Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwana Pfuma “Yakanyatsovanzwa Maari”

Kuwana Pfuma “Yakanyatsovanzwa Maari”

Kuwana Pfuma “Yakanyatsovanzwa Maari”

“Pfuma yose youchenjeri neyezivo yakanyatsovanzwa maari.”—VAK. 2:3.

1, 2. (a) Zvinhu zvipi zvinokosha zvakawanikwa muna 1922, uye zvakaguma zvava kupi? (b) Shoko raMwari rinokurudzira munhu wose kuti aitei?

NYAYA yokuwanikwa kwepfuma yakavanzwa inowanzotsviriridza munhau. Somuenzaniso, muna 1922, mumwe anoita zvokuchera matongo wokuBritain anonzi Howard Carter akawana zvinhu zvinoshamisa pashure pokushanda nesimba kwemakore, mumamiriro ezvinhu akaoma. Akawana guva raFarao Tutankhamen raiva nezvinhu zvinoda kusvika 5 000.

2 Pasinei nokuti zvinhu zvakawanikwa naCarter zvaishamisa, zvakaguma zvaiswa mumamiyuziyemu kana kuti zvatorwa nevanhu vanofarira kuunganidza zvinhu zvakadaro. Zvingave zvichikosheswa nevanhu vanoongorora nyaya dzakaitika kare kana kuti vanofarira zvinhu zvinoyevedza, asi hazvina zvazvinonyanya kubatsira muupenyu hwedu. Zvisinei, Shoko raMwari rinotikurudzira kuti titsvake pfuma inonyatsotibatsira zvechokwadi. Rinokurudzira munhu wose kuti adaro, uye mubayiro wacho unokosha zvikuru kupfuura pfuma chero ipi zvayo.—Verenga Zvirevo 2:1-6.

3. Pfuma inokurudzirwa naJehovha kuti vanamati vake vatsvake inobatsirei?

3 Funga nezvokukosha kwakaita pfuma iyo Jehovha anokurudzira vanamati vake kutsvaka. Imwe yepfuma iyoyo “kutya Jehovha,” uko kunogona kutidzivirira uye kutichengetedza munguva ino yakaoma. (Pis. 19:9) Kuwana “zivo pamusoro paMwari” kungaita kuti munhu awane ropafadzo yakakura zvikuru yokuva noukama hwepedyo neWokumusoro-soro. Kana tiine pfuma youchenjeri hunobva kuna Mwari, zivo, uye nzwisiso, tichakwanisa kukurira nhamo nematambudziko zvoupenyu. (Zvir. 9:10, 11) Pfuma inokosha kudaro tingaiwanepi?

Kutsvaka Pfuma Yatinokurudzirwa naMwari

4. Chii chingatiratidza kwokuwana pfuma yatinovimbiswa naMwari?

4 Isu takasiyana nevanoita zvokuchera matongo nevamwe vanoongorora zvinhu vanowanzotsvaka kwose kwose kuti vawane pfuma, nokuti tinonyatsoziva kuti pfuma yatinokurudzirwa naMwari kuti titsvake inowanika pai. Sezvinoita mepu inoratidza pane pfuma, Shoko raMwari rinotiratidza chaipo patinokwanisa kuwana pfuma yakavimbiswa naMwari. Achitaura nezvaKristu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Pfuma yose youchenjeri neyezivo yakanyatsovanzwa maari.” (VaK. 2:3) Patinenge tichiverenga mashoko iwayo, tingazvibvunza kuti: “Nei tichifanira kutsvaka pfuma iyoyo? ‘Yakavanzwa’ sei muna Kristu? Uye tingaiwana sei?” Kuti tiwane mhinduro dzemibvunzo iyi, ngatinyatsoongororai mashoko omuapostora wacho.

5. Nei Pauro akanyora nezvepfuma yezvokunamata?

5 Pauro akanyora mashoko ari mundima yapfuura kuhama dzaainamata nadzo dzokuKorose. Akavaudza kuti shungu dzake dzaiva dzokuti “mwoyo yavo inyaradzwe, kuti vanyatsobatanidzwa pamwe chete murudo.” (Verenga VaKorose 2:1, 2.) Nei aiva nehanya navo zvakadaro? Zviri pachena kuti Pauro aiziva kuti hama dzeikoko dzingadaro dzakanga dziri kufurirwa nevamwe vavo vaitsigira uzivi hwechiGiriki kana kuti vaikurudzira vamwe kuti vatangezve kuchengeta Mutemo waMosesi. Akanyevera hama dzacho zvakasimba kuti: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu, maererano nezvinhu zvokutanga zvenyika, kwete maererano naKristu.”—VaK. 2:8.

6. Nei tichifanira kufarira zano raPauro?

6 Mazuva ano tinofurirwawo saizvozvo naSatani nenyika yake yakaipa. Uzivi hwenyika, uhwo hunosanganisira pfungwa yokuti vanhu vanogona kubudirira pasina zvokunamata uye dzidziso yokuti vanhu vakaita zvokushanduka-shanduka ndizvo zvinoita kuti vanhu vave nemafungiro, tsika, zvinangwa uye mararamiro avanoita. Zvitendero zvenhema ndizvo zvinonyanya kupemberera mazororo akawanda akakurumbira. Vanogadzira zvinhu zvinovaraidza vanozvigadzira nechinangwa chokugutsa zvakaipa zvinodiwa nenyama yedu, uye zvakawanda zvinowanikwa paIndaneti zvinokanganisa chaizvo vaduku nevakuru. Kugara tichiona nokunzwa zvinhu zvakadai nezvimwewo zvinoitwa munyika kungakanganisa nyore nyore mafungiro edu nemaonero atinoita zvatinoudzwa naJehovha, zvoita kuti tisabatisisa upenyu chaihwo. (Verenga 1 Timoti 6:17-19.) Zviri pachena kuti kana tisingadi kuvhiringidzwa nemanomano aSatani, tinofanira kunzwisisa zvinorehwa nemashoko aPauro aakanyorera vaKorose, tofungisisa zano rake.

7. Zvinhu zvipi zviviri zvakanzi naPauro zvaizobatsira vaKorose?

7 Tikadzokera kumashoko aPauro aakanyorera vaKorose, tinocherechedza kuti pashure pokunge ataura kuti aiva nehanya navo, akataura zvinhu zviviri zvaizovabatsira kunyaradzwa uye kubatana murudo. Chokutanga, akataura nezve“kunzwisisa kwavo kune chivimbo chizere.” Vaifanira kunyatsova nechokwadi chokuti vainzwisisa Magwaro zvakarurama, kuitira kuti kutenda kwavo kuvakirwe panheyo yakasimba. (VaH. 11:1) Zvadaro, akazotaura nezve“zivo yakarurama pamusoro pechakavanzika chitsvene chaMwari.” Vaisafanira kungogutsikana nokunzwisisa chokwadi chavanenge vatanga kudzidza asi vaifanira kunyatsojekerwa nezvinhu zvakadzama zvaMwari. (VaH. 5:13, 14) Chokwadi iri raiva zano rakanaka kuvaKorose uye rakatinakirawo nhasi! Asi tingawana sei chivimbo chakadaro nezivo yakarurama? Pauro akataura zvatinofanira kuita mumashoko aakataura nezvaJesu Kristu, achiti: “Pfuma yose youchenjeri neyezivo yakanyatsovanzwa maari.”

Pfuma ‘Yakavanzwa’ Muna Kristu

8. Tsanangura zvinorehwa nemashoko okuti ‘yakavanzwa’ muna Kristu.

8 Kana zvichinzi pfuma yose youchenjeri neyezivo ‘yakavanzwa’ muna Kristu, hazvirevi hazvo kuti yakavigwa zvokuti hapana anogona kuiwana. Zvinongoreva kuti kana tichida kuiwana, tinofanira kushanda nesimba, toisa pfungwa dzedu pana Jesu Kristu. Izvi zvinoenderana nezvakataurwa naJesu paaitaura nezvake pachake achiti: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Joh. 14:6) Chokwadi, kuti tiwane zivo yaMwari, tinofanira kubatsirwa uye kutungamirirwa naJesu.

9. Jesu akapiwa mabasa api?

9 Jesu haasi “nzira” chete, asi akati ndiye “chokwadi noupenyu.” Izvi zvinoreva kuti basa rake harigumiri pakungova nzira yokuenda nayo kuna Baba. Jesu anoitawo mabasa anobatsira kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri uye anobatsira kuti tiwane upenyu husingaperi. Zvechokwadi, muna Jesu makavanzwa pfuma inokosha isingagoni kuenzaniswa nechero chii zvacho, yakangomirira kutsvakwa nevanoda kudzidza Bhaibheri. Ngatimboongororai imwe yepfuma yacho ine chokuita neramangwana redu uye ukama hwedu naMwari.

10. Tingadzidzei nezvaJesu muna VaKorose 1:19 uye 2:9?

10 “Kuva saMwari kwake kwose kuzere kunogara maari mumuviri.” (VaK. 1:19; 2:9) Jesu zvaakagara naBaba vake vokudenga kwemakore akawanda, hapana angamupfuura kuziva zvakaita Mwari uye zvaanoda. Panguva yose yaaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu akadzidzisa vamwe zvaakanga adzidziswa naBaba vake uye akaratidza unhu hwaBaba vake hwavakanga vamudzidzisa. Ndokusaka Jesu aigona kuti: “Aona ini aonawo Baba.” (Joh. 14:9) Uchenjeri hwose nezivo yaMwari zvakavigwa, kana kuti zviri kugara muna Kristu, uye hapana nzira iri nani yatingadzidza nayo nezvaJehovha kupfuura kunyatsodzidza zvose zvatinogona nezvaJesu.

11. Jesu anei chokuita nouprofita hweBhaibheri?

11 “Kupupurira Jesu ndicho chinangwa chouprofita.” (Zvak. 19:10) Mashoko iwayo anoratidza kuti Jesu ndiye musimboti wokuzadzika kwouprofita hwakawanda huri muBhaibheri. Kufunga nezvebasa raJesu rine chokuita noUmambo hwaMesiya ndiko chete kunotibatsira kunzwisisa uprofita hweBhaibheri hunotangira pane zvakaziviswa naJehovha pana Genesisi 3:15, kusvikira pazvinhu zvine mbiri zvinoratidzwa muna Zvakazarurwa. Ndokusaka vaya vasingatendi kuti Jesu ndiye Mesiya akapikirwa vachiomerwa nokunzwisisa uprofita hwakawanda huri muMagwaro echiHebheru. Uye ndokusaka vaya vasingakoshesi Magwaro echiHebheru, ayo ane uprofita hwakawanda hwaMesiya, vachizongogumira pakuti Jesu aingovawo hake munhu akakurumbira. Kuziva nezvaJesu kunobatsira vanhu vaMwari kunzwisisa zvinorehwa nouprofita hweBhaibheri husati hwazadzika.—2 VaK. 1:20.

12, 13. (a) Jesu “chiedza chenyika” pakudini? (b) Vateveri vaKristu zvavakasunungurwa murima rokunamata, vanofanira kuitei?

12 “Ndini chiedza chenyika.” (Verenga Johani 8:12; 9:5.) Pachine makore akawanda Jesu asati aberekwa pasi pano, muprofita Isaya akafanotaura kuti: “Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru. Vaya vanogara munyika yezarima, vakapenyerwa nechiedza.” (Isa. 9:2) Muapostora Mateu akatsanangura kuti Jesu akazadzika uprofita ihwohwo paakatanga kuparidza achiti: “Pfidzai, nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.” (Mat. 4:16, 17) Ushumiri hwaJesu hwakaita kuti vanhu vajekerwe panyaya dzokunamata uye hwakavasunungura pakuva varanda vedzidziso dzezvitendero zvenhema. “Ndakauya sechiedza munyika,” akadaro Jesu, “kuti munhu wose anotenda mandiri arege kuramba ari murima.”—Joh. 1:3-5; 12:46.

13 Papera makore akawanda, muapostora Pauro akaudza vaKristu vaainamata navo kuti: “Maimbova rima, asi zvino mava chiedza munaShe. Rambai muchifamba sevana vechiedza.” (VaEf. 5:8) VaKristu vanofanira kufamba sevana vechiedza, nokuti vakasunungurwa pakuva varanda verima rokunamata. Izvi zvinoenderana nezvakataurwa naJesu kuvateveri vake muMharidzo yepaGomo paakati: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka uye vakudze Baba venyu vari kumatenga.” (Mat. 5:16) Unokoshesa pfuma yezvokunamata yawakawana muna Jesu zvokuti kutaura kwako nomufambiro wako wakanaka somuKristu zvinokurudzira vamwe kuti vaiwanewo here?

14, 15. (a) Makwai nedzimwe mhuka dzaiita basa rei pakunamata kwechokwadi munguva dzakanyorwa Bhaibheri? (b) Nei Jesu ari pfuma isingaenzaniswi mubasa rake rokuva “Gwayana raMwari”?

14 Jesu ndiye “Gwayana raMwari.” (Joh. 1:29, 36) MuBhaibheri rose, makwai aiita basa rinokosha pakuita kuti vanhu vakanganwirwe zvivi uye vakwanise kunamata Mwari. Somuenzaniso, Abrahamu paakaratidza kuti aida kupa mwanakomana wake Isaka sechibayiro, akaudzwa kuti asakuvadza Isaka uye akapiwa gondohwe, kana kuti gwai gono, kuti ashandise. (Gen. 22:12, 13) VaIsraeri pavakanunurwa muIjipiti, makwai akaitazve basa rinokosha, rokuva “paseka yaJehovha.” (Eks. 12:1-13) Uyezve, Mutemo waMosesi waiti vaigona kupa zvibayiro zvemhuka dzakasiyana-siyana, dzaisanganisira makwai nembudzi.—Eks. 29:38-42; Revh. 5:6, 7.

15 Pazvibayiro izvozvo zvaipiwa nevanhu, hapana chaikwanisa kusunungura vanhu pachivi norufu zvachose. (VaH. 10:1-4) Asi Jesu ndiye “Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” Izvi zvinoita kuti Jesu ave pfuma inokosha kupfuura chero pfuma ipi zvayo yati yambowanikwa. Saka zvingava zvakanaka kana tikawana nguva yokunyatsodzidza nyaya yorudzikinuro, tova nokutenda muurongwa ihwohwo hunoshamisa. Kana tikadaro, tinova netariro yokuwana chikomborero chakakura uye mubayiro. “Boka duku” richawana mubayiro wokukudzwa pamwe naKristu kudenga uye “mamwe makwai” achawana upenyu husingaperi muParadhiso pasi pano.—Ruka 12:32; Joh. 6:40, 47; 10:16.

16, 17. Nei zvichikosha kuti tinzwisise basa raJesu rokuva “Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu”?

16 Jesu ndiye “Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu.” (Verenga VaHebheru 12:1, 2.) Muna VaHebheru chitsauko 11, Pauro akataura zvakasimba nezvokutenda, achitaura muchidimbu kuti kunorevei, ndokubva azotaura mazita evarume nevakadzi vaiva nomuenzaniso wokutenda vakadai saNoa, Abrahamu, Sara, naRakabhi. Achifunga zvose izvozvi, Pauro akakurudzira hama dzake dzechiKristu kuti dzirambe dzakatarira “Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu, iye Jesu.” Nei?

17 Kunyange zvazvo varume nevakadzi ivavo vakatendeka vakataurwa muchitsauko 11 chaVaHebheru vaitenda zvakasimba zvipikirwa zvaMwari, vakanga vasingazivi zvose pamusoro pokuti Mwari aizoshandisa sei Mesiya noUmambo hwake kuzadzisa zvaakapikira. Saka tingati kutenda kwavo kwakanga kusina kukwana. Chokwadi ndechokuti kunyange vacho vakashandiswa naJehovha kunyora uprofita hwakawanda pamusoro paMesiya vakanga vasinganyatsonzwisisi kuti zvavainyora zvairevei. (1 Pet. 1:10-12) Jesu chete ndiye anogona kuita kuti kutenda kuve kwakakwana, kana kuti kwakazara. Saka zvinokosha kwazvo kuti tinyatsonzwisisa uye tizive basa raJesu rokuva “Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu”!

Ramba Uchitsvaka

18, 19. (a) Taura imwe pfuma yokunamata yakavanzwa muna Kristu. (b) Nei tichifanira kuramba tichitsvaka pfuma yokunamata kuna Jesu?

18 Tangokurukura mamwe emabasa anokosha anoitwa naJesu ane chokuita nechinangwa chaMwari chokuponesa vanhu. Pachine zvimwe zvakafanana nepfuma zvakavanzwa muna Kristu. Kuzviwana kuchaita kuti tifare uye kuchatibatsira. Somuenzaniso muapostora Petro akadana Jesu kuti “Mumiririri Mukuru woupenyu” uye “nyamasase” inobuda. (Mab. 3:15; 5:31; 2 Pet. 1:19) Uye Bhaibheri rakashandisa shoko rokuti “Ameni” kureva Jesu. (Zvak. 3:14) Unoziva here kuti mabasa aya anorevei uye kuti anokosha zvakadini? Sezvakataurwa naJesu, ‘ramba uchitsvaka, uye uchawana.’—Mat. 7:7.

19 Pavanhu vose vakararama hapana kumbova nomunhu ane upenyu hunokosha uye hune chokuita neramangwana redu saJesu. Maari mune pfuma yokunamata iri nyore kuwanikwa nomunhu upi zvake anoitsvaka nomwoyo wose. Dai ukawana mufaro uye chikomborero mukuwana pfuma “yakanyatsovanzwa maari.”

Unoyeuka Here?

• VaKristu vanokurudzirwa kutsvaka pfuma ipi?

• Nei zano raPauro raakapa vaKorose richiri kushanda kwatiri mazuva ano?

• Taura uye tsanangura imwe pfuma yokunamata ‘yakavanzwa’ muna Kristu.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 5]

Bhaibheri rakafanana nemepu inoratidza pane pfuma “yakanyatsovanzwa” muna Kristu