Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi

Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi

Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi

“Takava noushingi . . . kuti tikutaurirei mashoko akanaka.”—1 VAT. 2:2.

1. Nei mashoko akanaka oUmambo achifadza zvakadaro?

HAPANA asingadi kuudzwa mashoko anofadza! Uye hapana mashoko anofadza kupfuura mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Mashoko aya akanaka anotivimbisa kuti kutambura, zvirwere, kurwadziwa, kusuwa, norufu zvichapera. Anopa tariro youpenyu husingaperi, anozivisa chinangwa chaMwari, uye anoratidza kuti tingaita sei kuti tive noukama hwakanaka naye. Waizotarisira kuti munhu wose ainzwa mashoko aya akaziviswa vanhu naJesu aizofara. Asi chinosuwisa ndechokuti vamwe havana kufara.

2. Tsanangura zvinoreva mashoko aJesu okuti: “Ndakauya kuzoita kuti pave nokupesana.”

2 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Musafunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika; handina kuuya kuzounza rugare, asi bakatwa. Nokuti ndakauya kuzoita kuti pave nokupesana, pakati pomwanakomana nababa vake, mwanasikana naamai vake, uye muroora navamwene vake. Chokwadi, vavengi vomunhu vachava vanhu veimba yake.” (Mat. 10:34-36) Panzvimbo pokufarira mashoko akanaka, vakawanda vanoaramba. Vamwe vanotovenga vaya vanoazivisa, kunyange kana vari vanhu vomumba mavo.

3. Patinoita basa redu rokuparidza tinofanira kuva vanhu vakadini?

3 Chokwadi chakaziviswa naJesu ndicho chatiri kuzivisawo, uye vanhu pavanochinzwa nhasi vanongoita sezvakaitwa nevakawanda pava- kanzwa Jesu. Izvi hazvitishamisi. Jesu akati kuvadzidzi vake: “Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Joh. 15:20) Munyika dzakawanda havatitambudzi zvinooneka, asi vanotizvidza uye havatifariri. Saka kuti tirambe tichiita basa redu rokuparidza mashoko akanaka noushingi tinotoda kuva nokutenda uye hatifaniri kutya.—Verenga 2 Petro 1:5-8.

4. Nei Pauro aitofanira ‘kuva noushingi’ kuti aparidze?

4 Pamwe unomboona zvichikuomera kubuda muushumiri, kana kuti unozeza dzimwe nzira dzokuparidza. Hausi woga unonzwa saizvozvo. Muapostora Pauro aiva muparidzi akashinga uye asingatyi, achinyatsonzwisisa chokwadi, asi dzimwe nguva kuparidza kwaimbomuomerawo. Akanyorera vaKristu vaiva kuTesaronika kuti: “(Sezvamunoziva) pashure pokunge tatambura uye taitirwa zvakaipa muFiripi, takava noushingi sei naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo.” (1 VaT. 2:2) MuFiripi vakuru vakuru vakanga varova Pauro nomumwe wake Sirasi neshamhu, vakavapfigira mujeri, vakavasungirira pamatanda. (Mab. 16:16-24) Kunyange zvakadaro Pauro naSirasi ‘vakava noushingi’ hwokuramba vachiparidza. Tingavatevedzera sei? Kuti tipindure mubvunzo uyu ngatimboongororai chakaita kuti vashumiri vaMwari vari muBhaibheri vataure chokwadi nezvaJehovha noushingi, todzidza kuti tingavatevedzera sei.

Ushingi Hwaidiwa Pakutarisana Nevavengi

5. Nei ushingi hwakagara huchidiwa nevaya vaiva vakavimbika kuna Jehovha?

5 Muenzaniso mukuru woushingi ndiJesu Kristu. Asi kubvira kare nakare, vanhu vakavimbika kuna Jehovha vaifanira kuva noushingi. Vaihudirei? Pakapanduka vanhu muEdheni, Jehovha akagara ataura kuti paizova noruvengo pakati pevaya vaizoshumira Mwari nevaya vaizoshumira Satani. (Gen. 3:15) Ruvengo irworwo rwakakurumidza kuoneka apo Abheri, murume akanga akarurama, akaurayiwa nomukoma wake. Mumwe akazovengwawo ndiInoki, murume akanga akatendeka akararama Mafashamo asati aitika. Akaprofita kuti Mwari aizouya nezviuru zvake zvengirozi tsvene kuzotonga vanhu vakanga vasingadi Mwari. (Jud. 14, 15) Zviri pachena kuti aya mashoko akanga asingafarirwi nevakawanda. Vanhu vaivenga Inoki uye zviri pachena kuti vangadai vakamuponda dai Jehovha asina kuzogumisa upenyu hwake. Inoki aiva noushingi zvechokwadi!—Gen. 5:21-24.

6. Nei Mosesi aifanira kuva noushingi kuti ataure naFarao?

6 Fungawo nezvoushingi hwakaratidzwa naMosesi paaitaura naFarao, mutongi aionekwa seanomiririra vanamwari uye iyewo pachake achinzi ndimwari, mwanakomana wamwari wezuva ainzi Ra. Angava aiva nechidhori chairatidza mufananidzo wake chaainamata, sezvaiitwa nevamwe vanaFarao. Zvainge zvataurwa naFarao ndiwo waiva mutemo; aiti zvaataura ataura. Aiva nesimba, aizvikudza, akaoma musoro uye asina kujaira kuudzwa nevamwe vanhu zvokuita. Pamberi pomurume iyeyu ndipo pairamba pachimira Mosesi, mufudziwo zvake aiva munyoro. Izvi aizviita asina kudaidzwa uye asingafarirwi. Chimwe chaiwedzera kutyisa Mosesi ndechokuti aiuya kuzotaura kuti munyika macho maizouya matambudziko anoparadza uye aiudza Farao kuti abudise munyika yacho mamiriyoni evaranda vake! Zvechokwadi Mosesi aitofanira kuva noushingi!—Num. 12:3; VaH. 11:27.

7, 8. (a) Vakatendeka vakararama makare-kare vakasangana nemiedzo ipi? (b) Chii chakabatsira vaya vakararama chiKristu chisati chavako kutsigira noushingi kunamata kwakachena?

7 Mumazana emakore akazotevera, vaprofita nevamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vakaramba vakashinga pakutsigira kunamata kwakachena. Nyika yaSatani haina kuvabata zvakanaka. Pauro anoti: “Vakatemwa nematombo, vakaedzwa, vakachekwa nepakati, vakafa vachiurayiwa nebakatwa, vakafamba vakapfeka matehwe emakwai, vakapfeka matehwe embudzi, vachishayiwa, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa.” (VaH. 11:37) Chii chakabatsira vashumiri vaMwari vakavimbika ivavo kuramba vakasimba? Mundima shomanana tisati tasvika pane iyi, muapostora wacho akataura chakapa Abheri, Abrahamu, Sara nevamwewo simba rokutsungirira. Akati: ‘Havana kuwana kuzadzika kwezvipikirwa, asi nokutenda vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa.’ (VaH. 11:13) Hapana mubvunzo kuti vaprofita vakadai saEriya, Jeremiya, nevamwe vakatendeka, avo vakatsigira noushingi kunamata kwechokwadi chiKristu chisati chavako, vakabatsirwawo kutsungirira nokuramba vakaisa maziso avo pazvipikirwa zvaJehovha.—Tito 1:2.

8 Vanhu ivavo vakatendeka vakararama chiKristu chisati chavako vaitarisira remangwana rakajeka uye rakazonaka. Kana vamutswa vachazopedzisira vava vanhu vakakwana uye vachasunungurwa “muuranda hwokuora” pavachatongwa nomupristi Kristu Jesu pamwe nevamwe vapristi vaduku 144 000. (VaR. 8:21) Uyezve Jeremiya nevamwe vashumiri vaMwari vemakare-kare vaiva noushingi vaikurudzirwa nemashoko akavimbiswa naJehovha kuna Jeremiya okuti: “Vacharwa newe, asi havazokukundi, nokuti ‘Ini ndinewe,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti ndikununure.’” (Jer. 1:19) Nhasi uno tinosimbiswawo sezvavakaitwa patinofunga zvakavimbiswa naMwari nezveramangwana redu uye zvaakativimbisa zvokuti achatichengetedza pazvinhu zvingakanganisa ukama hwedu naye.—Zvir. 2:7; verenga 2 VaKorinde 4:17, 18.

Rudo Rwakaita Kuti Jesu Aparidze Noushingi

9, 10. Jesu akaratidza sei ushingi pamberi (a) pevatungamiriri vezvitendero, (b) peboka remauto, (c) pomupristi mukuru, (d) paPirato?

9 Muenzaniso wedu mukuru Jesu, akaratidza ushingi munzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, kunyange zvazvo aivengwa nevaya vaiva nesimba nevakakurumbira, Jesu haana kudira mvura mashoko aidiwa naMwari kuti vanhu vazive. Akanga asingatyi kufumura vatungamiriri vezvitendero vaiva nesimba nemhaka yokuti vaizvitora sevanhu vakarurama uye vaidzidzisa nhema. Varume ivavo vaiva nemhosva, uye Jesu haana kumboswerotenderera pakuvaudza izvozvo. Mumwe musi akati: “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nokuti makafanana nemakuva akadzururwa nevhu jena, ayo nechokunze chokwadi anooneka akanaka kwazvo asi mukati akazara nemapfupa evanhu vakafa uye nokusachena kwemarudzi ose. Saizvozvo nemiwo, chokwadi nechokunze, munooneka semakarurama kuvanhu, asi mukati makazara nounyengeri nokusateerera mutemo.”—Mat. 23:27, 28.

10 Atarisana neboka remauto mumunda weGetsemane, Jesu haana kutya kuvaudza kuti ndiye munhu wavaitsvaka. (Joh. 18:3-8) Akazoendeswa kuSanihedrini akanobvunzurudzwa nomupristi mukuru. Kunyange zvazvo aiziva kuti mupristi mukuru akanga achitsvaka pokumuwanira kuti amuurayise, Jesu haana kumbotya kutaura kuti ndiye Kristu uye Mwanakomana waMwari. Akatovaudza kuti vaizomuona “agere kuruoko rworudyi rwesimba achiuya nemakore okudenga.” (Mako 14:53, 57-65) Izvozvo zvichangopera Jesu akamiswa akasungwa pamberi paPirato, uyo aigona kumusunungura. Asi Jesu akaramba akasona muromo asingapinduri zvaaipomerwa. (Mako 15:1-5) Zvose izvi zvaida ushingi chaihwo.

11. Ushingi hunobatana papi norudo?

11 Jesu akazoti kuna Pirato: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Joh. 18:37) Jehovha akanga apa Jesu basa rokuparidza mashoko akanaka, uye Jesu ainakidzwa nokuriita nokuti aida Baba vake vokudenga. (Ruka 4:18, 19) Jesu aidawo vanhu. Aiziva kuti vaiomerwa noupenyu. Nesuwo kupupura kwatinoita noushingi uye tisingatyi kunobva pakuti tinoda Mwari nomuvakidzani.—Mat. 22:36-40.

Mudzimu Mutsvene Unotipa Simba Rokupupura Noushingi

12. Chii chakafadza vadzidzi vepakutanga?

12 Mumavhiki akazotevera Jesu afa, vadzidzi vakafara chaizvo pakawedzerwa naJehovha vamwe vadzidzi. Pakuti pazuva rimwe chete pakabhabhatidzwa vaJudha 3 000 nevamwe vakanga vakatendeukira kuchiJudha vaibva kunyika dzakawanda vakanga vauya kuJerusarema kuzochengeta Pendekosti! Izvi zvinofanira kunge zvakapararira chaizvo munzvimbo iyoyo yakanga yakawanda vaJudha! Bhaibheri rinoti: “Mweya yose yakatanga kubatwa nokutya, uye zvishamiso nezviratidzo zvakatanga kuitika nokuvaapostora.”—Mab. 2:41, 43.

13. Nei hama dzakanyengeterera kuti dzive noushingi, uye dzakapindurwa sei?

13 Vashatiriswa, vatungamiriri vezvitendero vakasunga Petro naJohani, vakavapfigira usiku hwose, ndokuzovaudza kuti varege kutaura nezvaJesu. Pavakabudiswa, ava vaviri vakaenda kunoudza hama zvakanga zvaitika, uye vose vakatanga kunyengetera pamusoro pokupikiswa kwavaiitwa, vachikumbira vachiti: “Jehovha, . . . mubvumire varanda venyu kuti varambe vachitaura shoko renyu noushingi.” Vakapindurwa sei? “Vose zvavo vakazadzwa nomudzimu mutsvene uye vakanga vachitaura shoko raMwari noushingi.”—Mab. 4:24-31.

14. Mudzimu mutsvene unotibatsira sei pakuparidza kwedu?

14 Cherechedza kuti mudzimu mutsvene waJehovha une simba ndiwo wakabatsira vadzidzi kutaura shoko raMwari noushingi. Ushingi hwokutaura chokwadi kune vamwe, kunyange kune vaya vanoshora shoko redu, hahubvi kwatiri. Jehovha anogona kutipa mudzimu mutsvene wake uye achadaro kana tikamukumbira. Tichibatsirwa naJehovha, isuwo tinogona kuratidza ushingi hunodiwa kuti tikunde vaya vanotishora.—Verenga Pisarema 138:3.

VaKristu Vanoparidza Noushingi Mazuva Ano

15. Chokwadi chiri kuparadzanisa vanhu sei mazuva ano?

15 Mazuva ano chokwadi chiri kuramba chichingoparadzanisa vanhu sezvachaiita kare. Vamwe vanobvuma kudzidziswa, asi vamwe havatombonzwisisi kana kuti havakoshesi manamatiro edu. Vamwe vanotitsoropodza, vanotituka, kunyange kutivenga sezvakagara zvataurwa naJesu. (Mat. 10:22) Dzimwe nguva vanobudisa nhau vanotaura zvisiri izvo nezvedu kana kuti vanoparadzira mashoko okuti tionekwe nevanhu setakaipa. (Pis. 109:1-3) Asi vanhu vaJehovha vari kuzivisa mashoko akanaka noushingi munyika yose.

16. Chii chakaitika chinoratidza kuti ushingi hunogona kuchinja maonero evanhu vatinoparidzira?

16 Ushingi hwedu hungaita kuti vanhu vachinje maonero avanoita mashoko oUmambo. Imwe hanzvadzi yokuKyrgyzstan inorondedzera kuti: “Mumwe musi ndichiparidza, saimba akandiudza kuti: ‘Mwari wandinotenda maari haasi wechiKristu. Ukadzoka pagedhi rino ndiri kukurumisa nembwa!’ Kumashure kwake kwakanga kuine rino zimbwa rakasungwa necheni. Asi paiitwa mushandirapamwe wokuparadzira Mashoko oUmambo Nhamba 37, ‘Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!,’ ndakafunga kudzokera pamba ipapo ndichitarisira kuti pamwe ndaizowana mumwe munhu womumhuri yomurume uya. Ndakavhunduka pandakaona pachibuda murume uya. Ndakakurumidza kunyengetera kuna Jehovha ndokubva ndati: ‘Hevoi, ndichiri kuyeuka nyaya yatakataura mazuva matatu apfuura, uye ndichiri kuyeuka imbwa yenyu. Asi ndaona zvisingaiti kuti ndikudarikei nokuti takangofanana pakuti neniwo ndinotenda kuti kuna Mwari mumwe chete wechokwadi. Mwari ava pedyo kuranga zvitendero zvisingamukudzi. Munogona kudzidza zvakawanda nezvenyaya yacho mukaverenga turakiti iri.’ Chakandishamisa ndechokuti murume wacho akagamuchira turakiti racho. Ndakazoenda pane imwe imba. Papera chinguva, murume uya akanditevera achimhanya akaribata. Akati, ‘Ndariverenga. Saka ndinofanira kuita sei kuti ndirege kuzoparadzwa naMwari?’” Chidzidzo chakabva chatangwa, uye murume wacho akatanga kupinda misangano yechiKristu.

17. Ushingi hweimwe hanzvadzi hwakasimbisa sei mumwe mudzidzi weBhaibheri aitya?

17 Ushingi hwedu hunogonawo kuita kuti vamwe vashinge. KuRussia imwe hanzvadzi yaiva mubhazi yakabudisa magazini ichida kupa mumwe mukadzi aivemo. Mumwe murume paakazviona akati simu paakanga akagara, akabvutira hanzvadzi iya magazini yacho, akaimbunyanidza ndokuikanda pasi. Akatuka muparidzi uya nezwi riri pamusoro, akamuti amupe kero yekwaaigara, ndokumuudza kuti asaparidzire munzvimbo imomo. Hanzvadzi yacho yakanyengetera kuna Jehovha kuti ibatsirwe, ikabva yayeuka mashoko aJesu okuti: “Musatya vaya vanouraya muviri.” (Mat. 10:28) Yakasimuka chinyararire ndokuudza murume wacho kuti, “Handisi kuzokupai kero yekwandinogara, uye ndiri kuzoramba ndichiparidza munzvimbo ino.” Hanzvadzi iyi yakazoburuka. Asi haina kuziva kuti mubhazi imomo maiva nemumwe mukadzi wayaidzidza naye Bhaibheri. Mukadzi iyeye akanga achitadziswa kupinda misangano yechiKristu nokutya vanhu. Zvisinei, paakaona ushingi hwaiva nehanzvadzi yedu, mudzidzi uya weBhaibheri akafunga kutanga kupinda misangano.

18. Chii chichakubatsira kuparidza noushingi sezvakaita Jesu?

18 Munyika ino isingadi Mwari, zvinoda ushingi kuparidzira sezvaiita Jesu. Chii chichakubatsira kudaro? Pfungwa dzako ngadzigare dziri pane remangwana. Gara uchisimbisa kuda kwaunoita Mwari nomuvakidzani. Nyengetera kuna Jehovha kuti akusimbise. Gara uchiyeuka kuti hausi woga, nokuti Jesu anewe. (Mat. 28:20) Mudzimu mutsvene uchakusimbisa. Uye Jehovha achakukomborera uye achakutsigira. Saka ngatirambei takashinga tichiti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?”—VaH. 13:6.

Ungapindura Sei?

• Nei vashumiri vaMwari vachifanira kuva noushingi?

• Panyaya yokuva noushingi tinodzidzei . . .

kuvanhu vakatendeka vakararama Kristu asati auya?

kuna Jesu Kristu?

kuvaKristu vepakutanga?

kuvamwe vaKristu vatinonamata navo mazuva ano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Jesu haana kutya kufumura vatungamiriri vezvitendero

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jehovha anotipa ushingi hwokuparidza