Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Minyengetero Yako Inoratidzei Nezvako?

Minyengetero Yako Inoratidzei Nezvako?

Minyengetero Yako Inoratidzei Nezvako?

“Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri.”—PIS. 65:2.

1, 2. Nei vashumiri vaJehovha vachigona kunyengetera kwaari vaine chivimbo?

JEHOVHA haana paanomborega kuteerera vashumiri vake vakatendeka pavanoteterera kwaari. Tinogona kuva nechivimbo chokuti anotinzwa. Nyange dai mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha aizonyengetera kuna Mwari panguva imwe chete, hapana aizonzi ambomira vamwe vapedzerwe.

2 Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba aine chivimbo chokuti Mwari anzwa kukumbira kwake, achiti: “Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri.” (Pis. 65:2) Minyengetero yaDhavhidhi yakapindurwa nokuti aiva munamati waJehovha akatendeka. Tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Pandinoteterera kuna Jehovha, ndinoratidza kuti ndinovimba naye uye kuti ndinokoshesa kunamata kwakachena kupfuura zvimwe zvose here? Minyengetero yangu inoratidzei nezvangu?’

Zvininipise Paunenge Uchinyengetera Kuna Jehovha

3, 4. (a) Patinonyengetera kuna Mwari, tinofanira kuva vanhu vorudzii? (b) Tinofanira kuitei kana tiine ‘pfungwa dzinotinetsa’ nezvechivi chatakaita?

3 Kuti minyengetero yedu inzwiwe, tinofanira kuzvininipisa patinenge tichinyengetera kuna Mwari. (Pis. 138:6) Tinofanira kukumbira Jehovha kuti ationgorore, sezvakaita Dhavhidhi paakati: “Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu. Ndinzverei, muzive pfungwa dzangu dzinonetsa, muone kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa, munditungamirire panzira isingagumi.” (Pis. 139:23, 24) Ngatisangonyengetera chete, asiwo tinofanira kubvuma kuongororwa naMwari uye kuteerera mazano ari muShoko rake. Jehovha anogona kutitungamirira “panzira isingagumi,” achitibatsira kufamba munzira inoenda kuupenyu husingaperi.

4 Ko kana tiine ‘pfungwa dzinotinetsa’ nemhaka yechivi chatakaita? (Verenga Pisarema 32:1-5.) Kuedza kumbunyikidza hana iri kukuudza kuti une mhosva kunorukutisa muviri sokusvava kunoita muti kana kuchipisa. Dhavhidhi akashaya mufaro uye angadaro akatorwara nemhaka yechivi chaakaita. Asi paakazoreurura kuna Mwari, zvakamusunungura chaizvo! Fungidzira kufara kwakaita Dhavhidhi paakaziva kuti ‘kumukira kwake kwaregererwa’ uye kuti Jehovha akanga amukanganwira. Kureurura chivi kuna Mwari kungatisunungura, uye kubatsirwa nevakuru vechiKristu kuchaitawo kuti munhu anenge akanganisa agadzirise ukama hwake naJehovha.—Zvir. 28:13; Jak. 5:13-16.

Teterera Mwari Uye Mutende

5. Kuteterera Jehovha zvinoverei?

5 Kana paine chiri kuita kuti tizvidye mwoyo, tinofanira kuita zvakataurwa naPauro, zvokuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.” (VaF. 4:6)“Kuteterera” zvinoreva kuti unenge uchikumbira nomwoyo wose, wakazvirereka. Kunyanya patinenge tiri mungozi kana kuti patinotambudzwa, tinofanira kuteterera Jehovha kuti atibatsire uye atitungamirire.

6, 7. Nei tichifanira kuonga muminyengetero yedu?

6 Zvisinei, kana tichingonyengetera patinenge tiine zvatinoda, zvingaratidzei nezvevavariro dzedu? Pauro akati tinofanira kuteterera kuna Mwari “pamwe chete nokuonga.” Chokwadi tine zvakawanda zvinoita kuti timutende, sezvakaitwa naDhavhidhi, uyo akati: “Haiwa Jehovha, ukuru nesimba norunako nouchangamire nokukudzwa ndezvenyu; nokuti zvinhu zvose zviri kumatenga nepanyika ndezvenyu. Haiwa Jehovha, umambo ndohwenyu, imi muri kuzviisawo pamusoro kuti muve mukuru wezvose. . . . Haiwa Mwari wedu, tiri kukuongai nokurumbidza zita renyu rakanaka.”—1 Mak. 29:11-13.

7 Jesu akatenda Mwari nezvokudya uye chingwa newaini zvaakashandisa paKudya kwaShe Kwemanheru. (Mat. 15:36; Mako 14:22, 23) Kunze kwokungotenda nokuda kwezvokudya chete, tinofanira ‘kuonga Jehovha’ nokuda “kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu,” “zvaakatonga zvakarurama,” uye nokuda kweshoko rake, riri muBhaibheri.—Pis. 107:15; 119:62, 105.

Nyengeterera Vamwe

8, 9. Nei tichifanira kunyengeterera vatinonamata navo?

8 Hapana mubvunzo kuti tinozvinyengeterera, asi tinofanira kunyengetererawo vamwe, kunyange vaKristu vatisingazivi nemazita. Kunyange zvazvo muapostora Pauro angave akanga asingazivi hama dzose dzokuKorose, akanyora kuti: “Tinogara tichionga Mwari Baba vaShe wedu Jesu Kristu patinokunyengetererai, zvatakanzwa nezvokutenda kwenyu pamusoro paKristu Jesu uye kuda kwamunoita vatsvene vose.” (VaK. 1:3, 4) Pauro akanyengetererawo vaKristu vokuTesaronika. (2 VaT. 1:11, 12) Minyengetero yakadaro inoratidza zvatiri chaizvo uye maonero atinoita hama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo.

9 Patinonyengeterera vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo “mamwe makwai,” tinoratidza kuti tine hanya nesangano raMwari. (Joh. 10:16) Pauro akakumbira vaainamata navo kuti vamunyengeterere kuti ‘agoneswe kuzivisa chakavanzika chitsvene chemashoko akanaka.’ (VaEf. 6:17-20) Isuwo tinonyengeterera vamwe vaKristu here?

10. Kunyengeterera vamwe kungatibatsira sei?

10 Kunyengeterera vamwe kungachinja maonero atinovaita. Kana tikanyengeterera munhu watisinganyanyi kufarira, zvingachanja maonero atinomuita. (1 Joh. 4:20, 21) Minyengetero yakadaro inovaka hama dzedu uye inoita kuti tibatane. Inoratidzawo kuti tine rudo rwakaita sorwaKristu. (Joh. 13:34, 35) Rudo rwakadaro ndohumwe unhu hunoumba chibereko chomudzimu waMwari. Patinenge tiri toga, tinonyengeterera mudzimu mutsvene here, tichikumbira Jehovha kuti atibatsire kuratidza chibereko chawo chorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kunaka, kutenda, unyoro uye kuzvidzora? (Ruka 11:13; VaG. 5:22, 23) Kana zvakadaro, zvatinotaura nezvatinoita zvicharatidza kuti tiri kufamba nomudzimu uye kurarama zvinoenderana nawo.—Verenga VaGaratiya 5:16, 25.

11. Nei tingati zvakakodzera kukumbira vamwe kuti vatinyengeterere?

11 Kana tikaziva kuti vana vedu vari kufunga kuti kubiridzira bvunzo kuchikoro chinhu chakanaka, tinofanira kuvanyengeterera uye kuvabatsira tichishandisa Magwaro kuitira kuti vave vanhu vakatendeka uye vasaita zvakaipa. Pauro akaudza vaKristu vokuKorinde kuti: “Tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chakaipa.” (2 VaK. 13:7) Minyengetero yokuzvininipisa yakadaro inofadza Jehovha uye inoratidza kuti tiri vanhu vakanaka. (Verenga Zvirevo 15:8.) Tinogona kukumbirawo vamwe kuti vatinyengeterere, sezvakaitwa nomuapostora Pauro. Akanyora kuti: “Rambai muchitinyengeterera, nokuti tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, zvatinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”—VaH. 13:18.

Zvimwe Zvingaratidzwa Neminyengetero Yedu Nezvedu

12. Inyaya dzipi dzatinofanira kunyanya kunyengeterera?

12 Minyengetero yedu inoratidza kuti tiri Zvapupu zvaJehovha zvinofara uye zvinoshingaira here? Tinonyanya kuteterera nezvezvinhu zvinoenderana nokuda kwaMwari, kuparidza Shoko roUmambo, kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha, uye kutsveneswa kwezita rake here? Idzi ndidzo nyaya dzatinofanira kunyanya kunyengeterera, sezvakaratidzwa naJesu mumunyengetero wake waakati titevedzere, unotanga nemashoko okuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mat. 6:9, 10.

13, 14. Minyengetero yedu inoratidzei nezvedu?

13 Kunyengetera kwatinoita kuna Mwari kunoratidza vavariro dzedu, zvatinofarira uye zvatinoshuva. Jehovha anoziva kuti tiri munhu akaita sei. Zvirevo 17:3 inoti: “Hari yokunatsira ndeyesirivha uye vira nderendarama, asi Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.” Mwari anoona zviri mumwoyo medu. (1 Sam. 16:7) Anoziva manzwiro atinoita nezvemisangano, ushumiri, uye hama dzedu nehanzvadzi dzatinonamata nadzo. Jehovha anoziva zvatinofunga nezve“hama” dzaKristu. (Mat. 25:40) Anoziva kuti tinenge tichirevesa here pane zvatinonyengeterera kana kuti tiri kungodzokorora mashoko. Jesu akati, “Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana, sezvinoita vanhu vemamwe marudzi, nokuti vanofunga [zvisizvo] kuti vachanzwiwa nokuda kwokushandisa kwavo mashoko mazhinji.”—Mat. 6:7.

14 Zvatinotaura patinonyengetera zvinoratidzawo kuti tinovimba zvakadini naMwari. Dhavhidhi akati, “[Jehovha] muri nzvimbo yangu yokupotera, shongwe yakasimba pandinonangana nomuvengi. Ndichava mueni mutende renyu nokusingagumi; ndichapotera munzvimbo yokuvanda yemapapiro enyu.” (Pis. 61:3, 4) Mwari paanoita ‘seatambanudza tende rake pamusoro pedu,’ tinonyatsoziva kuti hapana chinotiwana. (Zvak. 7:15) Panenge pachiedzwa kutenda kwedu, zvinonyaradza zvikuru kuswedera pedyo naJehovha tichinyengetera, tiine chivimbo chokuti ari ‘kurutivi rwedu’!—Verenga Pisarema 118:5-9.

15, 16. Munyengetero ungatibatsira kuzivei nezvechido chatingava nacho chokuva neropafadzo muungano?

15 Jehovha anogona kutibatsira kuongorora vavariro dzedu kana tikanyengetera nomwoyo wose tichikumumbira kuti adaro. Somuenzaniso, kana tiine shungu yokutungamirira vanhu vaMwari, chiri kutipa shungu idzodzo chido chokubatsira vamwe nokuzvininipisa uye chokuti basa roUmambo ribudirire here? Tingadaro tiri kuda kuva “nenzvimbo yokutanga” kana kuti kuda ku“zviita madzishe” pane vamwe here? Hazvifaniri kunge zvakadaro pavanhu vaJehovha. (Verenga 3 Johani 9, 10; Ruka 22:24-27.) Kana tiine zvido zvisina kunaka, kunyengetera kuna Jehovha Mwari nomwoyo wose kuchazvifumura uye kuchatibatsira kuchinja zvisati zvadzika midzi.

16 Madzimai echiKristu angava nechido chokuti varume vavo vave vashumiri vanoshumira kana kuti zvichida vazova vatariri, kana kuti vakuru. Pane kungonyengetera chete nezvechido chavo ichocho, hanzvadzi idzi ngadzichiratidze nokuedza kuzvibata zvinoyemurika zvokuti vamwe vanoda kudzitevedzerawo. Izvi zvinokosha, nokuti matauriro nemaitiro anoita mhuri yomunhu anokosha pamaonerwo aanoitwa neungano.

Kunyengeterera Vamwe Pamisangano

17. Nei tichifanira kuwana nguva yokunyengetera tiri toga?

17 Jesu aiwanzoenda pake oga kuitira kuti anyengetere kuna Baba vake. (Mat. 14:13; Ruka 5:16; 6:12) Nesuwo tinoda nguva yokunyengetera tiri toga. Munyengetero watinopa takaterama tiri panzvimbo yakanyarara unotibatsira kuita zvisarudzo zvinofadza Jehovha uye zvinotibatsira pakunamata kwedu. Asi Jesu ainyengeterawo paiva pakaungana vanhu, uye zvakanaka kuti tikurukure kuti tinganyengetera sei zvakakodzera pamisangano.

18. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinofanira kuyeukwa nehama padzinonyengetera pamisangano?

18 Pamisangano yedu, varume vakatendeka ndivo vanonyengetera vachimiririra ungano. (1 Tim. 2:8) Panopera munyengetero wakadaro vatinonamata navo vanofanira kukwanisa kuti “ameni,” zvinoreva kuti “ngazvive zvakadaro.” Zvisinei, kuti vadaro, vanofanira kunge vachibvumirana nezvataurwa. Pamunyengetero waJesu waakati titevedzere, hapana chinhu chaakataura chinovhundutsa kana kuti chinogumbura vamwe. (Ruka 11:2-4) Uyezve haana kudonongodza zvinetso zvomunhu mumwe nomumwe aiva akateerera. Patinonyengetera tichimiririra vanhu haisi iyo nguva yokutaura nhamo dzedu, asi izvozvo tinozviita tiri toga. Uye patinonyengetera tichimiririra boka, hatifaniri kutaura nyaya dzakavanzika.

19. Tinofanira kuzvibata sei panenge pachipiwa munyengetero pamisangano?

19 Panonyengetera mumwe munhu achitimiririra, tinofanira kuratidza kuti ‘tinotya Mwari’ uye kuti tinomuremekedza. (1 Pet. 2:17) Zvimwe zvinhu zvingave zvakakodzera kuitwa pane imwe nguva uye kuitirwa kune imwe nzvimbo, asi kwete pamisangano yechiKristu. (Mup. 3:1) Somuenzaniso, vamwe vangaronga kuti vari kaboka vabatane maoko vose panenge pachinyengeterwa. Izvi zvingagumbura vamwe kana kuti kuvavhiringidza, kusanganisira vaenzi vanenge vauyawo. Vamwe vakaroorana vangasarudza kubatana maoko vasingaiti kuti zvibve zvaonekwa nevanhu vose, asi kana vakaita zvokumbundirana panenge pachipiwa munyengetero, zvingakonzera mitauro. Vamwe vangaona sokuti vaviri ava vari kunyanya kukoshesa kudanana kwavo pane kutya Jehovha. Naizvozvo kana tichiremekedza Mwari, ngatiitei “zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe,” torega kuita zvinhu zvingavhiringidza vamwe, kuvavhundutsa, kana kuti kuvagumbura.—1 VaK. 10:31, 32; 2 VaK. 6:3.

Unofanira Kunyengeterera Chii?

20. Ungatsanangura sei VaRoma 8:26, 27?

20 Dzimwe nguva patinenge tichinyengetera tiri toga, tingasaziva kuti toti chii. Pauro akanyora kuti, “Hatizivi chinhu chinonetsa chatinofanira kunyengeterera patinofanira kunyengetera, asi mudzimu [mutsvene] unotitetererera nokugomera kusinganzwiki. Asi iye [Mwari] anoongorora mwoyo anoziva zvinoreva mudzimu.” (VaR. 8:26, 27) Jehovha akaita kuti minyengetero yakawanda inyorwe muMagwaro. Kana tikamukumbira tichitevedzera mashoko iwayo akafuridzirwa, anotinzwa. Mwari anotiziva uye anoziva kuti zvinhu zvaakaita kuti zvinyorwe muBhaibheri zvinorevei. Jehovha anopindura kukumbira kwedu mudzimu pa“unotitetererera.” Patinoramba tichijairana neShoko raMwari, tinobva tangoyeuka zvatinofanira kunyengeterera.

21. Munyaya inotevera tichaongororei?

21 Sezvataona, minyengetero yedu ine zvakawanda zvainoratidza nezvedu. Somuenzaniso, ingaratidza kuti tava noukama hwepedyo naJehovha zvakadini uye kuti tinonyatsoziva Shoko rake sei. (Jak. 4:8) Munyaya inotevera, tichaongorora mimwe minyengetero yakanyorwa muBhaibheri. Kuongorora Magwaro kwakadaro kungabatsira sei patinozonyengetera kuna Mwari?

Ungapindura Sei?

Patinonyengetera kuna Mwari, tinofanira kuva vanhu vorudzii?

• Sei tichifanira kunyengeterera vatinonamata navo?

• Minyengetero yedu ingaratidzei nezvedu uye nezvevavariro dzedu?

• Tinofanira kuzvibata sei panenge pachipiwa minyengetero pamisangano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 4]

Unogara uchirumbidza uye uchitenda Jehovha here?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Panenge pachipiwa munyengetero pamisangano, tinofanira kuzvibata nenzira inokudza Jehovha