Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Farira Matsi Dzaunonamata Nadzo!

Farira Matsi Dzaunonamata Nadzo!

Farira Matsi Dzaunonamata Nadzo!

VANHU vaMwari mazuva ano imhuri huru yehama nehanzvadzi dzinonamata pamwe chete, sezvakagara zvichiitwa nevarume nevakadzi vakararama makarekare. Vamwe vakararama kare ava ndivanaSamueri, Dhavhidhi, Samsoni, Rakabhi, Mosesi, Abrahamu, Sara, Noa, uye Abheri. Pavashumiri vaJehovha vakavimbika pane matsi dzakawanda. Somuenzaniso, vanhu vaviri vakatanga kuva Zvapupu zvaJehovha muMongolia vaiva murume nomudzimai matsi. Uye pamusana pokuperera kuna Mwari kwematsi dzatinonamata nadzo dziri kuRussia, pane nyaya yatakahwina mudare reEuropean Court of Human Rights.

Mazuva ano, “muranda akatendeka, akangwara” akaita kuti pave nemavhidhiyo emutauro wemasaini uye kuti pave neungano nemagungano anoitwa nemutauro iwoyo. (Mat. 24:45) Izvi zvakabatsira matsi zvakanyanya. * Asi wakambofunga here kuti zvakanga zvakaita sei kumatsi kudzidza nezvaMwari wechokwadi ndokufambira mberi muchokwadi pasina urongwa uhwu? Wakambofunga here zvaungaita kuti ubatsire matsi dzinogara munharaunda yenyu?

Urongwa Hwemazuva Ano Husati Hwavapo

Dai waizobvunza matsi dzati kurei kuti dzakadzidza sei nezvaMwari, dzaizotii? Vangakuudza manzwiro avakaita pavakatanga kuziva kuti Mwari ane zita. Izvozvo zvakaita kuti vachinje mararamiro avo uye zvakavabatsira kwemakore akawanda kutozosvikira pava nemavhidhiyo kana kuti maDVD emutauro wemasaini akazovabatsira kudzidza chokwadi chakadzama chiri muMagwaro. Vangatsanangura manzwiro avaiita misangano yechiKristu isati yava kuitwa mumutauro wemasaini kana kuti kuturikirwa. Mumwe munhu aigara pedyo navo achivanyorera papepa kuti avabatsire kunzwisisa zvaitaurwa. Imwe hama matsi yakadzidza chokwadi cheBhaibheri saizvozvo kwemakore manomwe pasati pava nomuturikiri.

Matsi dzatinonamata nadzo dzakura dzinoyeuka kuoma kwazvakanga zvakaita kuparidzira vanhu vanonzwa. Vaisimudza kadhi rakanga rakanyorwa mharidzo yaiva nyore kushandisa paimba neimba uku rumwe ruoko rwakabata magazini matsva eNharireyomurindi neMukai! Kuzoti kudzidzisawo imwe matsi Bhaibheri, raitova basa chairo, sezvo vose vakanga vasinganzwisisi mabhuku akaita zvokunyorwa. Hama nehanzvadzi idzi dzakura dzingadaro dzichiyeuka kusvotwa kwadzaiitwa vanhu vanonzwa pavaitadza kudzinzwisisa zvobva zvadzitadzisa kuramba dzichitaura nezvechokwadi. Vanozivawo kurwadza kwazvinoita kuda Jehovha nemwoyo wose asi wotadza kuratidza rudo irworwo nemhaka yokushayiwa chivimbo. Nei? Nokuti vaisava nechokwadi kuti vanyatsonzwisisa here zvavanenge vaverenga.

Pasinei nezvipingamupinyi zvose izvi, hama nehanzvadzi dzedu idzi dzakaramba dzakaperera kuna Mwari. (Job. 2:3) Dzakamirira nomwoyo wose kubatsirwa naJehovha. (Pis. 37:7) Uye iye zvino ari kudzikomborera nezvakawanda zvadzisina kumborota nezvazvo.

Ngatimbokurukurai zvakaitwa neimwe hama ine mudzimai nevana. Mavhidhiyo emutauro wemasaini asati avapo, yaigara ichiitisa chidzidzo chemhuri. Mwanakomana wayo anoyeuka kuti: “Chidzidzo chemhuri chaigara chichiomera baba vangu, nokuti vaingotidzidzisa vachishandisa mabhuku akadhindwa chete. Kakawanda, vaisanyatsonzwisisa zvakanga zvakanyorwa. Isu vana taiitawo kuti zvivaomere. Taikurumidza kuvaudza kuti vatadza pavaikanganisa kutsanangura chimwe chinhu. Kunyange zvakadaro vaigara vachiitisa chidzidzo chacho chemhuri. Vaiziva kuti kudzidza kwataiita chimwe chinhu nezvaJehovha kwaikosha kupfuura kunyara kwavaimboita pavaitadza kunyatsonzwisisa Chirungu.”

Kuna Richard, hama ine makore ari kuma70, isinganzwi uye isingaoni inogara muBrooklyn, New York, kuUnited States of America. Vanhu vanoziva kuti Richard haarovhi pamisangano yechiKristu. Kuti apinde misangano, anokwira chitima achiverenga kuti chamira kangani kuti azive pokuburukira. Pane imwe nguva mumwaka wechando, kwakanaya chando zvisina mukare akamboona zvokuti musangano hauna kuitwa. Vose vomuungano yacho vakaziviswa nezvazvo, asi zvakangoitikawo kuti Richard haana kuudzwa. Hama padzakaziva zvakanga zvaitika dzikanomutsvaka, dzakawana Richard akamira panze peImba yoUmambo, akamirira nomwoyo murefu kuti musuo uzarurwe. Paakabvunzwa nei akanga auya kumisangano iko kuine chando nemhepo zvakadaro, akapindura kuti, “Ndinoda Jehovha.”

Ungaitei?

Pane matsi dzinogara munharaunda yenyu here? Ungadzidza mutauro wemasaini here kuti ukurukure nadzo? Kazhinji matsi dzine mutsa chaizvo uye hadzikurumidzi kukanda mapfumo pasi pakudzidzisa vamwe mutauro wadzo. Ungangosangana nematsi pane imwe nzvimbo kana kuti muushumiri. Ungaitei? Edza kukurukura nayo. Shandisa maoko, mapikicha, ita zvokunyora, zvokudhirowa, kana kuti shandisa zvose. Kunyange kana matsi yacho ikaratidza kuti haifariri kudzidza Bhaibheri, udza chimwe Chapupu matsi kana kuti chinoziva mutauro wemasaini nezvematsi yacho. Matsi yacho ingafarira shoko racho zvakanyanya parinoita zvokusainwa.

Zvichida uri kudzidza mutauro wemasaini uchipinda neungano yomutauro iwoyo. Ungawedzera sei unyanzvi hwako hwokusaina uye kunzwisisa mutauro wacho? Kunyange zvazvo pangava nevamwe vaparidzi vanonzwa vari muungano yenyu, wadii kurega zvachose kutaura uchibudisa inzwi? Izvi zvichakubatsira kufunga nomutauro wemasaini, wochizvisaina. Dzimwe nguva unganzwa uchida kutaura pane kusaina nokuti ndizvo zvinenge zviri nyore. Asi kana uchidzidza chero mutauro upi zvawo, unofanira kutsungirira kuti ukwanise kusaina uchitsetsenura.

Kubishairira kushandisa mutauro wemasaini kunoratidza kuda uye kuremekedza hama nehanzvadzi dzedu dziri matsi. Funga nezvokuvhiringidzika kunoita matsi mazuva ose pamusana pokusakwanisa kunzwisisa vamwe vanhu kubasa kana kuti kuchikoro. Imwe hama matsi yakati: “Mazuva ose, vanhu vandinenge ndinavo vanenge vachitaura. Kakawanda ndinosurukirwa, ndichiona sokuti vamwe havana hanya neni, uye ndinoshushikana, kunyange kushatirwa. Dzimwe nguva handigoni kunyatsoratidza manzwiro andinomboita.” Hama dzedu nehanzvadzi dzatinonamata nadzo dzisinganzwi dzinofanira kunakidzwa pamisangano, dzokurudzirwa pakunamata uye dzonakidzwa nokukurukurirana nokuwadzana nevadzinonamata navo.—Joh. 13:34, 35.

Hatifaniri kukanganwawo mapoka maduku emasaini ari muungano dzakawanda dzine vanhu vanonzwa. Misangano inotoita zvokuturikirwa kuti vanzwe. Kuti vanyatsonzwisisa zvinenge zvichikurukurwa, vanogara nechokumberi muImba yoUmambo. Izvi zvinoita kuti vakwanise kuona mukurukuri nemuturikiri panguva imwe chete pasina chinovakanganisa. Zviri kuitika zvinoratidza kuti vamwe vose vari muungano vanokurumidza kujaira izvi, uye hazvivavhiringidzi. Urongwa uhwu hunoshandawo kumagungano anenge achiturikirwa mumutauro wemasaini. Vari muungano vanoshanda zvakaoma vanofanira kurumbidzwa chaizvo pamusana pokuturikira kwavanoita vachisaina sezvinoitwa nematsi chaizvo, vachinyatsobudisa pfungwa dziri kutaurwa.

Zvichida ungano yenyu ine boka remutauro wemasaini kana kuti matsi shoma dzinoita zvokusainirwa pamisangano. Ungaitei kuti uratidze kuti unofarira hama idzi? Dzikoke kumba kwako. Kana zvichiita, dzidza masaini mashomanana. Usatyira kure pamusana pedambudziko rokukurukurirana. Uchawana nzira yokukurukura nadzo, uye kuratidza rudo rwakadaro kuchaita kuti muve nezvinhu zvinofadza zvamucharamba muchiyeuka. (1 Joh. 4:8) Pane zvakawanda zvatingadzidza kubva kune matsi dzatinonamata nadzo. Inyanzvi chaidzo pakukurukura, vane ungwaru, uye vanotaura zvinosetsa chaizvo. Imwe hama ine vabereki matsi yakati: “Upenyu hwangu hwose ndave ndichirarama nematsi, uye ndakadzidza zvakawanda chaizvo zvandisingakwanisi kuripa. Tinogona kudzidza zvakawanda chaizvo kubva kuhama nehanzvadzi dzedu idzi.”

Jehovha anoda vanamati vake vakatendeka, kusanganisira matsi. Muenzaniso wadzo wokutenda uye kutsungirira zvechokwadi unowedzera kupfuma kwakaita sangano raJehovha. Saka ngatidei matsi dzatinonamata nadzo!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona nyaya inoti “Jehovha Akaita Kuti Chiso Chake Chipenye Kwavari,” iri muNharireyomurindi yaAugust 15, 2009.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Matsi inganyanya kufarira shoko roUmambo kana ikariudzwa mumutauro wemasaini

[Mifananidzo iri papeji 32]

Misangano yedu inofanira kuva nguva inofadza uko hama dzedu nehanzvadzi dziri matsi dzinokurudzirwa pakunamata