Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chitendero—Ndakazvisarudzira Kana Kuti Ndakasarudzirwa Nevabereki?

Chitendero—Ndakazvisarudzira Kana Kuti Ndakasarudzirwa Nevabereki?

ChitenderoNdakazvisarudzira Kana Kuti Ndakasarudzirwa Nevabereki?

VANHU vakawanda kuPoland vanopindura Zvapupu zvaJehovha vachiti, “Ndakaberekerwa muchechi yangu uye ndimo mandichafira.” Mashoko aya anopa pfungwa yavainayo yokuti, dzinza rimwe nerimwe rine chechi yaro. Ndiwo maonero anoita vanhu nyaya yechitendero kwaunogara here? Maonero iwayo anowanzoita kuti vanhu vaone sei nyaya dzokunamata? Vanenge vava kungonamata mwoyo usiri pane zvavari kuita vachingoti ndiyo chechi yemhuri yavo. Izvi zvingaitikawo kuvana veZvapupu zvaJehovha vanenge vakadzidziswa chokwadi nevabereki vavo kana kuti vanasekuru vavo here?

Izvi hazvisi izvo zvakaitika kuna Timoti, uyo akadzidziswa kutenda muna Mwari wechokwadi uye kumuda naamai vake pamwe naambuya vake vakanga vakazvipira pakunamata. Timoti aiziva zvinyorwa zvitsvene “kubvira paucheche.” Nokufamba kwenguva Timoti pamwe chete naamai vake naambuya vake vakazozvionera kuti chiKristu ndicho chaiva chokwadi. ‘Akaitwa kuti ave nechokwadi’ nezvaainzwa muMagwaro pamusoro paJesu Kristu. (2 Tim. 1:5; 3:14, 15) Saka kunyange zvazvo vabereki vechiKristu mazuva ano vachiedza nepavanogona napo kubatsira vana vavo kuti vave vashumiri vaJehovha, vana vacho pachavo ndivo vanofanira kuzvidira kuva Zvapupu.—Mako 8:34.

Mumwe nomumwe anofanira kunyatsonzwisisa zvinhu zvaanotenda kuitira kuti ashumire Jehovha norudo uye arambe akaperera kwaari pasinei nezvingaitika. Zvikadaro kutenda kwake kunova kwakasimba uye kunodzika midzi.—VaEf. 3:17; VaK. 2:6, 7.

Vana Vanofanira Kuitawo Pavo

Albert, * uyo akarerwa nevabereki vaiva Zvapupu anotsanangura kuti, “Ndakagara ndichiziva kuti Zvapupu zvaJehovha ndiyo chechi yechokwadi, asi zvaindiomera kubvuma zvavaitaura nezvemararamiro andinofanira kuita.” Kana uri wechiduku ungadaro uchifunga saizvozvo. Wadii wamboedza kuona kuti zvii zvinodiwa pakurarama upenyu hunodiwa naMwari uone kunakidza kwazvinoita? (Pis. 40:8) Albert anoti, “Ndakangotanga nokunyengetera. Pakutanga zvaiva zvakandiomera. Asi ndaitozvimanikidza kunyengetera. Zvisinei, pasina nguva ndakaona kuti kana ndikaita zvinodiwa naMwari achandikoshesa. Zvakaita kuti ndive nesimba rokuchinja.” Kana ukava noukama hwakanaka naJehovha, unogona kuva nechido chokuita zvaanoda.—Pis. 25:14; Jak. 4:8.

Funga nezvemumwe mutambo wawakambotamba, wakadai setsoro kana kuti nhabvu. Kana usingazivi matambirwo awo kana kuti usingagoni kunyatsoutamba, ungasakunakidza. Asi kana wakadzidza kuti unotambwa sei ukava shasha, unenge wava kukunakidza zvokuti ungatotsvaka mimwe mikana yokuti uutambe. Ndizvo zvakangofananawo nenyaya dzokunamata. Saka tanga nokugadzirira misangano yechiKristu. Usangova muteereri chete. Pasinei nezera rako, zvaunoita zvinogona kukurudzira vamwe.—VaH. 10:24, 25.

Ndizvo zvaunofanirawo kuita panyaya yokuudza vamwe zvaunotenda. Haufaniri kumanikidzwa kuti uite izvi asi zvinotofanira kubva pamwoyo. Zvibvunze kuti: ‘Nei ndichida kuudza vamwe pamusoro paJehovha? Zvii zvinoita kuti ndimude?’ Unofanira kuziva kuti Jehovha ndiBaba vane rudo. Achishandisa Jeremiya akataura kuti: ‘Uchanditsvaka, wondiwana, nokuti uchanditsvaka nemwoyo wako wose.’ (Jer. 29:13, 14) Izvi zvingada kuti uitei? Jakub anoti, “Ndaitofanira kuchinja mafungiro andaiva nawo. Kubvira ndichiri muduku ndaienda muushumiri uye ndaipinda misangano, asi zvose izvi kwaingova kungoitawo. Pandakazonyatsoziva Jehovha uye ndava neukama hwakanaka naye ndipo pandakazotanga kukoshesa zvinhu zvokunamata.”

Kutamba nevanhu vanovaka ndiko kunoita kuti unakidzwe neushumiri. Chimwe chirevo chakafuridzirwa chinoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.” (Zvir. 13:20) Saka shamwaridzana nevaya vanofarira zvinhu zvokunamata uye vari kunakidzwa nokushumira Jehovha. Jola anoti: “Ndakaona kuti kushamwaridzana nevechiduku vakawanda vanofarira zvokunamata chinhu chinokurudzira. Ndakatanga kufarira kugara ndichibuda mushumiri.”

Vabereki Vanofanira Kuitawo Pavo

Jola anoti: “Ndinotenda vabereki vangu chaizvo kuti vakandidzidzisa nezvaJehovha.” Ichokwadi kuti zvinoitwa nevabereki zvinogona kubatsira chaizvo vana vavo pakusarudza kwavanoita zvokunamata. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Imi vanababa, . . . rambai muchivarera [vana venyu] mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Zano iri rakafuridzirwa rinonyatsoratidza kuti basa revabereki nderokudzidzisa vana vavo nzira dzaJehovha, kwete dzavo ivo. Pane kuita zvokuvaudza zvaungada kuti vaite, zvingava zvakanaka chaizvo kana ukakwanisa kuvabatsira kuti vazvisarudzire kurarama zvinoenderana nezvinangwa zvaJehovha!

Unogona kunyatsodzidzisa vana vako mashoko aJehovha ‘wotaura nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.’ (Dheut. 6:6, 7) “Taigara tichitaura nezvemabasa akasiyana-siyana oushumiri hwenguva yakazara,” vanoyeuka kudaro Ewa naRyszard, vabereki vane vanakomana vatatu. Zvakaguma nei? “Vanakomana vedu vaida kunyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri vachiri vaduku chaizvo, vakava vaparidzi, uye vakazozvisarudzira kuti vaida kubhabhatidzwa. Nokufamba kwenguva, vose vakazopinda mubasa renguva yakazara.”

Zvinokosha kuti vabereki varatidze muenzaniso wakanaka. Ryszard anoti, “Takanga tisingati kunzungu nokunyimo, toita zvimwe kana tiri kumba uye zvimwewo kana tiri kuungano.” Saka zvibvunze kuti: ‘Vana vangu vanoonei pamararamiro angu? Vanonyatsoona kuti ndinoda Jehovha here? Vanozviona here pandinonyengetera uye pandinogara ndichidzidza ndiri ndoga? Vanoona kuda kwandinoita Jehovha pamaonero andinoita basa romumunda, zvinondivaraidza, maonero andinoita zvinhu zvokurarama nazvo uye zvandinotaura nezvevamwe vari muungano here?’ (Ruka 6:40) Vana vanoona zvaunoita mazuva ose vocherechedza kana zvaunotaura zviri izvo zvaunoita.

Kuranga vana kunokosha chaizvo pakuvarera. Zvisinei, Shoko raMwari rakafuridzirwa rinotiudza kuti “rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera.” (Zvir. 22:6) Ewa naRyszard vanoti, “Taironga nguva yokudzidza Bhaibheri nomwana mumwe nomumwe panguva yakasiyana.” Zviri kuvabereki kusarudza kuti vodzidza nevana vavo nguva dzakasiyana here kana kuti kwete. Pasinei nezvavachasarudza kuita, mwana mumwe nomumwe anofanira kubatwa sezvaari. Izvi zvinoda kuti vabereki vaite zvinoenderana naye uye varatidze kunzwisisa. Somuenzaniso, pane kungoudza vana venyu kuti dzimwe nziyo hadzina kunaka, madii kuvaratidza kuti Bhaibheri ringavabatsira sei pakusarudza nziyo?

Vana vako vangaziva zvaunenge uchitarisira kuti vaite uye vangaita sevari kuzviita. Asi unofanira kutaura zvichabaya mwoyo yavo. Yeuka kuti, “zano riri mumwoyo momunhu rakaita semvura yakadzika, asi munhu ane ungwaru achaichera.” (Zvir. 20:5) Shandisa ungwaru, cherechedza zvingave zvichiita kuti vana vako vasaita chisarudzo, wobva wakurumidza kuzvigadzirisa. Ratidza kuti une hanya, uye bvunza mibvunzo yakakodzera, asi usingaiti zvokuvapomera. Asi ngwarira kuti usanyanya kubvunza zvakawandisa. Kana uine hanya zvechokwadi zvichakubatsira kubaya mwoyo yavo uye zvichaita kuti uvayamure.

Ungano Inofanira Kuitawo Payo

Somumwe wevashumiri vaMwari ungabatsira here vaduku vari muungano kuti vakoshese nhaka yezvokunamata yavakawana? Kunyange zvazvo vabereki vari ivo vanofanira kudzidzisa vana vavo, vamwe vari muungano, kunyanya vakuru, vanogona kuvatsigirawo. Zvinokosha chaizvo kutsvaka mikana yokubatsira vaya vanenge vari mumhuri ine vamwe vasiri Zvapupu.

Zvii zvingaitwa nevakuru kubatsira vechiduku kuda Jehovha uye kuti vaone kuti vanodiwa uye kuti vanokosha? Mariusz, mukuru mune imwe ungano iri kuPoland anoti: “Vakuru vanofanira kugara vachikurukura nevechiduku. Izvi hazvifaniri kungoitwa kana pamuka zvinetso asi kuti zvinofanira kugara zvichiitwa, mungava muushumiri, pashure pemisangano, kana kuti vachidyira-dyira zvavo.” Zvingava zvakanaka kumbobvunzawo vechiduku kuti vanonzwa sei nezvekuva muungano. Kukurukura kwakadaro kunoita kuti vaduku vawirirane nevari muungano uye kunoita kuti vaone kuti vanodiwa neungano.

Kana uri mukuru, uri kuedza kuziva vechiduku vari muungano yako here? Albert ambotaurwa nezvake, kunyange zvazvo iye zvino ava mukuru muungano, akasangana nezvinetso zvakasiyana-siyana paaikura. Anoti, “Pandaiyaruka pane zvimwe zvakaitika zvaitoda kuti vakuru vandibatsire.” Vakuru vanogonawo kuratidza kuda kwavanoita vechiduku nokunyengeterera kuti vave noukama hwakanaka naMwari.—2 Tim. 1:3.

Zvakanaka kuti vechiduku vave nezvokuita muungano. Zvikasadaro, vangapedzisira vava kumhanyisana nezvinhu zviri munyika. Imi vakura mungashanda navo muushumiri mova shamwari dzavo here? Rongai nguva yokuti mumbotandara nevechiduku, zvoita kuti muve shamwari neshamwari uye vovimba nemi. Jola anoyeuka kuti: “Imwe hanzvadzi piyona yaindifarira chaizvo. Ndiye munhu wandakatanga kubuda naye muushumiri ndichinyatsoda.”

Unofanira Kuzvisarudzira

Vechiduku zvibvunzei kuti: ‘Zvinangwa zvangu ndezvipi? Kana ndisati ndabhabhatidzwa, ndine chinangwa chokuzobhabhatidzwa here?’ Chisarudzo chokubhabhatidzwa ngachibve pasi pomwoyo, chiri chokuratidza kuti unoda Jehovha, kwete kuti ndezvemhuri yedu.

Dai Jehovha akava shamwari yako chaiyo, uye dai ukatora chokwadi sepfuma yako. Achishandisa muprofita Isaya Jehovha akati: “Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako.” Chero bedzi ukaramba uri shamwari yake Jehovha acharamba anewe. Zvechokwadi achakusimbisa uye ‘acharamba akakubata zvakasimba noruoko rwake rworudyi rwokururama.’—Isa. 41:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Edzai kunzwisisa zviri mumwoyo memwana wenyu

[Mufananidzo uri papeji 6]

Chisarudzo chokubhabhatidzwa chinobva pasi pomwoyo chichiratidza kuda Jehovha