zvichikonzerwa nevamwe vairamba kuti iye muapostora, Pauro akakurudzira ungano kuti iite zvinenge zvataurwa naTimoti kuitira kuti “arege kutya” paanenge anavo. (1 VaK. 4:17; 16:10, 11) Zviri pachena kuti Timoti aiva munhu ainyara kana kuti aitya.

9. Kuva nepfungwa dzakanaka kuita sei, uye kwakasiyana sei nokutya?

9 Kuti abatsire Timoti, Pauro akazomuyeuchidza kuti: “Mwari haana kutipa mudzimu woumbwende, asi wesimba noworudo nowokuva nepfungwa dzakanaka.” (2 Tim. 1:7) Kuva ‘nepfungwa dzakanaka’ kunosanganisira kukwanisa kufunga uye kusarudza zvine musoro. Kunobatanidza kuona zvinhu sezvazviri, kwete sezvaungada kuti zvive. Vamwe vechiduku vasina ruzivo vanoratidza umbwende uye vanoedza kunzvenga nhamo dzavanenge vasangana nadzo nokugara vakangorara kana kuti kuona terevhizheni, kushandisa twunodhaka kana kunwa, kugara vachingoenda kumapati kana kuti kuita unzenza. VaKristu vanokurudzirwa kuti ‘varambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari nokuchiva kwenyika uye kuti vararame nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino.’—Tito 2:12.

10, 11. Kuva nepfungwa dzakanaka kunotibatsira sei kuti tive vaKristu vakasimba?

10 Bhaibheri rinokurudzira “majaya kuti ave nepfungwa dzakanaka.” (Tito 2:6) Kuteerera zano iri kunoreva kuti paunosangana nezvinetso uchanyengetera wovimba nesimba rinopiwa naMwari. (Verenga 1 Petro 4:7.) Ukadaro uchava nechivimbo chizere ‘musimba rinopiwa naMwari.’—1 Pet. 4:11.

11 Carol akabatsirwa nekuva nepfungwa dzakanaka uye kunyengetera. Akati: “Chinhu chakanga chakaoma pane zvose zvandakanga ndamboita kwaiva kuramba kutevedzera upenyu hwounzenza hwaamai vangu. Asi munyengetero wakandibatsira chaizvo. Ndinoziva kuti Jehovha aneni saka handichatyi.” Yeuka kuti matambudziko anogona kukuita munhu ari nani uye kukusimbisa. (Pis. 105:17-19; Mari. 3:27) Pasinei nezvaungasangana nazvo, Mwari haazombofi akakusiya. ‘Chokwadi achakubatsira.’—Isa. 41:10.

Kugadzirira Kuva Nemba Inobudirira

12. Nei muKristu ari kufunga nezvokuva nemba achifanira kushandisa pfungwa iri pana Zvirevo 20:25?

12 Vamwe vechiduku vakamhanyira dzimba vachifunga kuti ndiwo mushonga wokuti vafare, vasasurukirwa, vasafinhwa uye kuti vatize zvinetso zvepamba. Zvisinei, kuita mhiko dzemuchato haisi nyaya yokutamba nayo. Panguva inotaurwa muBhaibheri vamwe vaingomhanyira kuita mhiko vasati vanyatsofunga zvazvaireva. (Verenga Zvirevo 20:25.) Pane dzimwe nguva vechiduku havanyatsofungi zvazvinoreva kuva nemba. Pava paya vanozoona kuti pane zvakawanda zvinotodiwa kudarika zvavaifunga.

13. Vaya vari kutsvaka wokudanana naye vanofanira kufunga mibvunzo ipi, uye mazano api anobatsira aripo?

13 Saka usati watanga kudanana nemunhu, zvibvunze kuti: ‘Nemhaka yei ndichida kuva nemba? Zvii zvandiri kutarisira kuzowana? Munhu uyu anoita kuti ndiroorane naye here? Ndanyatsogadzirira kuva baba kana kuti amai vemba here?’ “Muranda akatendeka, akangwara,” akabudisa nyaya dzingakubatsira kuti unyatsozviongorora. * (Mat. 24:45-47) Ona nyaya idzodzo semazano auri kupiwa naJehovha. Nyatsoongorora zviri madziri wozviita. Usambofa wakaita “sebhiza kana senyurusi zvisinganzwisisi.” (Pis. 32:8, 9) Nyatsokura pakunzwisisa kwako zvinhu zvinodiwa pakuva nemba. Kana uchifunga kuti wakura zvokutanga kudanana nomumwe munhu, gara uchiyeuka ‘kuva nomuenzaniso pakuchena.’—1 Tim. 4:12.

14. Kufambira mberi pakunamata kunokubatsira sei kana wava nemba?

14 Kukura pakunamata kunoita kuti zvinhu zvizokufambirai zvakanaka kana maroorana. MuKristu akakura zvakakwana anoedza kuva “nomwero wokukura kwakazara kwaKristu.” (VaEf. 4:11-14) Anoshanda nesimba kuti ave neunhu hwakaita sehwaKristu. Kristu akatipa muenzaniso pakuti “haana kuzvifadza.” (VaR. 15:3) Kana murume akaramba achiita zvakanakira mudzimai wake kwete zvakangonakira iye chete, mudzimai wake achidarowo, mhuri ichava nerugare uye inozorodza. (1 VaK. 10:24) Murume acharatidza kuzvipira nomwoyo wose, uye mudzimai achazviisa pasi pomurume wake sezvinoita Jesu anozviisa pasi pomusoro wake.—1 VaK. 11:3; VaEf. 5:25.

“Ita Ushumiri Hwako Zvizere”

15, 16. Ungaratidza sei kuti uri kufambira mberi muushumiri?

15 Achifunga nezvebasa rinokosha raTimoti, Pauro akanyora kuti: “Ndinokurayira kwazvo pamberi paMwari naKristu Jesu, . . . paridza shoko, shingaira kuriparidza.” Akawedzera kuti: “Ita basa romuevhangeri, ita ushumiri hwako zvizere.” (2 Tim. 4:1, 2, 5) Kuti aite basa iri, Timoti aifanira ‘kurerwa nemashoko okutenda.’—Verenga 1 Timoti 4:6.

16 ‘Ungarerwa nemashoko okutenda’ sei? Pauro akanyora kuti: “Ramba uchishingairira kuverengera vanhu vose, kurayira, uye kudzidzisa. . . . Fungisisa zvinhu izvi, nyura mazviri.” (1 Tim. 4:13, 15) Kuti uvandudzike unofanira kunyatsodzidza uri woga. Mashoko okuti “nyura” anopa pfungwa yokunyatsoita basa nomwoyo wose. Madzidziro ako akadini? Wakanyura ‘muzvinhu zvakadzama zvaMwari’ here? (1 VaK. 2:10) Kana kuti unongonyobvora? Kufungisisa zvaunodzidza kuchakukurudzira.—Verenga Zvirevo 2:1-5.

17, 18. (a) Unofanira kuedza kuva nemano okuitei? (b) Kuva nemaonero aiva naTimoti kuchakubatsira sei muushumiri?

17 Mumwe piyona wechiduku anonzi Michelle akati: “Kuti ndinyatsobudirira muushumiri ndakaronga nguva yandinofanira kudzidza ndiri ndoga, uye ndinopinda misangano nguva dzose. Izvi zvinoita kuti ndirambe ndichikura pakunamata.” Zvechokwadi kuva piyona kuchakubatsira kuti uvandudze mano ako okushandisa Bhaibheri muushumiri uye kufambira mberi pakunamata. Edza kuverenga zvakanaka uye kupa mhinduro dzinovaka pamisangano yechiKristu. Sewechiduku akura pakunamata, uchada kugadzirira hurukuro dzevadzidzi dzinorayiridza muChikoro chaMwari choUshumiri, woshandisa zvakanaka mashoko aunenge wapiwa, usingabudi munyaya.

18 ‘Kuita basa romuevhangeri’ kunoreva kuita kuti ushumiri hwako hubudirire uye kubatsira vamwe kuti vaponeswe. Izvi zvinoda kuti uve “nounyanzvi hwokudzidzisa.” (2 Tim. 4:2) Kana ukaronga kushanda nevamwe vane ruzivo mubasa iri, uchakwanisa kudzidza madzidzisiro avanoita sezvakangoita Timoti akadzidza paaishanda naPauro. (1 VaK. 4:17) Achitaura nezvevaya vaakabatsira, Pauro akati haana kungovaparidzira asi akapa ‘mweya’ wake kana kuti akashandisa upenyu hwake kuti avabatsire, nokuti akanga achivada zvikuru. (1 VaT. 2:8) Kuti utevedzere muenzaniso waPauro muushumiri unofanira kuva nemaonero akaita seaiva naTimoti, uyo aida vamwe chaizvo uye ‘akashanda mukuita kuti mashoko akanaka aenderere mberi.’ (Verenga VaFiripi 2:19-23.) Uku ndiko kuzvipira kwaunoita nomwoyo wose muushumiri hwako here?

Kufambira Mberi Kunoita Kuti Unyatsogutsikana

19, 20. Nei kufambira mberi pakunamata kuchifadza?

19 Kuti ufambire mberi pakunamata ibasa chairo. Kana ukavandudza mano ako okudzidzisa, nokufamba kwenguva uchava nomukana ‘wokupfumisa vazhinji’ pane zvokunamata, uye vachava ‘mufaro wako kana korona yokupembera nomufaro.’ (2 VaK. 6:10; 1 VaT. 2:19) Mumwe mushumiri wenguva yakazara anonzi Fred anoti: “Ndava kupedza nguva yangu yakawanda ndichibatsira vamwe kupfuura zvandaiita kare. Ndezvechokwadi kuti kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”

20 Achitaura nezvekufara uye kugutsikana kwaaiita paaikura pakunamata, mumwe piyona wechiduku anonzi Daphne akati: “Pandakatanga kuona Jehovha somunhu chaiye ndakabva ndava noukama hwapedyo naye. Paunoita kuti Jehovha afare nepose paunogona napo, unonzwa uchifara uye uchigutsikana!” Kunyange zvazvo zvisiri nyore kuti vanhu vaone kuti uri kufambira mberi pakunamata, Jehovha anozviona nguva dzose uye anozvikoshesa chaizvo. (VaH. 4:13) Hapana mubvunzo kuti imi vaKristu vechiduku muchapa mbiri uye mucharumbidza Baba vedu vokudenga. Rambai muchifadza mwoyo wake sezvamunoratidza nemwoyo wose kuti muri kufambira mberi.—Zvir. 27:11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 13 “Munhu Uyu Ndiye Akandikodzera Here?” mubhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, “Nhungamiro Pakusarudza Wokuroorana Naye,” muNharireyomurindi yaMay 15, 2001 uye “How Wise Is a Teenage Marriage?” muAwake! yaSeptember 22, 1983.

Wadzidzei?

• Kufambira mberi pakunamata kunosanganisirei?

• Ungaita sei kuti kufambira mberi kwako kuoneke . . .

paunotarisana nematambudziko?

pakugadzirira kuva nemba?

muushumiri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Munyengetero unogona kukubatsira kukunda matambudziko

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vaparidzi vechiduku vangadzidza sei nzira dzinobudirira dzokudzidzisa?