Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuratidza Tsika Dzakanaka Sevashumiri vaMwari

Kuratidza Tsika Dzakanaka Sevashumiri vaMwari

Kuratidza Tsika Dzakanaka Sevashumiri vaMwari

“Ivai vatevedzeri vaMwari.”—VAEF. 5:1.

1, 2. (a) Nei tsika dzakanaka dzichikosha? (b) Chii chichakurukurwa munyaya ino?

MUMWE munyori anonzi Sue Fox akanyora nezvokuva noruremekedzo achiti: “Tinofanira kuva netsika dzakanaka nguva dzose. Ruremekedzo runoshanda chero kupi zvako uye nguva dzose.” Kana vanhu vachigara vachiremekedzana, kunetsana kunoita kushoma kana kuti kazhinji hakutomboitiki. Asi kana vasingaremekedzani, kunetsana hakuperi. Kusabata vamwe zvakanaka kunoita kuti pave nokukakavadzana, kugumburana uye kusuruvara.

2 Ungano yechiKristu ine vanhu vane tsika dzakanaka. Kunyange zvakadaro, tinofanira kungwarira kuti tisatevedzere tsika dzakaipa dzakazara munyika mazuva ano. Ngationei kuti kuita zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuva noruremekedzo kungatidzivirira sei panyaya iyi uye kuti kunoita sei kuti vanhu vafarire kunamata kwechokwadi. Kuti unzwisise kuti kuratidza tsika dzakanaka kunosanganisirei, funga nezvomuenzaniso waJehovha Mwari neMwanakomana wake.

Jehovha neMwanakomana Wake—Mienzaniso Pakuremekedza Vamwe

3. Jehovha Mwari akaratidza muenzaniso upi wokuremekedza?

3 Jehovha Mwari anoratidza muenzaniso wakakwana wokuremekedza. Pasinei nenzvimbo yake yakakwirira saChangamire wezvinhu zvose zvakasikwa, anoratidza vanhu mutsa uye ruremekedzo rukuru. Paaitaura naAbrahamu uye Mosesi, Jehovha akashandisa shoko rechiHebheru rinowanzoshandurwa kuti “ndapota.” (Gen. 13:14; Eks. 4:6) Vashumiri vake pavanokanganisa, Jehovha anoratidza ‘ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo nechokwadi.’ (Pis. 86:15) Akasiyana zvachose nevanhu vanoputika nehasha kana vamwe vakasaita zvavanenge vachida.

4. Tingatevedzera sei Jehovha vamwe pavanotaura nesu?

4 Unhu hwaMwari hwakanaka hunoonekawo nokuteerera vanhu kwaanoita. Abrahamu paakabvunza mibvunzo nezvevanhu veSodhoma, Jehovha haana kuneta nayo asi akaipindura yose. (Gen. 18:23-32) Haana kuona zvaibvunzwa naAbrahamu sokunge kuti zvaimutambisira nguva yake. Jehovha anoteerera minyengetero yevashumiri vake uye kuchema kwevatadzi vanopfidza. (Verenga Pisarema 51:11, 17.) Hatifaniri kutevedzera Jehovha here nokuteerera vamwe pavanotaura nesu?

5. Kutevedzera muenzaniso waJesu wokuremekedza vamwe kunonatsiridza sei ukama hwedu nevamwe?

5 Kuva neruremekedzo ndechimwe chezvinhu zvakawanda zvakadzidzwa naJesu Kristu kuna Baba vake. Kunyange zvazvo dzimwe nguva ushumiri hwake hwaida nguva yakawanda nesimba, Jesu aiva nomwoyo murefu nomutsa nguva dzose. Vanhu vaiva nemaperembudzi, mapofu airarama nokupemha, uye vamwe vaida kubatsirwa vakaona kuti Jesu akanga achida chaizvo kuvabatsira. Haana kuvapira gotsi, kunyange zvazvo vaiuya kwaari vasina kurangana. Aiwanzorega zvaainge achiita kuti abatsire vanhu vakanga vachida kubatsirwa. Jesu aiva nehanya zvikuru nevaya vaitenda maari. (Mako 5:30-34; Ruka 18:35-41) SevaKristu, tinotevedzera muenzaniso waJesu nokuva nomutsa uye kubatsira vamwe. Izvozvo zvinoonekwa nevoukama, vavakidzani vedu nevamwewo vanhu. Uyewo, unhu ihwohwo hunoita kuti Jehovha akudzwe uye isu tifare.

6. Jesu akaratidza muenzaniso upi woushamwari?

6 Jesu airatidzawo vanhu ruremekedzo nokuvashevedza nemazita avo. Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vairemekedza vamwe saizvozvo here? Kwete. Vaiti vaya vakanga vasingazivi Mutemo “vanhu vakatukwa,” saka ndiwo mabatiro avaivaita. (Joh. 7:49) Mwanakomana waMwari akanga asingadaro. Marita, Mariya, Zakeyo nevamwe vakawanda vakamunzwa achivashevedza nemazita avo. (Ruka 10:41, 42; 19:5) Kunyange zvazvo mashevedzere atinoita vanhu nhasi achienderana netsika uye mamiriro ezvinhu, vashumiri vaJehovha vanoedza kuva noushamwari nevamwe. * Havaregi rusaruro ruchivatadzisa kuremekedza vaya vavanonamata navo nevamwewo.—Verenga Jakobho 2:1-4.

7. Zvinotaurwa neBhaibheri zvinotibatsira sei pakuremekedza vamwe kwose kwatinenge tiri?

7 Nyasha dzinoitirwa vanhu vemarudzi nemadzinza ose naMwari neMwanakomana wake dzinoratidza kuti vanovaremekedza uye dzinokwezva vaya vanoda chokwadi. Ichokwadi kuti, dzinonzi tsika dzakanaka dzinosiyana nzvimbo nenzvimbo. Saka hatina bumbiro remitemo ratinoomerera pariri panyaya yetsika. Asi zvinotaurwa neBhaibheri zvinoita kuti tiremekedze vanhu zvakasiyana-siyana zvichienderana nekwatinenge tiri. Ngationei kuti kuremekedza vanhu kungatibatsira sei kuti tibudirire muushumiri hwechiKristu.

Kukwazisa Vanhu Uye Kutaura Navo

8, 9. (a) Itsika ipi inganzi yakaipa? (b) Nei tichifanira kubvuma kutevedzera mashoko aJesu ari pana Mateu 5:47 pamabatiro atinoita vanhu?

8 Nechipatapata chiriko mazuva ano, munzvimbo dzakawanda vanhu vanowanzopfuudzana pasina anoti “kwaziwai” kana kuti “makadini?” Hapana hapo anotarisirwa kutaura nomunhu wose waanopfuudzana naye munzira inenge yakazara vanhu. Zvisinei, kazhinji kacho zvakakodzera uye zvakanaka kuti tikwazise vamwe. Une tsika yokukwazisa vanhu here, kana kuti unongowanzopfuudzana nevanhu chinyararire? Munhu anogona kutanga imwe tsika isina kunaka asina kuzvironga.

9 Jesu akatiyeuchidza paakati: “Kana muchikwazisa hama dzenyu chete, chii chamuri kuita chinoshamisa? Vanhu vemamwe marudzi havasi kuita saizvozvowo here?” (Mat. 5:47) Panyaya iyi, mumwe mukuru mukuru werimwe sangano rinoona nezvokukurukura kunoita vanhu anonzi Donald Weiss akanyora kuti: “Vanhu havafari kana vamwe vakaita sevasiri kuvaona. Hapana chaungazvipembedza nacho chinonzwisisika chokuti sei waita sousiri kuona mumwe munhu. Mushonga wacho haunetsi: Kwazisa vanhu. Taura navo.” Kana tikava neushamwari nevamwe, zvichatibatsira.

10. Tsika dzakanaka dzingatibatsira sei kubudirira muushumiri? (Ona bhokisi rakanzi  “Tanga Nokunyemwerera.”)

10 Funga nezvaTom naCarol, imwe mhuri yechiKristu, inogara mune rimwe guta rakakura rokuNorth America. Pavanenge vari muushumiri hwavo, vane tsika yokutanga nyaya dzinonakidza nevavakidzani vavo. Vanozviita sei? Tom anoti nezvaJakobho 3:18: “Tinoedza kuva noushamwari uye norugare nevanhu. Tinotaura nevaya vatinoona vari panze padzimba dzavo uye vanoshanda munzvimbo yacho. Tinovanyemwerera uye tinovakwazisa. Tinotaura nyaya dzavanofarira, dzakadai sedzevana vavo, imbwa dzavo, dzimba dzavo uye mabasa avo. Nokufamba kwenguva, vanenge vava kutiona seshamwari dzavo.” Carol anowedzera kuti: “Patinozoshanya pave paya, tinovaudza mazita edu tobvunzawo avo. Tinovaudza zvatinenge tichiita munharaunda yacho asi tongokurukura navo kwenguva pfupi. Pakupedzisira, tinozovaparidzira.” Tom naCarol vakaita kuti vavakidzani vavo vakawanda vasununguke kutaura navo. Vakawanda vakatambira mabhuku anotsangura Bhaibheri, uye vamwe vavo vakafarira zvikuru kudzidza chokwadi.

Kuratidza Ruremekedzo Zvinhu Pazvinenge Zvakaoma

11, 12. Nei tichifanira kutarisira kubatwa zvisina kunaka patinenge tichiparidza mashoko akanaka, uye tinofanira kuita sei?

11 Dzimwe nguva hatibatwi zvakanaka patinenge tichiparidza mashoko akanaka. Tinotarisira izvi nokuti Kristu Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti: “Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Joh. 15:20) Asi kutukawo vanhu pavanenge vatituka hakutibatsiri. Tinofanira kuita sei? Muapostora Petro akanyora kuti: “Tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:15) Kuremekedza vanhu uye kupindura nounyoro noruremekedzokungaita kuti vaya vanotituka vafarire mashoko edu.—Tito 2:7, 8.

12 Zvinoita here kuti tigadzirire mapinduriro anofadza Mwari atingazoita kana vanhu vakatituka? Hungu. Pauro akakurudzira kuti: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.” (VaK. 4:6) Kuva netsika yokuremekedza vari mumhuri, vatinodzidza navo, vatinoshanda navo, vomuungano uye vavakidzani, kunoita kuti tigare takagadzirira zvatinofanira kuita sevaKristu patinosekwa uye patinotukwa.—Verenga VaRoma 12:17-21.

13. Taura muenzaniso unoratidza kuti kuremekedza vamwe kungaita sei kuti vanoshora vachinje mafungiro avo.

13 Kuratidza tsika dzakanaka zvinhu pazvinenge zvakaoma kunobatsira. Somuenzaniso, kuJapan mumwe murume nomuenzi wake vakatuka chimwe Chapupu chaida kuvaparidzira. Hama yacho yakabva pamba pacho zvine ruremekedzo. Payakaramba ichiparidza mundima yacho, yakaona kuti muenzi wacho akanga achiitarira ari kachinhambwe. Hama iya payakazonotaura naye, murume wacho akati: “Ndine urombo nezvaitika. Ndaona kuti maramba muchinyemwerera kunyange zvazvo takutaurirai mashoko akaipa. Ndingaiteiwo kuti ndive munhu akadaro?” Murume wacho akanga asina mufaro nokuti basa rake rakanga rapera uye amai vake vakanga vachangobva kushayika. Murume wacho akabvuma kudzidza Bhaibheri neChapupu chacho. Pasina nguva akanga ava kutodzidza kaviri pavhiki.

Nzira Yakanakisisa Yokuva Netsika

14, 15. Vashumiri vaJehovha vanotaurwa nezvavo muBhaibheri vaidzidzisa vana vavo sei?

14 Vabereki vekare vaida Mwari vanotaurwa nezvavo muBhaibheri vaiva nechokwadi chokuti vana vavo vaidzidza kuva noruremekedzo kumba. Chimbofunga kutaurirana noruremekedzo kwakaitwa naAbrahamu nemwanakomana wake Isaka pana Genesisi 22:7. Josefa mumwewo airatidza kuti akanga anyatsodzidziswa nevabereki vake. Paakaiswa mujeri, airemekedza kunyange vamwe vasungwa. (Gen. 40:8, 14) Zvaakataura kuna Farao zvinoratidza kuti akanga adzidza nzira yakarurama yokutaura nayo nomunhu ane masimba.—Gen. 41:16, 33, 34.

15 Mirayiro Gumi yakapiwa vanakomana vaIsraeri yaisanganisira wokuti: “Kudza baba vako naamai vako kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.” (Eks. 20:12) Kuva netsika dzakanaka kumba ndeimwe nzira iyo vana vaikudza nayo vabereki vavo. Mwanasikana waJefta akaratidza kuremekedza baba vake zvikuru nokubvumirana nemhiko yavo kunyange zvakanga zvakaoma.—Vat. 11:35-40.

16-18. (a) Chii chingaitwa kudzidzisa vana tsika dzakanaka? (b) Zvakanakirei kudzidzisa vana tsika dzakanaka?

16 Zvinokosha zvikuru kuti tidzidzise vana vedu kuva netsika dzakanaka. Kuti vechiduku vazova vanhu kwavo kana vakura vanofanira kudzidza kukwazisa vaeni zvakanaka, kudavira foni zvine tsika uye kuva netsika dzakanaka kana vachidya nevamwe. Vanofanira kubatsirwa kuti vanzwisise chikonzero nei vachifanira kuvhurira vamwe madhoo, kuratidza mutsa kune vanhu vakwegura nevanorwara uye kubatsira vanhu vanenge vakatakura zvinhu zvinorema. Vanofanira kunzwisisa kuti zvinokosha kunyatsoti nemwoyo wose, “ndapota,” “mazviita,” “muchitendei,” “ndingakubatsirai here?,” uye “ndine urombo.”

17 Hazvifaniri kuva zvakaoma kudzidzisa vana kuva noruremekedzo. Nzira yakanakisisa ndeyokuti imi vacho muve noruremekedzo. Kurt ane makore 25 anotaura nezvokudzidza kwaakaita kuva noruremekedzo iye nevakoma vake vaviri nomunun’una wake achiti: “Taicherechedza uye taiteerera Amai naBaba pavaitaurirana nomutsa uye pavaiitira vamwe vanhu mwoyo murefu. Pataienda kuImba yoUmambo ndaifamba naBaba tichitaura nehama nehanzvadzi dzakura misangano isati yatanga uye payainge yapera. Ndainzwa kukwazisa kwavaiita uye ndaiona kuvaremekedza kwavaiita.” Kurt anoenderera mberi achiti: “Nokufamba kwenguva, zvakandiitira nyore kutevedzera tsika dzavo. Kuremekedza vanhu kwakanga kwangova muropa. Hazvisi zvinhu zvaunonzi unofanira kuita asi zvaunoda kuita.”

18 Chii chinowanzoitika kana vabereki vakadzidzisa vana vavo tsika dzakanaka? Vana vacho vachakwanisa kuva neshamwari uye vacharamba vaine rugare nevamwe. Vachanyatsokwanisawo kushanda zvakanaka nevavanoshandira uye vavanoshanda navo. Uyezve, vana vanoremekedza vamwe, vane tsika dzakanaka uye vanoita zvakarurama vachaita kuti vabereki vavo vafare uye vagutsikane.—Verenga Zvirevo 23:24, 25.

Tsika Dzakanaka Dzinotisiyanisa Nenyika

19, 20. Nei tichifanira kutsunga kutevedzera Mwari wedu ane nyasha noMwanakomana wake?

19 Pauro akanyora kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.” (VaEf. 5:1) Kutevedzera Jehovha Mwari neMwanakomana wake kunosanganisira kuita zvinotaurwa neBhaibheri, zvakadai sezvataurwa munyaya ino. Tikaita izvozvo, hatizoratidzi unyengeri hwokuratidza ruremekedzo rwokungotsvaka dzvene kune vanhu vane chinzvimbo kana kuti kuitira kuti tingowana chimwe chinhu.—Jud. 16.

20 Mumazuva okupedzisira okutonga kwake kwakaipa, vavariro yaSatani ndeyokubvisa zvachose tsika dzokuremekedza vamwe dzakatangwa naJehovha. Asi Dhiyabhorosi haasi kuzobudirira kubvisa zvachose tsika dzakanaka dzevaKristu vechokwadi. Dai mumwe nomumwe wedu akatsunga kutevedzera zvakaitwa naMwari wedu ane nyasha noMwanakomana wake. Nguva dzose zvatinotaura nezvatinoita zvichabva zvasiyana nezvinoitwa nevaya vanosarudza kuva netsika dzakaipa. Tichaita kuti Mwari wedu ane unhu hwakanaka, Jehovha, arumbidzwe uye tichakwezva vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuzomunamata zvechokwadi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kune dzimwe nzvimbo, zvinonzi itsika dzakaipa kushevedza munhu mukuru kwauri nezita rake kutoti munhu wacho akubvumira kuti udaro. VaKristu vanofanira kuremekedza tsika dzakadaro.

Unoyeuka Here?

• Tinodzidzei kuna Jehovha noMwanakomana wake nezvokuva netsika dzakanaka?

• Nei kukwazisa vanhu noushamwari kuchiita kuti tionekwe zvakanaka sevaKristu?

• Kuva noruremekedzo kunobatsira sei kuti ushumiri hwedu hubudirire?

• Vabereki vane basa rei pakudzidzisa vana vavo tsika dzakanaka?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 27]

 Tanga Nokunyemwerera

Vanhu vakawanda vanozeza kutanga kutaura nomunhu wavasingazivi. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza nemwoyo wose kudzidza kukurukura nevanhu kuitira kuti zviudze vamwe chokwadi chomuBhaibheri nemhaka yokuti zvinoda Mwari nomuvakidzani. Chii chingakubatsira kuti uite zviri nani panyaya iyi?

Mashoko anokosha ari pana VaFiripi 2:4 anoti: “[Musaramba] muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi [ivai] nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.” Funga nezvemashoko aya seizvi: Kana usati wamboonana nomumwe munhu, anenge asingakuzivi. Ungaita sei kuti asununguke? Kunyemwerera uye kukwazisa noushamwari kungabatsira. Asi pane zvakawanda zvokufunga nezvazvo.

Unogona kunge wakanganisa munhu zvaanenge achifunga nokuedza kutanga kutaura naye. Anogona kusakudavira zvakanaka kana ukaedza kutaura naye zvauri kuda uchiratidza kuti hauna basa nezvaanga achifunga. Saka kana ukakwanisa kuziva zvingave zvichifungwa nomunhu wacho, wadii kushandisa izvozvo kuti utange kukurukura naye? Ndozvakaitwa naJesu paakasangana nomumwe mukadzi patsime kuSamariya. (Joh. 4:7-26) Mukadzi wacho aifunga nezvokuchera mvura. Jesu akatanga kukurukurirana naye achitaura nezvenyaya iyoyo, uye pasina nguva akabva achinja nyaya yacho kuti ataure nezvokunamata.

[Mifananidzo iri papeji 26]

Kuva noushamwari nevanhu kunogona kuita kuti tikwanise kuparidzira zvakanaka

[Mufananidzo uri papeji 28]

Zvakakodzera kuva netsika dzakanaka nguva dzose