Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Wakadzika Midzi Uye Wakasimbiswa Panheyo Here?’

‘Wakadzika Midzi Uye Wakasimbiswa Panheyo Here?’

‘Wakadzika Midzi Uye Wakasimbiswa Panheyo Here?’

WATI wamboona muti mukuru uchivheyeswa-vheyeswa nemhepo ine simba here, asi uchingoramba wakamira? Chii chinoita kuti usadzurika? Une midzi yakasimba yakanyura muvhu. Isuwo tinogona kuita somuti wakadaro. Patinotarisana nemiedzo yakaita semadutu muupenyu hwedu, isuwo tinogona kutsungirira kana tikaramba ‘takadzika midzi uye takasimbiswa panheyo.’ (VaEf. 3:14-17) Nheyo iyoyo chii?

Shoko raMwari rinoti “Jesu Kristu [ndiye] dombo renheyo repakona” reungano yechiKristu. (VaEf. 2:20; 1 VaK. 3:11) SevaKristu tinokurudzirwa kuti “rambai muchifamba muri pamwe naye, makadzika midzi, muchivakwa maari uye muchidzikamiswa pakutenda.” Tikadaro tichakwanisa kutsungirira panorwiswa kutenda kwedu, kusanganisira kurwiswa kwatinoitwa ne“mashoko okunyengetedza” anobva pa“unyengeri [hwevanhu] husina zvahunobatsira.”—VaK. 2:4-8.

“Kufara Nokureba Nokukwirira Nokudzika”

Zvisinei, tingaita sei kuti ‘tidzike midzi’ uye ‘tidzikamiswe pakutenda’? Imwe nzira inokosha yokuita sokunge tiri kunyudza midzi yedu muvhu ndeyokushingaira kudzidza Shoko raMwari rakafuridzirwa. Jehovha anoda kuti ‘tinzwisise pamwe chete nevatsvene vose kufara nokureba nokukwirira nokudzika’ kwechokwadi. (VaEf. 3:18) Naizvozvo hapana muKristu anofanira kungogutsikana nokunzwisisa zvishoma chete, uye kungoziva “zvinhu zvokutanga” zvinowanikwa muShoko raMwari. (VaH. 5:12; 6:1) Asi mumwe nomumwe wedu anofanira kuva nechido chokudzamisa kunzwisisa kwake chokwadi cheBhaibheri.—Zvir. 2:1-5.

Asi hazvirevi hazvo kuti kungova nezivo yakawanda ndiko kunoita kuti ‘tidzike midzi uye tisimbiswe’ muchokwadi. Ko handiti Sataniwo anoziva zviri muBhaibheri? Pane zvimwe zvatinofanira kuita. Tinofanira kuziva “rudo rwaKristu runopfuura zivo.” (VaEf. 3:19) Kana tikadzidza nokuti tinoda Jehovha uye tinoda chokwadi, kuwedzera zivo yedu yakarurama yeShoko rwaMwari kuchasimbisa kutenda kwedu.—VaK. 2:2.

Zviongorore

Iye zvino, wadii waongorora kunzwisisa kwaunoita zvinhu zvishomanana zvine chokuita nechokwadi chinowanikwa muBhaibheri? Kana ukazviongorora zvingakukurudzira kuti utoshingaira kudzidza Bhaibheri uri woga. Somuenzaniso, verenga ndima dzokutanga dzetsamba yakanyorerwa vaEfeso nomuapostora Pauro. (Ona bhokisi rakanzi “KuVaEfeso.”) Wapedza kuverenga ndima dzacho, zvibvunze kuti, ‘Ndinonzwisisa zvinorehwa nemashoko akatsveyamiswa endima iyi yeBhaibheri ari mubhokisi iri here?’ Ngationgororei pfungwa dzacho, imwe neimwe.

Kufanogadzwa “Nyika Isati Yavambwa”

Pauro akanyorera vaainamata navo achiti: “[Mwari] akafanotigadza kuti tigamuchirwe naye sevanakomana achishandisa Jesu Kristu.” Zvechokwadi, Jehovha akasarudza kuti aizogamuchira vamwe vanhu kuti vave mumhuri yake yokudenga ine vanhu vakakwana. Ava vanakomana vaMwari vaaizogamuchira vaizotonga naKristu semadzimambo nevapristi. (VaR. 8:19-23; Zvak. 5:9, 10) Satani paakatanga kushora uchangamire hwaJehovha, akapa pfungwa yokuti Mwari pane zvaakakanganisa pamasikiro aakaita vanhu. Saka zvakakodzera chaizvo kuti Jehovha akasarudza vanhu ivavo kuti vavewo nezvokuita pakubviswa kwezvakaipa munyika yose, kusanganisira honzeri youipi hwacho, Satani Dhiyabhorosi! Zvisinei, Jehovha haana kugara asarudza kuti ndiani naani vaaizogamuchira sevanakomana vake. Asi akasarudza kuti paizova neboka revanhu raizotonga naKristu kudenga.—Zvak. 14:3, 4.

Pauro paakanyorera vaKristu vaainamata navo kuti ivo seboka vakasarudzwa “nyika isati yavambwa,” aireva “nyika” ipi? Akanga asiri kureva kuti vakasarudzwa Mwari asati asika nyika kana kuti vanhu. Izvozvo zvaisazoratidza kururamisira. Kudai Mwari akanga atofanosarudza kuti Adhamu naEvha vaizokanganisa ivo vasati vatombosikwa, zvaizova zvakarurama here kuti vazvidavirire kukanganisa kwavakaita? Saka Mwari akazosarudza rini magadzirisiro aaizoita zvakanga zvakonzerwa naAdhamu naEvha pavakabatana naSatani pakupandukira uchangamire hwake? Jehovha akazosarudza izvozvo vabereki vedu vokutanga vatopanduka, asi nyika, inoreva vanhu vasina kukwana, avo vaizonunurwa, isati yavapo.

“Maererano Noukuru Hwomutsa waMwari Usina Kukodzera Kuwanwa”

Chii chakaita kuti Pauro ati urongwa huri mundima dzokutanga dzaVaEfeso hwakavapo “maererano noukuru hwomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa”? Aisimbisa pfungwa yokuti Jehovha akanga asingasungirwi kununura vanhu vakanga vatadza.

Hapana kana mumwe wedu akaberekwa aine kodzero yokununurwa. Zvisinei, Jehovha akaita urongwa hwokuti atinunure, nokuti anoda vanhu zvakadzama. Tichifunga nezvokusakwana kwedu uye kutadza kwatinoita, regai Pauro akazoti kununurwa kwatakaitwa mutsa usina kukodzera kuwanwa.

Chakavanzika Chitsvene Chechinangwa chaMwari

Pakutanga Mwari haana kutaura kuti aizogadzirisa sei zvakanga zvakanganiswa naSatani. Chaiva “chakavanzika chitsvene.” (VaEf. 3:4, 5) Nokufamba kwenguva, pakatangwa ungano yevaKristu, Jehovha akataura zvaaizoita kuti azadzise chinangwa chake chepakutanga pamusoro pevanhu nenyika. Pauro akatsanangura kuti, “Panonyatsokwana nguva yakatarwa,” Mwari anoita kuti pave ‘nokutarisira,’ kureva urongwa hwokuti nyaya dzichaita kuti zvisikwa zvake zvose zvakangwara zvibatane.

Danho rokutanga rokubatana ikoko rakatanga paPendekosti ya33 C.E., Jehovha paakatanga kuunganidza vaya vaizotonga naKristu kudenga. (Mab. 1:13-15; 2:1-4) Danho rechipiri nderokuunganidza vaya vachararama nokusingaperi muparadhiso pasi pano vachitongwa noUmambo hwaMesiya. (Zvak. 7:14-17; 21:1-5) Shoko rokuti ‘kutarisira’ harirevi Umambo hwaMesiya, sezvo Umambo ihwohwo hwakatozogadzwa muna 1914. Asi shoko racho rinoreva kutarisira kunoitwa naMwari zvinhu kuitira kuti chinangwa chake chokuti nyika yose ibatane chizadzike.

“Kurai Zvakakwana Pasimba Rokunzwisisa”

Hapana mubvunzo kuti kugara uchidzidza uri woga kuchakubatsira kunyatsonzwisisa “kufara nokureba nokukwirira nokudzika” kwechokwadi. Asiwo mararamiro evanhu mazuva ano okungomhanya-mhanya anoita kuti zvive nyore kuti Satani avhiringidze kudzidza kwedu zvakanaka kana kutotitadzisa kudzidza. Usamurega achikuvhiringidza kana kukutadzisa kudzidza. Shandisa ‘simba rokuva akangwara’ rawakapiwa naMwari kuti ‘ukure zvakakwana pasimba rokunzwisisa.’ (1 Joh. 5:20; 1 VaK. 14:20) Iva nechokwadi chokuti unonzwisisa kuti sei uchitenda zvaunotenda uye kuti nguva dzose unokwanisa kupa ‘chikonzero chetariro iri mauri.’—1 Pet. 3:15.

Fungidzira uripo kuEfeso pakatanga kuverengwa tsamba yaPauro. Mashoko ake angadai asina kukukurudzira kuti ude kukura “muzivo yakarurama pamusoro poMwanakomana waMwari” here? (VaEf. 4:13, 14) Zvechokwadi angadai akakukurudzira. Naizvozvo, mashoko akafuridzirwa aPauro ngaakukurudzirewo mazuva ano. Kuda Jehovha zvakadzama uye kuziva Shoko rake zvakarurama kuchakubatsira kuramba ‘wakanyatsodzika midzi uye wakavakirwa panheyo’ yaKristu. Ukadaro, uchakwanisa kutsungirira miedzo yose yaungaunzirwa naSatani mugumo wenyika ino yakaipa usati wasvika.—Pis. 1:1-3; Jer. 17:7, 8.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]

“KuVaEfeso”

“Ngaarumbidzwe iye Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu, nokuti akatikomborera nezvikomborero zvose zvomudzimu munzvimbo dzokudenga, tiri pamwe naKristu, sokutisarudza kwaakaita tiri pamwe naye nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina gwapa pamberi pake murudo. Nokuti akafanotigadza kuti tigamuchirwe naye sevanakomana achishandisa Jesu Kristu, maererano nezvaanoda zvinomufadza, mukurumbidzwa kwomutsa wake usina kukodzera kuwanwa unokudzwa waakatiitira nenzira yomutsa achishandisa iye waanoda. Tinosunungurwa norudzikinuro neropa rake pachishandiswa iye, chokwadi, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, maererano noukuru hwomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa. Akatipa mutsa wake usina kukodzera kuwanwa zvikuru kwazvo pamwe chete nouchenjeri hwose nokunzwisisa kwose, pakuti akatizivisa chakavanzika chitsvene chezvaanoda. Icho chinoenderana nezvakamufadza zvaakafunga mumwoyo make kuti atarisire zvinhu panonyatsokwana nguva yakatarwa, kureva kuti aunganidzezve zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika.”—VaEf. 1:3-10.