Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Hwangu Hwava Nechinangwa

Upenyu Hwangu Hwava Nechinangwa

Upenyu Hwangu Hwava Nechinangwa

YAKATAURWA NAGASPAR MARTÍNEZ

Ndingati nyaya youpenyu hwangu haina hayo zvakawanda, inongova yomukomana murombo wokumaruwa akazobudirira ava kugara muguta. Asi muchaona kuti upfumi hwandakawana hahusi ihwo hwandaitarisira.

NDAKAKURIRA kumaruwa aiva asina miti kuma1930 munharaunda yeRioja kuchamhembe kweSpain. Pandakanga ndava nemakore gumi, ndakarega chikoro, asi ndakanga ndava kugona kuverenga nokunyora. Tiri vanomwe, vakoma vangu, vanun’una nehanzvadzi dzangu, taiswera tichirima tuminda twedu kana kuti kufudza makwai.

Urombo hwakaita kuti tifunge kuti kuva nemari nezvinhu zvakawanda zvinokosha chaizvo. Taitoitira shanje vaya vaiva nezvakawanda kutipfuura. Asi mufundisi akambotaura kuti “pamisha yose, wedu ndiwo waida zvokunamata kupfuura mimwe munharaunda yaaishumira.” Zvisinei, haana kuziva kuti nokufamba kwenguva, vakawanda vaizosiya chechi yeRoma.

Kutsvaka Zviri Nani

Ndakaroora mumwe musikana wokumusha kwedu ainzi Mercedes. Tichangoroorana, takava nomwanakomana wataifanira kuriritira. Muna 1957 takatamira kuguta raiva pedyo reLogroño, uye vomumhuri mangu vose vakazopedzisira vatitevera. Munguva pfupi ndakazoona kuti sezvo pakanga pasina basa randakadzidzira chairo, zvaisazova nyore kuti ndiwane basa rakati tsvikiti. Ndakashaya kuti ndowanepi mazano. Ndakatanga kutsvaka muraibhurari yaiva muguta iroro, kunyange hazvo ndakanga ndisingazivi chandainyatsotsvaka.

Nokufamba kwenguva ndakanzwa nezveimwe purogiramu yeparedhiyo yaidzidzisa vanhu Bhaibheri muchiita zvokunyorerana tsamba. Ndichangopedza kosi yacho, vamwe vomuchechi dzakabuda muRoma vakanditi ndiuye kuzopinda navo. Kashoma kandakaenda kuchechi kwavo, ndakaona kurwisana kwaiita vatungamiriri vacho. Handina kudzokerako, nokuti ndakafunga kuti machechi ose ndizvo zvaanoitawo.

Maziso Angu Anodonha Mafunurwa

Muna 1964 mumwe mukomana anonzi Eugenio akatishanyira kumba kwedu. Aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, chechi yandakanga ndisingambozivi. Asi ndaifarira chaizvo kutaura nyaya dzeBhaibheri. Ndaifunga kuti ndainyatsoziva Magwaro. Ndaimupindura ndichishandisa ndima dzeBhaibheri shomanana dzandakanga ndadzidza pandaiita kosi iya. Kunyange zvazvo ndaiedza kutsigira zvimwe zvinodzidziswa nechechi dzakabuda muRoma, nechomumwoyo ndakanga ndisinawo chokwadi nazvo.

Takurukura kaviri, ndakabvuma kuti Eugenio yaiva shasha pakushandisa Shoko raMwari. Zvakandishamisa chaizvo kumuona achigona kuvhura magwaro nyore nyore uye achitsanangura kushanda kwaanoita, kunyange zvazvo ndakatomboti endei kuchikoro kumupfuura. Eugenio akandiratidza kubva muBhaibheri kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira uye kuti munguva pfupi Umambo hwaMwari huchaita kuti pasi rino rive paradhiso. Ndakashamisika chaizvo.—Pis. 37:11, 29; Isa. 9:6, 7; Mat. 6:9, 10.

Ndakabva ndabvuma kudzidza Bhaibheri. Zvinenge zvose zvandakadzidza zvaiva zvitsva, uye zvakandibaya mwoyo. Zvinangwa zvangu muupenyu zvakatanga kuchinja uye upenyu hwakatanga kundinakidza. Zvandaitsvaka ndakanga ndazviwana. Iye zvino ndakanga ndisingachanyanyi kukoshesa upenyu hwakakwirira uye kutamburira kuwana basa svinu. Kana urwere norufu zvichabviswa, zvakadini nezvimwewo zvinetso zviduku.—Isa. 33:24; 35:5, 6; Zvak. 21:4.

Handina kudya manonoko, ndakabva ndangotanga kuudza hama dzangu zvandakanga ndichidzidza, ndichidzitsanangurira kuti Mwari achaita kuti vanhu vakatendeka vararame nokusingaperi pasi pano muparadhiso.

Mhuri Yangu Inogamuchira Chokwadi cheBhaibheri

Munguva pfupi, vakawanda vedu takasarudza kuungana kumba kwababamunini vangu masikati omusi weSvondo woga woga kuti tikurukure zvipikirwa zviri muBhaibheri. Taiita maawa maviri kana matatu vhiki nevhiki tichikurukura. Eugenio paakaona kuti hama dzangu dzakawanda kudaro dzaifarira kudzidza Bhaibheri, akabva aronga kukurukura nemhuri imwe neimwe.

Ndaiva nedzimwe hama muguta reDurango, raiva makiromita 120 kubva kwandaigara, asi kwakanga kusina Zvapupu. Saka papera mwedzi mitatu, ndakatora mazuva mashomanana kubasa, kuti ndivashanyire ndovatsanangurira zvandakanga ndadzidza. Panguva iyoyo, vanenge gumi vedu taiungana manheru, uye ndaikurukura navo kusvikira ava mambakwedza chaiwo. Vose vaifarira kuteerera chaizvo. Pandakanga ndava kudzokera, ndakavasiyira maBhaibheri uye mamwe mabhuku. Kubvira ipapo ushamwari hwedu hwakazoramba huchipfumbira.

Zvapupu pazvakasvika kuDurango uko kwakanga kusati kwamboparidzirwa, zvakawana vanhu 18 vakamirira vachida kudzidza Bhaibheri. Zvapupu zvakafara kuronga kuti mhuri imwe neimwe idzidziswe.

Kusvikira panguva iyoyo Mercedes akanga asati ada kudzidza chokwadi, nokuti aitya vanhu, kwete kuti akanga asina chokwadi nezvaidzidziswa neBhaibheri. Basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rarambidzwa muSpain panguva iyoyo, saka akafunga kuti vakuru vakuru vaizodzinga vana vedu vaviri kuchikoro uye taizovengwa nevanhu vose. Asi paakaona kuti mhuri yose yakanga iri kugamuchira chokwadi cheBhaibheri, akabva atangawo kudzidza.

Makore maviri asati apera, vanhu 40 vomumhuri mangu vakanga vava Zvapupu uye vakazvitsaurira kuna Mwari vakabhabhatidzwa. Ndakafara kuti mhuri yangu yakanga yava nechinangwa chakaita sechangu. Ndakaona kuti ndakanga ndawana chimwe chinhu chinonyatsokosha. Mwari akanga atikomborera chaizvo.

Ndakatanga Kugutsikana Noupenyu Pandaikura

Kwemakore 20 akatevera, ndakamboisa pfungwa dzangu pakurera vanakomana vedu vaviri uye kubatsira ungano yandaipinda nayo. Ini naMercedes patakatamira kuLogroño, kwaingova neZvapupu 20 chete muguta iroro raiva nevanhu vanenge 100 000. Pasina nguva ngani ndakapiwa zvakawanda zvokuita muungano.

Pandakanga ndava nemakore 56, kambani yandaishandira yakazongoerekana yavhara, basa richibva rapera. Ndakanga ndagara ndichida zvebasa renguva yakazara, saka ndakabva ndatora mukana uyu kuti ndipayone. Kamari kemudyandigere kandaiwana kakanga kari kashoma zvokuti kakanga kasingakwani. Mercedes aindibatsira nokuita twumwe tumabasa saka taikwanisa kuwana chouviri. Ndichiri piyona uye iye anomboshanda sapiyona webetsero uye anonakidzwa chaizvo nokuparidzira.

Makore mashomanana apfuura, Mercedes aiwanzopa magazini mumwe mukadzi anonzi Merche uyo akanga ambodzidza Bhaibheri achiri muduku. Merche aifarira kuverenga mabhuku edu, uye Mercedes akacherechedza kuti Merche akanga achiri kukoshesa chokwadi cheBhaibheri. Merche akazobvuma kudzidza Bhaibheri uye akafambira mberi zvakanaka. Asi murume wake Vicente, aiva chidhakwa uye aigara akadzingwa basa. Izvi zvaiita kuti asariritira mhuri yake; uye kudhakwa kwake kwakanga kwava kuda kuparadza imba yavo.

Mudzimai wangu akabvunza Merche kana zvaiita kuti ini nditaure naVicente uye ndizvo zvandakazoita. Akazobvuma kudzidza Bhaibheri pashure pokunge ndamushanyira kanoverengeka. Vicente akatanga kuchinja, achitombopedza mazuva asina kunwa. Akazotanga kutoita mavhiki chaiwo asina kunwa, ndokuzopedzisira asiya doro zvachose. Chiso chake chakatanga kutochinja zvaioneka uye mhuri yake yakanga yabatana. Mhuri yake yose, kusanganisira mudzimai wake nemwanasikana, inotsigira chaizvo ungano duku iri kuCanary Islands, kwavari kugara iye zvino.

Kuongorora Zvandaita Mumakore Ose Aya

Kunyange zvazvo dzimwe hama dzangu dzakadzidza Bhaibheri makore apfuura dzakafa, voukama vari kuramba vachiwanda, uye Mwari ari kutikomborera. (Zvir. 10:22) Zvinofadza chaizvo kuona kuti vanenge vose vakatanga kudzidza Bhaibheri makore 40 akapfuura pamwe nevana vavo nevazukuru vavo vari kuramba vachishumira Jehovha vakatendeka.

Iye zvino ndine hama dzakawanda dzava Zvapupu, zhinji dzacho vakuru, vashumiri vanoshumira uye mapiyona. Dangwe rangu nomudzimai wake vanoshanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kuMadrid, Spain. Pandakava Chapupu, taiva vanenge 3 000 muSpain. Iye zvino tava kupfuura 100 000. Ndinonakidzwa chaizvo nebasa renguva yakazara, uye ndinotenda Mwari nokuti ndakava noupenyu hwakanaka kwazvo mubasa rake. Pasinei nokuti handina kunyanya kudzidza, ndinombopota ndichishanda somutsivi womutariri wedunhu.

Makore mashomanana apfuura, ndakazonzwa kuti kwandakakurira kwakanga kwava kuita sokunge dongo chairo. Urombo ndihwo hwakazoita kuti vaigarako vose vasiye minda nemisha yavo vachinotsvaka upenyu huri nani. Chinofadza ndechokuti vakati kuti vevanhu vakatama ava vakawana pfuma yezvokunamata sezvandakaitawo. Takaziva kuti upenyu hune chinangwa zvechokwadi uye kuti kushumira Jehovha kunoita kuti ufare zvaungasambofungidzira.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Vakawanda vomumhuri yaHama Martínez’ vari muchokwadi