Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kutevera “Nzira Inopfuura Dzose” Yorudo Here?

Uri Kutevera “Nzira Inopfuura Dzose” Yorudo Here?

Uri Kutevera “Nzira Inopfuura Dzose” Yorudo Here?

“MWARI rudo.” Mashoko aya akanyorwa nomuapostora Johani anoratidza kuti pane zvimwe zvose, Mwari anonyanya kuratidza rudo. (1 Joh. 4:8) Kuda kwaanoita vanhu ndiko kunoita kuti tikwanise kuswedera pedyo naye uye tive noukama naye. Kudiwa naMwari kunotibatsirazve sei? Pane chirevo chinoti: “Zvinhu zvatinoda ndizvo zvinoumba zvatinozova.” Mashoko iwayo ndeechokwadi. Asiwo ichokwadi kuti zvatinozova zvinoumbwa nevanhu vatinoda uye vanotida. Zvatakasikwa nomufananidzo waMwari, tinokwanisa kutevedzera rudo rwaMwari muupenyu hwedu. (Gen. 1:27) Ndokusaka muapostora Johani akanyora kuti tinoda Mwari “nokuti Mwari akatanga kutida.”—1 Joh. 4:19.

Mashoko Mana Anorondedzera Rudo

Muapostora Pauro akati rudo inzira “inopfuura dzose.” (1 VaK. 12:31) Nei akarondedzera rudo achidaro? Pauro aireva rudo rwerudzii? Kuti tizive, ngatimboongororai shoko rokuti “rudo.”

VaGiriki vekare vaiva nemashoko mana aishandiswa zvakasiyana-siyana achirondedzera rudo anoti: stor·geʹ, eʹros, phi·liʹa, uye a·gaʹpe. Pamashoko aya, a·gaʹpe ndiro rinoshandiswa kurondedzera Mwari richimuti “rudo.” * Muzvinadzidzo William Barclay mubhuku rake rinonzi New Testament Words akati: Shoko rokuti agapē rine chokuita nepfungwa: haringorevi manzwiro omumwoyo anongoitika tisingatarisiri; rinoreva mutemo watinotoita zvokusarudza kutevedzera pakurarama. Agapē rinonyanya kureva manzwiro atinotoita zvokusarudza.Tichishandisa mashoko aya, a·gaʹpe rudo rwatinoratidza nokuti tinoteerera mutemo, asi kazhinji tichizoratidzawo manzwiro atinenge tichiita. Sezvo kuine mitemo yakanaka neyakaipa, zviri pachena kuti vaKristu vanofanira kutevedzera mitemo yakanaka, iyo inowanika muBhaibheri, Shoko raJehovha Mwari. Tikaenzanisa kurondedzerwa kwakaitwa a·gaʹpe muBhaibheri nemamwe mashoko akashandiswa muBhaibheri kurondedzera rudo, tichanyatsonzwisisa kuti tinofanira kuratidza rudo rwerudzii.

Rudo Mumhuri

Hakusi kufadza kwazvinoita kuva mumhuri ine rudo uye yakanyatsobatana! Stor·geʹ ndiro shoko rechiGiriki raiwanzoshandiswa richireva kudanana kunoita vanhu vomumba mumwe chete. VaKristu vanoedza kuda vanhu vomumhuri mavo. Pauro akaprofita kuti mumazuva okupedzisira vanhu vazhinji vaizova “vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.” *2 Tim. 3:1, 3.

Zvinosuwisa kuti mazuva ano vakawanda vomumhuri havadanani sezvavanofanira kuita. Nei vakadzi vakawanda vachibvisa pamuviri? Nei mhuri dzakawanda dzisina hanya nevabereki vanenge vakwegura? Nei vanhu vari kurambana vari kuramba vachiwedzera? Mhinduro ndeyokuti, Havasisina rudo rwokuzvarwa narwo.

Uyezve, Bhaibheri rinodzidzisa kuti “mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose.” (Jer. 17:9) Kuda vamwe mumhuri kunosanganisira mwoyo yedu nemanzwiro edu. Zvisinei, Pauro akashandisa a·gaʹpe achireva rudo rwunofanira kuratidzwa nomurume kumudzimai wake. Pauro akaenzanisa rudo irworwo norudo rwunoratidzwa ungano naKristu. (VaEf. 5:28, 29) Rudo urwu rwakavakirwa pamitemo yakaiswa naJehovha, muvambi wourongwa hwemhuri.

Kana tichinyatsoda vanhu vomumhuri medu, tichazviratidza nokutarisira vabereki vedu kana vakwegura uye kuriritira vana vedu. Kana tiri vabereki ticharangawo vana vedu kana vatadza uye hatidi kungonzwira vana tsitsi pazvisina kufanira, izvo zvinowanzoita kuti tizovatunhidza.—VaEf. 6:1-4.

Zvinotaura Bhaibheri Nezvokudanana Kwomunhurume Nomunhukadzi

Zvechokwadi kusangana pabonde kwemurume nomudzimai vakaroorana vanodanana chipo chinobva kuna Mwari. (Zvir. 5:15-17) Zvisinei shoko rokuti eʹros, iro rinoreva kudanana kwomunhurume nomunhukadzi, harina kushandiswa nevanyori veBhaibheri. Nei? Makore akapfuura Nharireyomurindi yakamboti: “Nhasi uno nyika yose iri kukanganisa sezvakangoita vaGiriki vekare. Vainamata Eros samwari, vachikotamira paatari yake, uye vachimupa zvibayiro. . . . Asi kugara nokugara kunamata bonde kwakadaro kwaingoita kuti vanhu vaite unzenza hunonyadzisa uye hunosemesa, zvichiparadzanisa vanodanana. Pamwe ndizvo zvakaita kuti vanyori veBhaibheri vasashandisa shoko racho.” Kuti tirege kutanga kudanana nomumwe munhu tichingofunga nezvebonde chete, rudo rwedu rwunofanira kutungamirirwa nezvinotaurwa neBhaibheri. Saka zvibvunze kuti ‘Ndinoda mumwe wangu zvechokwadi here kana kuti ndinongofunga zvebonde chete?’

Panguva ‘yokuyaruka’ munhu paanenge achinyanya kuda zvepabonde, vechiduku vanoomerera pane zvinotaurwa neBhaibheri vacharamba vakazvibata. (1 VaK. 7:36; VaK. 3:5) Kuroorana tinokutora sechipo chitsvene chinobva kuna Jehovha. Jesu akati nezvevanhu vakaroorana: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mat. 19:6) Panzvimbo pokungogarira bonde, tinonyatsozvipira kumunhu watakaroorana naye. Kana mumba mukamuka zvinetso, hatitsvaki nzira iri nyore yokuzvitiza asi tinoedza nemwoyo wose kuratidza unhu hwechiKristu kuti mumba medu muve nomufaro. Izvozvo zvichaita kuti tizogara tichifara.—VaEf. 5:33; VaH. 13:4.

Kudanana Kweshamwari

Upenyu husina shamwari hahunakidze! Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Kune shamwari inonamatira kupfuura mukoma.” (Zvir. 18:24) Jehovha anoda kuti tive neshamwari dzechokwadi. Vakawanda vanoziva nezveushamwari hwemukombe nechirongo hwaiva pakati paDhavhidhi naJonatani. (1 Sam. 18:1) Uye Bhaibheri rinoti muapostora Johani “aidiwa kwazvo” naJesu. (Joh. 20:2) Shoko rechiGiriki rinoshandiswa richireva “ushamwari” ndiphi·liʹa. Hapana chakaipa kuti munhu ave neshamwari yepedyo muungano. Zvisinei, pana 2 Petro 1:7, tinokurudzirwa kuwedzera rudo (a·gaʹpe) ‘pakudanana kwazvo sehama’ (phi·la·del·phiʹa, mubatanidzwa wemashoko maviri phiʹlos, shoko rechiGiriki rinoreva “shamwari,” a·del·phosʹ, shoko rechiGiriki rinoreva kuti “hama”). Tinofanira kushandisa zano iri kuti tive noushamwari hunogara. Zvinganaka tikazvibvunza kuti, ‘Ushamwari hwangu hunotungamirirwa nezvinotaurwa neBhaibheri here?’

Shoko raMwari rinotibatsira kuti tisava norusaruro pamabatiro atinoita shamwari dzedu. Hatitsvaki kuomesera vasiri shamwari dzedu uku tichirerutsira shamwari dzedu. Uyezve hatidi kushandisa mashoko okubata kumeso kuti tiwane shamwari. Chinonyanya kukosha ndechokuti tikashandisa zviri muBhaibheri tichava noungwaru hunotibatsira kusarudza shamwari, torega “ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaK. 15:33.

Rudo Rwunoshamisa!

Kudanana kunoita vaKristu kunoshamisa zvechokwadi! Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rudo rwenyu ngarurege kuva nounyengeri. . . . Pakudanana sehama, dananai kwazvo.” (VaR. 12:9, 10) Zvechokwadi vaKristu vane ‘rudo (a·gaʹpe) rusina unyengeri.’ Rudo irworwo harungogumiri pamanzwiro atinoita nechomumwoyo. Asi rwunobva pane zvatinodzidza muBhaibheri. Zvisinei Pauro akataurawo ‘nezverudo rwehama’ (phi·la·del·phiʹa) uye “kudanana kwazvo” (phi·loʹstor·gos, mubatanidzwa waphiʹlos uye stor·geʹ). Imwe nyanzvi inoongorora Bhaibheri yakati “rudo rwehama” rwunoreva “kudanana zvichibva pamwoyo, kuva nomutsa, tsiye nyoro, uye kubatsira vamwe.” Rukabatanidzwa nea·gaʹpe, rudo irworwo runoita kuti vanamati vaJehovha vanyatsobatana. (1 VaT. 4:9, 10) Rimwe shoko rakashandurwa kuti “kudanana kwazvo,” rinowanika muBhaibheri kamwe chete richireva kudanana kwakadai sekwomumhuri. *

Kudanana kunoita vaKristu vechokwadi kunosanganisira kwomumhuri, kweshamwari neshamwari, asi kuchibva parudo rwunotungamirirwa nezvinodzidziswa neBhaibheri. Ungano yechiKristu haisi kirabhu kana kuti sangano renyika, asi kuti imhuri yakabatana mukunamata Jehovha Mwari. Isu tiri mhuri saka vatinonamata navo tinovati hama nehanzvadzi. Vanhu vomumhuri yedu yatinonamata nayo, tinovada seshamwari, uye zvatinovaitira nguva dzose zvinoenderana nezviri muBhaibheri. Dai tose tikaitawo pedu pakuratidza rudo rwunobatanidza ungano yechiKristu chechokwadi uye rwunoita kuti izivikanwe.—Joh. 13:35.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 A·gaʹpe rinoshandiswawo richireva kuda zvinhu zvakaipa.—Joh. 3:19; 12:43; 2 Tim. 4:10; 1 Joh. 2:15-17.

^ ndima 7 Mashoko okuti “vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo” akashandurwa kubva pana stor·geʹ riine chivakashure a, chinoratidza “kusava” norudo rwacho. Onawo VaRoma 1:31.

^ ndima 18 MuShanduro Yenyika Itsva, mune mamwe mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “kudanana kwazvo.” Saka mashoko iwayo anowanika kakawanda mushanduro iyi.—VaR. 12:10; VaF. 1:8; 1 VaT. 2:8.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Uri kuitawo pako here pakuratidza rudo rwunotibatanidza?