Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ivai Norugare Nevanhu Vose”

“Ivai Norugare Nevanhu Vose”

“Ivai Norugare Nevanhu Vose”

“Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.”—VAR. 12:18.

1, 2. (a) Jesu akanyevera vateveri vake nezvei? (b) Tingawanepi zano rezvatinofanira kuita kuvavengi vedu?

JESU akanyevera vateveri vake kuti vaizovengwa nemarudzi enyika, uye usiku hwokupedzisira asati afa, akatsanangura chaizoita kuti zvidaro. Akati kuvaapostora vake: “Kudai maiva venyika, nyika yaizoda zviri zvayo. Zvino nokuti hamusi venyika, asi ndakakusarudzai munyika, nokuda kweizvi nyika inokuvengai.”—Joh. 15:19.

2 Muapostora Pauro akazvionera oga kuti mashoko aJesu aiva echokwadi. Pauro akanyora tsamba yechipiri kushamwari yake yechiduku Timoti achiti: “Iwe wakanyatsotevera kudzidzisa kwangu, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, rudo rwangu, kutsungirira kwangu, kutambudzwa kwangu, nhamo dzangu.” Akazowedzera kuti: “Chokwadi, vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Tim. 3:10-12) Muchitsauko 12 chetsamba yaakanyorera vaKristu vokuRoma, Pauro akavaudza zvavaifanira kuita kuvavengi vavo. Mashoko ake anogona kutibatsira munguva ino yomugumo.

“Ipai Zvinhu Zvakanaka”

3, 4. Zano riri pana VaRoma 12:17 ringashandiswa sei (a) mumhuri inenge ine vamwe vasiri Zvapupu? (b) pane zvatinoitira vamwe?

3 Verenga VaRoma 12:17. Pauro akatsanangura kuti hatifaniri kuvenga vaya vanotivenga. Kushandisa zano rake kunobatsira chaizvo kunyanya mumhuri dzine vamwe vasiri Zvapupu. MuKristu anofanira kukurira muedzo wokuda kutsiva kana aitirwa zvakaipa newaakaroorana naye. Hapana chakanaka chinobuda kana munhu ‘akadzorera chakaipa nechakaipa.’ Kuita saizvozvo kungatokuchidzira moto.

4 Pauro anotaura zvakanaka zvatingaita achiti: “Ipai zvinhu zvakanaka kwazvo maererano nemaonero evanhu vose.” Somuenzaniso, mukadzi angadzimura moto kana akanyatsoratidza murume wake mutsa kunyange paanenge ashora manamatiro ake. (Zvir. 31:12) Carlos, uyo ava kushanda paBheteri anotsanangura kuti baba vake vaishora chaizvo nyaya dzokunamata asi amai vake vakakunda dambudziko racho nokugara vachivaitira mutsa uye vachiita mabasa epamba nomazvo. “Amai vaitikurudzira sevana kuti tiremekedze baba nguva dzose. Pane mutambo waifarirwa nababa uye amai vaigara vachiti nditambe navo kunyange zvazvo ini ndakanga ndisingaufariri. Baba vaibva vati mwoyo mbuu.” Vakazopedzisira vadzidza Bhaibheri ndokuzobhabhatidzwa. Panyaya ‘yokupa zvinhu zvakanaka kwazvo maererano nemaonero evanhu vose,’ kazhinji Zvapupu zvaJehovha zvinoita kuti zvisaramba zvichishorwa pazvinobatsira vavakidzani vazvo vanenge vawirwa nenjodzi.

‘Kututira Marasha’ Pavavengi

5, 6. (a) “Marasha anopisa” angatutirwa pamusoro pomuvengi mupfungwa ipi? (b) Rondedzera nyaya yaunoziva inoratidza kuti kuita zvinotaurwa pana VaRoma 12:20 kunogona kuchinja mumwe munhu.

5 Verenga VaRoma 12:20. Hapana mubvunzo kuti Pauro paakasarudza mashoko ari mundima iyi, aifunga nezvezvatinoverenga pana Zvirevo 25:21, 22, kuti: “Kana munhu anokuvenga aine nzara, mupe zvokudya kuti adye; uye kana aine nyota, mupe mvura kuti anwe. Nokuti uri kututira mazimbe pamusoro wake, uye Jehovha achakupa mubayiro.” Tichifunga nezvemashoko ari muna VaRoma chitsauko 12, Pauro haangambovi aishandisa mazimbe kufananidzira kurwadzisa kana kuti kunyadzisa munhu anenge achitivenga. Asi zvinoita sokuti chirevo chacho, pamwe nemashoko akada kuita saiwayo akanyorerwa VaRoma naPauro, anoreva nzira yaishandiswa pamagadzirirwo aiitwa simbi kare. Imwe nyanzvi yokuEngland yomuzana remakore rechi19 inonzi Charles Bridges inoti: “Kana simbi ichida kunyungudutswa haingoiti zvokugadzikwa pamoto chete asi inototutirwa marasha pamusoro payo. Ndizvo zvinoitawo munhu ane mwoyo wakaoma kana akaratidzwa rudo runopisa, mwoyo murefu uye kuzvipira, kazhinji kacho mwoyo wake haumbotadzi kupfava kana kuita sewanyungudutswa.”

6 Kuratidza mutsa kwakafanana ne“marasha anopisa” pakuti kunganyevenutsa mwoyo yevanotivenga voguma vava kutifarira. Kana vanhu vakaitirwa mutsa vangaguma vava kufarira vanhu vaJehovha nemashoko ari muBhaibheri avanoparidza. Muapostora Petro akanyora kuti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka pakati pemamwe marudzi, kuti, pachinhu chavanokupomerai sevanhu vanoita zvakaipa, vakudze Mwari pazuva rokuongorora kwake nokuda kwemabasa enyu akanaka avanoona.”—1 Pet. 2:12.

“Ivai Norugare Nevanhu Vose”

7. Rugare rwunopiwa naKristu kuvadzidzi vake chii, uye runofanira kuita kuti tiite sei?

7 Verenga VaRoma 12:18. Usiku hwokupedzisira aine vaapostora vake, Jesu akavaudza kuti: “Ndinokusiyirai rugare, ndinokupai rugare rwangu.” (Joh. 14:27) Rugare rwunopiwa naKristu kuvadzidzi vake manzwiro avanoita mumwoyo pavanoona kuti Jehovha Mwari noMwanakomana wake waanoda vanovada uye vanovafarira. Manzwiro aya anotibatsira kuti tigarisane nevamwe murunyararo. VaKristu vechokwadi vanoda rugare uye vanoita kuti pave norugare.—Mat. 5:9.

8. Tingaita sei kuti kumba nokuungano kuve norugare?

8 Imwe nzira yokuita kuti mumhuri muve norugare ndeyokukurumidza kutaurirana zvamunenge musina kunzwisisana pane kurega nyaya dzichikora muto. (Zvir. 15:18; VaEf. 4:26) Izvi ndizvo zvinofanira kuitwawo muungano yevaKristu. Muapostora Petro anoratidza kuti kuita kuti pave norugare kune chokuita nokudzora rurimi. (1 Pet. 3:10, 11) Pashure pokutaura nezvokushandisa rurimi zvakanaka uye kuti hatifaniri kuva negodo nenharo, Jakobho akanyora kuti: “Uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena, uyewo hune rugare, hunonzwisisa, hunoda kuteerera, huzere nengoni nezvibereko zvakanaka, hahusaruri, hahunyengeri. Zvakare, mbeu yechibereko chokururama inodyarwa murugare nokuda kwevaya vanoita kuti pave norugare.”—Jak. 3:17, 18.

9. Patinenge tichiedza kuva “norugare nevanhu vose,” tinofanira kuyeukei?

9 Mumashoko aakanyora pana VaRoma 12:18, Pauro anoratidza kuti hatingogumiri pakuva norugare mumhuri nomuungano chete. Anoti tinofanira kuva “norugare nevanhu vose.” Vanhu vose ava vanosanganisira vavakidzani, vatinoshanda navo, vatinodzidza navo, uye vanhu vatinoona muushumiri hwedu. Asi muapostora wacho anotanga ataura mashoko okuti: “Kana zvichibvira, nepamunogona napo.” Mashoko iwayo anoreva kuti tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tive “norugare nevanhu vose” asi tisingazoiti zvinopesana nemitemo yaMwari yakarurama.

Kutsiva NdokwaJehovha

10, 11. Zvinorevei kuti ‘tidziurire hasha’ uye nei izvozvo zvakakodzera?

10 Verenga VaRoma 12:19. Tinofanira kuramba ti“chizvidzora pakuitirwa zvakaipa” uye kuva “nounyoro” kunyange kune “vaya vasingadi” basa redu nemashoko edu, kusanganisira vaya vanotivenga zviri pachena. (2 Tim. 2:23-25) Pauro anorayira vaKristu kuti vasatsiva asi ‘vadziurire hasha.’ Ari kutaura nezvehasha dzaani? Hazvimboiti kuti titi ari kureva kuti tisadzora hasha dzedu. Zviri pachena kuti ari kureva kuti tinofanira kupa Mwari mukana wokuratidza hasha dzake. Sezvo tiri vaKristu tinoziva kuti kutsiva hakusi kwedu. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Rega kutsamwa, usiye hasha; usashatirwa kuti ungoita zvakaipa.” (Pis. 37:8) Uye Soromoni akapa zano rokuti: “Usati: ‘Ndichatsiva chakaipa!’ Mirira Jehovha, iye achakuponesa.”—Zvir. 20:22.

11 Kana vavengi vedu vakatiitira zvakaipa, mushonga kusiyira Jehovha kuti avarange kana achiona zvakakodzera uye panguva yakamukodzera. Achiratidza kuti aireva hasha dzaJehovha, Pauro akawedzera kuti: “Zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’” (Enzanisa naDheuteronomio 32:35) Kana tikaedza kuzvitsivira toga, tinenge tichizvikudza, tichiita zvakanzi naJehovha ndiye chete anofanira kuzviita. Uyezve tinenge tichiratidza kuti hatina kutenda mune zvakataurwa naJehovha zvokuti: “Ndichatsividza.”

12. Hasha dzaJehovha dzicharatidzwa rini uye sei?

12 Kwokutanga kwetsamba yake kuvaRoma, Pauro akati: “Hasha dzaMwari dziri kuratidzwa dzichibva kudenga kuzorwisa kusada Mwari kwose uye kusarurama kwevanhu vaya vari kudzivisa chokwadi nenzira isina kururama.” (VaR. 1:18) Hasha dzaJehovha dzichabva kudenga achishandisa Mwanakomana wake panguva ‘yokutambudzika kukuru.’ (Zvak. 7:14) Uhwu huchava “uchapupu hwokutonga kwakarurama kwaMwari” sezvakazotsanangurwa naPauro mune imwe tsamba yake yakafuridzirwa: “Zvazvakarurama kuna Mwari kuti atambudze vaya vanokutambudzai, asi, kunemi munotambudzika, muchazorora pamwe chete nesu pacharatidzwa Ishe Jesu achibva kudenga aine ngirozi dzake dzine simba ari mumurazvo womoto, sezvaanotsiva vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.”—2 VaT. 1:5-8.

Kukurira Zvakaipa Nezvakanaka

13, 14. (a) Nei tisingashamiswi patinoona vanhu vachitivenga? (b) Tingakomborera sei vaya vanotitambudza?

13 Verenga VaRoma 12:14, 21. Sezvo tiine chivimbo chokuti Jehovha achazadzisa zvaakaronga, tinoisa pfungwa dzedu nesimba pabasa raakatipa, rokuparidza ‘mashoko akanaka oumambo munyika yose inogarwa.’ (Mat. 24:14) Tinoziva kuti basa iri rinoitwa nevaKristu richatsamwisa vavengi vedu, nokuti Jesu akatinyevera kuti: “Muchavengwa nemarudzi ose nokuda kwezita rangu.” (Mat. 24:9) Saka patinovengwa hatishamisiki uye hazvitiodzi mwoyo. Muapostora Petro akanyora kuti: “Vadiwa, musashamiswa nomoto uri kubvira pakati penyu, zviri kuitika kwamuri kuti muedzwe, sokunge kuti chinhu chitsva chiri kukuwirai. Asi, rambai muchifara zvamunogoverana kutambura kuzhinji kwaKristu.”—1 Pet. 4:12, 13.

14 Pane kuvenga vaya vanotivenga, tinoedza kuvadzidzisa, tichiziva kuti vamwe vangava vachiita nokusaziva. (2 VaK. 4:4) Tinoedza kuteerera zano raPauro rokuti: “Rambai muchikomborera vaya vanokutambudzai; komborerai uye musatuka.” (VaR. 12:14) Imwe nzira yatingavakomborera nayo ndeyokuvanyengeterera. MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Rambai muchida vavengi venyu, muchiitira zvakanaka vaya vanokuvengai, muchikomborera vaya vanokutukai, muchinyengeterera vaya vanokuzvidzai.” (Ruka 6:27, 28) Muapostora Pauro aiziva kubva pane zvakaitika kwaari kuti munhu anotambudza vaKristu anogona kupedzisira ava mushumiri waJehovha anoshingaira. (VaG. 1:13-16, 23) Mune imwe tsamba, Pauro akati: “Patinenge tichitukwa, tinokomborera; patinenge tichitambudzwa, tinotsungirira; patinenge tichireverwa zvakaipa, tinoteterera.”—1 VaK. 4:12, 13.

15. Ndeipi nzira yakanakisisa yokukunda nayo zvakaipa nezvakanaka?

15 Saka, muKristu wechokwadi anoteerera mashoko ari mundima yokupedzisira yaVaRoma chitsauko 12 anoti: “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” Zvakaipa zvose zvinobva kuna Satani Dhiyabhorosi. (Joh. 8:44; 1 Joh. 5:19) Mune zvaakaratidza muapostora Johani, Jesu akazivisa kuti hama dzake dzakazodzwa ‘dzakakunda Satani nokuda kweropa reGwayana uye nokuda kweshoko ravaipupura nezvaro.’ (Zvak. 12:11) Mashoko aya anoratidza kuti nzira yakanakisisa yokukunda nayo Satani nenyika yake yaari kutonga zvakaipa ndeyokuita basa rakanaka rokupupura, kureva kuparidza mashoko akanaka oUmambo.

Kufara Patariro

16, 17. Tadzidzei muna VaRoma chitsauko 12 nezvokuti (a) tingararama sei? (b) tingaita sei muungano? (c) tingabata sei vaya vasingafariri kunamata kwedu?

16 Kukurukura kwataita chitsauko 12 chetsamba yakanyorerwa vaKristu vokuRoma naPauro kwatiyeuchidza zvinhu zvakawanda. Tadzidza kuti sevashumiri vaJehovha vakazvitsaurira tinofanira kuzvipira. Tichibatsirwa nomudzimu waMwari, tinozvipira nomwoyo wose nokuti simba redu rokufunga rinenge raita kuti tinyatsoona kuti izvozvo ndizvo zvinodiwa naMwari. Tinopisa nomudzimu uye tinoshingairira kushandisa zvipo zvedu zvakasiyana-siyana. Tinoshumira tichizvininipisa uye tichiziva kuti pane zvimwe zvatisingagoni kuita, tichiita nepose patinogona kuti tirambe takabatana sevaKristu. Tinogara tichigamuchira vaeni zvakanaka uye tinoratidza rudo rwechokwadi.

17 Chitsauko 12 chaVaRoma chinotipawo mazano akawanda nezvokuti tinofanira kuita sei kana vanhu vachitivenga. Hatifaniri kudzorera. Ngatiedzei kukunda ruvengo irworwo nokuitira vanhu vacho zvakanaka. Tinofanira kuedza nepatinogona napo kugarisana zvakanaka nevanhu vose, chero bedzi tisingazopesani nezvinotaura Bhaibheri. Izvi zvinoshandawo mumhuri, muungano, kuvavakidzani vedu, kubasa, kuchikoro, uye muushumiri. Kunyange kana tikaitirwa hasha zviri pachena, tinoedza nepatinogona napo kukunda zvakaipa nezvakanaka, tichiyeuka kuti kutsiva ndekwaJehovha.

18. Zvinhu zvipi zvitatu zvatinokurudzirwa kuita pana VaRoma 12:12?

18 Verenga VaRoma 12:12. Pauro anotaura zvimwe zvinhu zvitatu zvatinofanira kuita kuwedzera kuzano iri rokuchenjera uye rinoshanda. Sezvo tisingambokwanisi kuita zvinhu zvose izvozvo tisingabatsirwi naJehovha, muapostora wacho anotipa zano rokuti “rambai muchinyengetera.” Izvi zvichaita kuti tikwanise kutevera rimwe zano raakapa rokuti “tsungirirai pakutambudzika.” Chokupedzisira ndechokuti tinoda kugara tichifunga nezveramangwana ratakachengeterwa naJehovha ‘tichifara patariro’ youpenyu husingaperi, kungava kudenga kana kuti pasi pano.

Kudzokorora

• Tinofanira kuita sei kana vanhu vachitivenga?

• Ndepapi patinofanira kuva vanhu vane rugare uye tingazviita sei?

• Nei tisingafaniri kutsiva toga?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Kubatsira vavakidzani vedu kunogona kuita kuti vachinje zvavanenge vachitifungira

[Mufananidzo uri papeji 9]

Unovavarira kuita kuti muungano muve norugare here?