Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rudo rwaKristu Runoita Kuti Tivewo Norudo

Rudo rwaKristu Runoita Kuti Tivewo Norudo

Rudo rwaKristu Runoita Kuti Tivewo Norudo

“Jesu, zvaakanga ada vake vakanga vari munyika, akavada kusvikira kumugumo.”—JOH. 13:1.

1, 2. (a) Rudo rwaJesu rwunoshamisa pakudini? (b) Munyaya ino tichakurukurei nezvorudo?

JESU akanyatsoratidza kuti chinonzi rudo chii. Zvose zvaaiita, kubvira pakuzvibata, matauriro, madzidzisiro, kusvika parufu rwake rwaakazvibayira, zvakaratidza kuti aiva norudo. Kusvikira pakazogumira upenyu hwake chaipo, Jesu akaratidza kuti aida vaya vaakaonana navo, kunyanya vadzidzi vake.

2 Vateveri vaJesu vakasiyirwa muenzaniso unoshamisa worudo. Unotikurudzirawo kuti tiratidze kuti tinoda hama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo, pamwe chete nevamwe vose. Munyaya ino, tichakurukura zvingadzidzwa nevakuru muungano pane zvakaitwa naJesu pakuratidza rudo kune vaya vanokanganisa kana kuti vanoita zvivi zvakakura. Tichakurukurawo kuti rudo rwaJesu runoita sei kuti vaKristu vabatsire kana vamwe vawirwa nematambudziko, vawirwa nenjodzi, uye varwara.

3. Pasinei nokuti Petro akakanganisa zvikuru, Jesu akamuona sei?

3 Usiku hwokupedzisira Jesu asati afa, muapostora wake Petro akamuramba katatu. (Mako 14:66-72) Asi pakangosimba kutenda kwaPetro zvakare, sezvakanga zvagara zvataurwa naJesu, akamuregerera. Jesu akasiya apa Petro mabasa akakosha. (Ruka 22:32; Mab. 2:14; 8:14-17; 10:44, 45) Tinodzidzei pamaonero aiita Jesu vaya vainge vaita zvivi zvakakura?

Ona Vanhu Vanenge Vaita Zvivi Semaonerwo Avanoitwa naKristu

4. Ndepapi panoda kunyanya kuratidzwa mafungiro aiva naKristu?

4 Pane mamiriro ezvinhu akawanda angada kuti tive nemaonero aKristu, uye mamwe acho anorwadza. Pamwe pacho ndepaya pokunge mumwe munhu aita chivi, mungava mumhuri kana kuti muungano. Zvinonzwisa tsitsi kuti nyika yaSatani zvayava kusvika kwamvura yacheka makumbo, maonerwo anoitwa tsika nenyika ndiwo azara. Zviri nyore kuti vaduku nevakuru titevedzere maonero enyika akaipa kana kuti okushaya hanya, zvotitadzisa kuita zvakanaka. Muzana remakore rokutanga, vamwe vaitofanira kudzingwa muungano yechiKristu, uye vamwe vakatsiurwa. Ndizvo zvinongoitikawo mazuva ano. (1 VaK. 5:11-13; 1 Tim. 5:20) Kunyange zvakadaro, vakuru vanotonga nyaya idzi pavanoratidza rudo rwakaita serwaKristu, izvi zvinogona kupengenutsa mutadzi wacho.

5. Vakuru vanofanira kutevedzera sei maonero aiita Kristu vanhu vanotadza?

5 Sezvaiita Jesu, vakuru vanofanira kugara vachitsigira zvakarurama zvinotaurwa naJehovha. Pavanodaro, vanoratidza unyoro, mutsa norudo zvaJehovha. Kana munhu akapfidza zvechokwadi, “akaora mwoyo” uye “akadzvinyirirwa” nemhaka yezvaanenge akanganisa, zvingava nyore kuti vakuru ‘vaedze kururamisa munhu akadaro nounyoro.’ (Pis. 34:18; VaG. 6:1) Asi zvakadini kana vachitonga munhu anoomesa musoro uye asingatomboratidzi kuzvidemba?

6. Zvii zvisingafaniri kuitwa nevakuru pavanenge vachitonga vatadzi, uye nei vasingafaniri kudaro?

6 Kana munhu anenge akanganisa akaramba zano riri muMagwaro kana kuti akaedza kunakurira mhosva yacho kune vamwe, zvingatsamwisa vakuru nevamwe. Sezvo vachiziva zvinenge zvatokanganiswa nomunhu wacho, vanganzwa vachida kutaura manzwiro avo nezvezviri kuitwa nomunhu wacho uye maonero ake. Asi hasha hadzina kunaka, uye hadziratidzi “pfungwa dzaKristu.” (1 VaK. 2:16; verenga Jakobho 1:19, 20.) Jesu akanyevera vamwe vakararama panguva yake zvakajeka, asi hapana paakambotaura mashoko okuvarwadzisa kana kuti okuratidza kuti aivavenga. (1 Pet. 2:23) Asi akasiya paine mukana wokuti vatadzi vapfidze uye vadzoke kuna Jehovha. Zvechokwadi, chimwe chezvikonzero zvikuru zvakaita kuti Jesu auye panyika chaiva cho“kuzoponesa vatadzi.”—1 Tim. 1:15.

7, 8. Panyaya dzematare, vakuru vanofanira kutungamirirwa nechii?

7 Zvakaitwa naJesu panyaya iyi zvinobatsira sei maonero atinofanira kuita vaya vanofanira kurangwa neungano? Yeuka kuti urongwa huri muMagwaro hwematongerwo anofanira kuitwa nyaya muungano hunodzivirira boka racho uye hungabatsira anenge atadza wacho kuti apfidze. (2 VaK. 2:6-8) Zvinorwadza kuti vamwe havapfidzi uye vanoguma vadzingwa muungano, asi zvinokurudzira kuziva kuti vakawanda vavo vanozodzoka kuna Jehovha nesangano rake. Vakuru pavanoratidza maonero akaita seaKristu, vangabatsira munhu wacho kuti apfidze oguma adzoka. Nokufamba kwenguva, vamwe vaimbova vatadzi vangasayeuka mazano ose ari muMagwaro avakapiwa nevakuru, asi vachatoyeuka kuti vakuru vakavabata nechiremerera uye norudo.

8 Saka vakuru vanofanira kuratidza “chibereko chomudzimu,” kunyanya rudo rwakaita sorwaKristu, kunyange zvazvo mutadzi asiri kubvumirana nezano raanenge achipiwa. (VaG. 5:22, 23) Havambofaniri kumhanyira kudzinga mutadzi muungano. Vanofanira kuratidza kuti vanoda kuti vatadzi vadzoke kuna Jehovha. Saka mutadzi paanozopfidza, sezvinoita vakawanda, angatenda Jehovha uye “zvipo zviri varume” avo vanenge vaita kuti zvimuitire nyore kudzoka kuungano.—VaEf. 4:8, 11, 12.

Kuratidza Rudo rwaKristu Panguva Yokuguma

9. Taura muenzaniso wezvakaitwa naJesu kuratidza rudo kuvadzidzi vake.

9 Ruka anonyora nezvepamwe pakaratidza kuti rudo rwaJesu rwaisangogumira mumwoyo chete. Achiziva kuti nokufamba kwenguva varwi veRoma vaizokomba guta reJerusarema raifanira kuparadzwa, zvotadzisa vaivamo kutiza, Jesu akanyevera vadzidzi vake norudo achiti: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, panguva iyoyo zivai kuti rava kuda kuitwa dongo.” Vaizofanira kuitei? Jesu akagara avaudza zvavaizofanira kunyatsoita. “Panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo, nevaya vari mukati maro ngavabude, uye vaya vari kumaruwa ngavarege kupinda mariri; nokuti aya mazuva okururamisira, kuti zvinhu zvose zvakanyorwa zvizadzike.” (Ruka 21:20-22) Pashure pokunge varwi veRoma vakomba Jerusarema muna 66 C.E. uye vadzokera, vaiteerera vakaita zvavakanga varayiridzwa.

10, 11. Kufunga nezvokutiza kwakaita vaKristu muJerusarema kungatibatsira sei kugadzirira “kutambudzika kukuru?”

10 Pavaitiza muJerusarema, vaKristu vaifanira kuratidzana rudo rwaKristu, sezvaakanga avaitira. Vaitofanira kugovana chero zvavaiva nazvo. Asi uprofita hwaJesu hahuna kungotaura nezvokuparadzwa kweguta racho chete. Akagara ataura kuti: “Pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mat. 24:17, 18, 21) “Kutambudzika kukuru” kusati kwaitika uye pakunenge kuchiitika, isuwo tingatambudzwa kana kushayiwa zvimwe zvinhu. Kuva nemaonero aKristu kuchatibatsira kuzvitsungirira.

11 Panguva iyoyo, tichafanira kutevedzera muenzaniso waJesu, tichiratidza rudo rusina udyire. Panyaya iyi, Pauro akati: “Mumwe nomumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvinhu zvakanaka kuti iye avakwe. Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza . . . Zvino Mwari anopa kutsungirira nenyaradzo ngaabvumire kuti pakati penyu muve nemafungiro akafanana neaiva naKristu Jesu.”—VaR. 15:2, 3, 5.

12. Iye zvino tinofanira kuva norudo rwakaita sei, uye nei?

12 Petro, uyo akaratidzwa rudo naJesu, akakurudzirawo vaKristu kuti ‘vadanane kwazvo sehama zvisina unyengeri’ uye ‘vateerere chokwadi.’ Vaifanira ‘kudanana kwazvo zvichibva pamwoyo.’ (1 Pet. 1:22) Mazuva ano, tinofanira kuva nounhu hwaKristu kupfuura zvataimboita. Matambudziko ari kutowedzera pavanhu vaMwari vose. Hapana munhu anofanira kuvimba nechinhu chero chipi zvacho chiri munyika ino, sezviri kunyatsoratidzwa nokusagadzikana kwakaita nyaya dzemari munguva pfupi yapfuura munyika yose. (Verenga 1 Johani 2:15-17.) Asi sezvo nyika ino yasvika kwamvura yacheka makumbo, tinofanira kutoswedera pedyo naJehovha uye nehama dzedu, tichiva noushamwari hwechokwadi muungano. Pauro akati: “Pakudanana sehama, dananai kwazvo. Pakukudzana, tungamiriranai.” (VaR. 12:10) Uye Petro akazosimbisazve pfungwa yacho achiti: “Kupfuura zvinhu zvose, dananai kwazvo, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”—1 Pet. 4:8.

13-15. Dzimwe hama dzakaratidza sei rudo rwaKristu pakaitika njodzi?

13 Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuita zvinoratidza kuti vane rudo rwaKristu. Funga nezveZvapupu zvakazvipira kunobatsira pashure pokunge madutu aparadza nzvimbo yakakura kumaodzanyemba kweUnited States muna 2005. Vachitevedzera muenzaniso waJesu worudo, vanopfuura 20 000 vakazvipira, vakawanda vavo vachisiya misha yavo yakanaka nemabasa akanaka kuti vanobatsira hama dzavo dzakanga dzawirwa nedambudziko.

14 Mune imwe nzvimbo, dutu racho rakakonzera kuti mvura yomugungwa iyerere makiromita anenge 80, ikaumba wakaita somudhuri wakareba mamita 10. Mvura yacho payakaserera, yakanga yaparadza musha mumwe chete pamitatu yoga yoga nezvimwe zvivako zvaiva payakayerera napo. Zvapupu zvakazvipira zvakabva kunyika dzakasiyana-siyana zvakauya nematurusi, nezvokuvakisa uye zvaiva nounyanzvi nechido chokuita chero basa raida kuitwa. Mumwe mukoma nomunun’una vaiva chirikadzi vakarongedza zvinhu zvavo mukarori vakadhiraivha kwemakiromita 3 000 kuti vanobatsira. Mumwe wavo akaramba achigara munzvimbo iyoyo achibatsira dare rokuyamura uye ndipiyona wenguva dzose.

15 Misha inopfuura 5 600 yeZvapupu nevamwe vari munharaunda iyoyo yakavakwa kana kuti yakagadziriswa. Zvapupu zvomunzvimbo idzodzo zvakanzwa sei pazvakaratidzwa rudo rwakakura kudai? Imwe hanzvadzi ine musha wakanga waparara yakanga yava kugara mune kamwe kakaravhani kaiva nedenga raidonha mvura uye iine chitofu chakanga chisingashandi. Hama dzakaivakira imba yakanaka asi isiri yemaoresa. Hanzvadzi iyi imire pamberi peimba yayo itsva yakanaka, yakasvimha misodzi yokufara ichitenda Jehovha nehama dzayo. Mune zvimwe zviitiko zvakawanda, Zvapupu zvakanga zvisisina pokugara zvakaramba zvichigara kune dzimwe nzvimbo kwegore kana kupfuura kunyange zvakanga zvavakirwa misha yazvo. Kuitirei? Kuitira kuti vashandi vakanga vazvipira kubatsira vawane pokugara. Uyu muenzaniso wakazonaka wokuratidza maonero aKristu!

Kuona Vanorwara Semaonerwo Avanoitwa naKristu

16, 17. Tingaratidza sei kuti tinoona vanorwara semaonerwo avaiitwa naKristu?

16 Vashomanana vedu vati vawirwa nenjodzi dzakaita sedzambotaurwa. Asi munhu wose anotova nematambudziko ourwere, kungava kurwara kwake iye kana kuti kurwarirwa nevomumhuri. Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka wemaonero aiita vanorwara. Rudo rwaaiva narwo rwakaita kuti avanzwire tsitsi. Mapoka evanhu paakaunza vairwara kwaari, “akarapa vose vakanga vachinetseka.”—Mat. 8:16; 14:14.

17 Mazuva ano, vaKristu havana simba raiva naJesu rokuita zvishamiso zvokuporesa, asi vanonzwira vanorwara tsitsi sezvaaiita. Vanozviratidza sei? Zvimwe zvavanoita ndezvokuti vakuru vanoratidza kuti vane maonero aKristu nokuronga uye kuona kuti vanorwara vari muungano vari kutarisirwa here, vachitevedzera pfungwa iri pana Mateu 25:39, 40. * (Verenga.)

18. Dzimwe hanzvadzi mbiri dzakaratidza sei kuti dzaida mumwe wadzo, uye zvakaguma nei?

18 Ichokwadi kuti vakuru havasi ivo voga vanoitira vamwe zvakanaka. Funga zvakaitika kuna Charlene ane makore 44, uyo aiva nekenza uye akaudzwa kuti akanga asarirwa nemazuva gumi kuti afe. Dzimwe hanzvadzi mbiri dzaainamata nadzo, Sharon naNicolette, dzaona kuti aida kubatsirwa uye kuti murume wake uyo aimuda chaizvo akanga ari kutambura chaizvo nokumupepa, dzakaronga kuti dzigarepo dzichimubatsira pamazuva ake okupedzisira. Mazuva aya akapindana akazova mavhiki matanhatu, asi hanzvadzi mbiri idzi dzakaratidza kuti dzaimuda kusvikira pamugumo. “Zvakaoma kana uchiziva kuti munhu wacho achangofa,” anodaro Sharon. “Asi Jehovha akatisimbisa. Izvi zvakaita kuti tive noukama hwepedyo zvikuru naye uye nevamwe.” Murume waCharlene anoti: “Handizombokanganwi mutsa uye kutsigirwa kwandakaitwa nehanzvadzi mbiri idzi. Vavariro yavo yakanaka uye maonero avo akanaka akaita kuti muedzo uyu wokupedzisira uve nyore kuna Charlene wangu akanga akatendeka uye iniwo zvakandizorodza. Ndinovatenda nokusingaperi. Kuzvipira kwavakaita kwakaita kuti ndive nokutenda kwakasimba muna Jehovha uye ndiwedzere kuda hama dzangu dzandinonamata nadzo.”

19, 20. (a) Takurukura zvinhu zvipi zvishanu zvine chokuita nemaonero aKristu? (b) Watsunga kuitei?

19 Munyaya idzi nhatu dzanga dzakatevedzana, takurukura zvinhu zvishanu zvinoratidza maonero aiita Jesu uye kuti tingatevedzera sei mafungiro ake nezvaaiita. Ngativei ‘vanyoro uye vane mwoyo unozvininipisa,’ sezvakanga zvakaita Jesu. (Mat. 11:29) Ngatiedzeiwo kuitira vamwe mutsa, kunyange kana tichiona zvavanokanganisa nezvavanotadza. Ngatishingei kuteerera zvose zvinodiwa naJehovha, kunyange patinenge tichiedzwa.

20 Chokupedzisira, ngatiratidzei hama dzedu dzose rudo rwaKristu, sezvaakaita iye, “kusvikira kumugumo.” Rudo rwakadaro runoita kuti vanhu vazive kuti tiri vateveri vaJesu vechokwadi. (Joh. 13:1, 34, 35) Chokwadi, “kudanana kwenyu sehama ngakupfuurire.” (VaH. 13:1) Usakanda mapfumo pasi! Shandisa upenyu hwako kuti urumbidze Jehovha uye ubatsire vamwe! Jehovha achakomborera zvose zvaunoita nomwoyo wose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Ona nyaya inoti “Ita Zvinopfuura Kuti: ‘Mudziirwe Mugute’” iri muNharireyomurindi yaOctober 15, 1986.

Ungatsanangura Here?

• Vakuru vangaratidza sei maonero aiita Kristu vanhu vanotadza?

• Nei kutevedzera rudo rwaKristu kuchinyanya kukosha munguva ino yomugumo?

• Tingaratidza sei maonero aKristu kune vanorwara?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Vakuru vanoda kuti vanenge vakanganisa vadzoke kuna Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 18]

VaKristu vakabuda muJerusarema vakaratidza sei kuti vaiva nemaonero aKristu?

[Mufananidzo uri papeji 19]

Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa kuti zvinoita zvinoratidza kuti zvine rudo rwaKristu