Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pana Zvirevo 24:27 pane chidzidzo chei?

Munyori waZvirevo anopa majaya zano rokuti: “Gadzirira basa rako kunze, urigadzirire mumunda. Pashure uvakewo imba yako.” Chirevo ichi chakafuridzirwa chiri kutaura nezvei? Chiri kureva kuti murume anofanira kunyatsogadzirira asati aroora uye asati ava nemhuri, achiziva kuti imba inoda kuzvipira uye ibasa chairo.

Kare ndima iyi yaimbotsanangurwa ichinzi iri kureva kuti murume kana kuti baba vemba vanofanira kushanda basa rokunyika uku vachivakiridza imba yavo kana kuti vachikurudzira mhuri yavo, zvichida nokuidzidzisa nyaya dzokunamata. Kunyange zvazvo pfungwa iyoyo iri yechokwadi uye ichibva muMagwaro, zvinoita sokuti handiyo pfungwa huru iri kutaurwa nendima iyi. Nei tichidaro? Ngatikurukurei zvikonzero zviviri.

Chokutanga, ndima ino haisi kutaura nyaya yokuvaka ichipa pfungwa yokukurudzira, kana kuti kusimbisa imba iripo nechekare. Asi kuti nyaya iri kutaurwa ndeyokutovaka imba chaiyo. Shoko rokuti ‘vaka’ rinogona kunge riri rokufananidzira, panyaya yokuvaka, kana kuti kutanga imba, zvichireva kuti kuroora uye kuva nevana.

Chechipiri, ndima yacho inosimbisa kuti zvokutanga zvinofanira kuiswa pokutanga, sezvinonzi iri kuti, “Tanga waita izvi; wozoita izvo.” Saka chirevo ichi chingadaro chiri kureva here kuti basa rokunyika rinokosha kupfuura zvokunamata? Kana!

MuBhaibheri, murume paaida ‘kuvaka imba yake,’ kana kuti kuroora ova nemhuri, aifanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndagadzirira kutarisira uye kutsigira mudzimai nevana vatingazova navo here?’ Asati ava nemhuri, ane basa raaifanira kuita, rokutarisira minda kana kuti zvirimwa. Ndokusaka shanduro yeToday’s English Version ichishandura ndima iyi zvakajeka kuti: “Usavaka imba yako uye kuva nomusha kusvikira wagadzira minda yako, uye wava nechokwadi chokuti une zvinozokuraramisa.” Pfungwa iyoyo inoshanda here mazuva ano?

Hongu. Murume anoda kuroora anofanira kunyatsogadzirira kuti achatarisira sei imba yake. Kana ane utano hwakanaka anofanira kushanda. Asika kushanda nesimba kunoita murume kuti ariritire mhuri yake hakungogumiri ipapo chete. Shoko raMwari rinoratidza kuti murume asingariritiri mhuri yake, asinei nokuti inonzwa sei pamusoro pezvimwe zvinhu, uye asingaitungamiriri pane zvokunamata akaipa zvikuru kupfuura asingatendi! (1 Tim. 5:8) Saka jaya rinenge richigadzirira kuroora uye kuva nemhuri rinofanira kuzvibvunza mibvunzo yakadai sokuti: ‘Ndagadzirira kunyatsoriritira mhuri yangu here? Ndinokwanisa kuzotungamirira mhuri yangu pane zvekunamata here? Ndichakwanisa kuzodzidzisa mudzimai wangu nevana Bhaibheri nguva dzose here?’ Shoko raMwari rinotaura rataurazve nezvemabasa iwayo anokosha.—Dheut. 6:6-8; VaEf. 6:4.

Saka jaya riri kufunga nezvekuroora rinofanira kufungisisa pfungwa inokosha iri pana Zvirevo 24:27. Musikanawo anofanira kuzvibvunza kana agadzirira kuzoita zvinotarisirwa kuitwa nomudzimai kana kuti naamai. Murume nomukadzi vachangoroorana vanofanirawo kuzvibvunza mibvunzo iyi pavanenge vachifunga nezvekuzova nevana. (Ruka 14:28) Kurarama zvinoenderana nezano rakafuridzirwa iri kunogona kubatsira vanhu vaMwari kuti vasazochema uye vafare semhuri.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Jaya rinofanira kuzvibvunzei pamusoro pokuzoroora?