Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Pisai Nomudzimu”

“Pisai Nomudzimu”

“Pisai Nomudzimu”

“Musava nousimbe pabasa renyu. Pisai nomudzimu. Shandirai Jehovha.”—VAR. 12:11.

1. Nei vaIsraeri vakapa zvibayiro zvemhuka nezvimwewo zvaipiwa?

JEHOVHA anokoshesa zvibayiro zvinopiwa nemwoyo wose nevashumiri vake pavanenge vachizvipa vachiratidza kumuda kwavanoita uye kuti vanoita zvaanoda. Kare aigamuchira zvibayiro zvemhuka zvakasiyana-siyana nezvimwewo zvaipiwa. Izvi zvaipiwa nevaIsraeri maererano noMutemo waMosesi kuitira kuti vakanganwirwe zvivi uye varatidze kuonga. Muungano yechiKristu, Jehovha haatarisiri hake kuti tipe zvibayiro zvakadaro, zvinenge zvakatoita zvokurongwa. Zvisinei, muchitsauko 12 chetsamba yaakanyorera vaKristu vaiva kuRoma, muapostora Pauro anoratidza kuti tichiri kutarisirwa kupa zvibayiro. Ngationei kuti tinozvipa sei.

Chibayiro Chipenyu

2. SevaKristu, tinorarama upenyu hwakadini, uye zvinosanganisirei?

2 Verenga VaRoma 12:1, 2. Nechokwokutanga mutsamba yake, Pauro akanyatsoratidza kuti kutenda ndiko kwaiita kuti vaKristu vakazodzwa vanzi vakarurama kuna Mwari, kwete mabasa avaiita, pasinei nokuti vaiva vaJudha kana kuti Vemamwe Marudzi. (VaR. 1:16; 3:20-24) Muchitsauko 12, Pauro anotsanangura kuti vaKristu vanofanira kuzvipira kuratidza kuti vanoonga. Kuti tiite izvozvo, tinofanira kuchinja mafungiro edu. Kusakwana kwatakagara nhaka kwakaita kuti tive pasi po“mutemo wechivi noworufu.” (VaR. 8:2) Saka tinofanira kushandurwa, “kuitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dze[du] dzishande” nokubva tangochinja zvido zvedu. (VaEf. 4:23) Mudzimu waMwari chete ndiwo unokwanisa kutibatsira kuchinja saizvozvo. Zvinodawo kuti tiite nepatinogona napo, tichishandisa ‘simba redu rokufunga.’ Zvinoreva kuti tinoedza zvose zvatinogona kuti tirege “kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino” ane tsika dzakaora, varaidzo yakashata uye mafungiro akaipa.—VaEf. 2:1-3.

3. Chii chinoita kuti tiite mabasa echiKristu?

3 Pauro anotikumbirawo kuti tishandise ‘simba redu rokufunga’ kuti tizive kuti “zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana” ndezvipi. Chii chinoita kuti tiverenge Bhaibheri zuva roga roga, tifungisise zvatinoverenga, tinyengetere, tipinde misangano yechiKristu, uye tiparidzirewo mashoko akanaka oUmambo? Inyaya yokuti ndizvo zvatinoudzwa nevakuru veungano here? Chokwadi, tinotenda kuyeuchidzwa kwatinoitwa nevakuru. Asi tinoita mabasa echiKristu nokuti mudzimu waMwari ndiwo unoita kuti tiratidze kuti tinoda Jehovha nomwoyo wose. Uyezve tine chokwadi kuti Mwari anoda kuti tiite mabasa akadaro. (Zek. 4:6; VaEf. 5:10) Tinofara chaizvo uye tinogutsikana patinoziva kuti kana tikararama sezvinofanira kuitwa nevaKristu vechokwadi, tinogona kugamuchirwa naMwari.

Zvipo Zvakasiyana-siyana

4, 5. Vakuru vechiKristu vanofanira kushandisa sei zvipo zvavo?

4 Verenga VaRoma 12:6-8, 11. Pauro anotsanangura kuti tine “zvipo zvakasiyana maererano nomutsa usina kukodzera kuwanwa watakaitirwa.” Zvimwe zvipo zvinotaurwa naPauro zvakaita sokurayira uye kutungamirira, zvinofanira kunyanya kuoneka pavakuru vechiKristu, avo vanorayirwa kuti vatungamirire “nomwoyo wose.”

5 Pauro anoti kudzidzisa uye kuita “ushumiri” kunoitwa nevatariri kunofanira kuratidza kuti vari kuzviita nomwoyo wose. Dzimwe ndima dziri muchitsauko ichi dzinoita sedzinoratidza kuti pano Pauro ari kureva “ushumiri” hunoitwa muungano, kana kuti hunoitwa no“muviri mumwe chete.” (VaR. 12:4, 5) Ushumiri ihwohwo hwakafanana nohunotaurwa pana Mabasa 6:4, vaapostora pavakazivisa kuti: “Tichazvipira pakunyengetera nepaushumiri hweshoko.” Ushumiri hwakadai hunosanganisirei? Vakuru vechiKristu vanoshandisa zvipo zvavo kuti vavake vanhu vari muungano. Vanofanira kutungamirira uye kurayiridza ungano nomwoyo wose. Vanoshingairira “ushumiri uhwu” nokudzidza, kutsvakurudza, kudzidzisa, uye kufudza kwavanoita. Vakuru vanofanira kunyatsoshandisa zvipo zvavo kuti vatarisire makwai “nomufaro.”—VaR. 12:7, 8; 1 Pet. 5:1-3.

6. Tingatevedzera sei zano rinopiwa pana VaRoma 12:11, rugwaro ruri kutungamirira nyaya ino?

6 Pauro anowedzera kuti: “Musava nousimbe pabasa renyu. Pisai nomudzimu. Shandirai Jehovha.” Kana tikacherechedza kuti tava kungoita ushumiri zvachero, tingada kuongorora madzidziro atinoita, tonyengeterera mudzimu waJehovha zvakasimba, uyo unogona kutibatsira kuti tisangoita zvachero uye kuti titangezve kushingaira. (Ruka 11:9, 13; Zvak. 2:4; 3:14, 15, 19) Mudzimu mutsvene wakaita kuti vaKristu vokutanga vave nesimba rokutaura pamusoro “pezvinhu zvikuru zvaMwari.” (Mab. 2:4, 11) Saka unogonawo kutibatsira kuti tishingaire muushumiri, kuti ‘tipise nomudzimu.’

Kuzvininipisa Uye Kuziva Zvatisingakwanisi

7. Nei tichifanira kuzvininipisa uye kuziva zvatisingakwanisi kuita?

7 Verenga VaRoma 12:3, 16. Zvipo zvatingava nazvo takazviwana nokuda kwo“mutsa usina kukodzera kuwanwa” waJehovha. Pane rumwe rugwaro, Pauro anoti: “Kunyatsokwanisa kwedu kunobva kuna Mwari.” (2 VaK. 3:5) Saka hatifaniri kuzvikudza. Tinofanira kuzvininipisa, tichiziva kuti zvibereko zvose zvatingava nazvo zvinobva pakuti tinenge takomborerwa naMwari, kwete kuti kugona kwedu. (1 VaK. 3:6, 7) Maererano neizvi, Pauro anoti: “Ndinoudza munhu wose ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga.” Zvinokosha kuti tizviremekedze uye tifare nokugutsikana nezvatinoitira Jehovha. Zvisinei, kana tichiziva zvatisingakwanisi, zvichaita kuti tisava vanachandagwinyira. Asi tinofanira ‘kufunga kuitira kuti tive nepfungwa dzakanaka.’

8. Tingaita sei kuti ‘tisazviti takangwara’?

8 Kuzvirova dundundu pamusoro pezvatinenge tagona upenzi. “Mwari [ndiye] anoita kuti zvikure.” (1 VaK. 3:7) Pauro anoti Mwari akapa munhu wose ari muungano “chiyero chokutenda.” Pane kuzviona setiri nani pane vamwe, tinofanira kucherechedza zvavari kuita zvinoenderana nechiyero chokutenda chavainacho. Pauro anowedzera kuti: “Fungaiwo nezvevamwe semafungiro amunozviita.” Mune imwe yetsamba dzaakanyora, muapostora wacho anotiudza kuti musaita “chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.” (VaF. 2:3) Kuti tibvume kuti hama nehanzvadzi dzedu dzine zvimwewo zvadzinotipfuura zvinotoda kuti tizvininipise toramba tichizviyeuchidza pfungwa iyoyo. Kuzvininipisa kuchabatsira kuti ‘tisazviti takangwara.’ Kunyange zvazvo dzimwe ropafadzo dzingaita kuti vamwe vanyanye kuzivikanwa, tose tichafara zvikuru kana tikaita “zvinhu zvakaderera,” kureva mabasa epasi asingawanzocherechedzwi nevamwe vanhu.—1 Pet. 5:5.

Kubatana Muungano

9. Nei Pauro achifananidza vaKristu vakaberekwa nomudzimu nenhengo dzomuviri?

9 Verenga VaRoma 12:4, 5, 9, 10. Pauro anofananidza vaKristu vakazodzwa nenhengo dzomuviri sezvavanoshanda vakabatana pasi paKristu, musoro wavo. (VaK. 1:18) Anoyeuchidza vaKristu vakaberekwa nomudzimu kuti muviri une nhengo dzakawanda dzinoshanda zvakasiyana-siyana, asi ‘kunyange dziri zhinji, muviri mumwe chete uri pamwe naKristu.’ Panyaya yakafanana neiyi, Pauro anorayira vaKristu vakazodzwa vari muEfeso kuti: “Ngatikurei norudo muzvinhu zvose muna Kristu, uyo ari musoro. Kubva kwaari, muviri wose uchinyatsobatanidzwa pamwe chete uye uchiitwa kuti ushandire pamwe chete pachishandiswa mapfundo ose anopa zvinodiwa, maererano nokushanda kwenhengo imwe neimwe mumwero wakakodzera, unoita kuti muviri ukure kuti uzvivake murudo.”—VaEf. 4:15, 16.

10. “Mamwe makwai” anofanira kuzviisa pasi paani?

10 Kunyange zvazvo “mamwe makwai” asiri muboka rinoumba nhengo dzomuviri waKristu, angadzidza zvakawanda pamufananidzo uyu. (Joh. 10:16) Pauro anoti Jehovha “akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dza[Kristu], akaita kuti iye ave musoro wezvinhu zvose kuungano.” (VaEf. 1:22) Mazuva ano, “zvinhu zvose” zvakaiswa naJehovha pasi poMwanakomana wake zvinosanganisira mamwe makwai. Mamwe makwai aya anoumbawo “zvinhu” zvakapiwa “muranda akatendeka, akangwara” naKristu. (Mat. 24:45-47) Naizvozvo vaya vane tariro yokuzorarama pasi pano vanofanira kuziva kuti Kristu ndiye Musoro wavo uye vanofanira kuzviisa pasi pomuranda akatendeka akangwara neDare rake Rinodzora uye pasi pevatariri vakagadzwa vari muungano. (VaH. 13:7, 17) Izvi zvinoita kuti ungano ibatane.

11. Chii chinoita kuti tibatane, uye Pauro akapa rimwe zano ripi?

11 Kubatana kwakadai kunobva parudo, runova “chisungo chakakwana chokubatana.” (VaK. 3:14) Muna VaRoma chitsauko 12, Pauro anosimbisa izvi, achiti rudo rwedu “ngarurege kuva nounyengeri” uye “pakudanana sehama” tinofanira ‘kudanana kwazvo.’ Izvi zvinoita kuti tiremekedzane. Muapostora wacho anoti: “Pakukudzana, tungamiriranai.” Asika hatifaniri kufunga kuti kungonzwira munhu tsitsi ndiko kunoratidza rudo. Tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti ungano igare yakachena. Paaipa zano panyaya yorudo, Pauro akawedzera kuti: “Semai zvakaipa, namatirai kune zvakanaka.”

Kugamuchira Vaeni Zvakanaka

12. Panyaya yokugamuchira vaeni, chii chatingadzidza kuvaKristu vaigara kuMakedhoniya yekare?

12 Verenga VaRoma 12:13. Kuda kwatinoita hama dzedu kuchaita kuti ‘tigoverane nevatsvene maererano nezvavanoda’ zvichienderana nezvatinokwanisa. Kunyange tine zvishoma, tinogona kugovanawo zvatinazvo nevamwe. Achinyora nezvevaKristu vokuMakedhoniya, Pauro akati: “Pavaiva mumuedzo mukuru vachitambudzika, mufaro wavo mukuru nourombo hwavo hukuru zvakaita kuti pfuma yorupo rwavo iwande. Nokuti maererano nezvavaikwanisa kuita chaizvo, chokwadi, ndinopupurira kuti, izvi zvaipfuura zvavaikwanisa kuita chaizvo, ivo vachizvidira vakaramba vachitikumbira vachiteterera kwazvo kuti vawane ropafadzo yokupa nomutsa uye kuti vagoverane mukushumirwa kwaiitirwa vatsvene [muJudhiya].” (2 VaK. 8:2-4) Kunyange zvazvo vaivawo varombo, vaKristu vokuMakedhoniya vaiva norupo. Vaiona kugovana nehama dzavo dzaishayiwa dzaiva muJudhiya seropafadzo.

13. Mashoko okuti “teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka” anorevei?

13 Mashoko okuti “teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka” anoshandurwa kubva mumashoko echiGiriki anoratidza kuti ndiwe unofanira kutanga kuzviita. The New Jerusalem Bible rinoshandura mashoko aya richiti “tsvakai mikana yokugamuchira vaeni zvakanaka.” Dzimwe nguva tinogamuchira vaeni patinovakoka kuti vazodya kumba kwedu, uye patinozviita norudo, chinhu chakanaka chaizvo. Kana tikatanga isu kuzviita, tichaona kuti pane dzimwe nzira dzakawanda dzokugamuchira nadzo vaeni zvakanaka. Asi kana tisingakwanisi kuvabikira zvokudya, kungonwa navo tii kana maheu ndeimwewo nzira yokugamuchira nayo vaeni.

14. (a) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kugamuchira vaeni zvakanaka” rinoumbwa nemashoko api? (b) Muushumiri, tingaratidza sei kuti tine hanya nevokune dzimwe nyika?

14 Kugamuchira vaeni zvakanaka kunosanganisira maonero atinoita vamwe vanhu. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kugamuchira vaeni zvakanaka” rinoumbwa nemadzitsi maviri anoreva “rudo” uye “munhu watisingazivi.” Tinoona sei vanhu vatisingazivi, kana kuti vokune dzimwe nyika? Imwe nzira yatingagamuchira nayo vaeni zvakanaka ndeyokuedza kudzidzira mumwe mutauro kuitira kuti tiparidze mashoko akanaka kuvanhu vokune dzimwe nyika vanenge vatamira mundima yeungano yedu. Vakawanda vedu hatingakwanisi hedu kudzidzira mumwe mutauro. Asi tose tinogona kubatsirawo vokune dzimwe nyika kana tikashandisa kabhuku kanonzi Good News for People of All Nations, kane mashoko anobva muBhaibheri akanyorwa nemitauro yakawanda. Pane zvakanaka zvawakawana here pawakashandisa kabhuku aka muushumiri?

Tsiye Nyoro

15. Jesu akaita sei zvakazotaurwa pana VaRoma 12:15?

15 Verenga VaRoma 12:15. Zano raPauro mundima ino rinogona kungotaurwa nemashoko mashomanana okuti: Iva netsiye nyoro. Tinofanira kudzidza kunzwisisa vamwe uye kunzwa semanzwiro avanenge vachiita, vangava vachifara kana kuti vakasuwa. Kana tichipisa nomudzimu, zvichaoneka kuti tiri kufara nevanofara kana kuti tiri kuvanzwira tsitsi. Vadzidzi vaKristu 70 pavakadzoka kunoparidzira vachifara, ndokurondedzera zvakanaka zvavakanga vaita pabasa ravo, Jesu “akafara kwazvo nomudzimu mutsvene.” (Ruka 10:17-21) Akafara pamwe chete navo. Asiwo Jesu ‘akachema nevanhu vaichema’ pakafa shamwari yake Razaro.—Joh. 11:32-35.

16. Tingaratidza sei kuti tine tsiye nyoro, uye ndivanaani vanofanira kunyanya kuzviita?

16 Tinofanira kutevedzera zvakaitwa naJesu pakuratidza tsiye nyoro. Kana mumwe watinonamata naye achifara, tinoda kunyatsoratidza kuti tiri kufara naye. Asiwo tinofanira kuitira tsiye nyoro hama nehanzvadzi dzedu dzinenge dziine zvinodzinetsa kana kuti zvinodzirwadza. Kazhinji tinogona kunyaradza vatinonamata navo vanenge vaine zvinovatambudza kana tikanyatsoteerera tichivanzwira tsitsi. Dzimwe nguva tinobayiwa mwoyo zvokuti tinozoratidza tsiye nyoro nokusvimha misodzi. (1 Pet. 1:22) Vakuru ndivo vanofanira kunyanya kutevera zano rinopiwa naPauro rokuratidza tsiye nyoro.

17. Kusvika pari zvino tadzidzei muna VaRoma chitsauko 12, uye tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Kusvika pari zvino ndima dzatakurukura muna VaRoma chitsauko 12 dzatiudza zvatingaita muupenyu hwedu sevaKristu uye dzatiudza nezvoukama hwedu nehama dzedu. Munyaya inotevera, tichaongorora ndima dzasara muchitsauko ichi, dzinokurukura kuti tinofanira kuona sei vanhu vasiri muungano yechiKristu, kusanganisira vanotishora nevanotitambudza.

Kudzokorora

• Tinoratidza sei kuti tiri ‘kupisa nomudzimu’?

• Sei tichifanira kushumira Mwari tichizvininipisa uye kuziva zvatisingakwanisi kuita?

• Tingaratidza sei tsiye nyoro vatinonamata navo uye tingavanzwira urombo sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 4]

Sei tichiita mabasa aya echiKristu?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Mumwe nomumwe wedu angabatsira sei vokune dzimwe nyika kuti vadzidze nezvoUmambo?