Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Kana zvakadaro ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Zvinoita here kuti mwana afira mudumbu azomutswa?

Upenyu hunotanga panongobata pamuviri. Jehovha anogona kumutsa munhu ari padanho chero ripi zvaro roupenyu nokuti “zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mako 10:27) Asi Bhaibheri hapana parinonyatsotaura kuti achamutsa vana vanofa vachiri mudumbu.—4/15, mapeji 12, 13.

Tingadzidzei pakuongorora masvosve, mbira, mhashu, uye chipfira?

Zvisikwa zvina izvi zvinoratidza uchenjeri hwokusikwa nahwo. Saka zvinokwidziridza uchenjeri hwaMwari. (Zvir. 30:24-28)—4/15, mapeji 16-19.

Chiitiko chipi chinokosha chakaitika kuZvapupu zvaJehovha makore zana apfuura?

Muna 1909 dzimbahwe reWatch Tower Bible and Tract Society, sangano repamutemo rinobudisa mabhuku reZvapupu zvaJehovha, rakatamiswa kubva kuPittsburgh, Pennsylvania, richiendeswa kuBrooklyn, New York, uko kwarichiri.—5/1, mapeji 22-24.

Nei Bhaibheri richiti kunyarara kwakanaka?

Rinoratidza kuti kunyarara kunogona kureva kuremekedza, kunogona kubatsira pakufungisisa, uye kunoratidza kunzwisisa uye ungwaru. (Pis. 37:7; 63:6; Zvir. 11:12)—5/15, mapeji 3-5.

Zvii zvakafanana zvakaitwa naJohn Wycliffe, William Tyndale, Robert Morrison, naAdoniram Judson?

Vose vaida Shoko raMwari uye vakarishandurira mumitauro yaikwanisa kuverengwa nevanhuwo zvavo. Wycliffe naTyndale vakashandurira muChirungu, Morrison muchiChina, uye Judson mumutauro wokuBurma (Myanmar).—6/1, mapeji 8-11.

Madzimambo mangani echiJudha akaratidza kushingairira imba yaMwari kupfuura vamwe?

Pamadzimambo 19 akatonga umambo hwokuzasi hweJudha, vana chete ndivo vakashingaira zvinoshamisa. Ivava ndiAsa, Jehoshafati, Hezekiya, uye Josiya.—6/15, mapeji 7-11.

VaKristu vose vakazodzwa pasi pano vanoita basa rokuwanisa vanhu zvokudya zvinotsigira pakunamata here?

Kwete. Vose vakazodzwa nomudzimu waMwari vanoumba boka romuranda akatendeka, akangwara, asi vaya vari muDare Rinodzora ndivo vanotarisira zvokupiwa kwevanhu kudya kunovatsigira pakunamata.—6/15, mapeji 22-24.

Chii chakaita kuti nguo yaJesu yomukati ifarirwe zvikuru nevarwi veRoma?

Varwi vaivapo pakaurayiwa Jesu havana kugovana nguo yake vachiiita zvidimbu-zvidimbu. Nguo dzakadaro kazhinji dzaisonwa pachishandiswa machira maviri aibatanidzwa, asi yaJesu yakanga isina musono, izvo zvaiita kuti inyanye kudhura.—7/1, peji 22.

Nei zvinganzi rudo ndirwo rwainyanya kusiyanisa Jesu nevatungamiriri vezvitendero pamabatiro avaiita vanhu?

Pane kuti vade vanhuwo zvavo, vatungamiriri ivavo vaitovazvidza. Uyezve vakanga vasingadi Mwari. Jesu aida Baba vake uye aiva netsitsi nevanhu. (Mat. 9:36) Aiva noushamwari, tsiye nyoro, uye aivaitira mutsa.—7/15, peji 15.

Nei kuronga mari zvakanaka kuchiomera vanhu vakaroorana, uye chii chingavabatsira kuti vabudirire panyaya iyi?

Kusawirirana pamusoro pemari kunowanzokonzerwa nokusava nechivimbo kana kuti kutya, uye mukadzi nomurume vangave vakarerwa zvakasiyana. Pane zvinhu zvina zvinoita kuti mubudirire: Dzidzai kutaura nezvemari makadzikama, wiriranai kuti mari yamunowana inofanira kuonekwa sei, nyorai pasi semhuri zvinhu zvamunoda kuita nemari, uye sarudzai kuti mumwe nomumwe achaita chii.—8/1, mapeji 10-12.