Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupa Nomufaro Zvichibva Pamwoyo

Kupa Nomufaro Zvichibva Pamwoyo

Kupa Nomufaro Zvichibva Pamwoyo

MUAPOSTORA Pauro akanyora nezvekupa achiti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.” (2 VaK. 9:7) Jehovha haamanikidzi munhu kuti atsigire kunamata kwakachena. Anoda kuti vashumiri vake kuti varatidze kuzvipira kwavo nokupa vachizvidira uye vachifara. Kubvira kare vanhu vake vaipa nechido. Chimbofunga mienzaniso iyi mitatu.

Jehovha paakatungamirira vaIsraeri kubva muIjipiti akavarayira kuti vavake tebhenekeri. Paidiwa zvokuvakisa, saka vaIsraeri vakakumbirwa kuti vape zvipo. “Munhu wose akakurudzirwa nomwoyo wake” akaunza ndarama nesirivha, zvishongo nezvimwewo zvinhu. Vanhu vacho vakapa chaizvo zvokuti pakatozopiwa chiziviso chokuti vanhu vachirega kupa.—Eks. 35:5, 21; 36:6, 7.

Mazana emakore akatevera paida kuvakwa temberi, vanhu vaMwari vakawanazve mukana wokuratidza kuti vaitsigira kunamata kwakachena. Mambo Dhavhidhi akapa chipo chakakura kwazvo pabasa rokuvaka uye akaudza vamwe kuti vapewo. Vakapa vachida kwazvo. Chokwadi, zvipo zvendarama nesirivha chete zvaipfuura madhora ekuAmerica mabhiriyoni zana! Vanhu vakafara nokuti vakanga vapa Jehovha vachizvidira.—1 Mak. 29:3-9; 2 Mak. 5:1.

Vateveri vaJesu Kristu vepakutanga vakaratidzawo kuti vaipa vachifara. PaPendekosti ya33 C.E., pavanhu vanenge 3000 vakabhabhatidzwa, vazhinji vacho vakanga vasingagari muJerusarema. Mari yakaunganidzwa nechinangwa chokuti vaya vaishayiwa varambe vari muguta kuti vadzidze zvakawanda nezvokutenda kwavo kutsva. Hama dzakatengesa zvinhu zvadzo ndokuunza mari kuvaapostora kuti ishandiswe kubatsira vaya vaishayiwa. Chokwadi Jehovha anofanira kunge akafara kuona vanhu vachiratidza kutenda nerudo zvakadaro!—Mab. 2:41-47.

Mazuva ano, vaKristu vanoramba vachitsigira kunamata kwakachena pavanopa nguva yavo, simba uye mari nomwoyo wose uye vachifara. Bhokisi riri pasi apa rinotaura dzimwe nzira dzaungaita nadzo izvi.

[Bhokisi riri papeji 18]

MAPIRO ANOITA VAMWE

ZVIPO ZVOKUTSIGIRA BASA ROMUNYIKA YOSE

Vakawanda vanochengeta kana kuronga mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Basa Romunyika Yose.”

Mwedzi woga woga ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yadzo. Zvipo zvemari inopiwa nokuzvidira zvinogonawo kutumirwa kuJehovah’s Witnesses, P. Bag WG-5001, Westgate. Runhare: (04) 2910591, kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yenyu reZvapupu zvaJehovha. Cheki dzinotumirwa kukero iri pamusoro apa dzinofanira kunyorerwa “Watchtower.” Tapota tangai mataura nehofisi yebazi kana muchida kupa zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha. Zvinofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti zvipo.

KUPA KWAKAITA ZVOKURONGWA

Kuwedzera kuzvipo zvemari chaiyo, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo kutsigira basa roUmambo romunyika yose. Dzimwe dzacho ndeidzi:

Mari yeBhizimisi Neyakakwereteswa: Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingapiwa mugove waiva nomunhu pabhizimisi nemagwaro anoratidza mari yaakakweretesa yaanofanira kudzorerwa.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa sechipo chaicho kana kuti, kana iri nzvimbo yokugara, anenge apa wacho anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa hofisi yebazi romunyika yako usati wanyora gwaro repamutemo uchipa chivako kana nzvimbo ipi neipi.

Zvido Zvenhaka: Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingasiyirwa zvinhu sechido chenhaka chepamutemo.

Kana uchida mamwe mashoko, unganyorera hofisi yebazi romunyika yenyu pakero iri pasi apa, kana kufonera hofisi yebazi.

Jehovah’s Witnesses

P. Bag WG-5001

Westgate

Runhare: (04) 2910591