Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mbeu Yechokwadi Inosvika Kure

Mbeu Yechokwadi Inosvika Kure

Mbeu Yechokwadi Inosvika Kure

NYIKA inonzi Tuva Republic yokuRussia iri nechokumaodzanyemba kweSiberia, uye Mongolia iri kumaodzanyemba nokumabvazuva kwayo. Vakawanda vokuTuva vanogara munharaunda dziri kure dzisiri nyore kusvika neshoko roUmambo. Zvisinei, nguva pfupi yapfuura, rimwe boka revanhu vanogara nechokunze kweTuva rakauya kuKyzyl, guta guru renyika iyoyo kuzopinda mumwe musangano. Maria, mumwe piyona wokuKyzyl, akaziva kuti kune vanhu vakanga vauya, uye akautora somukana usingagarowaniki wokuvaudza mashoko akanaka.

Maria anorondedzera zvakaitika, achiti: “Vepachikoro pandinodzidzisa vakaronga musangano wezvingaitwa kupedza dambudziko rokushandisa zvinodhaka. Waifanira kupindwa nevanhu vanenge 50 vaibva kunzvimbo dziri kure zvikuru neTuva. Pavanhu vacho paiva nevadzidzisi, vanoongorora mashandiro epfungwa, vanotarisira kugara zvakanaka kwevana, nevamwewo.” Kuna Maria, musangano uyu wakamupa mukana wokuparidza, asi zvakanga zvisiri nyore. Anotsanangura kuti: “Ndagara ndiri munhu anonyara, uye ndinoomerwa nokupupura zvisina kurongwa. Zvisinei, ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andipe ushingi uye kuti ndishandise mukana uyu kupupurira.” Akabudirira here?

Maria anoenderera achiti: “Ndakawana magazini yeMukai! yaitaura nezvedambudziko rokutya zvinhu zvisingawanzotyisi vamwe. Ndakafunga kuti, ‘Nyaya idzi dzinganakidza vanoongorora pfungwa,’ saka ndakaenda nemagazini yacho kuchikoro. Musi iwoyo, mumwe wevadzidzisi vaipinda musangano wacho akauya kuhofisi yangu, uye ndakamuratidza magazini yacho. Akaifarira chaizvo. Akatoti iyewo aitova nedambudziko iroro rokutya. Mangwana acho, ndakamuunzira bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Vhoriyumu 1. Akarifarirawo chaizvo. Kufarira kwaakaita kwakaita kuti ndifunge kuti pamwe vamwe vadzidzisi vaizofarirawo bhuku racho. Saka ndakaenda nebhokisi remabhuku aMibvunzo Inobvunza Vechiduku nemamwe mabhuku kuchikoro.” Pasina nguva, akanga atorwa ose. Maria anorondedzera kuti: “Vamwe vaiva nomudzidzisi uya wandakanga ndapa bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku vakauya muhofisi mangu vachibvunza kuti: “Mabhuku acho ari kupiwa kupi?’” Ndakabva ndangoti dzawira mutswanda!

Musangano wacho waipera musi woMugovera. Musi uyu Maria akanga asingashandi, saka akaisa mabhuku akawanda patafura dzaiva muhofisi make. Akanyora pabhodhi kuti: “Vadzidzisi Vanodiwa! Kana muchida munogona kutora mabhuku amunoda uye kutorerawo shamwari dzenyu. Mabhuku aya akanaka achakubatsirai kugona basa renyu uye achasimbisa mhuri dzenyu.” Zvakafamba sei? “Musi wacho ndakaenda kuhofisi yangu ndokuona kuti mabhuku akawanda akanga atorwa. Ndakabva ndangowedzera mamwe mabhuku nemagazini.” Pakazopera musangano wacho, Maria akanga agovera magazini 380, mabhuku 173 uye mabhurocha 34. Vaya vakanga vachipinda musangano vakadzokera kwavaigara uye kwavaishanda nemabhuku aya. Maria anoti: “Hakusi kufara kwandiri kuita kuti iye zvino mbeu yechokwadi yakasvika kunzvimbo dziri kure zvikuru neTuva!”—Mup. 11:6.

[Mepu iri papeji 32]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

RUSSIA

TUVA REPUBLIC