Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhuri dzevaKristu—Tevedzerai Muenzaniso waJesu!

Mhuri dzevaKristu—Tevedzerai Muenzaniso waJesu!

Mhuri dzevaKristu—Tevedzerai Muenzaniso waJesu!

“Kristu . . . [aka]kusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.”—1 PET. 2:21.

1. (a) Mwanakomana waMwari akaita basa rei pakusikwa kwezvinhu? (b) Jesu anonzwa sei nezvevanhu?

MWARI paakasika matenga nenyika, Dangwe rake raiva padivi pake riri “mhizha.” Mwanakomana waMwari akashandawo naBaba vake pakasika Jehovha mhuka nezvinomera zvakasiyana-siyana zviri pasi pano uye paakagadzira Paradhiso yaizova musha wevanhu vaizosikwa nomufananidzo waJehovha. Mwanakomana waMwari, uyo akazozivikanwa saJesu “aifarira kwazvo zvinhu zvaiva nechokuita nevanakomana vevanhu.”—Zvir. 8:27-31; Gen. 1:26, 27.

2. (a) Jehovha akapa vanhu vasina kukwana chii kuti chivabatsire? (b) Inyaya ipi yatinobatsirwa neBhaibheri?

2 Pakatadza vanhu vaviri vokutanga, kununura vanhu vanotadza ndicho chakava chinangwa chikuru chaJehovha. Jehovha akapa vanhu chibayiro chaKristu chorudzikinuro kuitira kuti vanunurwe. (VaR. 5:8) Uyezve Jehovha akavapa Shoko rake, Bhaibheri, iro rinovatungamirira kuti vabudirire muupenyu pasinei nokuti vane chivi chokuzvarwa nacho. (Pis. 119:105) MuShoko rake, Jehovha anopa mirayiridzo inobatsira vanhu kuti vave nemhuri dzakasimba uye dzinofara. Richitaura nezvokuroorana, bhuku raGenesisi rinoti murume anofanira ‘kunamatira mudzimai wake vova nyama imwe.’—Gen. 2:24.

3. (a) Jesu akadzidzisei nezvokuroorana? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu akasimbisa kuti kuroorana haasi mahumbwe. Akadzidzisa zvinhu zvokuti zvikashandiswa, zvinobatsira kuti vanhu vasava nemafungiro nounhu zvinotadzisa imba kumira kana kuti zvinoshayisa mufaro vanhu vari mumba. (Mat. 5:27-37; 7:12) Nyaya ino ichakurukura kuti muenzaniso waJesu uye zvaakadzidzisa paaiva pasi pano zvinogona kubatsira sei varume, madzimai, vabereki, uye vana kuti vararame upenyu hunofadza uye hunogutsa.

Zvingaitwa nomuKristu Kuti Akudze Mudzimai Wake

4. Basa raJesu rakafanana papi nerevarume vechiKristu?

4 Mwari akagadza murume kuti ave musoro wemba, sezvakangoitawo Jesu kuti ndiye Musoro weungano. Muapostora Pauro akati: “Murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristu zvaari musoro weungano, iye zvaari muponesi womuviri uyu. Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEf. 5:23, 25) Zvechokwadi mabatiro aiita Jesu vateveri vake ndiwo anofanira kutevedzerwa nevarume vechiKristu pamabatiro avanoita madzimai avo. Ngatimboonai kuti Jesu aishandisa sei masimba aakapiwa naMwari.

5. Jesu akaratidza sei masimba ake pavadzidzi vake?

5 Jesu aiva ‘munyoro aine mwoyo unozvininipisa.’ (Mat. 11:29) Aivawo munhu asingatariri zvinhu achingosiya zvakadaro. Haana kana paakamboregeredza mabasa ake. (Mako 6:34; Joh. 2:14-17) Aipa vadzidzi vake zano nomutsa, pamwe pacho achitoramba achidzokorora. (Mat. 20:21-28; Mako 9:33-37; Ruka 22:24-27) Kunyange zvakadaro, Jesu haana kuvatarisira pasi kana kuvanyadzisa, uye haanawo kuita kuti vaone sevasingadiwi, kana kuti vasingagoni kuita zvaaivadzidzisa. Asi aitorumbidza vadzidzi vake uye aivakurudzira. (Ruka 10:17-21) Hazvishamisi kuti Jesu airemekedzwa nevadzidzi vake nokuti aivada uye aivabata nomutsa!

6. (a) Murume angadzidzei pamabatiro aiita Jesu vadzidzi vake? (b) Petro anokurudzira varume kuita sei?

6 Muenzaniso waJesu unodzidzisa varume vechiKristu kuti kunzi uri musoro wemba hazvirevi kuti wodzvinyirira mudzimai. Asi unotofanira kumuremekedza uye kumuratidza rudo rukuru. Muapostora Petro akakurudzira varume kutevedzera rudo rwaJesu nokugara nemadzimai avo ‘saizvozvo vachivakudza.’ (Verenga 1 Petro 3:7.) Saka murume angaratidza sei masimba ake aakapiwa naMwari uku achibata mudzimai wake norukudzo?

7. Murume angakudza sei mudzimai wake? Taura muenzaniso.

7 Imwe nzira yokuti murume aremekedze mudzimai wake ndeyokunzwawo mafungiro ake asati asarudza zvine chokuita nemhuri. Zvichida chisarudzo chacho chine chokuita nokutama kana kuti kuchinja basa kana kuti zvimwewo zvinhu zvinoitwa nemhuri zvakadai sokuti vangaenda kupi kunobvakacha kana kuti vangashandisa sei mari yavo zvinoenderana nokudhura kwava kuita zvinhu. Sezvo nyaya dzacho dzichibata-bata mhuri yose, zvingabatsira uye kungava kuratidza mutsa kana murume akanzwawo kuti mudzimai wake anotii, sezvo zvingamubatsira kuita chisarudzo chisingazoomeri vamwe, chichanakira vose uye chicharerukira mudzimai kumutsigira. (Zvir. 15:22) Varume vechiKristu vanokudza madzimai avo vanodiwa nemadzimai avo uye vanoremekedzwa navo asi zvinokosha ndezvokuti vanofarirwa naJehovha.—VaEf. 5:28, 29.

Zvingaitwa Nomudzimai Kuti Aremekedze Murume Wake Kwazvo

8. Nei zvakaitwa naEvha zvisiri zvokutevedzera?

8 Jesu muenzaniso wakakwana wokuti madzimai echiKristu atevedzere panyaya yokuzviisa pasi. Maonero aaiita nyaya yokuzviisa pasi akasiyana kwazvo neakaratidzwa nomudzimai wokutanga! Evha akatadza kuratidza muenzaniso wakanaka kumadzimai. Musoro wemba wakanga wagadzwa naMwari uye waipiwa mirayiridzo naJehovha waivapo. Asi Evha haana kuuremekedza. Akaramba kuteerera mirayiridzo yakanga yasvitswa kwaari naAdhamu. (Gen. 2:16, 17; 3:3; 1 VaK. 11:3) Ichokwadi hacho kuti Evha akaita zvokunyengerwa; asi aifanira kubvunza murume wake kana zvakanga zvakakodzera kuti ateerere inzwi raimuudza zvaraiti “Mwari anoziva.” Pane kudaro akazvitutumadza akaendera murume wake pamberi.—Gen. 3:5, 6; 1 Tim. 2:14.

9. Jesu akaratidza sei muenzaniso wokuzviisa pasi?

9 Kusiyana nezvakaitwa naEvha, Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana wokuzviisa pasi peaiva Musoro wake. Mupfungwa nezviito akaratidza kuti “haana kufunga nezvokubvuta, kureva kuti ave akaenzana naMwari.” Asi kuti “akazvidurura, akava somuranda.” (VaF. 2:5-7) Kunyange iye zvino paava Mambo, Jesu ndizvo zvaachiri. Anozvininipisa nokuzviisa pasi paBaba vake pazvinhu zvose uye anovatsigira achiziva kuti ndivo Musoro.—Mat. 20:23; Joh. 5:30; 1 VaK. 15:28.

10. Mudzimai angatsigira sei murume wake somusoro wemba?

10 Mudzimai wechiKristu anofanira kutevedzera Jesu achitsigira murume wake achiziva kuti ndiye musoro wemba. (Verenga 1 Petro 2:21; 3:1, 2.) Funga nezvomumwe mukana waanogona kuita izvozvo. Ngatitii mwanakomana wake ari kukumbira mvumo yokuita chimwe chinhu chaanotofanira kutanga abvumirwa nevabereki. Sezvo nyaya yacho isina kumbokurukurwa nezvayo nevabereki, zvingava zvakanaka kana amai vacho vakamubvunza kuti, “Wakambokumbira baba vako here?” Kana mwana wacho asina kudaro, amai vacho vangafanira kumbotanga vakurukura nomurume wavo vasati vaita chisarudzo. Uyezve mudzimai wechiKristu haangambodi kuitisana nharo nomurume wake kana kuti kumurambira zvaanenge ataura vana varipo. Kana paine chaasingabvumirani nacho pane zvataurwa nomurume wake, anozotaura naye pavo voga.—VaEf. 6:4.

Muenzaniso waJesu Kuvabereki

11. Jesu akaratidza muenzaniso wei kuvabereki?

11 Kunyange zvazvo Jesu asina kuroora kana kuva nevana, muenzaniso wakazonaka kuvabereki vechiKristu. Muenzaniso pakudii? Aiva norudo uye nomwoyo murefu pakudzidzisa vadzidzi vake pane zvaaitaura nezvaaiita. Akavaratidza kuti vaizoita sei basa raakanga avapa. (Ruka 8:1) Unhu hwaJesu uye kubata kwaaiita vadzidzi vake kwakavadzidzisa mabatiro avaifanira kuita mumwe nomumwe.—Verenga Johani 13:14-17.

12, 13. Vabereki vanofanira kuita sei kuitira kuti varere vana vanotya Mwari?

12 Vana vanowanzotevedzera vabereki vavo, pangava pakuita zvakanaka kana kuti zvakaipa. Saka vabereki, zvibvunzei kuti: ‘Vana vedu vari kudzidzei pavanoona nguva yatinopedza tichiona TV uye tichitamba kana tichienzanisa neyokudzidza Bhaibheri uye kubuda mubasa romumunda? Ndezvipi zvatinonyatsokoshesa semhuri? Tiri kuratidza muenzaniso wakanaka here pakuita kuti upenyu hwedu uye zvisarudzo zviratidze kuti tinokoshesa kunamata kwechokwadi?’ Kuti vabereki vazova nevana vanotya Mwari, ivo pachavo vanofanira kuva nomutemo waMwari mumwoyo mavo.—Dheut. 6:6.

13 Kana vabereki vachiedza kushandisa Bhaibheri pazvose zvavanoita, vana vavo vanozvicherechedza. Zvinoita kuti vana vateerere mashoko avo uye zvavanovadzidzisa. Asi kana vana vakaona kuti vabereki vavo vanotaura zvavasingaiti, vangasvika pakufunga kuti zvinotaurwa neBhaibheri hazvikoshi kana kuti hazvisi zvokutevedzera. Izvi zvichaita kuti pavanosangana nemiedzo yenyika vave nyore kukurirwa nayo.

14, 15. Vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo kukoshesa zvinhu zvipi, uye vangazviita sei?

14 Vabereki vechiKristu vanoziva kuti kurera vana hakungogumiri pakuvapa zvokudya, zvokupfeka nepokugara. Saka kungava kusafunga kudzidzisa mwana kuti angova nezvinangwa zvokuti azowana chouviri chete. (Mup. 7:12) Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vaise zvinhu zvokunamata pamberi. (Mat. 6:33) Saka vabereki vechiKristu vanofanira kutevedzera Jesu vachiedza kuita kuti vana vavo vave nechido chokuva nezvinangwa zvine chokuita nokunamata.

15 Imwe nzira yokuti vabereki vaite izvozvo ndeyokushandisa mikana yose yavanowana yokuti vana vavo vatambe nevanhu vari mubasa renguva yakazara. Funga kuti zvingakurudzira sei kana vechiduku vakashamwaridzana nemapiyona kana kuti nomutariri wedunhu nomudzimai wake. Pamunoshanyirwa nemamishinari, hama nehanzvadzi dzepaBheteri, nevanoita basa rokuvaka mune dzimwe nyika, vanogona kutaura nomufaro kunakidzwa kwavari kuitwa nokushumira Jehovha. Vanhu vakadaro vanowanzova nezvinonakidza zvavakasangana zvavangakuudzai. Muenzaniso wavo wokuzvipira ungabatsira vana venyu zvikuru kuti vaite zvisarudzo zvakangwara, vave nezvinangwa zvine musoro, uye vawane dzidzo yakakodzera kuti vazozvitsigira vari mubasa renguva yakazara.

Vana—Chii Chichakubatsirai Kutevedzera Muenzaniso waJesu?

16. Jesu akakudza sei vabereki vake vepasi pano uye Baba vake vokudenga?

16 Jesu muenzaniso wakanaka kwazvo kwamuri imiwo vana. Jesu akarerwa naJosefa naMariya uye aivateerera. (Verenga Ruka 2:51.) Aiziva kuti kunyange zvazvo vakanga vasina kukwana, Mwari ndiye akanga avapa basa rokuti vamutarisire. Saka aifanira kuvakudza. (Dheut. 5:16; Mat. 15:4) Paaikura, Jesu aigara achiita zvinhu zvaifadza Baba vake vokudenga. Zvaireva kuti aifanira kukunda miedzo. (Mat. 4:1-10) Imiwo vechiduku pane dzimwe nguva munogona kusangana nemiedzo yokuti musateerera vabereki venyu. Saka chii chingakubatsirai kutevedzera muenzaniso waJesu?

17, 18. (a) Vechiduku vanosangana nematambudziko api kuchikoro? (b) Vechiduku vangabatsirwa kukunda miedzo nokuyeuka chii?

17 Vakawanda vaunodzidza navo vangadaro vasingakoshesi zvinotaurwa neBhaibheri kana kuti havana kana basa nazvo. Vangaedza kukufurira kuti uite zvakaipa vokuseka ukaramba. Vaunodzidza navo vanombokunemera kana waramba kuita zvimwe zvinhu here? Kana vakadaro unoita sei? Unoziva kuti kana ukabvuma kutyisidzirwa wongoita chindoenda, ungaodza mwoyo vabereki vako naJehovha. Unosvika kupi nokutevedzera vaunodzidza navo? Zvichida wakatoronga kuzova piyona kana kuti mushumiri anoshumira, kushanda kunonyanya kudiwa vaparidzi voUmambo, kana kuti kunoshanda kuBheteri. Kutamba nevaunodzidza navo kuchakubatsira kuita zvawakaronga here?

18 Imi vechiduku muri muungano yechiKristu, munombosangana nemiedzo yokutenda kwenyu here? Munoita sei kana zvadaro? Fungai nezvemuenzaniso wenyu, Jesu. Akaramba kukundwa nemiedzo akatsigira zvaaiziva kuti ndizvo zvakarurama. Kuyeuka izvi kuchakupai simba rokuudza vamunodzidza navo musingapotereri kuti hamudi kuita chinhu chamunoziva kuti chakaipa. Rambai makaisa pfungwa dzenyu paupenyu hwokushumira Jehovha nomufaro uye momuteerera muchitevedzera Jesu.—VaH. 12:2.

Zvinoita Kuti Mhuri Ifare

19. Upenyu hwakadini hunopa mufaro wechokwadi?

19 Jehovha Mwari naJesu Kristu vanoda zvakanakira munhu wose. Kunyange tisina kukwana kudai, zvinobvira kuti tifare. (Isa. 48:17, 18; Mat. 5:3) Jesu akadzidzisa chokwadi cheShoko raMwari chinoratidza pachanyatsobva mufaro wevanhu vose, asi handizvo zvoga zvaakaudza vadzidzi vake. Jesu akadzidzisawo nzira yakanakisisa yokurarama nayo. Kuwedzera pane izvozvo akaratidza muenzaniso wemararamiro nemaonero akanaka. Pasinei nokuti tiri ani mumhuri, tose tinogona kubatsirwa nokumutevedzera. Saka varume, madzimai, vabereki, uye vana tevedzerai muenzaniso waJesu! Kubvuma zvakadzidziswa naJesu uye kumutevedzera ndiko kunoita kuti upenyu hwemhuri hufadze uye hugutse.

Ungapindura Sei?

• Varume vangashandisa sei masimba avakapiwa naMwari?

• Mudzimai angatevedzera sei muenzaniso waJesu?

• Vabereki vangadzidzei pamabatiro aiita Jesu vadzidzi vake?

• Vechiduku vangadzidzei pamuenzaniso waJesu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Murume ane rudo anoita sei asati aita chisarudzo chinobata-bata mhuri yose?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Mukana upi unoita kuti mudzimai aratidze kuti anotsigira murume wake somusoro wemba?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vana vanotevedzera tsika dzakanaka dzevabereki vavo