Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupawo Vamwe Mamwe Mabasa—Zvakwakanakira uye Maitirwo Ako

Kupawo Vamwe Mamwe Mabasa—Zvakwakanakira uye Maitirwo Ako

Kupawo Vamwe Mamwe Mabasa—Zvakwakanakira uye Maitirwo Ako

NYAYA yokupawo vamwe mamwe mabasa yakatanga kare pasi risati rambovapo. Jehovha akasika Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga ndokuzomushandisa ‘semhizha,’ pakusika zvimwe zvinhu zvose. (Zvir. 8:22, 23, 30; Joh. 1:3) Mwari paakasika vanhu vaviri vokutanga akavaudza kuti ‘vazadze nyika vaikurire.’ (Gen. 1:28) Musiki akapa vanhu basa rokuwedzera Paradhiso yeEdheni kuti izadze pasi rose. Kureva kuti kubva pakutanga chaiko, Jehovha nevashumiri vake vagara vachipawo vamwe mamwe mabasa.

Kupawo vamwe mamwe mabasa kunosanganisirei? Nei vakuru vechiKristu vachifanira kudzidza kupawo vamwe mamwe mabasa omuungano uye vangazviita sei?

Zvinorevei?

Kupawo vamwe mamwe mabasa kunosanganisira kuita kuti mumwe munhu akumiririre achiita zvawanga uchifanira kuita kana kuti kumupa rimwe remasimba ako. Saka zvinoreva kuita kuti vamwe vavewo nezvavanoita patinoita chimwe chinhu. Izvi zvinobva zvareva kuti tinopawo vamwe masimba atiinawo.

Vaya vanenge vapiwa zvokuita muungano yechiKristu vanotarisirwa kuzviita, vachitaura kuti vava papi, uye kazhinji kacho vachibvunza anenge avapa wacho zvavanenge vachida kubatsirwa. Asi hama inenge yapa basa racho ndiyo inofanira kuona kuti razoitwa here. Anofanira kuona kuti zvinhu zviri kufamba sei achipa mazano panenge pakakodzera. Asi vamwe vangabvunza kuti, ‘Ndingapirei vamwe basa randinogona kuita ndoga?’

Kwakanakirei?

Funga nezvokusika kwaJehovha Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga ndokuzoita kuti amubatsire rimwe basa rose rokusika. Bhaibheri rinoti “pachishandiswa iye zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri panyika, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki.” (VaK. 1:16) Musiki aigona kuita zvose oga, asi akasarudza kuita kuti Mwanakomana wake aonewo kufadza kwazvinoita kuita basa rinobudirira. (Zvir. 8:31) Izvi zvakabatsira Mwanakomana kudzidza zvakawanda nezvaMwari. Kureva kuti Baba vakashandisa mukana wacho kudzidzisa Mwanakomana wavo akaberekwa ari mumwe oga.

Paaiva pasi pano, Jesu Kristu akatevedzera Baba vake pakupawo vamwe mamwe mabasa. Zvishoma nezvishoma akadzidzisa vadzidzi vake kuita basa. Akatanga nokutuma vaapostora 12 akazotuma vamwe vadzidzi 70 kuti vafanoita basa rokuparidzira kunzvimbo dzaaizoenda. (Ruka 9:1-6; 10:1-7) Pakazosvika Jesu munzvimbo idzodzo akawana pokutangira. Paakabva pasi pano, Jesu akapa basa rinokosha vadzidzi vake vaakanga adzidzisa, rinosanganisira kuparidza munyika yose.—Mat. 24:45-47; Mab. 1:8.

Kupawo vamwe mamwe mabasa uye kuvadzidzisa chakava chinhu chaikosheswa zvikuru muungano yechiKristu. Muapostora Pauro akaudza Timoti kuti: “Zvinhu izvi zvipe vanhu vakatendeka, avo vachanyatsokwanisawo kudzidzisa vamwe.” (2 Tim. 2:2) Kureva kuti vanenge vagara nebasa vanofanira kuridzidzisawo vamwe, avo vanozodzidzisawo vamwe.

Paanopawo vamwe rimwe basa, mukuru achaita kuti vamwe vaonewo kunakidza kunoita kudzidzisa uye kufudza. Kuziva kuti hapana munhu anogona zvose zvose kuchaita kuti vakuru vatonyatsoona kukosha kwekupawo vamwe mamwe mabasa muungano. Bhaibheri rinoti: “Vane mwero ndivo vane uchenjeri.” (Zvir. 11:2) Kuva nemwero kunosanganisira kuziva zvatisingakwanisi. Kana ukada kuti uite zvose zvose unopedzisira waneta uye usisina nguva yokuva nemhuri yako. Saka kuregawo vamwe vachiita zvimwe kuchenjera. Somuenzaniso, hama inoshanda somurongi mudare revakuru inogona kukumbira vamwe vakuru kuongorora akaunzi dzeungano. Izvi zvichaitawo kuti vakuru vacho vanyatsoziva kuti mari dzeungano dzakamira sei.

Kupa vamwe mamwe mabasa kunovabatsira kuti vave nounyanzvi uye ruzivo. Kunobatsirawo ari kupa wacho kuti aone mano emunhu waari kupa basa wacho. Saka kana vakuru vachipa vanhu mabasa akakodzera muungano, vanokwanisa kuedza vavanoda kuzorumbidza kuti vave vashumiri vanoshumira “kuti vanokodzera here.”—1 Tim. 3:10.

Kana vakuru vachipawo vamwe mamwe mabasa vanoratidza kuti vanovimba navo. Pauro akadzidzisa Timoti basa roumishinari achishanda naye. Izvi zvakaita kuti vapedzisire vava mukombe nechirongo. Pauro akati Timoti aive “mwana chaiye mukutenda.” (1 Tim. 1:2) Ndizvo zvakaitikawo pakati paJehovha naJesu sezvavaishanda pamwe chete kusika zvimwe zvinhu zvose. Kupa vamwe mabasa kunoita kuti vakuru vapedzisire vava noushamwari hwepedyo navo.

Chinoita Kuti Vamwe Vazeze

Vamwe vakuru vanoona zvakavaomera kupa vamwe mamwe mabasa kunyange zvazvo vachiziva zvazvakanakira, zvichida vachityira kuti vangatorerwa basa. Vangafunga kuti hapana chinofamba kana ivo vasipo. Asi yeuka kuti Jesu asati aenda kudenga akapa vadzidzi vake basa rinokosha zvikuru rokuti vaite, achitoziva kuti vaizoita zvakakura kupfuura zvaakanga aita!—Mat. 28:19, 20; Joh. 14:12.

Vamwe vakuru vangave vakambopa vamwe mamwe mabasa akasaitwa nemazvo. Vangafunga kuti ivo ndivo vanokwanisa basa racho. Asi funga muenzaniso womuapostora Pauro. Aiziva kukosha kwokupa vamwe mamwe mabasa, asi aizivawo kuti vanodzidziswa vacho vaigona kukundikana. Parwendo rwake rwokutanga somumishinari, Pauro akadzidzisa wechiduku waaifamba naye ainzi Mako. Pauro akaodzwa mwoyo paakaona Mako achisiya basa rake achidzokera kumba. (Mab. 13:13; 15:37, 38) Asi izvozvo hazvina kuita kuti Pauro abva arega kudzidzisa vamwe mabasa. Sezvambotaurwa akakumbira muKristu wechiduku Timoti kuti afambe naye. Paakaona kuti Timoti ava kugona kuita mamwe mabasa oga, Pauro akamusiya kuEfeso, akasiya amupa mvumo yokugadza vatariri nevashumiri vanoshumira muungano.—1 Tim. 1:3; 3:1-10, 12, 13; 5:22.

Nhasi uno vakuru havafaniriwo kurega kudzidzisa hama mabasa nemhaka chete yokuti pane mumwe wavakambodzidzisa akasaita nemazvo. Kuvimba nevamwe uye kuvadzidzisa mabasa kunokosha uye kunoratidza uchenjeri. Asi vakuru vanofanira kufunga nezvezvinhu zvipi pavanopa vamwe mamwe mabasa?

Zvingaitwa Sei?

Pamunopa mumwe munhu rimwe basa fungai nezvokuti akarikodzera here. Pakamuka basa rokupa vanhu zvokudya zuva nezuva muJerusarema, vaapostora vakasarudza ‘varume vanomwe vanopupurirwa vazere nomudzimu nouchenjeri.’ (Mab. 6:3) Mukapa munhu basa wamusina chokwadi naye kuti anorikwanisa here angangoritadza. Saka tangai nokupa munhu tumabasa tuduku. Kana aratidza kuti anokwanisa, angazopiwa basa rakati kurei.

Asi pane zvimwewo zvinoda kufungwa nezvazvo. Unhu hwevanhu nemano zvinosiyana-siyana. Ruzivowo rwunosiyana-siyana. Hama inogara yakasununguka uye inofara ingaita zvakanaka basa romurindi, asi iya yakarongeka uye inonyatsoita zvinhu zvayo ingabatsira zvikuru ikashanda nomunyori weungano. Hanzvadzi ine unyanzvi hwokushongedza ingapiwa basa rokuronga maruva paChirangaridzo.

Pamunopa munhu basa nyatsotaurai zvamuri kutarisira kuti zviitwe. Johani Mubhabhatidzi paakatuma vanhu kuna Jesu, akavatsanangurira zvaaida kuziva uye kuti vaizozvibvunza sei. (Ruka 7:18-20) Asiwo Jesu paakaudza vadzidzi vake kuti vaunganidze zvakanga zvasara pazvokudya zvaakanga apa vanhu nechishamiso, akavasiyira kuti vaone voga kuti vaizozviunganidza sei. (Joh. 6:12, 13) Zvakawanda zvinoenderana nokuti chii chiri kuda kuitwa uye kuti ari kunzi aite wacho anochigona zvakadini. Vose vari vaviri, ari kupiwa basa neari kupa vanofanira kunge vachinzwisisa kuti basa racho riri kufanira kuitwa kusvika papi uye kuti apiwa basa achapota achiuya kakawanda sei kuzotaura kuti zvinhu zvava papi. Vose vanofanira kunge vachiziva kuti ndezvipi zvinosiyirwa kune ari kupiwa basa wacho kuti azvionere oga. Kana basa racho riine musi warinenge richifanira kunge rapera, zvingakurudzira zvikuru kana mukakurukura nezvemusi wacho mowirirana panzvimbo pokungoudza munhu ari kuita kuti ngaapedze musi wakati.

Ari kupiwa basa wacho anofanira kupiwa zvose zvinodiwa, mari, zvokushandisa uye rubatsiro rwaanenge achida. Zvingabatsira kuita kuti vamwe vazive kuti nhingi apiwa basa rakati. Jesu paakapa Petro “kiyi dzoumambo hwokumatenga,” akamupa paine vamwe vadzidzi. (Mat. 16:13-19) Saka dzimwe nguva zvakanaka kuzivisa ungano kuti ndiani anoita basa rakati.

Pane pamwe panoda kungwarira. Kana ukaramba uchiteverera munhu wawapa basa uri kumupa pfungwa yokuti, “Handinyatsovimbi newe.” Ichokwadi hacho kuti pamwe zvinhu zvacho hazvizobudi sezvawaitarisira. Asi hama inenge yapiwa basa ikasiyiwa kuti izvionerewo yoga, ichava nechivimbo uye ruzivo. Izvi hazvirevi hazvo kuti tinenge tisisina hanya nemaitirwo anenge achiitwa basa. Kunyange zvazvo akapa basa rokusika kuMwanakomana wake, Jehovha haana kubva apeta maoko. Akaudza Mhizha yake kuti: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu.” (Gen. 1:26) Saka tsigira basa riri kuitwa nemashoko ako nezviito, uye rumbidza munhu wacho pane zvaari kuedza kuita. Kumboongorora kuti basa racho rafamba zvakadini kungamubatsira. Kana basa racho risiri kuitwa nemazvo, usazeza kupa mamwe mazano kana kuti rubatsiro. Yeuka kuti sezvo uri iwe wapa basa, kana paine chisina kufamba iwe ndiwe unobvunzwa.—Ruka 12:48.

Vakawanda vakabatsirwa nokupiwa mabasa muungano nevakuru vane chido chokuti vafambire mberi. Vachitevedzera Jehovha, vakuru vose vanofanira kudzidza kuti zvakanakirei kupawo vamwe mamwe mabasa uye kuti vangazviita sei.

[Bhokisi riri papeji 29]

KUPAWO VAMWE MAMWE MABASA

• inzira yokuita kuti vamwe vafarewo nesu kana basa racho raitwa

• inzira yokuti paitwe zvakawanda

• kuratidza uchenjeri uye kuva nomwero

• inzira yokudzidzisa vamwe maitirwo ebasa

• inzira yokuratidza nayo kuti tinovimba nevamwe

[Bhokisi riri papeji 30]

ZVINGAITWA SEI?

• Sarudzai vanhu vakakodzera basa rinenge richida kuitwa

• Nyatsotsanangurai zviri kuda kuitwa

• Jekesai kuti basa racho rinofanira kuitwa sei

• Ipai munhu wacho zvaanoda pabasa

• Ratidzai kuti mune hanya nebasa racho uye ratidzai kuti munovimba neari kuriita

• Zivai kuti ndimi munozobvunzwa kana paine zvisina kufamba

[Mifananidzo iri papeji 31]

Kupawo vamwe mamwe mabasa kunosanganisira kuzoona kuti riri kufamba sei