Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Muri Shamwari Dzangu”

“Muri Shamwari Dzangu”

“Muri Shamwari Dzangu”

“Imi muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.”—JOH. 15:14.

1, 2. (a) Vadzidzi vaJesu vaibva mumamiriro ezvinhu api akasiyana-siyana? (b) Nei zvichikosha kuti tive shamwari dzaJesu?

VARUME vakanga vakagara naJesu muimba yepamusoro vaibva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Mukoma nomunun’una Petro naAndreya vaiva varedzi vehove. Mateu aimbova muteresi, basa raishorwa nevaJudha. Vamwe vacho, vakadai saJakobho naJohani, vangadaro vakanga vazivana naJesu kubvira vachiri tupwere. Vamwe vakaita saNatanieri vangave vakanga vava nemakore mashomanene chete vachimuziva. (Joh. 1:43-50) Vose vaivapo usiku ihwohwo hunokosha hwakaitwa Paseka muJerusarema vaiva nechokwadi kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akapikirwa, Mwanakomana waMwari mupenyu. (Joh. 6:68, 69) Vanofanira kunge vakanyatsoona kuti anovada paakati kwavari: “Ndati muri shamwari, nokuti ndakakuzivisai zvinhu zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu.”—Joh. 15:15.

2 Mazuva ano mashoko iwayo akataurwa naJesu kuvaapostora vake vakatendeka anonyanya kushanda kuvaKristu vose vakazodzwa, uyewo anoshanda kushamwari dzavo “mamwe makwai.” (Joh. 10:16) Pasinei nokuti takabva mumamiriro ezvinhu akadini, tinogona kuva neropafadzo yokuva shamwari dzaJesu. Tinokoshesa chaizvo kushamwaridzana naye nokuti kuva shamwari dzake kunoita kuti tivewo shamwari dzaJehovha. Chokwadi ndechokuti hazviiti kuti tive shamwari dzaJehovha dzepedyo kana tisina kutanga tava noukama hwapedyo naKristu. (Verenga Johani 14:6, 21.) Saka tinofanira kuita sei kuti tive uye tirambe tiri shamwari dzaJesu? Tisati takurukura nyaya iyoyo inokosha, ngationgororei muenzaniso waJesu wokuva shamwari yakanaka toona kuti tingadzidzei pane zvakaitwa nevadzidzi vake.

Muenzaniso waJesu Wokuva Shamwari Yakanaka

3. Jesu aizivikanwa sei?

3 Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Mupfumi ane shamwari zhinji.” (Zvir. 14:20) Mashoko iwayo anotaura nomazvo zvinowanzoitwa nevanhu vasina kukwana, zvokutsvaka shamwari dzine zvadzinogona kuvapa kwete kuti ivo vadzipe. Jesu haana kuratidza maonero iwayo asina kunaka. Akanga asingapofumadzwi nemari ine munhu kana kuti chinzvimbo. Ichokwadi kuti Jesu akaratidza kufarira mutongi muduku akanga akapfuma achibva amukumbira kuti ave muteveri wake. Asi Jesu akamuudza kuti atengese zvaakanga anazvo agopa varombo. (Mako 10:17-22; Ruka 18:18, 23) Jesu akanga asingazivikanwi seshamwari yembozha kana kuti vanhu vepamusoro-soro, asi aishamwaridzana nevarombo nevaitarisirwa pasi.—Mat. 11:19.

4. Nei zvinganzi shamwari dzaJesu dzaikanganisawo?

4 Ichokwadi kuti shamwari dzaJesu dzaikanganisawo. Dzimwe nguva Petro aisaona zvinhu semaonero anoita Mwari. (Mat. 16:21-23) Jakobho naJohani vakaratidza pfungwa yokuda kupfuura vamwe pavakakumbira kuti Jesu avape zvinzvimbo zvepamusoro muUmambo. Zvavakaita zvakatsamwisa vamwe vaapostora, uye vaigara vachingoitirana nharo nezvokuti mukuru ndiani. Zvisinei, Jesu aiva nomwoyo murefu pakuedza kubatsira shamwari dzake kuchinja mafungiro adzo uye akanga asingakurumidzi kuvatsamwira.—Mat. 20:20-28.

5, 6. (a) Chii chakaita kuti Jesu arambe achishamwaridzana nevamwe vaapostora vake vose? (b) Chii chakaita kuti Jesu acheke ukama naJudhasi?

5 Kushamwaridzana kwaJesu nevarume ava vakanga vasina kukwana hakurevi kuti aivatunhidza kana kuti akanga asingaoni kukanganisa kwavaiita. Asi akasarudza kunyanya kutarisa vavariro dzavo nounhu hwavo hwakanaka. Somuenzaniso, Petro, Jakobho naJohani vakabatwa nehope panzvimbo pokuti vatsigire Jesu panguva yakanga yakaoma zvikuru muupenyu hwake. Zvinonzwisisika kuti izvi zvakaodza mwoyo Jesu. Kunyange zvakadaro, akaona kuti vavariro dzavo dzakanga dzakanaka, akati: “Chokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”—Mat. 26:41.

6 Zvisinei, Jesu akacheka ukama naJudhasi Iskariyoti. Kunyange zvazvo Judhasi ainyepera kuva shamwari yake, Jesu akaziva kuti pakati pake neyaimbova shamwari yake yepedyo iyi pakanga papinda kakonye. Judhasi zvaakanga ava shamwari yenyika, akanga azviita muvengi waMwari. (Jak. 4:4) Naizvozvo Jesu akanga atorega Judhasi achienda paakazoudza vaapostora 11 vakanga vakatendeka kuti dzaiva shamwari dzake.—Joh. 13:21-35.

7, 8. Jesu akaratidza sei kuti aida shamwari dzake?

7 Jesu haana kunyanya kutarisa zvaikanganiswa neshamwari dzake dzakanga dzakavimbika uye aiita zvakadzinakira. Somuenzaniso, akanyengetera kuti Baba vake vadzivirire vadzidzi vake pavaizoedzwa. (Verenga Johani 17:11.) Jesu akaratidza kuti ainzwisisa zvavaitadza kuita. (Mako 6:30-32) Uye aisangoda kuvaudza zvaaifunga iye asiwo aida kunzwa uye kunzwisisa mafungiro avo nemanzwiro avaiita.—Mat. 16:13-16; 17:24-26.

8 Jesu airaramira shamwari dzake uye akatodzifira. Ichokwadi kuti aiziva kuti aifanira kupa upenyu hwake kuti aite zvinoenderana nomutemo waBaba vake wokururamisira. (Mat. 26:27, 28; VaH. 9:22, 28) Asi rudo ndirwo rwakaita kuti Jesu ape upenyu hwake. Akati: “Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.”—Joh. 15:13.

Vadzidzi Vakaratidza Sei Kuti Vaiva Shamwari dzaJesu?

9, 10. Vanhu vaiita sei pavaiona kuti Jesu aiva norupo?

9 Jesu aipa vanhu nguva yake, rudo rwake, uye zvaaiva nazvo. Izvi zvaiita kuti vanhu vade kuuya kwaari uye zvaivafadza kumupa zvavaive nazvo. (Ruka 8:1-3) Jesu aitaura zvaakanga azvionera iye pachake paakati: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo. Vachadurura chiyero chakanaka muhomwe inovapo kana nguo yenyu yapetwa, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinofashukira. Nokuti nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.”—Ruka 6:38.

10 Ichokwadi kuti vamwe vaida kushamwaridzana naJesu vachingoitira kuwana zvinhu. Shamwari idzi dzenhema dzakasiya Jesu padzakatadza kunzwisisa zvimwe zvaakataura. Pane kuvimba naJesu kunyange vasina kunzwisisa zvaakanga ataura, vakafunga zvisizvo ndokumusiya. Asi vaapostora vakanga vakavimbika. Kunyange zvazvo vaimboedzwa kana vaizoramba vari shamwari dzaKristu, vaiedza nepavaigona napo kumutsigira zvinhu pazvaiva zvakanaka kunyange zvakaoma. (Verenga Johani 6:26, 56, 60, 66-68.) Pausiku hwake hwokupedzisira ari pasi pano, Jesu akaudza shamwari dzake kuti aidzida chaizvo, achiti: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu.”—Ruka 22:28.

11, 12. Jesu akaratidza sei vadzidzi vake kuti vaiva shamwari dzake, uye ivowo vakaita sei?

11 Vadzidzi vaJesu vakamusiya kunyange zvazvo akanga achangobva kuvarumbidza. Kwekanguva, kutya vanhu kwakakurira kuda kwavaiita Kristu. Asi Jesu akavakanganwira zvakare. Pashure pokufa kwake nokuzomutswa, akazviratidza kwavari uye akavavimbisa kuti aizoramba ari shamwari yavo. Uyezve, akavapa basa dzvene, rokuita kuti “vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi” uye rokuva zvapupu zvake “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mat. 28:19; Mab. 1:8) Vadzidzi vacho vakaita sei?

12 Vadzidzi vakaisa mwoyo yavo nemweya yavo yose mubasa rokuparidza shoko roUmambo. Vachitsigirwa nomudzimu mutsvene waJehovha vakazadza Jerusarema nokudzidzisa kwavo munguva shomanana. (Mab. 5:27-29) Havana kurega kuteerera murayiro waJesu wokuita kuti vanhu vave vadzidzi, kunyange pavaityisidzirwa norufu. Makore 30 asati ambopfuura kubva pavakaudzwa murayiro uyu naJesu, muapostora Pauro akanyora kuti mashoko akanaka akanga ‘aparidzirwa zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.’ (VaK. 1:23) Zviri pachena kuti vadzidzi ava vaikoshesa ushamwari hwavaiva nahwo naJesu.

13. Vadzidzi vaJesu vakaita kuti zvaaidzidzisa zvichinje upenyu hwavo sei?

13 Vaya vakava vadzidzi vaJesu vakaita kuti zvaaidzidzisa zvichinje upenyu hwavo. Vazhinji vaifanira kuchinja zvakawanda pamararamiro avo nounhu hwavo. Vamwe vadzidzi vatsva vaimbova ngochani, mhombwe, zvidhakwa kana kuti mbavha. (1 VaK. 6:9-11) Vamwe vaifanira kuchinja maonero avaiita vamwe vanhu vorumwe rudzi. (Mab. 10:25-28) Kunyange zvakadaro vakaramba vachiteerera Jesu. Vakabvisa unhu hwekare vakapfeka unhu hutsva. (VaEf. 4:20-24) Vakanga vava kuziva “pfungwa dzaKristu,” vachinzwisisa uye vachitevedzera mafungiro nemararamiro aaiita.—1 VaK. 2:16.

Kuva Shamwari dzaKristu Mazuva Ano

14. Jesu akavimbisa kuzoitei pa“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino”?

14 Vakawanda vevaKristu ivavo vomuzana ramakore rokutanga vakanga vazivana naJesu achiri mupenyu kana kuti vakamuona pashure pokunge amutswa. Zviri pachena kuti isu hatina kuwana mukana iwoyo. Saka tingaita sei kuti tive shamwari dzaKristu? Imwe nzira ndeyokuteerera zvinotaurwa neboka romuranda akatendeka, akangwara, rinoumbwa nehama dzaJesu dzakazodzwa dzichiri kurarama pasi pano. Jesu akavimbisa kuti pa“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva,” ino aizogadza muranda uyu “pazvinhu zvake zvose.” (Mat. 24:3, 45-47) Mazuva ano, vakawanda vevaya vanoda kuva shamwari dzaKristu havasi veboka iri romuranda. Kuteerera kwavanoita zvavanoudzwa neboka romuranda akatendeka kunobatsira sei kuti vave noushamwari naKristu?

15. Chii chinoita kuti munhu azonzi igwai kana kuti imbudzi?

15 Verenga Mateu 25:31-40. Jesu akati vaya vaizoumba boka romuranda akatendeka ihama dzake. Paakataura mufananidzo wokuparadzanisa makwai nembudzi, Jesu akajekesa kuti zvatinoitira hama dzake anozvitora sokuti tamuitira iye. Akatoti kuti munhu azonzi igwai kana kuti imbudzi, zvinoenderana nemabatiro aanoita “mumwe wevaduku vehama” dzake. Naizvozvo chinonyanya kuratidza kuti vaya vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano vanoda kuva shamwari dzaKristu kutsigira kwavanoita boka romuranda.

16, 17. Tingaratidza sei kuti tiri shamwari dzehama dzaKristu?

16 Kana uine tariro yokurarama pasi pano muUmambo hwaMwari, ungaratidza sei kuti uri shamwari yehama dzaKristu? Ngatikurukurei zvinhu zvitatu chete zvatingaratidza nazvo. Chokutanga, tinozviratidza nokuita basa rokuparidza nomwoyo wose. Kristu akarayira hama dzake kuti dziparidze mashoko akanaka munyika yose. (Mat. 24:14) Zvisinei, zvingaomera hama dzaKristu dzasara pasi pano kuti dziite basa iroro pasina rubatsiro rweshamwari dzavo mamwe makwai. Kutaura zvazviri, pose panoita veboka remamwe makwai basa rokuparidza, vanenge vachibatsira hama dzaKristu kuti dziite basa radzo dzvene. Boka romuranda akatendeka, akangwara rinotenda chaizvo ushamwari hwakadai, sezvinongoitawo Kristu.

17 Chechipiri chingaitwa neveboka remamwe makwai pakubatsira hama dzaKristu ndechokutsigira nemari basa rokuparidza. Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vazviitire shamwari vachishandisa “pfuma isina kururama.” (Ruka 16:9) Hakusi kuti tinogona kuita zvokutenga Jesu kana kuti Jehovha kuti vave shamwari dzedu. Kana tichishandisa pfuma yedu kutsigira basa roUmambo, tiri kuratidza kuti tiri shamwari dzaJehovha naJesu uye kuti tinovada “nemabasa nechokwadi,” kwete nemashoko chete. (1 John 3:16-18) Tinotsigira basa iri nepfuma yedu patinoita basa rokuparidza, patinopa zvipo zvemari kuti nzvimbo dzatinonamatira dzivakwe uye dzigadziridzwe, uye patinopa zvipo zvemari kuti basa rokuparidza rirambe richiitwa munyika yose. Pasinei nokuti tinopa zvakawanda here kana kuti zvishoma, Jehovha naJesu vanoonga chaizvo kupa kwatinoita tichifara.—2 VaK. 9:7.

18. Nei tichifanira kuteerera zvatinoudzwa nevakuru vomuungano zviri muBhaibheri?

18 Chechitatu chatingaratidza nacho kuti tiri shamwari dzaKristu kuita zvinenge zvataurwa nevakuru vari muungano. Varume ava vanogadzwa naKristu achishandisa mudzimu mutsvene. (VaEf. 5:23) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi.” (VaH. 13:17) Dzimwe nguva zvingatiomera kuteerera zvatinoudzwa nevakuru zviri muBhaibheri. Zvimwe tinoziva zvimwe zvinhu zvavanokanganisa, tobva taona kunge zano ravo risina basa. Asi varume ivavo vasina kukwana ndivo vari kushandiswa naKristu, Musoro weungano. Saka kuteerera kwatinovaita kunobatsira kuti tive noushamwari naKristu. Kana tichiteerera vakuru nomufaro pasinei nokukanganisa kwavanomboita, tiri kuratidza kuti tinoda Kristu.

Kwatingawana Shamwari Dzakanaka

19, 20. Chii chatingawana muungano, uye tichakurukurei munyaya inotevera?

19 Jesu haangotitarisiri achishandisa vafudzi vane rudo asiwo anotipa vanaamai nevanun’una nehanzvadzi muungano. (Verenga Mako 10:29, 30.) Pawakatanga kuwadzana nesangano raJehovha, hama dzako dzakaita sei? Tinovimba kuti dzakatsigira zvawaiita kuti uswedere pedyo naMwari naKristu. Asi Jesu akanyevera kuti dzimwe nguva “vavengi vomunhu vachava vanhu veimba yake.” (Mat. 10:36) Zvinonyaradza zvikuru kuti muungano, unogona kuwana vaya vacharamba vachikutsigira kupfuura mwana wamai vako!—Zvir. 18:24.

20 Mashoko aPauro okupedzisira mutsamba yaakanyorera ungano yokuRoma anoratidza kuti akaita shamwari dzakawanda. (VaR. 16:8-16) Muapostora Johani akapedzisa tsamba yake yechitatu achiti: “Ndikwazisire shamwari nemazita adzo.” (3 Joh. 14) Zviri pachena kuti iyewo akanga aita shamwari dzakawanda dzechokwadi. Tingatevedzera sei muenzaniso waJesu nevadzidzi vake vekare wokushamwaridzana zvechokwadi nehama dzedu nehanzvadzi dzatinonamata nadzo? Nyaya yedu inotevera ichapindura mubvunzo uyu.

Ungapindura Sei?

• Jesu akaratidza sei kuti aiva shamwari yakanaka?

• Vadzidzi vakaratidza sei kuti vaiva shamwari dzaJesu?

• Tingaratidza sei kuti tiri shamwari dzaKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 14]

Jesu aiva nehanya nezvaifungwa neshamwari dzake uye nemanzwiro adzaiita

[Mifananidzo iri papeji 16]

Tingaratidza sei kuti tinoda kuva shamwari dzaKristu?