Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Koshesa Nzvimbo Yako Muungano

Koshesa Nzvimbo Yako Muungano

Koshesa Nzvimbo Yako Muungano

“Mwari akaisa nhengo mumuviri, imwe neimwe yadzo, sezvaaida.”—1 VAK. 12:18.

1, 2. (a) Chii chinoratidza kuti munhu wose ari muungano anogona kuva nenzvimbo yaanokoshesa? (b) Mibvunzo ipi ichakurukurwa munyaya ino?

KUBVIRA pamazuva evaIsraeri vekare, ungano yave iri urongwa hwaJehovha hwaanoshandisa kutarisira vanhu vake uye kuvarayiridza. Somuenzaniso, pashure pokunge vaIsraeri vakunda guta reAi, Joshua “akaverenga mashoko ose omutemo zvinonzwika, chikomborero nokutukwa, maererano nezvose zvakanyorwa mubhuku romutemo. . . . pamberi peungano yose yaIsraeri.”—Josh. 8:34, 35.

2 Muzana remakore rokutanga C.E., muapostora Pauro akaudza mukuru wechiKristu Timoti kuti ungano yechiKristu yaiva “imba yaMwari” uye “chinhu chinotsigira chokwadi.” (1 Tim. 3:15) Mazuva ano, “imba” yaMwari iboka rehama dzevaKristu vechokwadi vari munyika yose. Muchitsauko 12 chetsamba yake yokutanga yakafuridzirwa yaakanyorera vaKorinde, Pauro anofananidza ungano nemuviri womunhu. Anotaura kuti kunyange zvazvo nhengo yega yega ichishanda zvakasiyana, dzose dzinokosha. Pauro akanyora kuti, “Mwari akaisa nhengo mumuviri, imwe neimwe yadzo, sezvaaida.” Anototaurawo kuti “nhengo dzomuviri dzatinofunga kuti dzinokudzwa zvishoma, tinokomberedza idzodzi nokukudzwa kukuru kwazvo.” (1 VaK. 12:18, 23) Saka zvinoitwa nomunhu mumwe chete akarurama ari muimba yaMwari hapana pazvinopfuura kana kuti pazvinopfuurwa nezvinoitwa nevamwe vaKristu vakatendeka. Chiripo ndechokungoti basa rake rakasiyana nerevamwe. Saka, tingawana sei nzvimbo yedu muurongwa hwaMwari uye toikoshesa? Zvinhu zvipi zvingaita kuti tive nenzvimbo yatingava nayo muungano? Uye tingaitei kuti ‘kufambira mberi kwedu kuonekwe nevanhu vose’?—1 Tim. 4:15.

Tingakoshesa Sei Nzvimbo Yedu?

3. Ndeipi nzira imwe chete yatingawana nayo nzvimbo yedu muungano toratidza kuti tinoikoshesa?

3 Imwe nzira yatingawana nayo nzvimbo yedu muungano toratidza kuti tinoikoshesa ndeyokushandira pamwe zvizere ne“muranda akatendeka, akangwara” uye Dare Rinodzora rinomumiririra. (Verenga Mateu 24:45-47.) Tinofanira kuongorora kuteerera kwatinoita zano ratinowana kubva kuboka romuranda. Somuenzaniso, kwemakore akawanda, tanga tichiwana mazano akajeka panyaya yemapfekero nokushambidzika, zvokuzvivaraidza nazvo, uye kushandisa Indaneti zvakanaka. Tinonyatsoteerera here zano iri rakanaka kuitira kuti tidzivirirwe pakunamata? Zvakadini nokurayirwa kwatinoita kuti tigare tichinamata semhuri? Takateerera here zano racho ndokusarudza manheru okuita izvozvo? Kana tisina kuroora kana kuroorwa, tiri kuwana here nguva yokudzidza Magwaro tiri toga? Jehovha achatikomborera somunhu oga oga uye semhuri kana tikaita zvatinodzidziswa neboka romuranda.

4. Chii chatinofanira kufunga nezvacho patinenge tichisarudza zvatinoda kuita?

4 Vamwe vangati zvinhu zvakadai sezvokuzvivaraidza nazvo, mapfekero nokushambidzika zvinhu zvokuzvisarudzira. Asi muKristu akazvitsaurira, anokoshesa nzvimbo yake muungano, haangofaniri kufunga nezvezvaanofarira chete paanoita zvisarudzo. Anofanira kunyanya kufunga nezvemaonero anoita Jehovha sezvinoratidzwa muShoko rake, Bhaibheri. Zvarinotaura zvinofanira kuva ‘rambi retsoka dzedu, uye chiedza panzira yedu.’ (Pis. 119:105) Tinoratidzawo kuchenjera kana tikafunga nezvemigumisiro yezvatinosarudza iyo ingava paushumiri hwedu nepane vamwe vanhu, vari muungano nevari kunze kweungano.—Verenga 2 VaKorinde 6:3, 4.

5. Nei tichifanira kungwarira kuti tisava nemafungiro okuda kuzvitonga?

5 “Mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri” akapararira chaizvo zvokuti akafanana nemhepo yatinofema. (VaEf. 2:2) Mafungiro iwayo angaita kuti tifunge kuti hatidi kutungamirirwa nesangano raJehovha. Zvechokwadi, hatidi kuva saDhiyotrefesi, uyo ‘aisagamuchira chero chinhu chaibva kumuapostora Johani noruremekedzo.’ (3 Joh. 9, 10) Tinofanira kungwarira kuti tisatanga kuva nemafungiro okuda kuzvitonga. Tisambotaura kana kuita zvinoratidza kushora nzira iri kushandiswa naJehovha kukurukurirana nesu mazuva ano. (Num. 16:1-3) Asi tinofanira kukoshesa ropafadzo yedu yokushandira pamwe neboka romuranda. Uye hatifaniri here kuvavarira kuteerera uye kuzviisa pasi pevaya vari kutungamirira muungano yedu?—Verenga VaHebheru 13:7, 17.

6. Nei tichifanira kuongorora mamiriro edu ezvinhu?

6 Imwe nzira yokuratidza nayo kuti tinokoshesa nzvimbo yedu muungano ndeyokunyatsoongorora mamiriro edu ezvinhu uye kuita zvose zvatinokwanisa kuti ‘tikudze ushumiri hwedu’ torumbidza Jehovha. (VaR. 11:13) Vamwe vanokwanisa kuva mapiyona enguva dzose. Munyika yose, vamwe vanoshumira mubasa chairo renguva yakazara rakadai sokuva mamishinari, vatariri vanofambira, uye nhengo dzemhuri yeBheteri. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinobatsira pakuvaka Dzimba dzoUmambo. Vakawanda vevanhu vaJehovha vari kuita zvavanokwanisa pakubatsira mhuri dzavo kuramba dzichishumira Mwari uye kushingaira muushumiri vhiki yoga yoga. (Verenga VaKorose 3:23, 24.) Tinogona kuva nechokwadi chokuti patinoita basa raMwari tichizvidira toita zvatinokwanisa kuti timushumire nemwoyo wose, tichagara tiine nzvimbo yedu muurongwa hwake.

Zvinoita Kuti Tive Nemabasa Akasiyana-siyana

7. Tsanangura kuti mamiriro edu ezvinhu angaita sei pamabasa atingava nawo muungano.

7 Zvinokosha kuti tiongorore mamiriro edu ezvinhu, nokuti dzimwe nguva nzvimbo yatichava nayo muungano inobva pane zvatinokwanisa kuita. Somuenzaniso, mamwe mabasa anoitwa nehama muungano anosiyana neanoitwa nehanzvadzi. Zera, utano nezvimwewo ndizvo zvichatema kuti tichakwanisa kuitei mubasa raJehovha. Zvirevo 20:29 inoti, “Kunaka kwemajaya ndiro simba rawo, uye kubwinya kwevakwegura ndiko kuchena kwemisoro yavo.” Vaduku vari muungano vangakwanisa kuita mabasa akawanda pamusana pesimba ravo rouduku, asi vakura vangabatsira ungano chaizvo pamusana pouchenjeri hwavo noruzivo. Tinofanirawo kuyeuka kuti chero chipi zvacho chatinogona kuita musangano raJehovha tinochiita pamusana pomutsa waMwari watisina kukodzera kuwana.—Mab. 14:26; VaR. 12:6-8.

8. Chido chedu chinoitei pane zvatinoita muungano?

8 Muenzaniso wehanzvadzi mbiri mukoma nemunin’ina, unoratidza chimwe chinhu chingatema basa ratichaita muungano. Vose vanopedza chikoro chesekondari. Vane mamiriro ezvinhu akafanana. Vabereki vavo vakaita zvose zvavaikwanisa kuvakurudzira kuvavarira kuva mapiyona enguva dzose pavaizopedza chikoro. Vapedza chikoro, mumwe anotanga kupayona, asi mumwe anotanga kushanda basa rokunyika nguva izere. Chii chakaita kuti vaite zvakasiyana? Chaiva chido. Mumwe nomumwe akazoita zvaaida. Izvozvo handizvo here zvinoitika kune vakawanda vedu? Tinofanira kunyatsofunga nezvezvatinoda kuzoita mubasa raMwari. Tingawedzera here zvatinoita mubasa iri, kunyange kana zvichida kuti tichinje mamiriro edu ezvinhu?—2 VaK. 9:7.

9, 10. Tinofanira kuitei kana tisina chido chokuita zvakawanda mubasa raJehovha?

9 Zvakadini kana tisina chido chokuita zvakawanda mubasa raJehovha asi tichingoti chero tirimowo muungano? Mutsamba yake yaakanyorera VaFiripi, Pauro akati: “Mwari ndiye, ari kushanda mamuri kuti mude uye muite zvinomufadza.” Chokwadi, Jehovha anogona kushanda matiri oita kuti tive nechido.—VaF. 2:13; 4:13.

10 Saka, hatifaniri here kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuita zvaanoda? Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare akaita izvozvo chaizvo. Akanyengetera kuti: “Itai kuti ndizive nzira dzenyu, haiwa Jehovha; ndidzidzisei makwara enyu. Ndifambisei muchokwadi chenyu mundidzidzise, nokuti muri Mwari wangu woruponeso. Ndakatarisira kwamuri zuva rose.” (Pis. 25:4, 5) Tinogona kumutevedzerawo kana tikanyengetera kuti Jehovha atibatsire kuita zvinomufadza. Patinofunga nezvemanzwiro anoita Jehovha Mwari neMwanakomana wake pane zvatinoita mubasa ravo, mwoyo yedu inozara nokuvaonga. (Mat. 26:6-10; Ruka 21:1-4) Kuonga ikoko kungaita kuti titeterere Jehovha kuti aite kuti tifambire mberi pakunamata. Muprofita Isaya akaratidza muenzaniso wemafungiro atinofanira kuvavarira kuva nawo. Paakanzwa inzwi raJehovha achibvunza kuti: “Ndichatuma ani, uye ndiani achatiendera?” muprofita wacho akapindura kuti: “Ndiri pano! Nditumei.”—Isa. 6:8.

Ungafambira Mberi Sei?

11. (a) Nei hama dzichifanira kuvavarira kuva nemabasa adzinoita musangano? (b) Hama ingavavarira sei kuti ive nemabasa ainoita muungano?

11 Sezvo munyika yose vanhu 289 678 vakabhabhatidzwa mugore rebasa ra2008, zviri pachena kuti pari kunyanya kudiwa hama kuti dzitungamirire muungano. Pakadai hama inofanira kuitei? Nemashoko ari nyore, inofanira kuvavarira kuva nezvinodiwa kuti munhu ave mushumiri anoshumira kana kuti kuva mukuru sezvinotaurwa muMagwaro. (1 Tim. 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9) Chii chinoratidza kuti hama iri kuvavarira kuva nezvinodiwa neMagwaro? Kushingaira muushumiri, nokushingaira pakuita mabasa ayo muungano, nokushanda nesimba pakuvandudza mhinduro dzayo pamisangano yechiKristu, uye nokufarira vamwe vainonamata navo. Inoratidza kuti inokoshesa nzvimbo yayo muungano.

12. Vechiduku vangaratidza sei kushingairira chokwadi?

12 Hama dzechiduku, kunyanya dziya dzine makore ari pakati pe13 ne19, dzingaitei kuti dzifambire mberi muungano? Dzingavavarira kuwedzera ‘uchenjeri nokunzwisisa kwomudzimu’ nokuwana ruzivo rweMagwaro. (VaK. 1:9) Kuva vadzidzi veShoko raMwari vanoshingaira uye kushingaira pamisangano yeungano zvichavabatsira kuita izvozvo. Majaya angavavarirawo kufambira mberi nokushanda kuti akwanise kupinda pa“suo guru rebasa” rakasiyana-siyana renguva yakazara. (1 VaK. 16:9) Kushanda mubasa raJehovha zvechokwadi kunogutsa muupenyu uye kunoita kuti ukomborerwe zvikuru.—Verenga Muparidzi 12:1.

13, 14. Hanzvadzi dzingaratidza sei kuti dzinokoshesa basa radzo muungano?

13 Hanzvadzi dzingaratidzawo kuti dzinokoshesa ropafadzo yadzo yokuitawo chimwe chinhu pakuzadzika kwePisarema 68:11. Panoti: “Jehovha pachake anoti; vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.” Imwe yenzira dzinonyanya kukosha iyo hanzvadzi dzingaratidza nayo kuonga kwadzinoita nzvimbo yadzo muungano ndeyokuita basa rokuita kuti vamwe vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Saka, kana hanzvadzi dzikashingaira muushumiri uye dzikarega zvimwe zvinhu nokuzvidira kuti dziite basa iroro, dzicharatidza kuti dzinokoshesa basa radzo muungano.

14 Pauro paainyorera Tito akati: “Vakadzi vakura ngavazvibate zvakakodzera, . . . ngavave vadzidzisi vezvakanaka; kuti vayeuchidze vakadzi vaduku kuti vade varume vavo, kuti vade vana vavo, kuti vave nepfungwa dzakanaka, vakachena, vanoita mabasa epamba, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo, kuti shoko raMwari rirege kutukwa.” (Tito 2:3-5) Zvechokwadi hanzvadzi dzakasimba pakunamata dzinobatsira chaizvo muungano! Kuremekedza kwadzinoita hama dzinotungamirira uye zvisarudzo zvokuchenjera zvadzinoita panyaya dzakadai semapfekero uye kushambidzika nevaraidzo kunoita kuti dzive mienzaniso yakanaka kune vamwe uye izvi zvinoratidza kuti dzinokoshesa nzvimbo yadzo muungano.

15. Hanzvadzi isina kuroorwa ingaitei kuti ikunde kusurukirwa?

15 Pane dzimwe nguva, zvingaomera hanzvadzi isina kuroorwa kuwana nzvimbo yayo muungano. Imwe hanzvadzi isina kuroorwa yakati: “Dzimwe nguva kusaroorwa kunoita kuti usurukirwe.” Payakabvunzwa kuti iri kuzvigona sei, yakati: “Kunyengetera uye kudzidza kunondibatsira kuwanazve nzvimbo yangu. Ndinodzidza nezvekuti Jehovha anondiona sei. Ndinobva ndavavarira kubatsira vamwe vari muungano. Izvi zvinondibatsira kuti ndifungewo vamwe pane kufunga nezvangu chete.” Maererano nePisarema 32:8, Jehovha akaudza Dhavhidhi kuti: “Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.” Chokwadi, Jehovha anofarira mushumiri wake mumwe nomumwe, kusanganisira hanzvadzi dzisina kuroorwa, uye achabatsira vose kuti vawane nzvimbo yavo muungano.

Ramba Uri Munzvimbo Yako!

16, 17. (a) Nei kubvuma kukokwa naJehovha kuti tive musangano rake chiri chinhu chakanaka chaizvo chatingasarudza? (b) Tingaramba sei tiri munzvimbo yedu musangano raJehovha?

16 Norudo, Jehovha akaita kuti mumwe nomumwe wevashumiri vake ave neukama naye. Jesu akati: “Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye.” (Joh. 6:44) Pamabhiriyoni evanhu vari munyika, Jehovha akakoka mumwe nomumwe wedu kuti ave nhengo dzeungano yake mazuva ano. Kubvuma kwatakaita kukokwa saizvozvo ndicho chinhu chakanaka chaizvo chatakasarudza. Zvakaita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa. Uye tinofara chaizvo uye tinogutsikana nokuti tine nzvimbo muungano!

17 Munyori wepisarema akati, “Jehovha, ndakada nzvimbo yenyu yamunogara iri muimba yenyu.” Akaimbawo kuti: “Tsoka yangu ichamira panzvimbo yakati sandara; ndicharumbidza Jehovha pakati pemapoka evanhu vakaungana.” (Pis. 26:8, 12) Mwari wechokwadi ane nzvimbo yomumwe nomumwe wedu musangano rake. Kana tikaramba tichiteerera zvatinodzidziswa naMwari uye tichigara tiine zvakawanda zvokuita mubasa rake, tichachengeta nzvimbo yedu inokosha muurongwa hwaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Nei zviine musoro kugumisa kuti vaKristu vose vane nzvimbo yavo muungano?

• Tinoratidza sei kuti tinokoshesa nzvimbo yedu musangano raMwari?

• Zvinhu zvipi zvingaita kuti tive nenzvimbo yatingava nayo muungano?

• VaKristu vaduku nevakura vangaratidza sei kuti vanokoshesa nzvimbo yavo muurongwa hwaMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 16]

Hama dzingavavarira sei kuwana ropafadzo muungano?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Hanzvadzi dzingaratidza sei kuti dzinokoshesa nzvimbo yadzo muungano?