Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvakakodzera here kuti hanzvadzi ifukidze musoro painenge ichiturikira hurukuro dzeBhaibheri mumutauro wemasaini pamisangano yechiKristu, kana kuti pamagungano?

Kakawanda, mukadzi wechiKristu anofanira kufukidza musoro paanoita mabasa anowanzoitwa nomurume wake kana kuti nehama muungano. Izvi zvinoenderana nepfungwa yakataurwa nomuapostora Pauro yokuti “mukadzi wose anonyengetera kana anoprofita musoro wake usina kufukidzwa anonyadzisa musoro wake” nokuti “musoro womukadzi murume.” (1 VaK. 11:3-10) Hanzvadzi painofukidza musoro wayo zvine mwero uye zvakakodzera mumamiriro ezvinhu akadaro, izvi zvinoratidza kuzviisa pasi pourongwa hwaMwari muungano yechiKristu.—1 Tim. 2:11, 12. *

Ko kana hanzvadzi ichiturikira mumutauro wemasaini hurukuro inenge ichikurukurwa nehama? Zvechokwadi, hanzvadzi yacho inenge ichingopfuudza mashoko kubva mune mumwe mutauro. Izvozvo zvinoreva kuti handiyo inenge iri kudzidzisa asi hama yainenge ichiturikirira ndiyo inenge ichidzidzisa. Asi kuturikira mumutauro wemasaini kwakasiyana chaizvo nokuturikira mune mimwe mitauro. Mune mimwe mitauro, vateereri vanogona kutarira mukurukuri asi vachinzwa zviri kuturikirwa. Uyewo kusiyana nokuturikira mutauro wemasaini, hanzvadzi dzinoturikira mimwe mitauro kakawanda handidzo dzinenge dzakanyanya kutariswa nevakateerera. Dzimwe nguva dzingatosarudza kugara pasi dzichiturikira kana kuti, kumira dzakatarira mukurukuri pane kutarira vateereri. Saka hazvina hazvo basa kuti hanzvadzi inenge ichiturikira mutauro usiri wemasaini ifukidze musoro.

Uyezve, pamusana pokufambira mberi kuri kuitika mukugadzirwa kwezvinhu zvinoshandiswa pakuturikira mumutauro wemasaini, kakawanda vanenge varipo vanoisa ziso ravo pamuturikiri wacho. Mufananidzo weanenge achisaina unowanzoratidzwa pamadziro uri muhombe, mukurukuri wacho dzimwe nguva asingatomboonekwi nevaripo. Saka zvingava zvakakodzera kuti hanzvadzi inenge ichiturikira mumutauro wemasaini iratidze kuti inongova muturikiri nokufukidza musoro.

Murayiridzo uyu wakagadziridzwa unoshanda sei pakuturikira hurukuro dzepaChikoro chaMwari Choushumiri, mienzaniso, uye mhinduro dzepaChidzidzo cheBhaibheri Cheungano, Musangano Webasa, uye Chidzidzo cheNharireyomurindi mumutauro wemasaini? Hanzvadzi inoturikira mumutauro wemasaini pazviitiko zvakadaro inofanira kufukidzawo musoro here? Zvingaita sokuti hanzvadzi haifaniri hayo kufukidza musoro mune mamwe mamiriro ezvinhu, sezvo vose vanenge varipo vachinzwisisa kuti hanzvadzi yacho haisi kutungamirira musangano wacho. Somuenzaniso, izvi zvingaitika painoturikira mhinduro dzevateereri, hurukuro dzehanzvadzi, kana kuti kuenzanisira. Asi, painoturikira hurukuro dzehama pamisangano iyi, chidzidzo cheNharireyomurindi kana kuti Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano, kana kuti painotungamirira pakusaina nziyo, inofanira kufukidza musoro. Pamusangano, hanzvadzi ingaturikira hurukuro dzinopiwa nehama, hanzvadzi, vana nevakuru veungano. Tichifunga nezveizvi, zvingava zvakanyanya kunaka kuti ifukidze musoro pamusangano wacho wose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kuti uwane mashoko akadzama enyaya yokufukidza musoro kwevakadzi vechiKristu, ona mapeji 209 kusvika ku212 ebhuku rinonzi “Rambai Muri Murudo rwaMwari.”