Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunamata Kwemhuri—Kunokosha Kuti Tipukunyuke!

Kunamata Kwemhuri—Kunokosha Kuti Tipukunyuke!

Kunamata KwemhuriKunokosha Kuti Tipukunyuke!

IMBOFUNGIDZIRA kutyisa kuchange kuchiita “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose”! (Zvak. 16:14) Muprofita Mika akanyora nezvaro achishandisa mutauro wokufananidzira unobudisa kutyisa kwacho, achiti: “Makomo achanyunguduka . . . , uye mapani achatsemuka, sezvinoita namo pamoto, sezvinoita mvura iri kudururirwa pamawere.” (Mika 1:4) Chii chichaitika kune vaya vasingadi kushumira Jehovha? Shoko raMwari rinoti: “Vaya vachaurayiwa naJehovha vachavapo pazuva iroro kubvira kumugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika.”—Jer. 25:33.

Ichifunga nezveyambiro dzakadaro, misoro yemhuri inofanira kuzvibvunza nezvevana vavo vakura zvokukwanisa kuzvisarudzira, kuti, ‘Vachapukunyuka hondo iyi yokupedzisira here?’ Misoro yemhuri iyi inosanganisira vakawanda vasina varume. Bhaibheri rinovimbisa kuti vachapukunyuka kana vakasimba pakunamata zvinoenderana nezera ravo panosvika hondo yacho.—Mat. 24:21.

Zvakanakira Kuva Nenguva Yokunamata Kwemhuri

Somubereki, iva nechokwadi chokuita zvose zvaunogona kuti urere vana vako “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Kudzidza Bhaibheri nevana vako kunokosha zvikuru. Tinoda kuti vana vedu vaite sevaKristu vokuFiripi, vakarumbidzwa naPauro nokuti vaiteerera Jehovha nechido. Akanyora kuti: “Vadiwa vangu, rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera, nenzira yamagara muchiteerera nayo, kwete pandinenge ndiripo chete, asi kunyanya pandinenge ndisipo.”—VaF. 2:12.

Vana vako vanoteerera mitemo yaJehovha kunyange paunenge usipo here? Ko pavanenge vari kuchikoro? Ungabatsira sei vana vako kuti vave nechokwadi kuti mitemo yaJehovha ndeyouchenjeri, kuitira kuti vaiteerere kunyange paunenge usipo?

Urongwa hwokunamata kwemhuri hunogona kushanda pakuvaka kutenda kwevana vako panyaya iyi. Naizvozvo ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvinokosha zvatingaita kuti tibudirire pakudzidza Bhaibheri semhuri.

Rongai Nguva Yamunogara Muchidzidza

Bhaibheri rinoratidza kuti ngirozi dzaMwari dzine nguva yadzinotoziva kuti dzinonomira pamberi paMwari. (Job. 1:6) Itawo izvozvo nevana vako. Ivai nemanheru amunoziva kuti ndeoKunamata Kwemhuri uye monyatsotevedzera zvamakaronga. Uyezve, rongai rimwe zuva rokudzidza kuitira kuti pamwe mungatadza kudzidza pane ramakaronga riya.

Chenjerai kuti nokufamba kwenguva mungapedzisira mava kuzongoita zvetsuro yamukira mumakumbo. Yeuka kuti vana vako ndizvo zvidzidzo zvako zveBhaibheri zvinokosha. Asi ndivo vanhu vari kutotsvagwawo naSatani ivavo. (1 Pet. 5:8) Kana mukarega Kunamata Kwemhuri uku muchiitira kuti muone terevhizheni kana kuti kuita zvimwewo zvinhu zvisingakoshi, Satani achange akunda.—VaEf. 5:15, 16; 6:12; VaF. 1:10.

Dzidzai Zvinhu Zvamunozoshandisa Muupenyu

Manheru oKunamata Kwemhuri haasi okungopinza zivo mumusoro. Edzai kuona kuti zvinozoshanda sei muupenyu. Mungazviita sei? Pamwe pacho mungasarudza misoro ine chokuita nezvichasangana nomwana wenyu mumazuva kana mavhiki anenge achizotevera. Somuenzaniso, madii kupota muchidzidzira mharidzo dzomuushumiri? Vana vaduku vanonakidzwa kana vachiita zvinhu zvavanogona. Kudzidzira mharidzo uye kufunga nezvokuti mungaita sei kana vanhu vakaramba kuparidzirwa kuchavabatsira kuva nechivimbo pavanenge vachishandisa nzira dzakasiyana-siyana dzebasa rokuparidza Umambo.—2 Tim. 2:15.

Mungaitawo tumitambo twokubatsira vana venyu kuti vangaita sei kana vezera ravo vachiedza kuvafurira. Mungakurukura semhuri chitsauko 15 chebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2. Chati yakanzi “Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe” iri papeji 132 ne133 ine mazano uye inokupai mikana yokuti mwana wenyu afunge nezvemapinduriro aanoona ari nyore. Mashoko ari panoperera peji 133 anokurudzira vechiduku kuti: “Dzidzira mhinduro dzako nomubereki kana kuti neshamwari yakura.” Nguva nenguva madii kuita tumitambo twakadaro manheru oKunamata Kwemhuri?

Kunamata kwemhuri kunopa vabereki mukana wokusimbisa kukosha kunoita kuva nezvinangwa zvokunamata. Panyaya iyi, bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku, Bhuku 2 rine pfungwa dzakanaka kwazvo dziri muchitsauko 38 chine musoro unoti “Ndichaitei Noupenyu Hwangu?” Pamunenge muchikurukura chitsauko chacho, batsirai mwana wenyu kuona kuti hapana chinokosha kupfuura kuvakira upenyu hwake pakushumira Jehovha. Batsirai mwana wenyu kuti ave nechido chokupayona, kushanda paBheteri, kupinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, kana kuti rimwe basa renguva yakazara.

Ngwarirai kuti kunyange muine vavariro yakanaka, mungangoisa pfungwa dzenyu pane zvamunoda kuti mwana wenyu azoita, mobva makanganwa kumurumbidza nezvaari kutoita. Zvakanaka kukurudzira vana venyu kuti vave nezvinangwa zvakanaka zvakadai sokunoshanda kuBheteri, kuva mamishinari, nemamwe mabasa akadaro. Zvisinei, pamunenge muchikurudzira mwana wenyu, ngwarirai kuti musaramba mongotaura nezvezvamunenge muchitarisira kuti aite moguma maita kuti aore mwoyo. (VaK. 3:21) Garai muchiyeuka kuti mwanakomana kana mwanasikana wenyu anofanira kuzvisarudzira kuda Jehovha nomwoyo wake, kwete kuitira imi. (Mat. 22:37) Saka tsvakai nzira dzokurumbidza nadzo mwana wenyu pane zvakanaka zvaari kuita, morega kuramba muchingotaura nezvezvaasiri kuita. Mubatsirei kuti aonge zvose zvaakaitirwa naJehovha. Zvadaro mubatsirei kuti mwoyo wake utende kunaka kwaJehovha.

Itai Kuti Zvinakidze

Chechitatu chinokosha chingaita kuti manheru oKunamata Kwemhuri abudirire ndechokuita kuti zvinakidze. Mungazviita sei? Zvichida munogona kupota muchiteerera mimwe mitambo yeBhaibheri kana kuti kuona uye kukurukura mavhidhiyo anobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Kana kuti mungaverenga chikamu cheBhaibheri pamwe chete, muchiita kuti mumwe nomumwe avewo nechikamu chake chaanoverenga.

Mumagazini eNharireyomurindi neMukai! mune nyaya dzakanaka kwazvo dzamungakurukura semhuri. Somuenzaniso, mungashandisa chikamu chinowanika papeji 31 yemagazini yeMukai!, chine musoro unoti “Ungapindura Sei?” Nharireyomurindi yevoruzhinji inobudisa nyaya inogona kudzidzwa inoti “Zvevechiduku.” Mwedzi unotevera wacho inozobudisa nyaya yevakomana nevasikana vaduku inoti “Dzidzisa Vana Vako.”

Vabereki vane vana vari kuyaruka vachanakidzwa chaizvo nenyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dziri muMukai!, uyewo bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku, Bhuku 2. Pamunenge muchishandisa bhuku iri, musakanganwa bhokisi rinoti “Unofungei?” riri panoperera chitsauko choga choga. Bhokisi iri haringodzokorori pfungwa dzakurukurwa chete. Mibvunzo iri mubhokisi iri inogona kushandiswa pakukurukura semhuri.

Zvisinei, ngwarirai kuti pamunenge muchidzidza semhuri isava nguva yokubvunza kunge muri kutsvaka mhosva. Somuenzaniso, musaedza kumanikidza mwana wenyu kuti akuverengerei zvaakanyora pamapeji ane chikamu chinoti “Zvoupenyu Hwangu” kana kuti zvaakanyora pane zvimwe zvikamu zvinoda kuti anyore. Pachikamu chinoti “Mashoko Kuvabereki,” papeji 3 bhuku racho rinoti: “Kuti ukurudzire vana vako vachiri kuyaruka kuti vanyore mumabhuku avo vasingavanzi, usaaverenga. Pave paya vachauya vega kuzokuudza zvavanenge vanyora.”

Kana mukaronga nguva yamunogara muchinamata semhuri, muchidzidza zvinhu zvamunozoshandisa muupenyu, uye muchiita kuti kudzidza kunakidze, Jehovha achanyatsokomborera zvamunoita. Iyi nguva inokosha semhuri ichabatsira kuti vana venyu varambe vakasimba pakunamata.

[Bhokisi riri papeji 31]

Rongaiwo Zvimwe Moga

“Ini nomurume wangu pataidzidza nevanasikana vedu vaduku, taikurukura tichigadzirira misangano yeungano, tobva tati vanasikana vedu vadhirowe mufananidzo waitsanangura chidzidzo chacho muchidimbu. Dzimwe nguva taiita mitambo yomuBhaibheri kana kuti taidzidzira mharidzo dzebasa romumunda. Taiita kuti chidzidzo chacho chirambe chichienderana nezera ravo, chinakidze, chivakurudzire uye chivasetse.”—J. M., United States.

“Kuti tibatsire kamwana komunhu wandaidzidza naye Bhaibheri kunzwisisa kuoma kwazvakanga zvakaita kushandisa mipumburu munguva dzakanyorwa Bhaibheri, takakopa bhuku raIsaya ndokudzima nhamba dzinoratidza zvitsauko nendima dzacho, tichibva taripirinda. Takabatanidza mapeji acho ose ndokubva tanamatidza zvimiti kumicheto. Kakomana kacho kakabva kaedza kuita zvakaitwa naJesu musinagogi kuNazareta. Nhoroondo iri pana Ruka 4:16-21 inorondedzera kuti Jesu “akavhura mupumburu wa[Isaya], akawana” ndima yaakanga achitsvaka. (Isaya 61:1, 2) Zvisinei, kakomana kacho pakakaedza kuzviitawo, zvakakaomera kuwana Isaya 61 kachishandisa mupumburu wacho murefu usina nhamba dzinoratidza zvitsauko nendima. Kakashamiswa nokugona kwaJesu kushandisa mipumburu, kachibva ati: ‘Vakomana Jesu aishamisa!’”—Y. T., Japan.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Tumitambo tungabatsira vana venyu kana vezera ravo vachiedza kuvafurira

[Mufananidzo uri papeji 31]

Edzai kuti manheru oKunamata Kwemhuri anakidze