Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuramba Tiri Shamwari Munyika Isina Rudo

Kuramba Tiri Shamwari Munyika Isina Rudo

Kuramba Tiri Shamwari Munyika Isina Rudo

“Ndinokurayirai zvinhu izvi, kuti mudanane.”—JOH. 15:17.

1. Sei vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaifanira kuramba vari shamwari dzepedyo?

PAUSIKU hwake hwokupedzisira ari pasi pano, Jesu akakurudzira vadzidzi vake vakanga vakavimbika kuti varambe vari shamwari. Manheru acho, akanga ati kudanana kwavo ndiko kwaizoita kuti vanhu vazive kuti vateveri vake. (Joh. 13:35) Vaapostora vaifanira kuramba vachiwirirana kuitira kuti vakwanise kutsungirira miedzo yavaizotarisana nayo uye kuti vabudirire kuita basa ravakanga vava kuda kuzopiwa naJesu. Zvechokwadiwo, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakazivikanwa nokuzvipira kwavo kuna Mwari uye kudanana kwavaiita.

2. (a) Tichaita sei nomurayiro watakapiwa naJesu wokudanana, uye nei? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Nhasi uno, hapana mufaro unopfuura wokuva musangano riri munyika yose rine vanhu vanotevedzera zvaiitwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga ivavo. Tichateerera murayiro waJesu wokudanana nomwoyo wose nyange zvodini. Asi mumazuva ano okupedzisira vakawanda havana kuvimbika uye havadanani. (2 Tim. 3:1-3) Kazhinji vanoshamwaridzana zvokubatana kumeso kana kuti kana paine zvavanenge vachida. Kuti isu tiratidze kuti tiri vaKristu vechokwadi, hatifaniri kuva nemaonero akadaro. Saka ngatikurukurei mibvunzo inotevera: Chii chingaita kuti tive shamwari dzakanaka? Tingaita sei kuti tive neshamwari dzakanaka? Tingazocheka ukama neshamwari kana zvaita sei? Uye tingaita sei kuti tirambe tiri shamwari dzinovakana?

Chii Chingaita Kuti Tive Shamwari Dzakanaka?

3, 4. Chii chinoita kuti vanhu vave noushamwari hwakasimba, uye sei zvakadaro?

3 Kuda Jehovha ndiko kunoita kuti tive noushamwari hwakasimba. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Kana mumwe munhu achikwanisa kukunda mumwe munhu ari oga, vaviri vari pamwe chete vanogona kumurwisa. Tambo yakakoswa netambo nhatu haingakurumidzi kudambuka.” (Mup. 4:12) Kana Jehovha ari iye tambo yechitatu, ushamwari hucharamba hwakasimba.

4 Ichokwadi hacho kuti vaya vasingadi Jehovha vanogonawo kuva neshamwari dzinobatsira. Asi kana vanhu vanoda Mwari vakava shamwari, ushamwari hwavo hahuiti zinyeke-nyeke. Kana shamwari dzechokwadi dzikakanganisirana, dzinotaurirana nenzira inofadza Jehovha. Kana vavengi vaMwari vakaedza kuparadzanisa vaKristu vechokwadi, vachaona kuti ushamwari hwavo hwakasungwa noutaure. Kugara nokugara, vashumiri vaJehovha vanoratidza kuti vangasva havo vafa pane kutengesana.—Verenga 1 Johani 3:16.

5. Chii chakaita kuti Rute naNaomi vave noushamwari hwomukombe nechirongo?

5 Hapana mubvunzo kuti kana tichida ushamwari hunogutsa kupfuura humwe hwose, tinofanira kutamba nevaya vanoda Jehovha. Funga nezvomuenzaniso waRute naNaomi. Vakadzi ava vakava noushamwari hunoyemurika kwazvo hwakanyorwa muBhaibheri. Chii chakaita kuti varambe vachiwirirana zvakadaro? Rute akataura chikonzero chacho paakati kuna Naomi: “Vanhu venyu vachava vanhu vanguwo, naMwari wenyu Mwari wanguwo. . . . Jehovha ngaandiitire saizvozvo awedzere pazviri kana chimwe chinhu kunze kworufu chikatiparadzanisa.” (Rute 1:16, 17) Zviri pachena kuti Rute naNaomi vaida Mwari zvakadzama, uye rudo irworwo ndirwo rwaiita kuti vaite tsika nditsikewo. Izvi zvakaita kuti vazokomborerwa naJehovha.

Zvaungaita Kuti Uve Neshamwari Dzakanaka

6-8. (a) Chii chinoita kuti ushamwari hurambe huripo? (b) Ungatanga sei kutora matanho okuti muve shamwari?

6 Muenzaniso waRute naNaomi unoratidza kuti ushamwari hwakanaka hahungoerekani hwavapo. Vanhu vacho vose vanofanira kunge vachida Jehovha. Asi kuti ushamwari hurambe huripo zvinoda kuzvipira uye ibasa chairo. Kunyange vana vomunhu mumwe chete vanonamata Jehovha vanofanira kushanda nesimba kuti vawirirane. Saka ungaita sei kuti uve neshamwari dzakanaka?

7 Tanga iwe kutora matanho okuti muve shamwari. Muapostora Pauro akakurudzira shamwari dzake dzaiva muungano yokuRoma achiti, “Teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.” (VaR. 12:13) Pakufamba chaipo munhu kana achitevera nzira, anenge achitora nhanho imwe neimwe. Saizvozvowo, kugamuchira vaeni zvakanaka kunosanganisira kugara uchiita zvinhu zviduku. Hapana munhu anogona kukufambira munzira iyi yokugamuchira vaeni. (Verenga Zvirevo 3:27.) Imwe nzira yaungaratidza nayo mutsa ndeyokukoka vakasiyana-siyana vari muungano kuti muzodya pamwe chete. Zvingaita here kuti ugare uine urongwa hwokukoka vanhu vomuungano mako?

8 Imwe nzira yaungatanga nayo kutora matanho okuva shamwari ndeyokukumbira vakasiyana-siyana kuti vashande newe mubasa rokuparidza. Paunomira pasuo romunhu wausingazivi wonzwa waunenge uchishanda naye achitaura zvinobva pamwoyo nezvemadiro aanoita Jehovha, unobva wanzwa kumuda.

9, 10. Muapostora Pauro akatisiyira muenzaniso wei, uye tingamutevedzera sei?

9 Usangoti kwati-kwati nomunhu mumwe chete. (Verenga 2 VaKorinde 6:12, 13.) Wati wambofunga kuti muungano yenyu hamuna kana waungashamwaridzana naye here? Kana zvakadaro, hakusi kuti uri kungotsvaka vokushamwaridzana navo pakati pevanhu vashomanana here? Muapostora Pauro akatisiyira muenzaniso wakanaka wokushamwaridzana nevakawanda. Pamwe haana kumbofunga kuti aizoshamwaridzana nevasiri vaJudha. Asi akava “muapostora kune mamwe marudzi.”—VaR. 11:13.

10 Uyezve, Pauro akanga asingangoshamwaridzani nevezera rake chete. Somuenzaniso, akashamwaridzana naTimoti pasinei nokuti zera ravo nemamiriro avo ezvinhu zvakanga zvakasiyana chaizvo. Mazuva ano, vaduku vakawanda vanokoshesa ushamwari hwavanoita nevanhu vakuru vari muungano. Vanessa, uyo ane makore okuma20, anoti, “Ndine shamwari yandinoda chaizvo ine makore okuma50. Ndinovaudza zvinhu zvokuti munhu aizotaurira vezera rake chete. Uye vanondida zvokundida zviya.” Shamwari dzakadaro dzinowanika sei? Vanessa anoti: “Handina kungopeta maoko ndichimirira kuti vanditange ivo.” Unodawo kushamwaridzana nevaya vasiri vezera rako here? Zvechokwadi Jehovha achakukomborera.

11. Tingadzidzei pamuenzaniso waJonatani naDhavhidhi?

11 Iva munhu akavimbika. Soromoni akanyora kuti, “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvir. 17:17) Soromoni paainyora mashoko iwayo, angadaro aifunga nezvokushamwaridzana kwaiita baba vake Dhavhidhi naJonatani. (1 Sam. 18:1) Mambo Sauro aida kuti mwanakomana wake Jonatani agare nhaka umambo hwaIsraeri. Asi Jonatani aiziva kuti Jehovha akanga asarudza Dhavhidhi kuti ave mambo. Jonatani haana kuitira Dhavhidhi shanje sezvaiita Sauro. Haana kutsamwa pakarumbidzwa Dhavhidhi, uyewo haana kukurumidza kubvuma paakanzwa mashoko akaipa aitaurwa naSauro pamusoro paDhavhidhi. Asi Jonatani akaramba akanamatirana neshamwari yake. (1 Sam. 20:24-34) Isu takaita saJonatani here? Shamwari dzedu padzinowana ropafadzo, tinofara nadzo here? Padzinosangana nematambudziko, tinodzinyaradza nokudzitsigira here? Kana tikanzwa zvakaipa zvichitaurwa nezveshamwari yedu, tinokurumidza kuzvitenda here? Kana kuti tinotsigira shamwari yedu takavimbika, sezvakaita Jonatani here?

Patinofanira Kucheka Ukama Neshamwari

12-14. Vamwe vanenge vachidzidza Bhaibheri vanombotarisana nedambudziko ripi, uye tingavabatsira sei?

12 Munhu ari kudzidza Bhaibheri paanotanga kuchinja mararamiro ake, angasangana nedambudziko chairo kubva kushamwari dzake. Angava aine shamwari dzaanofara nadzo asi dzisingaiti zvinotaurwa neBhaibheri. Angadaro aimbogara achitandara nadzo. Zvisinei, iye zvino ava kuona kuti zvavanoita zvinogona kumukanganisa, uye anoziva kuti haachafaniri kupedza nguva yakawanda neshamwari dzakadaro. (1 VaK. 15:33) Kunyange zvakadaro, angaona sokuti kana akasashamwaridzana nadzo, ava kudzirasa.

13 Kana uchidzidza Bhaibheri uye uine dambudziko rakadai, yeuka kuti shamwari yechokwadi ichafara kuti uri kuedza kuvandudza upenyu hwako. Ingatoda kudzidzawo nezvaJehovha sezvauri kuita. Asiwo shamwari dzenhema ‘dzinoramba dzichikutuka’ nokuti haurambi uchifambidzana nadzo ‘kusvikira wanyura mumatope ezvakaipa kufanana nadzo.’ (1 Pet. 4:3, 4) Zvechokwadi, shamwari idzi ndidzo dzinenge dzichitokurasa, kwete kuti iwe uri kudzirasa.

14 Vanhu vari kudzidza Bhaibheri pavanosiyiwa neshamwari dzavo dzisingadi Mwari, vari muungano vanogona kuva shamwari dzavo. (VaG. 6:10) Pane vaunoziva vari kudzidza Bhaibheri vanouya kumisangano muungano menyu here? Unombokwanisawo kuvakurudzira here?

15, 16. (a) Tinofanira kuita sei kana shamwari yedu ikarega kushumira Jehovha? (b) Tingaratidza sei kuti tinoda Mwari?

15 Ko kana kuri kuti shamwari iri muungano yasarudza kusiya Jehovha, zvichida yotodzingwa muungano? Izvozvo zvingatishungurudza zvikuru. Imwe hanzvadzi yakatsanangura manzwiro ayakaita shamwari yayo payakarega kushumira Jehovha ichiti: “Zvakandigura kunorira. Ndaifunga kuti shamwari yangu yaiva yakadzika midzi muchokwadi, asi yakanga isina. Ndakambozvibvunza kuti asi akanga achingoshumira Jehovha kuitira kuti afadze vomumhuri yake. Ininiwo ndakabva ndatanga kuzviongorora. Ndakanga ndiri kushumira Jehovha nezvikonzero zvakarurama here?” Hanzvadzi iyi yakakurira sei dambudziko iri rokudzingwa kweshamwari yayo? Inoti: “Ndakakandira mutoro wangu pana Jehovha. Nyange zvodini ndicharatidza Jehovha kuti ndinomuda uye kuti handingomudiri kuti anondipa shamwari dziri musangano rake chete.”

16 Hatingatarisiri kuramba tiri shamwari dzaMwari kana tichitsigira vaya vanosarudza kuva shamwari dzenyika. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari? Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari.” (Jak. 4:4) Kana tikaramba takavimbika kuna Mwari, tinogona kuratidza kuti tinomuda uye kuti tine chivimbo chokuti achatibatsira kukurira dambudziko rokurasikirwa neshamwari. (Verenga Pisarema 18:25.) Hanzvadzi iya yambotaurwa inopedzisa ichiti: “Ndakadzidza kuti hatigoni kumanikidza munhu kuti ade Jehovha kana kuti atide. Anofanira kuzvisarudzira.” Asi tingaitei kuti tirambe tichishamwaridzana nevaya vanoramba vari muungano?

Kuramba Tiine Ushamwari Hwakanaka

17. Shamwari dzakanaka dzinotaurirana sei?

17 Kutaurirana zviri pamwoyo kunoita kuti tive noushamwari hwomukombe nechirongo. Paunoverenga nhoroondo dziri muBhaibheri dzaRute naNaomi, Dhavhidhi naJonatani, uye Pauro naTimoti, uchacherechedza kuti shamwari dzakanaka dzinotaurirana zviri pamwoyo asi dzichiremekedzana. Pauro akanyora nezvematauriro atinofanira kuita nevamwe achiti: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu.” Pano akanga ari kureva matauriro atinofanira kuita nevaya “vari kunze,” kureva vaya vatisinganamati navo. (VaK. 4:5, 6) Zvino kana tichifanira kuremekedza vasingatendi patinotaura navo, kuzoti shamwari dzedu dziri muungano!

18, 19. Tinofanira kuona sei zano ratinopiwa neshamwari yedu yatinonamata nayo, uye vakuru veungano yokuEfeso vakatisiyira muenzaniso wei?

18 Shamwari dzakanaka dzinokoshesa maonero anoita mumwe, saka dzinofanira kutaurirana zvine nyasha uye kubudirana pachena. Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Mafuta nerusenzi ndizvo zvinofadza mwoyo, ndizvo zvakaitawo kufadza kweshamwari nokuda kwezano rainopa romweya wose.” (Zvir. 27:9) Ndiwo maonero aunoita mazano aunopiwa neshamwari yako here? (Verenga Pisarema 141:5.) Kana shamwari yako ikati iri kushushikana nezvezvauri kuita, unozvitora sei? Unozviona sokuti ari kutokuratidza mutsa here kana kuti unogumbuka?

19 Muapostora Pauro aiva noukama hwakanaka nevakuru vomuungano yokuEfeso. Angadaro aiziva vamwe varume ava pavakatanga kuva vatendi. Zvisinei, paaiita navo musangano wokupedzisira, akavapa zano asingaiti zvokutenderera. Vakaita sei? Shamwari dzaPauro hadzina kugumbuka. Asi dzakatenda kuti aiva nechido nadzo, uye dzakatochema paakati dzaisazomuonazve.—Mab. 20:17, 29, 30, 36-38.

20. Shamwari ine rudo ichaita sei?

20 Shamwari dzakanaka hadzingogamuchiri zano rokuchenjera chete asi dzinopawo mazano. Asi tinofanira kuziva pokugumira, tichiva ‘nehanya nezvinhu zvedu toga.’ (1 VaT. 4:11) Uyewo tinofanira kuziva kuti mumwe nomumwe wedu “achazvidavirira kuna Mwari.” (VaR. 14:12) Asi munhu ane rudo achayeuchidza shamwari yake nezvemitemo yaJehovha paanenge achifanira kudaro. (1 VaK. 7:39) Somuenzaniso, ungaita sei kana ukacherechedza kuti shamwari isina kuroora kana kuroorwa yava kutorwa mwoyo nomunhu asingatendi? Ungarega kutaura naye uchityira kuti zvingakanganisa ushamwari hwenyu here? Kana kuti kana shamwari yako ikasateerera zano rako, uchaita sei? Munhu akanaka achakumbira kuti vakuru vane rudo vamubatsire pakuyamura shamwari yake inenge yava kurasika. Izvozvo zvinoda ushingi. Asi hazvingakanganisi zvachose ushamwari hunobva pakuda Jehovha.

21. Tose tinomboitei, asi nei zvichikosha kuti tirambe tiine ushamwari hwakasimba muungano?

21 Verenga VaKorose 3:13, 14. Dzimwe nguva tichaita kuti shamwari dzedu dzive ‘nechikonzero chokunyunyuta’ nezvedu uye idzowo dzichaita kana kutaura zvinhu zvingatishatirisa. Jakobho akanyora kuti, “Tose tinokanganisa kazhinji.” (Jak. 3:2) Zvisinei, ushamwari hahubvi pakuti tinokanganisirana kakawanda sei asi kuti tinokanganwirana zvakadini patinogumburwa. Zvinokosha chaizvo kuti tive noukama hwakasimba nokutaurirana zviri pamwoyo uye kukanganwirana nomwoyo wose! Kana tikaratidza rudo rwakadaro, rwuchava “chisungo chakakwana chokubatana.”

Ungapindura Sei?

• Tingaita sei kuti tive neshamwari dzakanaka?

• Tingazocheka ukama neshamwari kana zvaita sei?

• Tinofanira kuitei kuti tirambe tiine ushamwari hwakasimba?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Chii chakaita kuti ushamwari hwaRute naNaomi hurambe huripo?

[Mufananidzo uri papeji 19]

Unogara uchiratidza mutsa here?