Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuchinjwa Kwakaitwa Upenyu Hwangu Nemagungano Eruwa Matatu

Kuchinjwa Kwakaitwa Upenyu Hwangu Nemagungano Eruwa Matatu

Kuchinjwa Kwakaitwa Upenyu Hwangu Nemagungano Eruwa Matatu

Yakataurwa naGeorge Warienchuck

WAKAMBONZWA chimwe chinhu pagungano chikakubaya mwoyo zvokuti wakada kuchinja upenyu hwako here? Ndizvo zvakaitika kwandiri. Pandinofunga zvakaitika ndinoona kuti zvandakanzwa pane mamwe magungano matatu ndizvo zvakazoita kuti ndichinje mararamiro andaiita. Rokutanga rakandibatsira kuti ndisava munhu anonyara; rechipiri rakandibatsira kuti ndigutsikane nezvandaiva nazvo; uye rechitatu kuti ndive norupo. Zvisinei, ndisati ndakuudzai nezvokuchinja kwandakaita, regai ndikurondedzerei zvakaitika magungano aya asati aitika, ndichiri muduku.

Ndakaberekwa muna 1928, ndiri gotwe pavana vatatu. Ini nehanzvadzi dzangu Margie naOlga takakurira kutaundi reSouth Bound Brook, kuNew Jersey, U.S.A., kwaigara vanhu vanenge 2 000. Kunyange zvazvo taiva varombo, amai vaiva norupo chaizvo. Pose pavaikwanisa kubika chikafu chakanaka, vaipawo vavakidzani. Pandaiva nemakore mapfumbamwe, amai vakashanyirwa nechimwe Chapupu chaitaura mutauro wokuHungary, rwaiva rurimi rwaamai vangu, izvo zvakabva zvaita kuti vateerere mashoko omuBhaibheri. Pave paya, imwe hanzvadzi yaiva nemakore okuma20 yainzi Bertha yakaramba ichidzidza Bhaibheri naamai uye yakavabatsira kuti vave mushumiri waJehovha.

Ndakanga ndakasiyana naamai pakuti ndaiva munhu anonyara. Amai vaitondiwedzera nokuti vaiva netsika yokugara vachindishora. Pandakavabvunza ndichichema kuti, “Sei muchigara muchingondishora?” vakati vaindida chaizvo asi vakanga vasingadi kunditunhidza. Amai vaiva nevavariro yakanaka, asi kurega kwavo kundirumbidzawo kwakaita kuti ndizvitarisire pasi.

Mumwe musi muvakidzani wedu aindifarira akandikumbira kuti ndiperekedze vanakomana vake kuSandesikuru yokuchechi kwavo. Ndaiziva kuti kana ndikaenda Jehovha haafari, asi ndaitya kuti muvakidzani iyeye aizotsamwa. Saka kwemwedzi yakatevera, ndaienda kuchechi kunyange zvazvo ndaitonyarawo nazvo. Kuchikoro, kutya vanhu kwakaitawo kuti ndiite zvinhu zvandakanga ndisingadi. Mukuru wepachikoro, mumwe murume aidzvinyirira, aiita kuti vadzidzisi vamanikidze vana kusaruta mureza. Iniwo ndaisaruta. Izvi zvakaitika kwerinenge gore, ndokuzochinja.

Kudzidza Kuva Noushingi

Muna 1939 boka rechidzidzo chebhuku rakatanga kusanganira pamba pedu. Imwe hama yechiduku yaiva piyona yainzi Ben Mieszkalski ndiyo yaiitisa. Taimuti Big Ben uye zvakanga zvakakodzerana naye. Ini ndaiona sokuti akanga akareba uye ari mupamhi kuenzana nesuo redu. Kunyange zvazvo aiva nomumhu mukuru, aiva nomutsa chaizvo uye kunyemwerera kwake kwaiita kuti ndisununguke. Saka Ben paakandikumbira kuti ndiende naye mubasa romumunda, ndakabvuma ndichifara. Takava shamwari. Pandainge ndakasuwa, aitaura neni kunge ari kutaura nomunun’una wake. Kwandiri zvaitova chinhu chikuru izvozvo, uye ndakanga ndava kumufarira chaizvo.

Muna 1941 Ben akakumbira mhuri yedu kuti tiende naye nemota yake kugungano reruwa raiitirwa kuSt. Louis, Missouri. Hakusi kufara kwandakaita! Ndaive ndisati ndamboita rwendo rwunopfuura makiromita 80 kubva pamba, asi iye zvino ndaive ndava kuenda kunzvimbo yaiva kure nemakiromita 1 500! Zvisinei takasvikosangana nematambudziko kuSt. Louis. Vafundisi vakarambidza vanhu vemachechi avo vakanga varonga kupa Zvapupu pokugara. Vakawanda vakateerera. Mhuri yatakanga tanzi tichanogara kumba kwayo yakatyisidzirwawo. Kunyange zvakadaro, vakatigamuchira zvakanaka. Vakati zvakanga zvisingaiti kuti vaputse chibvumirano chavo chokutipa pokugara. Ushingi hwavakaratidza hwakandishamisa.

Hanzvadzi dzangu dzakabhabhatidzwa pagungano iroro. Musi iwoyo, Hama Rutherford, vaibva kuBheteri rokuBrooklyn, vakapa hurukuro yaikurudzira vakabva vakumbira vana vose vaifarira kuita kuda kwaMwari kuti vasimuke. Vanosvika 15 000 vakasimuka. Neniwo ndakasimuka. Vakabva vati vaya vaida kuita basa rokuparidzira nomwoyo wose vapindure kuti “Hongu.” Ndakashevedzera pamwe chete nevamwe vana kuti “Hongu!” Vanhu vakabva vauchira maoko zvaiva nomutinhimira. Zvakandipa manyukunyuku.

Gungano rapera, takashanyira imwe hama yaiva kuWest Virginia. Akarondedzera kuti mumwe musi achiparidzira, mhomho yevanhu yakanga ichidya marasha yakavarova ndokuvanamanama netara ikavanamira minhenga. Ndakapera mate mukanwa. Hama yacho yakabva yati, “Asi ndicharamba ndichiparidzira.” Patakabva pamba pavo, ndakanga ndava kunzwa semanzwiro akaita Dhavhidhi. Iye zvino ndakanga ndashinga kuenda kumukuru wechikoro changu, sezvakangoita Dhavhidhi akarwisana naGoriyati.

Ndadzokera kuchikoro ndakabva ndaenda kumukuru wechikoro. Akanditarisa neziso rakasara munzara. Ndakanyengetera kuna Jehovha nechomumwoyo kuti andibatsire. Ndakabva ndangoti: “Ndanga ndiri kugungano reruwa reZvapupu zvaJehovha. Handichasaruti mureza zvekare!” Pakamboti zii kwekanguva. Mukuru wechikoro akasimuka zvishoma nezvishoma kubva padhesiki rake akafamba achiuya kwandiri. Chiso chake chakanga chakanga chavira nehasha. Akadanidzira achiti: “Unotofanira kusaruta mureza, ukasadaro chikoro chapera!” Apa handina kudzokera kumashure uye nechomumwoyo ndakafara zvandisati ndamboita.

Ndakafara zvokuti ndakanga ndatononokerwa kuti ndione Ben ndomuudza zvakanga zvaitika. Pandakamuona kuImba yoUmambo, ndakabva ndadanidzira ndichiti: “Ndadzingwa chikoro! Ndaramba kusaruta mureza!” Ben akandimbundira, akanyemwerera akati: “Zvechokwadi Jehovha anokuda.” (Dheut. 31:6) Mashoko iwayo akandikurudzira chaizvo. Ndakazobhabhatidzwa musi waJune 15, 1942.

Ndakadzidza Kugutsikana Nezvandaiva Nazvo

Hondo yeNyika II yapera, nyika yakatanga kubudirira mune zvoupfumi, zvokuti nyaya yokuda zvinhu zvinoshamisira yakatanga kupararira munyika. Ndaishanda basa rine mari zvokuti ndakanga ndava kukwanisa kutenga zvinhu zvandaisambofunga kuti ndaizotenga. Dzimwe shamwari dzangu dzakatenga zvimudhudhudhu, dzimwe dzikagadzirisa dzimba dzadzo dzakanga dzasakara. Ini ndakatenga mota itsva isati yamboshandiswa. Pasina nguva kuda zvinhu kwakanga kwotoita kuti nditange kuisa parutivi nyaya dzokunamata. Ndaiziva kuti ndakanga ndava kurasika. Zvakabva zvaitawo zvakanaka kuti gungano reruwa rakaitwa muna 1950 kuNew York City rakandibatsira kuchinja mafungiro angu.

Pagungano iroro, vakurukuri vakakurudzira vakurudzirazve vateereri kuti varambe vachiita basa rokuparidzira. Mumwe mukurukuri akatikurudzira kuti, “Siyanai nezvinhu zvakawandisa mumhanye nhangemutange.” Aiita sokuti ari kutaura ini. Ndakaonawo kirasi yeGiriyedhi yakanga yapedza kudzidza, zvikaita kuti ndifunge kuti, ‘Kana Zvapupu izvi zvezera rangu zvichigona kusiya upenyu hwemutambarakede kuti zvinoshumira kune dzimwe nyika, neniwo ndinofanira kuita izvozvo muno munyika yedu.’ Pakapera gungano iroro, ndakanga ndasarudza kuva piyona.

Ndakanga ndatotanga kudanana neimwe hanzvadzi yaishingaira chaizvo muungano yandaipinda yainzi Evelyn Mondak. Amai vake vakarera vanakomana vatatu nevanasikana vatatu uye vaiva munhu asingatyi. Vaifarira kuparidzira mumugwagwa vari pamberi pechechi hombe yeRoma. Pasinei nokuti mupristi aivaudza avaudzazve kuti vabve, vairamba. Evelyn akanga asingatyi vanhu, sezvaingoita amai vake.—Zvir. 29:25.

Takaroorana naEvelyn muna 1951, uye takasiya mabasa edu tikatanga kupayona. Mutariri wedunhu akatikurudzira kuti titamire kuAmagansett, imwe nzvimbo iri kumahombekombe kweAtlantic makiromita 160 kubva kuNew York City. Ungano yeko payakatiudza kuti haina pokuti tigare, takatsvaga karavhani asi takashaya yaienderana nemari yataiva nayo. Takabva taona imwe yakanga yasakara. Muridzi wayo akati aida US$900, inova ndiyo chaiyo yatakanga tawana pamari yezvipo pamuchato. Takaitenga tikaigadzirisa ndokubva taenda kundima yedu itsva. Asi takasvika tisisina kana sendi chairo uye takazvibvunza kuti tichararama sei tichipayona.

Evelyn aiita basa rokutsvaira dzimba, uye ini ndakawana rokutsvaira randaiita pakati pousiku mune imwe resitorendi yaitengesa chikafu chechiTariyana. Muridzi wacho akati, “Kana pane chinenge chasara tora unodya nomudzimai wako.” Saka pandaisvika kumba kuma2 kwoedza, karavhani yedu yaibva yanhuhwirira zvokudya zvandaiva ndauya nazvo. Pataidziisa zvokudya izvi, zvaitibatsira chaizvo, kunyanya munguva yataibvurwa nechando tiri mukaravhani yedu. Uyezve, dzimwe nguva taiwana hama dzomuungano yedu dzasiya zihove pamasitepisi ekaravhani yedu. Makore ataishanda pamwe nehama dzedu dzataida dzokuAmagansett, takadzidza kuti kugutsikana nezvinokosha kunoita kuti ufare muupenyu. Makore iwayo ainakidza.

Takakurudzirwa Kushanda Nesimba

Muna July 1953, takatambira mazana emamishinari akanga auya kuzopinda gungano remarudzi akawanda raiitirwa kuNew York City achibva kunyika dzaaishandira. Vakatiudza zvinhu zvainakidza chaizvo. Kufara kwavaiita kwakaita kuti vanhu vose vafarewo. Uyezve, pagungano racho mukurukuri paaisimbisa kuti nyika dzakawanda dzakanga dzisati dzaparidzirwa shoko roUmambo, taiziva kuti taifanira kushanda nesimba towedzera nguva yatinoita ushumiri hwedu. Pagungano ipapo takabva tanyorera tichikumbira kupinda Chikoro cheGiriyedhi. Gore iroro chairo, takakokwa kuzopinda kirasi yechi23, iyo yakatanga muna February 1954. Chaive chikomborero chaicho!

Takafara zvokufara zviya patakaudzwa kuti taizonoshandira kuBrazil. Tisati tafamba rwendo rwedu rwomunyanza rwemavhiki maviri, imwe hama yaitungamirira paBheteri yakandiudza kuti: “Muchaenda kuBrazil nedzimwe hanzvadzi pfumbamwe dzisina kuroorwa. Muvatarisire!” Vashandi vomungarava vakashamiswa zvokuti pavakaona ndichikwira nevanhukadzi gumi. Zvisinei hanzvadzi dzacho hazvina kumbodzinetsa. Hana yangu yakazodzikama patakasvika kuBrazil pasina dambudziko.

Tadzidza Chiputukezi, ndakanzi ndinoshanda somutariri wedunhu muRio Grande do Sul, dunhu riri nechokuchamhembe muBrazil. Mutariri wedunhu wandainotsiva, uyo akanga asati aroora, akatiudza kuti: “Zviri kundishamisa kuti sei vaunza mukadzi nomurume kuno. Ino inzvimbo inonetsa kufamba.” Ungano dzacho dzakanga dzakapararira muruwa rwakakura, uye kuti usvike kune dzimwe dzacho waitokwira marori. Mutyairi wacho aikubvumira kukwira kana wamutengera zvokudya. Taiita kunge takatasva mabhiza takati makumbo tanyarara pamusoro pezvinhu, maoko akati mbambamba kubata tambo dzakanga dzakasunga zvinhu zvacho. Paikona rori yacho zvakanyanya, taibva tati hwatata takabata zvinhu rori yacho ichirereka zvokuti taiita kunge tichagunzva pasi. Zvisinei pataizoona zviso zvehama dzainge dzakatimirira dzichifara taizoona kuti tatamburira zviripo.

Taigara mudzimba dzehama. Vaiva varombo zvikuru asi izvozvo zvaisavatadzisa kupa. Mune imwe nharaunda yaive kwayo yoga, hama dzose dzaishanda paimwe fekitari yaiisa nyama mumapakiti. Mari shoma yadzaitambira yaikwana kuti vangodya kamwe chete pazuva. Vaiti kana vakarovha, vaisabhadharwa mari yezuva iroro. Kunyange zvakadaro pataishanyira ungano yavo, vaitora mazuva maviri kuti vatsigire basa reungano. Vaivimba naJehovha. Hama idzodzo dzaishayiwa dzakatidzidzisa chidzidzo chatisingafi takakanganwa pamusoro pokuzvipira pakutsigira Umambo hwaMwari. Kugara kwatakaita navo kwakatipa dzidzo isingambowaniki muzvikoro. Pandinofunga nezvezvaiitika, ndichiyeuka hama idzodzo, ndinonzwa misodzi ichiyerera nomufaro.

Muna 1976 takadzokera kuUnited States kunopepa amai vangu vairwara. Zvakanga zvakaoma kusiya Brazil, asi tinofara kuti takaona basa roUmambo richiwedzera zvinoshamisa munyika iyoyo. Pose patinogamuchira tsamba kubva kuBrazil, zvinobva zvatiyeuchidza nezvenguva dzinofadza dzatakava nadzo ikoko.

Kusanganazve Nevanhu Vatinoda

Pataipepa amai, takatanga kupayona ndokutangazve kuita mabasa okutsvaira. Amai vakazofa muna 1980 vakatendeka kuna Jehovha. Pakafa amai ndakanzi ndishande somutariri wedunhu muUnited States. Muna 1990 takashanyira imwe ungano kuConnecticut, tikasangana nomumwe munhu watinoda zvikuru. Mumwe wevakuru vaiva muungano iyoyo ndiBen, iye Ben uya wokundibatsira makore 50 akanga apfuura kuti nditsigire Jehovha. Musi iwoyo takambundirana tichifara zvokufara zviya!

Kubvira muna 1996 tiri kushanda semapiyona chaiwo ndonda muungano yemutauro wechiPutukezi iri muElizabeth, kuNew Jersey. Ndinorwarwa-rwara, asi mudzimai wangu anondibatsira zvokuti ndinobuda muushumiri zvezera ranguwo. Evelyn anobatsirawo mumwe muvakidzani akwegura anorwara. Mufunge muvakidzani wacho ndiBertha, uya wokubatsira amai vangu kuva mushumiri waJehovha makore 70 akapfuura! Zvinotifadza kuti tiri kukwanisa kumuratidzawo kuti tinotenda kubatsira kwaaita mhuri yedu kuti idzidze chokwadi.

Ndinotenda kuti magungano iwayo akaitwa kare akandikurudzira kuti nditsigire kunamata kwechokwadi, ndirarame upenyu hwokusava nezvakawanda, uye ndiwedzere ushumiri hwangu. Chokwadi magungano iwayo akachinja upenyu hwangu.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Amai vaEvelyn (kuruboshwe) naamai vangu

[Mufananidzo uri papeji 23]

Shamwari yangu Ben

[Mufananidzo uri papeji 24]

Tiri kuBrazil

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ndiina Evelyn nhasi