Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uine Mafungiro Akafanana neaKristu

Ramba Uine Mafungiro Akafanana neaKristu

Ramba Uine Mafungiro Akafanana neaKristu

“Muve nemafungiro akafanana neaiva naKristu Jesu.”—VAR. 15:5.

1. Nei tichifanira kuedza kuva nemafungiro aKristu?

JESU KRISTU akati: “Uyai kwandiri, . . . mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.” (Mat. 11:28, 29) Mashoko aya oushamwari anoratidza kuti Jesu aiva nerudo zvechokwadi. Hapana mumwe munhu aiva nemafungiro akanaka kumupfuura watingatevedzera. Kunyange zvazvo aiva Mwanakomana waMwari ane simba, Jesu akaratidza kunzwira tsitsi, uye aiva munyoro, kunyanya kune vaitambura.

2. Zvinhu zvipi paunhu hwaJesu zvatichakurukura?

2 Munyaya ino nembiri dzinotevera, tichakurukura kuti tingava sei nemafungiro aiva naJesu toramba tichiatevedzera tichiratidza “pfungwa dzaKristu” muupenyu hwedu. (1 VaK. 2:16) Tichanyanya kukurukura zvinhu zvishanu: Unyoro hwaiva naJesu, kuzvininipisa kwake, mutsa waaiva nawo nokuteerera kwaaiita Mwari, ushingi hwaaiva nahwo, uye rudo rukuru kwazvo rwaaiva narwo.

Tevedzera Unyoro Hwaiva naKristu

3. (a) Jesu akadzidzisa vadzidzi vake chidzidzo chipi panyaya yokuzvininipisa? (b) Jesu akaita sei paakaona vadzidzi vake vachikundikana kuita zvaaitarisira kuti vaite?

3 Jesu Mwanakomana akakwana waMwari, akauya pasi pano achizvidira kuzoshumira vanhu vasina kukwana uye vanotadza. Vamwe vacho ndivo vakazomuuraya. Asi Jesu aigara achifara uye achizvidzora. (1 Pet. 2:21-23) ‘Kuramba takatarira’ Jesu kuchatibatsira kumutevedzera kana tikakanganisirwa nevamwe kana kuti tikavhiringidzwa nekusakwana kwavo. (VaH. 12:2) Jesu akakumbira vadzidzi vake kuti vatakure joko rake pamwe naye kuti vadzidze kwaaari. (Mat. 11:29) Zvii zvavaizodzidza? Chimwe chacho chaiva chokuti Jesu aiva munyoro uye aiva nomwoyo murefu nevadzidzi vake pavaikanganisa. Usiku hwokupedzisira asati afa, Jesu akageza tsoka dzavo achivadzidzisa chidzidzo chavakanga vasingazokanganwi chokuva vane “mwoyo unozvininipisa.” (Verenga Johani 13:14-17.) Usiku ihwohwo, Petro, Jakobho naJohani pavakatadza ‘kuramba vakarinda,’ Jesu akanzwisisa kusasimba kwavo. Akabvunza kuti “Simoni, uri kurara here? Rambai makarinda muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo. Chokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”—Mako 14:32-38.

4, 5. Muenzaniso waJesu ungatibatsira sei pane zvinokanganiswa nevamwe?

4 Tinoita sei kana mumwe watinonamata naye ari munhu anoda zvokungokwikwidza, achikurumidza kugumbuka, kana kuti achinonoka kugadzirisa zvaanenge audzwa nevakuru kana kuti ne“muranda akatendeka, akangwara”? (Mat. 24:45-47) Kunyange tichiziva kuti zvinowanika munyika yaSatani kuti munhu akanganise, kusakwana kwehama dzedu kunogona kuva muedzo chaiwo kwatiri. Kana kukanganisa kunoitwa nevamwe kuchikurumidza kutigumbura, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinganyatsoratidza sei “pfungwa dzaKristu”?’ Edza kugara uchiyeuka kuti Jesu haana kugumbukira vadzidzi vake, kunyange pavakakundikana kuita zvaaida.

5 Funga zvakaitika kune muapostora Petro. Jesu paakaudza Petro kuti abude muchikepe afambe achienda kwaari, Petro akamboti fambei pamusoro pemvura kwekanguva. Petro akatarisa dutu raivapo ndokubva atanga kunyura. Jesu akavira nehasha here ndokumuti “Wakaura! Ndokuti udzidze”? Kwete! “Achitambanudza ruoko rwake Jesu akabva amubata, akati kwaari: ‘Iwe ane kutenda kuduku, nei usina kuva nechokwadi?’” (Mat. 14:28-31) Kana zvikaitika kuti imwe hama ingaita sokuti haina kutenda, zvingava zvakanaka tikaita setiri kutambanudza ruoko rwedu tomubatsira kuti ave nokutenda kwakasimba. Ichi ndicho chidzidzo chatinowana pakubatwa nounyoro kwakaitwa Petro naJesu.

6. Jesu akadzidzisei vaapostora vake nezvokuda zvinzvimbo?

6 Vadzidzi vaJesu pavaigara vachiitirana nharo pamusoro pokuti ndiani mukuru pakati pavo, Petro aivapowo. Jakobho naJohani vaida kuti mumwe agare kuruoko rworudyi mumwe kuruboshwe kwaJesu muUmambo hwake. Petro nevamwe vaapostora pavakangozvinzwa, vakatsamwa. Jesu aiziva kuti mafungiro aya anogona kunge akabva paunhu hwevanhu vaiva munzvimbo dzavakakurira. Akavadana akati: “Imi munoziva kuti vatongi vemamwe marudzi vanozviita madzishe paari uye vanhu vakuru vanoshandisa simba paari. Izvi hazvina kudaro pakati penyu; asi munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu, uye munhu wose anoda kuva wokutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.” Jesu akabva ataura nezvemuenzaniso wake achiti: “Zvakafanana noMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.”—Mat. 20:20-28.

7. Mumwe nomumwe wedu angaita sei kuti ungano ibatane?

7 Kufungisisa nezvekuzvininipisa kwaJesu kunogona kutibatsira kuti ‘tizviite sevaduku’ pakati pehama dzedu. (Ruka 9:46-48) Izvi zvinoita kuti tive vanhu vakabatana. Jehovha, sababa vane mhuri yakakura, anoda kuti vana vake vagare ‘pamwe chete vakabatana,’ vachiwirirana. (Pis. 133:1) Jesu akanyengetera kuna Baba vake kuti: “Ini ndiri pamwe navo uye imi muri pamwe neni, kuti vakwaniswe kuva mumwe, kuti nyika izive kuti makandituma uye kuti makavada sokundida kwamakaita.” (Joh. 17:23) Saka kubatana kwedu kunoita kuti tizivikanwe kuti tiri vateveri vaKristu. Kuti kubatana kwakadaro kuvepo, tinofanira kuona kukanganisa kwevamwe semaonerwo akwaiitwa naKristu. Jesu aikanganwira, uye akadzidzisa kuti tinofanira kukanganwira kuti tizokanganwirwawo.—Verenga Mateu 6:14, 15.

8. Tingadzidzei pamuenzaniso wehama dzava nemakore dzichishumira Mwari?

8 Tinogonawo kudzidza zvakawanda nokutevedzera kutenda kwevaya vava nemakore vachitevedzera Kristu. Ivava vanowanzonzwisisa kusakwana kwevamwe sezvaiita Jesu. Vakadzidza kuti kuva netsitsi sedzaKristu kunovabatsira “kutakura kushayiwa simba kwevaya vasina kusimba” uye kunoita kuti ungano ibatane. Uyezve kunokurudzira ungano yose kuva nemafungiro aKristu. Vanoda kuti hama dzavo dzive namafungiro aidiwa naPauro kuti ave nevaKristu vokuRoma paakati: “Mwari anopa kutsungirira nenyaradzo ngaabvumire kuti pakati penyu muve nemafungiro akafanana neaiva naKristu Jesu, kuti mukudze Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe nomuromo mumwe.” (VaR. 15:1, 5, 6) Kureva kuti kunamata kwedu takabatana kunorumbidza Jehovha.

9. Nei tichida mudzimu mutsvene kuti titevedzere muenzaniso waJesu?

9 Mashoko aJesu anoratidza kuti kuva ‘nomwoyo unozvininipisa’ kunoenderana nokuva munyoro, uko kunoumba chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. Saka tinofanira kudzidza zvaiitwa naJesu tokumbira mudzimu mutsvene waJehovha kuti tikwanise kunyatsotevedzera muenzaniso iwoyo. Tinofanira kunyengeterera mudzimu waMwari toedza kuva nechibereko chawo, kureva “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaG. 5:22, 23) Kana tichitevedzera muenzaniso waJesu wokuzvininipisa nokuva munyoro, tichafadza Jehovha, Baba vedu vekudenga.

Jesu Aiva Nomutsa Nevamwe

10. Jesu akaratidza sei kuti aiva nemutsa?

10 Mutsa chimwewo chezvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu mutsvene. Jesu aigara achiitira vamwe mutsa. Vose vaida kuona Jesu vaiona kuti ‘aivagamuchira nomutsa.’ (Verenga Ruka 9:11.) Tingadzidzei pakuratidza mutsa kwaiita Jesu? Munhu ane mutsa ane ushamwari, akapfava, uye ane tsiye nyoro, nenyasha. Ndizvo zvakanga zvakaita Jesu. Akanzwira vanhu tsitsi “nokuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.”—Mat. 9:35, 36.

11, 12. (a) Rondedzera chimwe chiitiko chinoratidza kuti Jesu aiva netsiye nyoro. (b) Ungadzidzei pamuenzaniso wakurukurwa mundima ino?

11 Jesu haana kungogumira pakunzwa tsitsi asingaiti chinhu. Funga nezvomumwe muenzaniso. Mumwe mukadzi akanga ava nemakore 12 aine chirwere chokubuda ropa. Aiziva kuti Mutemo waMosesi waiti munhu wose ane chirwere sechake kana kuti waaibata aizoitwa kuti ave asina kuchena panyaya dzine chokuita nokunamata. (Revh. 15:25-27) Kunyange zvakadaro, zvaakanga anzwa nezvaJesu uye mabatiro aaiita vanhu zvinofanira kunge zvakamuita kuti ave nechivimbo chokuti aigona uye aida kumuporesa. Aingoti: “Kana ndikangobata nguo yake yokunze ndichapora.” Akazvishingisa achibva atozviita ndokuona aa inga atopora!

12 Jesu akaziva kuti pane munhu akanga amubata, akatanga kutarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani. Mukadzi wacho akabva auya achidedera akagwadama pamberi pake ndokutaura chokwadi chose, zvichida achitya kuti akanga atyora Mutemo. Jesu akapopotera mukadzi uyu ainzwisa tsitsi uye airwadziwa here? Kana! Akamunyaradza achiti: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare.” (Mako 5:25-34) Mukadzi wacho anofanira kunge akanyaradzwa zvechokwadi paakanzwa mashoko omutsa akadaro!

13. (a) Mafungiro aJesu akanga akasiyana sei neevaFarisi? (b) Jesu aibata sei vana?

13 Kristu haana kushandisa simba rake kuti aomesere vamwe sezvaiita vaFarisi vakanga vakaoma mwoyo. (Mat. 23:4) Asi aitovadzidzisa nzira dzaJehovha nemutsa uye aivaitira mwoyo murefu. Jesu aida vateveri vake zvikuru, uye aiva nomutsa uye aiva shamwari yechokwadi. (Zvir. 17:17; Joh. 15:11-15) Kunyange vana vainzwa vakasununguka vaina Jesu, naiyewo aisununguka ainavo. Akanga asingabatikani zvokutadza kuwana nguva yokuva nevana vaduku. Mumwe musi vadzidzi vake, vachiratidza kuti vakanga vachine pfungwa yevatungamiriri vezvitendero vaizviona sevanokosha, vakaedza kurambidza vanhu kuuya nevana vavo vaduku kuti Jesu avabate. Jesu haana kufara nezvakaitwa nevadzidzi vake. Akavaudza kuti: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedza kuvadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwevakadai.” Achishandisa vana kuti adzidzise chidzidzo chinokosha akabva ati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Munhu wose asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombopindi mahuri.”—Mako 10:13-15.

14. Vana vanobatsirwa sei pavanoratidzwa kuti vanodiwa?

14 Chimbofunga kuti vamwe vevana vakabatwa naJesu vakazonzwa sei pavakanga vakura vava varume nevakadzi vachiyeuka kuti Jesu Kristu akanga ‘avagumbatira mumaoko ake, akatanga kuvakomborera.’ (Mako 10:16) Mazuva ano kana vakuru uye vamwewo vachinyatsoratidza kuti vanofarira vana nomwoyo wose vana vacho havazombozvikanganwi. Chinotonyanya kukosha ndechokuti kubvira vachiri vaduku vana vanodiwa seizvi muungano vachapedzisira vaona kuti mudzimu waJehovha uri pavanhu vake.

Ratidza Mutsa Munyika Isina Mutsa

15. Nei tisingafaniri kushamiswa kuti vanhu vakawanda havasisina mutsa mazuva ano?

15 Mazuva ano vanhu vakawanda vanoona sevasina nguva yokuti vaitire vamwe mutsa. Saka zuva nezuva vanhu vaJehovha vanotarisana nevanhu vane maonero enyika, kungava kuchikoro, kubasa, pavanenge vari parwendo kana kuti muushumiri. Zvinorwadza hazvo kusaitirwa mutsa asi hazvifaniri kutishamisa. Jehovha akafuridzira Pauro kuti atinyevere kuti mumazuva ano okupedzisira akaoma, upenyu huchaita kuti vaKristu vagarisane nevanhu “vanozvida, . . . vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.”—2 Tim. 3:1-3.

16. Tingaratidza sei mutsa sewaiva naKristu muungano?

16 Muungano yechiKristu munozorodza kusiyana nemunyika isina mutsa. Mumwe nomumwe wedu akatevedzera Jesu anogona kuita kuti muungano munakidze. Tingazviita sei? Tingatanga nokubatsira uye kukurudzira vakawanda vari muungano vanorwara kana kuti vane mamwe matambudziko. ‘Mumazuva ano okupedzisira’ zvinetso zvakadai zvingaramba zvichiwedzera asi hazvisi zvitsva. VaKristu vepakutanga vaitamburawo nezvinetso zvakangodai. Saka kubatsirana kwakanaka sezvakwaiva kwakangoitawo pakati pevaKristu kare ikako. Somuenzaniso Pauro akakurudzira vaKristu kuti “taurai zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo, tsigirai vasina simba, itirai mwoyo murefu vanhu vose.” (1 VaT. 5:14) Izvi zvinosanganisira kuratidza mutsa sezvaiita Kristu.

17, 18. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingatevedzera nadzo mutsa waiva naJesu?

17 VaKristu vanofanira kuitira hama dzavo mutsa, vachivabata sezvaizoita Jesu, vachiratidza kuva nehanya zvechokwadi nevaya vavava nemakore vachiziva uye vavasati vamboonana navo. (3 Joh. 5-8) Sezvakaita Jesu kutanga iye kuratidza mutsa kune vamwe, isu tinofanira kugara tiri vanhu vanoita kuti vamwe vanzwe vakasununguka.—Isa. 32:2; Mat. 11:28-30.

18 Mumwe nomumwe wedu anogona kuratidza mutsa nokuita zvinhu zvinoratidza kuti tine hanya uye tinonzwisisa zvinetso zvevamwe. Tsvaka mikana uye nzira dzokuzviita. Tanga iwe kuzviita. Pauro akakurudzira kuti: “Pakudanana sehama, dananai kwazvo. Pakukudzana, tungamiriranai.” (VaR. 12:10) Izvi zvinoreva kutevera muenzaniso waKristu, kuva noushamwari uye nemutsa, kudzidza kuratidza “rudo rusina unyengeri.” (2 VaK. 6:6) Pauro akarondedzera unhu hwakadaro hwechiKristu achiti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi.” (1 VaK. 13:4) Pane kuramba tiine zvigumbu nehama nehanzvadzi, dai tikateerera zano rokuti: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.”—VaEf. 4:32.

19. Zvii zvakanaka zvinobva pakuratidza mutsa sewaiva naKristu?

19 Kuedza kwedu kugara tichiratidza mutsa sowaiva naKristu munzira dzakasiyana-siyana kunoita kuti tikomborerwe. Izvi zvichaita kuti mudzimu waJehovha ushande wakasununguka muungano, zvichiita kuti munhu wose ave nechibereko chomudzimu. Uyezve, kana tikatevedzera muenzaniso wakasiyiwa naJesu tobatsira vamwe kuzviitawo, kunamata kwedu tichifara uye takabatana kuchafadza Mwari. Saka, ngatigarei tichiedza kuratidza unyoro nomutsa waiva naJesu pane zvatinoitira vamwe.

Ungatsanangura Here?

• Jesu akaratidza sei kuti aiva ‘munyoro uye ane mwoyo unozvininipisa’?

• Jesu akaratidza sei mutsa?

• Munyika ino ine vanhu vasina kukwana inzira dzipi dzatingaratidza nadzo unyoro uye mutsa waiva naKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Kana kutenda kwehama kukaderera sezvakaitika kuna Petro, tichaita setiri kutambanudza ruoko tichiibatsira here?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Ungaitei kuti ungano ive nzvimbo inoratidzwa mutsa?