Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu akanga afamba achiparidza munyika yose. Saka muapostora Petro aizotaura sei achiti vaJudha nevatungamiriri vavo vakanga ‘vaita nokusaziva’ pakumuuraya?—Mab. 3:17.

Paaitaura nerimwe boka revaJudha nezvezvavakaita pakuuraya Mesiya, muapostora Petro akati: “Ndinoziva kuti makaita nokusaziva, sezvakaitawo vatongi venyu.” (Mab. 3:14-17) Vamwe vaJudha vangadaro vasina kungonzwisisa Jesu uye zvaaidzidzisa. Kusaziva kwevamwewo kungava kwaikonzerwa nokushaya chido chokufadza Mwari, kufungira Jesu zvisiri izvo, kumuitira godo, uye kutomuvenga chaiko.

Ngatimbokurukurai kuti kushaya chido chokufadza Jehovha kwakakanganisa sei maonero aiita vakawanda zvaidzidziswa naJesu. Jesu aiwanzodzidzisa achishandisa mifananidzo, iyo yaaizotsanangurira vose vaida zvavo kudzidza zvakawanda. Zvisinei vamwe vavo vaibva vangoenda vasina kumboedza kunzwisisa kuti ari kuti chii. Mumwe musi kunyange vamwe vadzidzi vakagumburwa nedimikira rakanga rashandiswa naJesu. (Joh. 6:52-66) Vanhu vakadaro vakanga vasinganzwisisi kuti Jesu paaitaura mifananidzo aida kuona kana vaizochinja mafungiro avo nezviito. (Isa. 6:9, 10; 44:18; Mat. 13:10-15) Vakatadzawo kunzwisisa uprofita hwokuti Mesiya aizoshandisa mifananidzo pakudzidzisa.—Pis. 78:2.

Vamwe vakaramba zvaidzidziswa naJesu pamusana pokumufungira zvisizvo. Paakadzidzisa musinagogi rokumusha kwake, kuNazareta, vanhu “vakashamiswa.” Asi pane kubvuma kuti Jesu ndiye aiva Mesiya, vakatobvunza nezvemhuri yaaibva vachiti: “Munhu uyu akawana kupi zvinhu izvi? . . . Uyu haasi iye muvezi, mwanakomana waMariya uye mukoma waJakobho naJosefa naJudhasi naSimoni here? Hanzvadzi dzake hadzisi pano pamwe chete nesu here?” (Mako 6:1-3) Marererwo aJesu asingashamisiri ndiwo akaita kuti vanhu vokuNazareta vatarisire pasi zvaaidzidzisa.

Ko vaitungamirira vanhu panyaya dzokunamata vakaitawo sei? Vakawanda vavo havana kunyatsoteerera Jesu pamusana pezvikonzero zvakangofanana. (Joh. 7:47-52) Vairambawo zvaaidzidzisa nokuti vainzwira Jesu godo nokuti vanhu vose vakanga vongoenda kwaari. (Mako 15:10) Uye vakawanda vakanga vakakurumbira vakatsamwa paaifumura unyengeri hwavo. (Mat. 23:13-36) Zvaive zvakakodzera kuti Jesu ashore kusaziva kwavaiita nemaune achiti: “Mune nhamo imi munoziva Mutemo kwazvo, nokuti makabvisa kiyi yezivo; imi hamuna kupinda [muUmambo], uye makadzivisa vaya vaipinda!”—Ruka 11:37-52.

Jesu akaparidza mashoko akanaka munyika yacho kwemakore matatu nehafu. Akadzidzisawo vakawanda kuita basa iroro. (Ruka 9:1, 2; 10:1, 16, 17) Jesu nevadzidzi vake vakabudirira zvokuti vaFarisi vakatanga kuchemachema vachiti: “Onai! Nyika yamutevera.” (Joh. 12:19) Saka hakusi kuti vaJudha vakawanda hapana chavaitomboziva zvachose. Asi vakaramba ‘vasingazivi’ zvinhu zvinokosha zvairatidza kuti Jesu aiva Mesiya. Vangadai vakawedzera zivo yavo uye kuda kwavaifanira kuita Mesiya, asi havana kudaro. Vamwe vakatobatsira pakuuraya Jesu. Saka muapostora Petro akakurudzira vakawanda vavo achiti: “Naizvozvo, pfidzai, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti mwaka yokusimbaradzwa iuye ichibva kuna iye Jehovha uye kuti atume Kristu akagadzwa nokuda kwenyu, iye Jesu.” (Mab. 3:19, 20) Zvinoshamisa kuti zviuru zvevaJudha zvakatanga kuteerera, kusanganisira “boka guru revapristi.” Zvokusaziva zvakanga zvapera. Vakatopfidza ndokunzwirwa nyasha naJehovha.—Mab. 2:41; 4:4; 5:14; 6:7.