Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakatanga ‘Kuyeuka Musiki Wangu Mukuru’ Makore Makumi Mapfumbamwe Akapfuura

Ndakatanga ‘Kuyeuka Musiki Wangu Mukuru’ Makore Makumi Mapfumbamwe Akapfuura

Ndakatanga ‘Kuyeuka Musiki Wangu Mukuru’ Makore Makumi Mapfumbamwe Akapfuura

Yakataurwa naEdwin Ridgwell

MUSI waNovember 11, 1918, uyo waipembererwa zuva rakapera Hondo Yenyika I, vana vepachikoro chedu vakaunganidzwa vasingafungiri kuti vapembererewo zuva iri. Ndaingova nemakore mashanu uye ndakanga ndisinganyatsonzwisisi kuti chii chaipembererwa. Kunyange zvakadaro, kubva pane zvandakanga ndadzidziswa nevabereki vangu nezvaMwari, ndaiziva kuti ndakanga ndisingafaniri kupinda mhemberero iyoyo. Ndakanyengetera kuna Mwari, asi ndakatadza kuzvidzora ndokutanga kuchema. Zvisinei handina kupinda mhemberero iyoyo. Ndipo pandakatangira ‘kuyeuka Musiki wangu Mukuru.’—Mup. 12:1.

Izvi zvisati zvaitika, mhuri yedu yakanga ichangobva kutamira pedyo neGlasgow muScotland. Iwayo ndiwo mazuva akanzwa Baba hurukuro yavose yaiti, “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi.” Yakachinja upenyu hwavo. Baba naAmai vakatanga kudzidza Bhaibheri uye vaigara vachitaura nezvoUmambo hwaMwari nezvikomborero zvichauya. Ndinotenda Mwari nokuti kubvira ipapo vabereki vangu vakandirera vachindidzidzisa kuda Mwari uye kuvimba naye.—Zvir. 22:6.

Kutanga Ushumiri Hwenguva Yakazara

Sezvo ndaiva nemakore 15 ndaigona kuenda kuchikoro chepamusoro, asi mwoyo wangu waida basa renguva yakazara. Baba vaifunga kuti ndakanga ndichiri muduku, saka ndakamboti shandei mune imwe hofisi. Zvisinei, ndaiva nechido chakasimba chokushumira Jehovha nguva yakazara zvokuti ndakanyorera J. F. Rutherford tsamba, sezvo ari iye aitungamirira basa rokuparidza munyika yose. Ndakamubvunza kuti aionawo sei zvandaironga. Hama Rutherford vakandipindura vachiti: “Kana wayaruka zvokuti unokwanisa kushanda, kureva kuti unogona kuita basa raIshe . . . Ndinoziva kuti Ishe achakukomborera kana ukaita zvose zvaunogona kuti umushumire wakatendeka.” Tsamba iyoyo, yakanyorwa musi waMarch 10, 1928, yakapa mhuri yedu shungu. Inini, Baba, Amai, nehanzvadzi yangu takabva tangotanga basa renguva yakazara.

Muna 1931 pane rimwe gungano muLondon, Hama Rutherford vakakurudzira vanhu kuzvipira kunoparadzira mashoko akanaka kudzimwe nyika. Ndakati ndinoda, ndokubva ndaendeswa ndiina Andrew Jack kuKaunas, iro raiva guta guru reLithuania. Ndaive nemakore 18.

Kuparidza Shoko roUmambo Kune Dzimwe Nyika

Makore iwayo Lithuania yaive nyika yakasauka yaiita zvokurima, saka kuparidza mumamisha kwakanga kwakaoma. Zvakanga zvakaoma kuwana pokugara, uye dzimwe dzimba dzatakagara hatifi takadzikanganwa. Somuenzaniso, mumwe musi takamuka pakati pousiku tichirumwa. Patakabatidza rambi redu takaona kuti mubhedha wedu wakanga wakaita kumomoterwa netsikidzi. Dzakatiruma zvokutiruma zviya! Ndakapedza vhiki rose ndichimukira kurwizi kunomira mumvura yaisvika mumutsipa kuti ndipodze kurwadziwa kwacho. Asi hatina kudzokera shure panyaya youshumiri. Takazoti pava paya ndokubatsirwa neimwe hama nehanzvadzi vatakanga tadzidzisa Bhaibheri. Vakati tiuye kuzogara navo muimba yavo yaiva duku zvayo asi isina tsikidzi. Tairara zvedu pasi asi zvaive nani pane kurumwa!

Makore iwayo muLithuania maive makawanda vafundisi veRoma neRussian Orthodox. Bhaibheri raingowanikwa nevapfumi chete. Chinangwa chedu chikuru chaiva chokuparidza ndima yakakura sezvataikwanisa, tichisiyira vanhu vaifarira mabhuku anotsanangura Bhaibheri ose ataikwanisa kusiya. Taitanga tatsvaka pokugara muguta ratainge tapinda. Tadaro taiparidzira nzvimbo dziri nechekunze kweguta racho tichingwarira, tozopedzisira nomuguta chaimo. Izvozvo zvaiwanzoita kuti tikwanise kupedza basa redu vapristi vomuguta racho vasati vatidenhera mago.

Nyaya Dzakaita Kuti Vanhu Vazive Nezvebasa Redu

Muna 1934, Andrew akadaidzwa kuzoshanda kuhofisi yebazi kuKaunas, ndokubva ndapiwa John Sempey kuti ashande neni. Pane zvatakasangana nazvo zvatisingakanganwi. Mumwe musi ndakashanyira rimwe gweta kuhofisi kwaro mune kamwe kaguta. Murume uyu akashatirwa akandibudisira pfuti yomuhomwe mudhirowa akandiudza kuti ndibude. Ndakanyengetera ndikayeuka zano riri muBhaibheri rinoti: “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa.” (Zvir. 15:1) Saka ndakati, “Ndauya kwamuri nemashoko akanaka seshamwari, uye maita henyu nokuzvidzora kwamaita.” Munwe wake wakanga wakabata panoridzwa napo pfuti wakaregedza, ndokubva ndadududza nokungwarira ndichibuda muhofisi make.

Patakazoonana naJohn akandiudza kuti naiyewo akanga asangana nazvo. Akanga asungwa nemapurisa achipomerwa kuti akanga abira mumwe mukadzi mari yake yakawanda chaizvo. John akakumurwa mbatya dzose achisechwa asi hapana chavakawana. Mbavha yacho yakazowanikwa.

Nyaya dzacho dzose dzakanzwikwa nevanhu vomuguta iroro rakanyarara, vakapenga zvokupenga zviya, uye dzakatoita kuti basa redu rizivikanwe nevakawanda vatisina kuparidzira isu pachedu!

Kushanda Muchivande

Rimwe basa raiva nengozi raiva rokuendesa mabhuku kunyika yaive pedyo nesu yeLatvia, uko kwakanga kwakarambidzwa basa redu rokuparidza. Kamwe chete pamwedzi taienda kuLatvia nechitima chousiku. Dzimwe nguva tasiya mabhuku, taipfuurira kuEstonia tonotora mamwezve mabhuku toasiya muLatvia tava kudzokera kumba.

Mumwe musi mumwe mushandi wepabhodha akanga arumwa nzeve nezvebasa redu saka akati tiburuke chitima tiuye nemabhuku edu kumukuru wake webasa. Takanyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire. Chakatishamisa ndechekuti mushandi wacho haana kuudza mukuru wake kuti chii chatakanga takatakura asi akangoti, “Varume ava vane zvinhu zvavari kuda kuyambutsa.” Ndakatsanangurira mukuru wacho kuti ndaiva nemabhuku anogona kubatsira vanhu vari muzvikoro kunzwisisa kuti zvinhu zviri kuitika munyika ino izere nhamo zvinorevei. Akangosimudza ruoko ndokutiti tipfuure, ndokubva tatoendesa mabhuku edu zvakanaka-naka.

Zvematongerwo enyika pazvairamba zvichiipa muBaltic States, kuvengwa kweZvapupu kwakawedzerawo, saka basa redu rokuparidza rakarambidzwa muLithuania. Andrew naJohn vakadzingwa munyika macho, uye Hondo Yenyika II payakanga yava pedyo kutanga, zvizvarwa zvose zveBritain zvakanzi nenyika yazvo zvibudemo. Saka neniwo ndakabva ndabuda asi zvakandirwadza.

Zvikomborero Zvandakawana kuNorthern Ireland

Parizvino vabereki vangu vakanga vatamira kuNorthern Ireland, uye ndakabva ndaenda kunogara navo muna 1937. Mabhuku edu akanga ava kurambidzwawo muNorthern Ireland nemhaka yehondo, asi takaramba tichiparidza kusvikira hondo yapera. Hondo Yenyika II yapera, basa redu rakanga risingacharambidzwi. Harold King, imwe hama yakanga yava nenguva iri piyona, iyo yakazonoshanda semumishinari kuChina, ndiyo yaitungamirira basa rokupa hurukuro dzaipirwa panze panzvimbo dzaiva nevanhu vakawanda. Hama iyi yakati, “Mugovera wevhiki rino ndini ndichapa hurukuro yokutanga ichapirwa panze.” Vakanditarisa ndokubva vati, “Ndiwe uchapa hurukuro Mugovera wevhiki rinouya.” Ndakashamisika.

Ndichiri kunyatsoyeuka hurukuro yangu yokutanga. Paiva nemazana evanhu. Ndakaikurukura ndakamira pabhokisi uye pakanga pasina gudzanzwi. Pandakapedza kupa hurukuro yacho, mumwe murume akauya kuzotaura neni, akandigwinha ruoko, akati ainzi Bill Smith. Akati akanga aona vanhu vakaungana ndokubva amira kuti aone kuti vaiva vakaunganirei. Bill akazondiudza kuti akanga ambokurukura nababa vangu asi haana kuzovaonazve nokuti baba vangu naamainini vakanga vatamira kuDublin kunopayona. Takatanga kudzidza Bhaibheri. Nokufamba kwenguva, vanhu vapfumbamwe vomumhuri maBill vakava vashumiri vaJehovha.

Pave paya ndakashanyira mimwe misha yaiva nechokunze kweBelfast, ndokubva ndaonana nomumwe mukadzi aibva kuRussia aimbogara kuLithuania. Pandakamuratidza mabhuku andaiva navo, akanongedzera rimwe racho akati: “Iri ndinaro. Babamukuru vangu, muzvinadzidzo payunivhesiti yeKaunas ndivo vakandipa.” Akandiratidza bhuku rainzi Creation, raiva mumutauro wePolish. Mumucheto mebhuku racho makanga makanyorwa-nyorwa. Hakusi kushamisika kwaakaita pandakamuudza kuti ndini ndakanga ndapa babamukuru vake bhuku racho pandakavaona kuKaunas!—Mup. 11:1.

John Sempey paakanzwa kuti ndakanga ndiri kuenda kuNorthern Ireland, akandikumbira kuti ndishanyire hanzvadzi yake yainzi Nellie, iyo yakanga yaratidza kuti yaifarira chokwadi cheBhaibheri. Ini nehanzvadzi yangu Connie takadzidza naye Bhaibheri. Nellie akakurumidza kufambira mberi uye akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Nokufamba kwenguva takatanga kudanana uye takazoroorana.

Ini naNellie takapedza makore 56 tichiita basa raJehovha pamwe chete, uye takava neropafadzo yokubatsira vanhu vanopfuura zana kuti vazive chokwadi cheBhaibheri. Taitarisira kuzopukunyuka Amagedhoni tichipinda munyika itsva yaJehovha tiri pamwe chete, asi muvengi ane utsinye rufu akamubvuta muna 1998. Handisati ndamborwadziwa zvakadaro, uye wakava mumwe wemiedzo yakakura youpenyu hwangu.

Kudzokera kuBaltic States

Kwapera rinenge gore kubva pakafa Nellie, ndakawana chikomborero chakaisvonaka. Ndakakumbirwa kuti ndishanyire hofisi yebazi yokuTallinn, Estonia. Tsamba yaibva kuhama dzokuEstonia yaiti: “Pahama gumi dzakanzi dzizoshanda kuBaltic States nechokunopera kwema1920 uye kutanga kwema1930, ndimi chete muchiri mupenyu.” Tsamba yacho yakawedzera kuti bazi rakanga riri kuronga kuti panyorwe nezvematangiro akaita basa muEstonia, ndokubva yabvunza kuti: “Zvingaita here kuti muuye?”

Kurondedzera zvataisangana nazvo mumakore iwayo chaiva chikomborero chaicho! KuLatvia ndakakwanisa kuratidza hama imba yakatanga kushandiswa sehofisi yebazi uye nzvimbo yaiva mudenga remba mataiviga mabhuku edu, iyo isina kumbozivikanwa nemapurisa. KuLithuania ndakaendeswa kukataundi kanonzi Šiauliai kwandakanga ndambopayona. Pane imwe nguva tichitandara hedu, imwe hama yakandiudza kuti: “Kare ini naamai vangu takatenga imba mutaundi. Pataichenesa musirin’i, ndakawana mabhuku anonzi The Divine Plan of the Ages uye The Harp of God. Pandakaaverenga, ndakaziva kuti ndakanga ndawana chokwadi. Ndofunga ndimi makanga masiya mabhuku iwayo paimba iyoyo makore akawanda akanga apfuura!”

Ndakapindawo gungano redunhu mune rimwe taundi kwandakanga ndambopayona. Ndakanga ndambopinda gungano ikoko makore 65 aiva apfuura. Panguva iyoyo takapinda tiri 35. Asi iye zvino zvaifadza kuti paiva nevanhu 1 500! Zvechokwadi Jehovha akakomborera basa racho!

‘Jehovha Haana Kundisiya’

Munguva pfupi yapfuura ndakawana chikomborero chandakanga ndisingatombotarisiri apo imwe hanzvadzi yakanaka inonzi Bee yakabvuma kuva mudzimai wangu. Takaroorana muna November 2006.

Vaduku vari kushaya kuti voitei noupenyu hwavo, ndinokuvimbisai kuti kuchenjera zvikuru kuteerera mashoko akafuridzirwa okuti: ‘Yeuka Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako.’ Iye zvino ndinogona kufara sezvakaita munyori wemapisarema eBhaibheri, uyo akati: “Mwari, makandidzidzisa kubvira ndichiri muduku, uye kusvikira zvino ndinoramba ndichizivisa mabasa enyu anoshamisa. Kunyange ndakwegura uye ndachena musoro, haiwa Mwari, musandisiya, kusvikira ndaudza chizvarwa chinotevera nezvoruoko rwenyu, ivo vose vaya vachauya, nezvesimba renyu.”—Pis. 71:17, 18.

[Mepu iri papeji 25]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Kuendesa mabhuku kuLatvia raiva basa rine ngozi

ESTONIA

TALLINN

Gulf of Riga

LATVIA

RIGA

LITHUANIA

VILNIUS

Kaunas

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndakatanga kupayona ndiine makore 15 kuScotland

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiina Nellie pamuchato wedu muna 1942