Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kasikana Kane Rupo

Kasikana Kane Rupo

Kasikana Kane Rupo

MUNGUVA ichangopfuura, kasikana kane makore mapfumbamwe kokuBrazil kakazvisarudzira kupatsanura mari yakakanga kachengeta muzvikamu zviviri, nokuisa madhora 18 pawo oga uyewo madhora 25 pawo oga. Kakaisa shoma yacho mubhokisi romupiro kuImba yoUmambo kuti ishandiswe neungano. Kakabva katumira yakawanda yacho kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha, pamwe chete netsamba pfupi. Tsamba yakakanyora yaiti: “Ndinoda kupa mupiro uyu kuti ushandiswe kuita basa romunyika yose. Chido changu ndechokubatsira hama nehanzvadzi dzakawanda kuparidza mashoko akanaka munyika yose. Ndiri kuupa nomwoyo wose nokuti ndinoda Jehovha kwazvo.”

Vabereki vekasikana kacho vakanga vakadzidzisa kukosha kwokuita zvose zvakaikwanisa mubasa rokuparidza Umambo. Vakaitawo kuti kanzwisise kuti kaifanira ‘kukudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha.’ (Zvir. 3:9) Sekasikana ikako, tose zvedu ngatishingairewo kutsigira Umambo, muungano yedu uye munyika yose!